🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 19, 2025 at 10:48 AM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Join my group*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 10 and 11*
*TANAKA.*
Life in hospital was not good for me. Ndaiswera ndakarara hamheno kuti vaida ndiporere muchipatara here ini ndaitoda kuenda kumba. Zvairwadza hazvo apa everyday waingonzwa mhere mhere vamwe vachifa. Dan akangouya musi umwe kubva ipapo handina kuzobvira ndamuona. Ndaimufonera achiti kuwanda kwebasa asi ndaishamisika kuti angabve atadzawo kundiyeuka zvake. Zvainditemesa musoro pamwe ndiko kuzvara gavamwedzi asi akange asingaratidzike wani kuti aive gavamwedzi.
Ndakazongozvipawo tariro kuti zvinonaka pamwe basa raive rakamuwandirawo. Mazuva akafamba ndirimo mhamha vachiuya havo kuzondiona. Ndaitofarawo kuti vakange vaine murume vavakange vave kufambidzana naye.Ko vakange vachiri kuzvinzwa sugar saka vaitotaura kuti vaida kuzoroorwa zvavo ndakangoti zvakana. Trish akazouyawo achindiona ndakafara zvisingaite ndainge ndamusuwa chaizvo.
Ndakazonzwa kuti Tatenda aive akawanirwa basa ndakapururudza. Trish achibva kunoenda mhamha vakabva vasvikawo vasina mufaro pachiso. Ndakabva ndaziva ndega kuti vaive nenyaya yekutondiudza nekuti hapana chavaiita chandaisaziva.
"Mhamha meso enyu ndiwo atanga kutaura kubva mupinde kwasara kuti muromo upedzise, chii futi nhai mhamha??"
"Hmm iwe ndine zvandiri kusangana nazvo manheru handisi kutozvinzwisisa ini."
"Kusangana nazvo muchiendepi mhamha?"
"Ndinoreva kuti pandinenge ndarara ndiri kuzoerekana ndave kune vanhu kusanganisira Trish kuine kamusangano pachitaurwa zvekuuraya vanhu."
"Hmm kuti hadzisi hope chete here?"
"No zvave kutoitika chokwadi nekuti ndine bangle newatch zvandakazoona kupillow kwangu ndamuka."
"Hoo aah imi mave kufungira Trish zvakaipa imi pamwe hamheno ari kukushandisai mese naTrish mofanira kurwisawo nekunamata."
"Yeah haunyepe nekuti ndave kutya apa Tatenda haasi kudzoka kumba zvake hamheno kuti ari kuzama kudii iye asati ave nemari ko kuzoti akaita mari anondiyeuka here uya?"
"Haa paya hapana zvemwana ndakazviona kubva paakatorana nemvana iye kuti hadzitore mushe nezera rake riya wotokundwa kufunga nekamwana kangu aka kave kutoziva mhamha."
"Kk wazondinakidza ufunge ahh pamwe achachinja hake ndoona semweya wemadzinza handiti baba vake vakazongondisiya paya saka hazvishamise izvo."
"Ipapo munoreva idi amai, anoshandiswa uya."
"Chokwadi, ini chirega ndimhanye kumba handisati ndabika kana chekudya ndakuunzira zvandatenga izvi nemari yehanzvadzi yako yandakawana mumba."
"Inga maita basa zvenyu ndimbodyawo ice cream ko ndave nemazuva nayo kaa."
"Okay ndaenda ini."
"Mumhorese daddy."
Vakabva vasekerera zvavo vachibuda . Haa vakange vanyurawo murudo zvavo mhamha vangu. Pasati papera nguva ndakabva ndaona Tatenda naBrendon vachipinda ndichitodya ice cream yangu. Takamhoresana zvedu Tatenda akabva abvunza
"Ko mhamha havana kuuya kuno here tabva kumba havako?"
"Aah vachangobva kubuda hunyoro huno pamwe mapesana. Ko iwe hauna kuenda kubasa here?"
"Nhasi iweekend hatiende saka rega tiende toku..."
"Wait Tatenda we need to pray for her."
Akadaro Brendo haa aive nedzvene kani nenyaya dzekunamata idzi. Kuzotaura kunge ndiPaul chaiye ndakangotarisa kuside ndichifinyamisa kumeso achiuya kuzondibata musoro. Akatanga kunamata zvekuti asati aenda kure ndakange ndave kunzwa kutsva mukati mangu, hamheno zvakazoitika ndakazobanganuka ndakaunganirwa nevamwe vanhu ndiri pasi chaipo. Ndakasimuka paya ndichiona kuti kune simba chokwadi muvanhu umu, simba rainge razara mandiri raisatsanangurika.
"Right wapona iwe you were about to be initiated ."
"What? Kuti zvadii?"
"Une nharo iwe musikana anonzi Trish haana kumira zvakana..."
"Mukureva kuti musatanist here?"
"Yes."
Ndipo pandakatanga kurangarira hope dzamhamha ndakaona zvakaringana.
"Manje mhamha vari kumurota dai manovabatsira zvenyu pachine nguva."
"Okay thanks nekunzwisisa gara uchinamata."
Hana yangu yakange yave kurova, Brendon akazonamatira vamwe vanhu vakabva vazoenda zvavo. Ndakasara ndakatariswa nevanhu ndakange ndave kutonyara nazvo . Ndakange ndave kufunga kuti Trish aive musatanist zvechokwadi. Ndopandakarangarira kubuda kwandaiita ropa achirisveta hake zvakabva zvaita clear kwandiri. Dan akazouyawo zvake netumabanana nemaapple ini chikafu changu change charasika nekunamatirwa. Handina kana kumubuditsira zino kunze nekuda kwehunhu hwake.
"Nhaiwe Dan unoti ndopora sei kana uchidai? Chokwadi kubva wandikanganwa zvakadaro here usadaro mumwe wangu."
"Aah busy nhai mai mwana , nhasi weekend ndopandaona mukana wekuuya."
"Ndoziva sei manje kuti uri busy ko kana uine zvauri kuita?"
"Haa Tanaka ndichiitirei zvakafumuka ini ndoda iwe unozviziva."
"Horaiti saka ndakabuda kuswera mangwana unonditora kaa tiende kumba."
"Aah hatisi tinenge takasika here unombogarawo kaa zvemwedzi kumba kwenyu."
"Aah mwedzii!"
"Yes babe ko tomhanyirei hedu?"
"No wakandiendesa kumba ne5 months chaidzo woda kuti ndirambe ndiri kumba here?"
"No babe okay unoita two weeks ndozokutora."
"Dan hazvina kunaka asi."
"Ndiri kutoitira utano hwako mudiwa, zvekuti ukauya kumba handizotarise kuti uri murwere ndinenge ndave kuda kuzvifadza saka unotanga wave nani wozouya."
"Okay hubby zvapinda munzeve."
"Good rega ndiende kumba ndinozorora."
"Okay please uuye kuzondiona kana ndabva muno."
"Ndouya usatye."
"Chimbobatai mwana wenyu uyo zvee nhai daddy."
"Kkk iwe nekuwanda kwakaita mazuva ungabva wadaro here, usatye ndichamubata hangu nguva refu."
"Okay kwacho."
Ndakapihwa katsvodi kaya kepahuma akabva aenda. Ndakasara ndave kufunga kuti akange asisina shungu neni dzekuti ndiuye asi akange akambonditi ndakazvara pasina mazuva wonditora asi apa akange ave kutsika madziro. Pachokwadi ndakange ndave kusamuchenesa ini ndaizogutsikana ndaenda kumba.
Ndakazotora phone ndokufonera Tatenda ndichida kunzwa kuti mhamha vainge vazodii?
"Hello."
"Eeh ko zvazomira sei ikoko?"
"Aah vanamatirwa vave bho asi vachiri kuti Trish haasi musatanist havasi kuda kuzvinzwa vari kuti vari kushandiswa vose nemuvengi."
"Hoo wambovaudza here nezvebuda kweropa kwataiita paya."
"Aah ndakavaudza kare ini asi havanzwe vachachema zvavo.".
"Okay rega nditaure navo."
Ndakabva ndakata phone ndokumhanyisa chigunwe nemaziso panumber dzamhamha. Ndakafona vakabva vadaira zvavo
"Yes my daughter."
"Mhamha Trish siyanai naye please she's not good she's evil."
"Iwe kana watengwa nemari uite mushe wanzwa? Idiot unoti handisi kuziva maths dzamuri kutamba here? Iwe mangwanani ano waitaura zvekuti Tatenda ahafunge ehe waive correct ko apa wakurasika sei?"
"Mhamha zvimwe bvumaiwo kwete kuita sedzungairwa. Ndini mumwe ndaimurambira Trish asi ndazobatanidza nezvamarota uye nezvaiitika zviye she's a satanist."
"Wapihwa marii ko iwe? Manje musatanist iyeye ndiye muroora wangu kunyangwe zvidii? Munovenga munhu asina mhaka nei ko imi? Anotodawo kubatsirwa ini handisi musatanist ini asi pane vaitondirwisa zvavo ipapo handirambe, same applies naTrish akutoshandiswa saka hazvimutadzise kuti ave muroora wangu."
"Hmm okay mhamha regai timboona kwazvoperera ini ndave kumutya ini asi kunyangwe nekudaro Tatenda haafanire kuroora Ropa."
"Inga une brain dzakanaka mwanangu asi pakuda kunanga Trish uroyi apo ndopatiri kukonana zveduuu."
"Okay sorry mhamha musanditsamwirewo please."
"Okay good girl chiita ubude iwe ndiri kurorwa soon mwanangu."
"Kubvisirwa chaiko here?"
"Ehe ndiri kufara zvangu."
"Okay mhamha totaura ndauya."
"Bye."
Ndakange ndave kungofarawo asi mhamha vaive wrong pana Trish. Hamheno pamwe ndini ndaitadza kuona kana kuti aishandiswa zveidi asingazive hamheno ndaizozviona ndaenda kumba.
*TRiSh*
Ndakange ndave kudemba ruchiva rwemari rwuya rwakanga rwandipandukira. Amai vangu vakange vambondiraira asi ndakaisa zvitanda munzeve nekuti ndakange ndatopofamadzwa kare. Haa munhu ngaadzidze kuzvishandira sure hakuna chinouya mahara, ndakange ndisina option than to sacrifice my mother or else I will die like a chicken.
Ndakazobva kwana Tatenda ndave kuenda kumba ndakatozvinetera hangu ko ndaigosimba sei ipo pakange pasara mazuva maviri kuti amai vafee. Ndakasvika paya mumba muchinhuwirira vachibika ndokuona kuti mari yavo yakange yapinda. Vakanyatsotora nguva yavo ini ndakange ndave kutsvaira panze asi mutsvairo wairema kusimudza.
"Trish chiuya udye mwanangu ."
Ndakabva ndangokanda mutsvairo ndakageza maoko ndokupinda mumba ndokuwana makashongedzwa zvakanaka, ndakakanda ziso rangu patafura ndichiona cake ndakabva ndanzwa mhamha vave kuti
"Happy birthday to you, happy birthday to you, happy birthday happy birthday, happy birthday to you ."
Ndopandakarangarira kuti raive bhavhadhe rangu ndaive ndatorikanganwa nenyaya yemari iyi. Ndakachema mhamha vachindifarira ndichiona rufu rwavo rwuchiswedera. Ndakazonyeperawo kufara fara ndokudya hedu tichipembera. Takadya kusvika taita chikafu chekukika nemakumbo zvedu. Mhamha vakazobuda necake rimwe hamheno kwaraiendeswa ndakabva ndasara ndichifonera Catherine.
"Hello Trish bae."
"Yes uri sei zvako?"
"Zvagara ndiri kutatsvura mari kutaura kuno ndiri mutown hangu kumboona movie."
"Okay ndaida kukuudza kuti nhasi ibirthday rangu kaa ndanga ndatokanganwa ndatozoitwa surprise namhamha."
"Ooh happy birthday dear, okay inzwa kaa wakafungei nenyaya yakataurwa nezuro iya?"
"Hmm handidi kukunyepera mumwe wangu pakaipa ndatopererwa kuti ndodii."
"Okay ndizvo zvandakaitawo futi asi ndakazongozvishingisa ndakauraya amai vangu nhasi uno ndakagarika ndave kungouraya apo neapo uye mari yangu haife yapera."
"Hey ndiwe wakauraya amai vako haa zvinotyisa izvi wangu ko vanenge vachifirei ko nhaimi?"
"Aah it's an offering wangu, zvakafanana nekuchurch vanobvisa maofferings nematithe zvichinzi mari iberekane asi kuno kunodiwa ropa kuti uite mari."
"Hoo ndichaona kuti ndodii?"
"Iwe ndave kuzonzwiwa nevanhu manje, unoda kufa here iwe usina kufara nemari yako?"
"No."
"So kill your mother hapana chonetsa apa vagara vanongofa wangu."
"Okay friend I'm going to kill her."
"Yes that's my buddy."
Akabva atokata ndakange ndave nezvivindi kuti vafe zvavo. Satanism yacho yaitoita kunge ritualism, amai vaisafanira kufa mhani. Ndaizosara ndega ndiri musugar nemuuchi. Handina kana kuzomboda kufunga zvakawanda wanda nekuti ndaisada kuzeza kuvauraya.
Nguva dzakazofamba handina kana kuzoenda kwana Tatenda. Kunze kwakasviba takadya chikafu chainge chasara mangwanani. Ndakanorara hangu ndichimirira nguva dzekubva mumba. Ndakazobva ndokusvika kumeeting kuye. Uku kwaisava nehushamwari kwaingoitwa zvawafambira wodzoka. Ndakazoitwa makorokoto nekuti ngakange ndaunza one munhu muKingdom. Ndakatarisa tarisa ndokuona mai Tatenda varipo vachitoshamisika. Ndakamboda kuzviwanza asi vakazondiona vakatoshamisika neni. Ndakazopepuka ndiri mumba ndokuzorara zvangu. Kunze kuchichena ndakangomuka ndokukanda mvura kumeso nekutomhanya kwana Tatenda. Ndaida kumuona asati aenda kubasa. Ndakasvika pasina kana amuka ndakabva ndanocker padoor mhamha vacho vakabva vavhura.
Vaitotlratidza kushamisika vakanditarisa iniwo ndakange ndave kunyara.
"Mamuka sei mom Tatenda aripo here?"
"Haana kudzoka, iwe ndine zvandarota mhani manheru anhasi asi handisi kuzvinzwisisa."
"Ooh haa kurota kunowanikwa saka regai ndimhanye ndatiza mhamha vasingazive."
Ndakadaro ndave kutofamba handina kuvapa mukana wekutaura zvakawanda wanda. Vaizozvijaira vega nekuti kuvaudza zvaitondityisa.
Ndakasvika kumba ndokudzokera kunorara zvangu kwakange kwasara zuva rimwe kuti amai vafuke ravo vega. Mhamha vakaita zvose vakazondimutsa chikafu chatoita ndakamuka ndakanozvidyira hangu. Nenguva dzemasikati ndopandakabuda ndakamboenda mutown for shopping zvangu. Ndakatenga hembe dzangu ndokutengera mom kasuit kavaizovigwa vakapfeka. Ndakange ndazvipira kuti vatevere vadzimu vawo ndisare ndichigarika asi kapain kaivemo mukati.
Ndakadzokera kumba ndokuona vakafuta zvavo nehasha.
"Uri kubvepi, ko izvo wazviwanepi?"
"Ndatenga mom ko chii?"
"Mari yacho waiwanepi?"
"Mom hazvina basa izvozvo ndatokutengerai suit yenyu iyi ."
"Ndingangotambira chinhu chandisingazive kwachabva here?"
"Horaiti mom ndine mukomana wandiri kufambidzana naye ndiye akandipa mari nezuro pabirthday rangu."
"Hoo manje tinenge tave kutya kaa ko ngaauye kaa aroore kana aine mari."
"Achauya mom."
Ndakabva ndangosiya ndavagadzikira suit yavo patable ndakaenda muroom mangu. Ndakabva ndatopfeka dzaive dzakanakisa dzacho kuti ndimbotenderera nadzo.
"Nhaiwe ko zvawave kubuda nemucheno wakadaro kwakanaka here?"
"Ah zvakangofanana izvi mhamha ndoda kunoona mukomana wangu."
"Hayaas ko naTatenda makazodii?"
"Ooh ndiye hake wandiri kutaura ave kushanda kaa."
"Hoo inga ndichafa nemari pano."
"Yes muchafa."
Ndakadaro ndichibuda ndokuzofunga kunoona Tanaka kuchipatara. Ndakasvika akafara kundiona akange asara nemazuva maviri kuti abude nekuti akange aita kakusimba. Mwana wacho ngaanake asi akange akapera muviri hamheno kuti ndiko kuzvarwa nguva isati yakwana here. Takatandara ndakazobvako ndodzokera kumba ndakasvika mom vatoita zvose zvemanheru. Takakasika kudya ndokurara hedu, ndakange ndatojaira zvose zveusiku sezvo ndakange ndatokuririra pachisatanist.
Mangwana acho handina kuzoenda kumba kwana Tatenda ndaizoenda after burial yamhamha. Zuva rose rakapera ndisina kana chandabata pamba kusvika mangwana acho iro zuva rekuuraya mhamha. Ndakamuka ndokuramba ndakangovhura maziso ndichikoka zvivindi zvacho. Ndakabva ndafonera sekuru hanzvadzi yacho vaigara kuChitungwiza vakadaira
"Hello muzukuru."
"Sekuru mhanyai kuno mhamha varwara handisi kutoziva kuti chii chiri kuitika pavari."
"Tsvaga mota kaa vaende kuchipatara."
"Sekuru it's too late vari kungopupa pupa handichakwanisa kana kudii ini, maiwee zvangu."
"Okay ndiri kuuyako please zama kana kuvanamatira ndosvikako, nhai Mwari wangu."
Vakabva vakata phone zvavo , ndakange ndapedza level one. Nguva dzakafamba ndiri mumba kusvika mom vazouya vachindimutsa.
"Nhaiwe wave mucheche here kusvika nguva ino wakasunyirira gumbeze kudai, muka apa utsvaire mumba ?"
"No I'm tired."
"Asina kuneta ndiani nhaiwe? Ndisimukire apa."
"Mom what's wrong with you. Ndisiyei mhani musandiudzire zvekuita."
"Iwe unoda kupikisa ini here? Manje ndoda kukuona."
Vakadaro vachidhonza gumbeze ini ndakabva ndaramba ndakarara. Ndakazongonzwa kunzi paa kumagadziko ndakabva ndatanga kurohwa nebhutsu. Ndakachema zvisingaite apa vaitorovera kuponda hamheno kuti mweya upi waive wawagara . Ndakarwadziwa ndopandakasimuka ndakapfeka bangle rangu ndokuvanongedzera.
"Die now!!!"
*End of chapter*
*RudoRwake*🖊️🖊️
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
Calls
(+263784802591)
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 11*
*TATENDA*
Nyaya yamhamha yekungokambira vakange vadya mari yavaiziva kuti yaive yei? Kunyangwe dai yaive yangu vaisafanira kungotora ndisina kuvapa mvumo. Ndakangoti hamheno ikoko.
Hupenyu hwangu hwakange hwave kuendeka ndave pabasa. Ndainzwa kuti ndainge ndakura zvechokwadi uye ndakange ndave kusada kubva kumba kwangu kutsva. Ndaitozomanikidzira kuenda kumba hangu apo neapo asi ndakange ndajaira kugara ndega. Nemudiwa wangu ngoma yaive ndiyo ndiyo nerudo zvedu.
Hapana chainetsa hacho nekuti ndainge ndangonyarara nyaya yake kumba. Ndakazoenda kumba kwavo ndokutaura nasisi vake kuti ndaitoda kumuroora zvechokwadi. Ndaida kumuroora paizopera mwedzi wechitwo ndatanga kushanda.
"Hmm ndingafare chose bamunini kana daddy ndichatovaudza."
"Yeah vaudzei nekuti ndave serious manje uye handisi kuda kuterera zvotaurwa kumba nekuti ndave nemba yangu."
"Okay ko hamudi kumboona dzimwe hama dzedu here musati maroora ?"
"Ah imi bho ndimi wandakaziva chete vamwe vanozondiona pakuroora, ndoda kuvashamisa."
"Okay zvakanaka hazvo bamunini ndiri kufara kuti makada munin'ina wangu nemwana wake izvo zvisingaitike zvekudaro nevazhinji. Vamwe vanotoona kunge ndopekupedzera nguva vachisiya asi iwe wakada kuti ave life partner yako."
"Aa zvotendwa here izvozvo, ndototenda vakamubereka ndomuda mwana uyu."
"Okay bamunini vangu."
Ndakazobva pamba pavo ndina bae wangu. Akandiperekedza kumba kwana Brendo ndokumuona aripo. Ndaida kuenda naye kumba kuti ambonamatira mhamha nekuti ndaitovatyira. Hatina kupedza nguva tiri kwana Brendon, Ropa akabva aenda zvake kumba kwavo ini ndokunanga kumba naBrendon.
Takasvika paya mhamha vasipo zvavo.
"Ndofunga vaenda kuchipatara handei tichibva tangoona Tanaka hedu."
Akadaro Brendon takabva tananga kuchipatara hedu. Takasvikako ndokuona mhamha vasipo vanenge vaitonyumwa zvavo. Takafara hedu kuona Tanaka, Brendo akange aine zvaaitonzwa hake munyika yomweya ndokuzotanga kunamatira Tanaka. Akanamatirwa uku achingoscreamer vanhu vakaungana, akazosvika pakungoti zii paya. Akabva atoudzwa kuti akange ave musatanist asi nekuda kwaMwari zvakange zvavhariswa.
Takazobva toenda kumba takasvika mhamha varipo zvavo. Vaitotyisa kutanga saka Brendo akazotanga kunamatira pasi hake kusvika munhu amanifester. Vaizvirovera pasi vachinamatirwa kusvika vazodzikama mweya wetsvina wabuda. Takavatsangurira zvose asi vakaita nharo chete kuti Trish haasi musatanist. Takazosiyana nazvo nekuti ndaiziva kuti hativakwanise.
Ndakazoperekedza Brendo kumba kwavo ndakatanga kutombodzidziswawo shoko raMwari. Ndakazonzi ndinamate kwe10 minutes, ndakatanga kunamata asi zvaitanga zvichirema hazvo kusvika zvave kungoendeka zvega zvekuti ndakatozoita zvekumiswa kuti dzakwana. Ndakafara nazvo kuti ndakange ndave nani ndaizoramba ndichingoshinga pakunamata. Manheru acho vaienda kuservice ndakabva ndatogarira kumba kwavo takaenda tose, ndipo pandakazotendeukawo. Vanhu vakandifarira kuti ndatendeuka kana neni ndakafara. Chokwadi kaa chasara panyika ino kungonamata nekuti pasi pacho pashata. Vane mwoyo chena hakusisina, vabereki vanotovengana nevana vawo uye imwe nyaya yesatanism futi saka zvaitoda Jesu.
Takazodzokera kumba ndokumhanyira kumba mhamha vasati varara. Vaingosekenyeka zvavo mubedroom mavo muchibuda izwi rechirume. Ndakazongoita kakurovera door rangu kuti vanzwe kuti ndainge ndauya. Vakazoita karunyararo ndopandakanodya ndokutonorara.
Mazuva akafamba ndichienda kubasa kwangu ndichinamata zvakange zvave kunakidza kani. Ndakazoenda kumba zvekare Tanaka asati abuda muchipatara ndokunanga kwana Ropa wangu. Ndakasvika ndichiona kune mumwe murume pamba pavo paine mota. Ndakatombovhunduka ndichiti zvimwe ndibaba vacho kana kuvamhoresa ndakatya ivo vakanditanga.
"Muri sei zvenyu?"
Ndakadaira ndichigara pasi Rudo akabva abudikirawo. Ndipo paakazondiudza kuti ndivo murume vawo akange auya kubva SA. Vakazoudzwa kuti ndini mukomana waRopa vakangodaira zvimwe zviye asi vakange vasina mufaro. Handina kuzoda kuramba ndiripo ndakabva ndaperekedzwa naRopa.
"So ndiye baba vemwana here uyo?"
"Ehe."
"Hoo saka havana zvavataura here?"
"Aah vakatosvikondikandira mari pamubhedha sisi vasipo vakabva vangosekerera. Handina kana mufaro izvozvi apa kuti ndiudze sisi ndiri kutya uye hazvitaurike nekuti ndozoita kunge mharadzi nekuti ndagara ndine mwana wavo."
"Aah hoo please stay away from him, handidi kunzwa zvimwe. Iwe usatombosara wega hako nekuti zvagara vachiri kukuda."
"Okay babe thanks mari yavo ndovadzosera here or ndoyemwana?."
"Dzosere mari ndokupa inini."
"Okay Tatenda please usatsamwe ndinokuda hapana chotiparadzanisa."
"Okay rega ndiende kumba."
"Okay bye."
Ndakange ndatovhiringidzika nekuda kwekuuya kwemurume waRudo. Ndaiziva kuti shiri ine muririro wayo hairegi, ndakange ndave kutotyira Ropa kuti aigona kurarwa futi apa ini ndakange ndisati ndarara naye.
*TRiSh*
Misodzi yangu yakazotanga kubuda ndaona mhamha vave kubuda furu mukanwa. Vakatadza kana kubuditsa mashoko vakafa vakanditarisa zvekuti ndakange ndave kutya, ndakazonzwa kubatwa kumashure ndokucheuka ndakaona kuine zibag reblack. Ndakatarisa mhamha vakange vakangovhura maziso, vakatanga kubuda ropa mukanwa ndakabva ndamhanya kunovhura bag riye ndokuona makazara mari. Ndakasimudza one brick ndokuona iri chaiyo, ndakapukuta misodzi ndave nekamufaro ndakabva ndamhanya kunovhura door rangu.
Ndakadhonza mhamha ndokuenda navo mubedroom mavo. Ndakaedza kuvhara maziso avo asi akaramba akanditarisa ndakabva ndasiyana nazvo. Ndakadzokera mumba mangu ndokuviga bag rangu muwardrobe ndakabva ndavhara nemamwe mabags ndokuzotanga kuridza mhere. Vanhu vepa next vakauya ndokundibata ndakabata mhamha.
Vakanditora vakabva vatora phone yangu vakatanga kufonera hama dzedu. Ini handina kana kunyarara ndainge ndave nemari asi zvairwadza. Mhamha vakange vafa nekuda kwemari , ndakazotora phone ndakaenda muroom mangu ndokufonera Catherine.
"Hello."
"My mother is gone."
"Yes haa warwa kurwa kwakanaka mumwe wangu zvatoita so."
"Hmm asi zvorwadza hazvo"
"Yeah zvishoma waiona here mari?"
"Ehe ndaiona hmm yakawandisa mumwe wangu."
"Yeah wakuchifanira kutenga mota nemba yako nekuti imba iyoyo haisi yako."
"Okay thanks."
Ndakabva ndabuda zvino ndokuona sekuru vachisvika. Ndakatanga kuchema ndakavatarisa vakabva vandimbundira paya. Vakatangawo kuyeredza misodzi vakabva vazonoona mhamha mubedroom.
Vanhu vakazoungana mukufamba kwenguva dzimwe hama dzakange dzave kusvikawo. Vakazofonera veMoonlight funeral service vakauya ndokuzotora mhamha vakaendeswa kumortuary. Zvose zvakazoitwa kusvika mhamha vasvika pakuchengetwa kumarinda ekuWarren park hills papera mazuva maviri. Kumeeting kwedu ndaienda asi mai Tate ndaisavaonako kureva kuti pane ainge avanamatira.
Takazoungana nehama sekuru vakabva vati
"Right ndine urombo nezvatiwira izvi tose tarwadziwa. Hatizivewo kuti chii chakatora sisi vangu kana kuchipatara vakatadza kuziva kuti chii. Chatakaona kuti vakaita zvekuurawa hamheno muvengi akavabatira mushonga ndosaka maziso avo airamba kuvhara. Hatizivewo kuti vacharwawo sei nekuti isu zvechivanhu hazvisi matiri tiri vechinamato.
So amai nababa vaTrish vakange vakachata saka imba iyi zviri nani tiipe Trish. Iye ndiye achasarudza waachada kumbogara naye achiri mudiki uyu."
"Aah sekuru ndikubatei muromo ipapo. Ini hangu ndoda kugara ndega musandityire, ndiri kurwadziwa ndoda kumbodzikama ndega zvangu."
"Hazviite muzukuru ko ukazowana chinokuwana uri wega zvofamba zvakanaka here?"
"Aah musatye pandinenge ndave kuda munhu ndokuudzai."
"Okay hapana chakaipa kana wadaro, isu sehama dzemukadzi tamirirawo kugohwewa kwembatya dzemufi chete zvimwe zvosara pano."
Vakazoita nyaya dzavo ndakabva ndatombotora mari zvangu ndakabuda. Ndakaenda kuclub ndakambonwirira doro zvangu kuti ndiite zviri nani. Handina kuzonyanyodhakwa hangu ndakabva ndazodzokera kumba ndopandakaona mai Tatenda vauya. Vakachema vakazvirega apa ndakange ndisina kuvazivisa ndaisada kuti vabate dzimwe nyaya.
"Nhai muroora waitadza kundizivisa here ndoita zvekuudzwa nevamwe here?"
"Ndakange ndichirwadziwa handina kana kukwanisa kuudza vanhu vakazoudzwa nevavakidzani vedu."
"Hoo haa nematambudziko kaaa inga pasi harigute."
"Zvakaoma imi rufu harugogodzu urwu uye haruoneke."
"Haa chema une tariro muroora."
"Okay mom."
"Ndine hope dzandairota mazuva apfuura ayo ndakazobatsirwa hangu asi iwe ndaikurota kuhope dai wambononamatirwa muroora."
"Haa ndakatobatsirwawo ini musandityire henyu."
"Okay wozouya kumba kana vanhu vambobva pano Tanaka aveko."
"Hii sure here? Haa ndouya kuzomuona ndamusuwa."
Ndakafara kuti Tanaka ainge auya, ndiye munhu aindinzwisisa zvose namai vacho. Vanhu vakazotanga kuparadzana zvishoma nezvishoma kwakazosara hama dzishoma dzamhamha. Takazorara vamwe vakamukira kuenda mangwanani, vamwe vaindisira mari ndaitoseka nemumwoyo hangu kuti vari kutambisirei mari yavo. Dai vaiziva vaitotenga pizza zvavo.
Vanhu vakazopera vose vave kumhanyira kumabasa ndakabva ndatoti hutu munzira kuenda kwana Tatenda. Ndakasvika ndokutambirwa nemufaro naamai vacho asi Tanaka akange asina mufaro.
"Hesi kani Tanaka chimbondipawo mwana ndimubate kaa inga makafanana."
"Aah thanks ndoda kutomuyamwisa hangu."
"Tanaka kuyamwisa mwana akarara here?"
"Ehe ave kutomuka uyu."
Akadaro achimurova rova akabva amuka ndokutoiswa pazamu akatanga kuyamwa. Ndakangomutarisa neziso kuti akange ave kuonererwa nemwana wake manje aizomucherera kurwizi ndamuendesa asati abuda mazino. Ndakabatikana hangu kuti munhu wandainge ndafambirawo nemwoyo wose akange andivenga kudaro kana kumbonditi sorry nekufirwa namhamha haana hake. Manje akange atanga hondo ndaida kutomupedza mufaro wake.
"Trish muroora huya kaa kuno." Vakadaro mhamha vakamira kudoor kwebedroom yavo. Ndakamhanyako zvangu ndokusvikopinda mukati.
"Eeh handidi kuti utsamwe nezvakadai izvi ndizvo kaa?"
"Yes mom asi atsamwireiko?"
"Aah hamheno kaa vari kungokupomera nyaya kaa hanzi uri musatanist kana ndiwewo."
Ndakabva ndaikwetsura mhere zvangu yekunyepera. Ndakabva ndatoita sendave kuda kuenda kumba mhamha vakandibata vachindinyaradza.
"Nyarara kani Trish, iwe Tanaka hona zvawaita mumwe."
"Nhai mhamha ndambodii hangu ndakazvigarira pasofa nemwana wangu?"
"Handiti maiti musatanist here ndamuudza ave kutochema musadaro vamwe imi." Ndakabva ndatarisa Tanaka misodzi ndakange ndave kutobuda zvechokwadi.
"Tanaka ndiwe wakundidaro here? Dai ndiri musatanist ndingadai ndisina kukuurayai here pano asi mave kundiona sendaipa nhasi manje, hee?"
"Trish usacheme hako handina kumbodaro ini."
"Aah iwe wakanditsamwira kudaro , mhamha ndisiyei ndiende zvangu."
"Nhaiwe Tanaka seiko une mwoyo sewenyoka iwe inoruma nechaisingadye. Hausi kuona kuti uri kutadza here kumbira ruregerero mumwe wako uyu."
"Nhai mha..."
"Iwe usade kutambisa nguva yangu, uyu Trish munhu kwaye seiko uchishungurudza mumwe apa akabva kunofirwa."
"Horaiti sorry Trish."
"Hausi kurevesa iwe."
"I'm serious sorry Trish hako ndainge ndakazviudzwawo naTatenda ndiregererewo kani."
"Okay thanks."
Ndipo pandakazodzikama zvangu ndokunogara pasofa naye. Akange achine kakutya hake asi akapedzisira andipa mwana wake. Pasina nguva pakabva pauya mumwe murume akabva amhanyirwa namhamha vakambundirana. Ndakabva ndatoona kuti vakange vari murudo. Pandainge ndakabata mwana waTanaka ndainyatsonzwa kunhuwirira kwefresh blood. Ndaisada hangu kukasika kumuuraya ndaida kumbozvichenesa kumba kwavo kuti vasafungire zvakawanda. Mangwana acho ndaida kutotenga mota yangu. Tatenda ndiye wandakange ndave nemazuva naye akange ave kusaoneka zvake.
Ndakazotambidza Tanaka mwana wake ndave kuda kudzokera. Mhamha vakange vave busy nemudiwa wavo mumba mavo mekurara. Ndakazonongedza Tanaka neruoko rwaive nebangle ndakati
"Please Tanaka usandivenge hako. Ndotoda kuroorwa naTatenda zvako ndifarire kubva nhasi."
Akabva agadzika mwana pasi akasimuka akandimbundira.
"Trish kaa tave kufanoita kuti Tatenda ave wako manje. Imagine ave kuenda kubasa nhasi anodzoka obvious nekuti haasati andiona kubva ndiuye."
"Okay wangu rega ndiende kumba ndodzoka.".
Akabva andisvitsa pagate ndakabva ndaenda ndega zvangu. Ndakasvika kumba ndichiona kuti zvinhu zvainge zvachinja chokwadi. Ndakapinda mukati ndokupfiga mukova ndokutora mari yangu ndakaiwarira pasi ndichishaya zvekuita nayo. Yakange iri yeropa zvayo asi yainge yakawanda zvekuti ndaipedza makore ndichiidya. Ndakange ndichitoda yakawanda kudarika ipapo saka ndaifanira kuuraya zvekare. Zvivindi ndakange ndave nazvo zvekuti hapana wandaifunga kaviri kuti ndodii.
Ndakabva ndatoenda pagoogle ndokutanga kutsvaga mota yandaida.Ndainge ndauraya munhu akakosha muhupenyu hwangu saka ndaida kutengawo mota yemhando yepamusoro.
*End of chapter*
*RudoRwake* 🖊️🖊️
😢
❤️
🙏
👍
😂
13