🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 20, 2025 at 04:43 AM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Pinda mugrup kuti usajambwe*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Pinda muchannel kuti uwane mamwe mabooks*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 12*
*Tanaka*
Congratulations to myself ndakange ndabva muchipatara zvakanaka nemwana wangu musikana. Ndakange ndisati ndanyatsosimba hangu asi muchipatara makangofanana nemujeri hamunakidze kana kamwe zvako. Munonakidza vana chiremba nekuti ndimo mubasa mavo. Mwana wangu aive hake premature baby but ndaitomuda zvakadaro nekuti ndiye wekutanga uye akange asina kana kuremara. Trish ainge apotsa andiurayira ngoda yangu ndakange ndamuvenga. Ndaifara zvangu kubva muchipatara asi ndaive nezvimwe zvakange zvichindishaisa mufaro.
Ndakafonera Dan ndave panze pechipatara kuti auye kuzonditora asi akangoti ndiri busy. Nemadiro andaiziva achiita kwandiri apa ndakange ndave nemadoubts. Ndakazongoshinga hangu semunhu akasenga mimba kwenine months ndakabva ndaenda nemwana wangu kumba. Ndakasvika kumba mhamha vachitotsvaira yard yavo.
"Nhaiwe wasimba nguvai zvawabva watadza kundifonera?"
"Zvabuda mupfungwa dzangu pandambofonera mukwasha wenyu zvino ati akawandirwa nebasa ndakauya ndega zvangu."
"Aah haurevese hako titambire."
Vakadaro mhamha vachitambira mwana ndokupinda mumba.
"Muzukuru wangu welcome mumusha medu."
Vakadaro vachimubata bata matama zvavo.
Pamba apa ndakange ndave kutoda kubva nenyaya yaTrish. Ndaitotyira mwana wangu nekuti aigona kuparara asati ave kugara. Ndakamboda kuudza mhamha asi ndakaona kuti vaidawo Trish saka ndakazovaudza neimwe nzira.
"Mhamha kuswera mangwana ndoda kuenda kumba ndakanzi ndiuye naDan."
"Hmm hausi unenge wakasika here mwanangu?"
"Aah kana ndonoporera ikoko musandityire henyu."
"Ini handidi munhu ane nharo, pandakakuzvara ndakatombogara mwedzi nechimwe chikamu iwe woda kutoenda nemazuva maviri chete."
"Mhamha ndakapedzera imwe nguva kuchipatara, ndoda kumbonoona pamusha pangu ."
"Hmm izvo hazvipikiswe pamwe zvekumusha kwaDan zviri kuda mwana wavo endai."
"Mungabva maiita zvekundiramwira here?"
"Ehe handiti haunzwe here?"
"Haa hapana chakaipa mhamha ndoenda hangu."
Mhamha vaisatomboda kuti ndiende zvangu. Ndakabva ndazofonera Dan kuti ndimuudze kuti ndave kuda kuuya.
"Hello babe."
"Dan ita serious ndave kumba huya undione."
"Ndinouya mudiwa hausi kunzwa ruzha urwu kureva kuti ndakahakwa pabasa."
"Okay huya uone mwana kuswera mangwana wouya uchinditora."
"What! Why so soon?"
"Aah ndaneta nekugara kuno ini plus vanhu vacho handivachenese vanogona kungondimedzera mwana."
"Aah wangu kuswera mangwana hauone kuti hazviite here?"
"Hapana choramba apo ndiri kuuya ."
"Please Tanaka try to understand. You have to recover well then you will come, days are many."
"Aah ndoporera ikoko ko iwe hauna kundisuwa here?"
"Ndakusuwa mudiwa asi hutano ndihwo hwakakosha. Unouya kuno two days worwara wozotanga kunyepera mweya yetsvina uri iwe mweya wacho saka hakuna kwauri kuuya ndapedza newe."
"Horaiti daddy vaShantel."
"Thanks nekunzwisisa."
Ndakabva ndakata phone yangu ndatofuta. Apa mhamha ndainge ndavanyepera kuti ndaidiwako mushure memazuva maviri asi Dan aizviramba. Ndakatozviti handingagare apa Dan wacho aizondiwana ndaendako hapana zvaaindiita. Takazotanga hedu kutandara namhamha tichitaura nyaya yaTatenda ko ndiye aishuta madrama pamba pedu .
"Ko Tatenda akazodii nemvana yake iya?"
"Aah mazuvano zvadzikira ndisingazive kuti inyaya yebasa here kana vari kungodanana zvavo tisingazive."
"Hmm Tatenda haanzwe aita luck ndave kubva pano ndaida kuzvipedza mhani."
"Aah wakazvitadza wani asi naTrish vanenge vave kunzwanana ndakavaona vakambundirana muroom make umo nemeso angu maviri aya kana mhino inondipupurira."
"Kk hoo saka Tate anoda Trish hake ko zvaanenge anomboita seasina basa naye wani, ini hangu Trish handisina chekuita naye."
"Nekuda kwei munhu bho wani?"
"Hmm idzo nyaya dziri kungotaurwa naTatenda."
"Haa zvipi nhema dzoga dziya iwe wakatozvibvuma nhai?"
"Ehe zvakabva zvaenderanawo nezvaiitika kwandiri ndakaona zvichipindirana."
"Hmm ndisirei muroora wangu imi, handisi kuda kuzvinzwa zvekare izvozvo rega nditsvage muriwo wemauro Tatenda anogona kusauya nhasi."
"Okay mhamha."
Mhamha vaitoona kunge mwana wavo chaiye vasingazive hunhu hwemutorwa. Ndaingonzwa kakusagadzikana mumwoyo mangu nekuda kwenyaya yaTrish. Ndaingoti kudai akasauya kusvika ndaenda nekuti ndaitomutya zvangu. Nguva dzakafamba ndakabva ndamborara zvangu ndichizorora..Ndarara ndakazomutswa namhamha vachiti mai Trish vainge vafa. Ndakafara kuti pamwe vazobata umbowo asi vakange vari murima vakabva vatosunga zambiya ndokutonanga kumba kwavo. Ndakasara ndega Dan ndopaakazosvika hake akabata kapaperbag ketwunhu twemwana zvake. Handina kuratidza kubatikana nazvo nekuti kuswera mangwana ndaienda kumba aitenga zvimwe ikoko.
"So iwe ungada kuuya kumba apa watotadza kundimhanyira kureva kuti hausati wapora kaa."
"Ndapora ini asi kuti pamba paambuya kaa pano saka hazvibude."
"Hoo tomboti but on a serious note unouya after some time now chimbogara pano uye ndine zvandoda kumbotanga ndagadzirisa pamba ndokutora zvakanaka."
"Hmm ndingati kudii hangu nyangwe ndakaita nharo handina simba pamusoro pazvo ndiri mukadzi zvangu."
"Aah kana mudiwa ngatingoita zvinhu negwara rakanaka pano wadzingwa here zvaunoda kubva?"
"Handina ini."
"You see."
Takambotandara zvedu zvenguva refu nemudiwa wangu mhamha ndopavakazodzoka zvavo vaine misodzi yaomerera pamatama ndakaziva kuti vainge vachichema. Vakakwazisana naDan ndakange ndave kutya kuti vachabvunza nyaya yekuenda kumba asi havana vakangonanga kubedroom kwavo ndofunga vainge varwadziwa nerufu rwamai Trish. Ndakazoperekedza Dan ndokumusiya pagate , ndakadzokera mumba mhamha ndokuzobuda vakatanga kuita zvekubika.
Takazodya ndokunorara zvakanaka hangu nekuti Trish akange asina kuuya. Kutya kwakange kuri kushoma, ndakazomuka kwaedza ndave nenzara. Ndakadzisa chimunya changu ndokudya kwave kugara pasofa ndave kuyamwisa mwana akabva arara zvake. Pasina nguva ndopakauya Trish ndakabva ndanzwa kuremerwa. Handina kana kumuratidza zino rangu uye ndakamunyima mwana wangu achida kumubata. Ndakatomutsa mwana ndakamuyamwisa kuti asamubate.
Vakazoenda mubedroom namhamha ndimo maakazobuda achichema zvake ini kana shungu. Mhamha vakabva vandimanikidza kukumbira ruregerero kwaari ndakazongoitirawo kungoti asatsamwe ndozoenda kumba mangwana pasina zvaaita kumwana. Akazotaura neni akandinongedza ndopandakaona kuti akange ari munhu kwaye aingonyeperwawo uye aitaura achirevesa. Pamwe kwaive kufungira kwedu asi iye aitoshandiswawo sezvaitaura mhamha. Takazofara hedu kana mwana ndakamupa akabata. Akazoenda hake asi ndakangosara ndisina kugadzikana hamheno chii chaiitika. Ndakapedza zuva rese ndiri pamba Dan akange asina kana kufona kuti anzwe kuti ndiri sei? Manje ndaida kuti azondionera kumba mazuvaose nekuti aida kungopinza mhamha busy iye asina kana ruoko rwaiisa pamwana.
"Mhamha kana ndaenda please Tate ngaasarorane nezigadzi riya ndapota zvangu."
"Ndichirarama hazviitike izvozvo, ndonyarira kupi kana ndiwe?"
"Hmm ndakamuvenga musikana uye, icho chaakatadzira kugara nemurume chinyi aah ."
"Nhai nhai iwe wakatonaka une murume mubatisise hako."
"Zvagara handife ndaita single mother ini."
"Okay mwanangu."
Ndakange ndave kutononokerwa nekuenda kumba ini. Nguva dzacho dzaiita kunanaira sekamba. Zvisinei kunze kwakazosviba kuti kuedze kwakanonoka futi. Ndakazorara ndakamuka mangwanani ngwanani ndakatanga kugadzirira. Ndaida kutokasika kuenda Dan asati aenda kubasa. Mhamha vakazomuka ndatove pedyo nekupedza zvangu.
"Ii zvauri kutorevesa nhai Tana wave kunditiza here?"
"Don't worry mom pano ndopanoti ini ndinenge ndichiuya mazuva mazhinji."
"Okay mwanangu ufambe zvakanaka."
"Handisati ndapedza ini mondiperekedza."
Ndakazonogeza ndokudzoka ndakabereka mwana wangu ndokutora monarch yangu nehandbag kwave kubuda namhamha. Havana kundisvitsa kure vakabva vatodzokera zvavo. Ndakange ndiine mufaro kuti ndave kuenda kumba zvino.
Ndakanokwira kombi yaienda ku extension kwaive iko kumba kwedu. Hana yangu yakatanga kurova ndave kusvika, ndaiti pamwe achandidzosa kumba nekuti takange tisina kutenderana. Ndakasvika door rakavhurwa kureva kuti akange asati aenda kubasa. Ndakasvika nekungopinda ndakabva ndangoregedzera bag rangu pasi ndaona achipinwa mabutton eshirt nemumwe musikana. Akavhunduka achindiona ndakabva ndaita hasha ndokunanga kwaive nemusikana wacho.
"Unoda kudii iwe?"
Ndakavhunduka Dan achindidaro andibata ruoko ndakabva ndaramba ndakangomutarisa.
"Handina kukuudza here kuti usauye kuno, ndaitoreva kuti handichada nezvako sorry ndakazowana mumwe."
"Dan!"
"Sorry Tanaka ndozvakazoda mwoyo wangu izvi, ndaisada kukurwadzisa asi ndozvazvave sorry hako."
Ndakatanga kuchema paya zvekuti musoro wakasvika pakutema. Dan akange ave kutotaura zvekuti ndiende.
"Enda Tanaka zvinhu zvako zviri muno zvinotevera mangwana natete vangu vachiuya negupuro."
"Dan ndiwe here uyu?"
"Nhaiwe ndokuudza sei? Ibva muno mhanii!"
Ndakatoona kuti munhu airevesa kuti haachandida. Ndakarwadziwa kana kumba kwacho ndaizokusvika sei zvadai. Ndakazofamba zvishoma nezvishoma ndichibuda mumba ndichirwadziwa. Izvi zvaitoreva here kuti ndakange ndasiwa nemwana wangu ndofanana naRopa?
*Tatenda*
Zvinhu zvacho zvakange zvisingade kumbotambanuka hazvo. Pandaiti zvave kunaka ndopazvaiita zvezvakuchidzirwa moto. Pandakabva kwana Ropa ndakabva ndatokwira kombi yaienda kuround kuMbudzi ndakabva ndazokwira yeGlenorah ndakaenda kumba zvangu. Handaiziva kuti Ropa aizofungei nemari yaaipihwa nabamukuru vake.
Ndakazorara ndisina kudya ndokuzomukira kubika ndakadya kuti ndiende kubasa. Ndakasvika kubasa musoro wangu uchitotema zvawo ndakabva ndakumbira off yezuva rimwe. Ndakabva ndatonanga Kuwadzana ndokusvika pamba zvichinzi Tanaka ainge atobudawo. Trish ndakange ndisati ndambomuona kubva nditange kushanda . Ndakamhoresana namhamha ndokumbogara zvangu mumba ivo vachimhanya nemapoto avo. Ndakazonzwa zviri nani ndokubva pamba ndokunanga kwana Brendon. Ndakange ndave kunyara nekungomunetsa asi ndanga ndisina option. Ndakamutora ndokuenda kwana Ropa ndokuona vakagara panze vose zvavo. Musi uyu ndakange ndiine zvivindi chaizvo ndakabva ndatosvikomhoresa vose ndakanogara pedyo nemusikana wangu.
Bamumuru vaingokanda ziso asi ini ndaisatombobvuma kutsiurwa neziso. Takaita nguva pachitaurwa nyaya dzakasiyana siyana, Brendo ainge akangonyarara nekuti aisataura taura kaa .
"So bamunini munoda kuroora here?"
"Ehe mwedzi uchingopera ndotouya kuzorora mudzimai wangu."
"Hoo haa zvakanaka ndichada kuzotaurawo nemi zvishoma pedu tega."
"Hapana hapo kuipa mukuru wangu."
Takazoti garei zvishoma ndokuzoraira nekukasika nekuti ndaida kutonzwa kuti bamukuru vane ipi. Vakazondiperekedza tichitaura Brendo aive atungamira.
"Nhai chii chakakupa zvivindi kuti udanane nemunhu ane mwana wakamboroora here iwe?"
"Handisati ndaroora, rudo ndorwakandipa zvivindi zvacho."
"Okay inini hangu handingadaro nekuti vasikana vakazara kaa kunze uku."
"So hamudi kuti mainini venyu vawanikwe here?"
"No handina kudaro asi vanowanikwawo kaa neane mwa..."
"Blaz musade kundipaka mashoko manzwa, asi muchiri kuda mainini venyu kani?"
"Kuvada pakudii kwacho?"
"Tania haasi mwana wenyu here izvozvi ndinochibvondora?"
"Ukuzviwanepi zvauri kutaura."
"Okay ngazvipere regai ndinoudza mukadzi wenyu."
"Hey dzikama chiiko newe? So iwe uri kuziva kuti Ropa mukadzi wangu unoda kumutorerei?"
"Ndazviziva kuti ndopane nyaya yenyu, imi mungade kuitisa mukoma nemunin'ina zvichibuda here? Uyo Ropa haachatode nezvenyu uye haana kumbobvira akudai."
"You're totally wrong haarambe kaa achigara under my roof."
"Ndogona kumutora nhasi chaiye mukada kudaro."
"Okay isu ngatichiwirirana ini uchandipawo pashoma usati waroora nekuti ndiri mukwasha handipihwe mari kunyangwe ndirini ndakachengeta."
"Hapana chenyu imi maitadza nei kurera munin'ina wemukadzi wenyu pasina kumumanikidza kurara naye."
"Okay waramba kuterera bho tinoonana."
"Zvakanakai."
Vakabva vadzokera zvavo Brendo akandimhanyira.
"Ari kuti kudii munhu uyo?"
"Aah anopenga haana kana nyaya achiri kuda kuramba achiita Ropa zvaanoda manje ndamumisa. Apa hanzi kana ndave kuroora ndimupe mari yekuchengeta kana ndiwe."
"Haa hazviko izvo iye akapedza kuroora here ngaatibvire uko."
Takazoenda kwana Brendon ndokumbogara zvenguva refu ndokuzobvako ave masikati. Ndakasvika kumba ndichiona kuine mota svinu iri mukati. Ndakasvikapo ndakatombozvitora maselfie ndiripo nekuti yakange yakanaka. Ndaitonetsekana kuziva kuti ndeyani ndopakadzikiswa window nemumwe murume wandaisaziva. Takangomhoresana ndakabva ndanetseka kuti aidei ndopandakapinda mumba ndakaona Trish akaita kunonzi kuchena. Akada kundimhanyira ndakabva ndamupa sign yekuti amire nechekure.
"Tate muroora wangu ave nemota kaa."
"Makorokoto inga vanoshanda vatove nemota."
"Haashande uyu aitengerwa nasekuru vake."
"Okay zvakanaka."
Ndakadaro ndichinopinda muroom mangu ndanyatsoona kuti Trish akange abudirira nekuuraya. Akange ave kutotyisa pamba aigona kutipedza tose. Akazouya muroom mangu akatsamwa.
"Tatenda unondida here kana kuti kwete?"
"Unobvunza wakatsamwa kuti zvidii? Handikude wanzwa nezviri mauri ndokudii?"
"Unozviziva here kuti ndiwe unogona kutanga kufa pano."
"Ndina Jesu wangu handife nezvakadai izvi zviedze uone."
"Kkk usandipe kuseka ini ndakatsamwa wanzwa, izvozvi so mai vako ndavauraya kwasara iwe wadii kuvarwira."
"Trish waita sei amai vangu?!"
"Wazvinzwa iwe kana usingade kufa ita zvandoda izvozvi."
"Please ibva padoor ipapo, kana wauraya amai vangu kaa nhasi ndopanoperera hupenzi hwako ihwohwo."
"Take it easy boy, ropa ramhamha vako rave kutonwiwa kutaura kuno mari yangu ichiwanda. Tasara tiri vaviri now so make love to me or else unotevera amai vako."
Ndakatanga kudikitira ndakange ndisina chokwadi kuti amai vangu vaive vapenyu here kana kuti aisarevesa. Kuti ndibude ainge akamira padoor chaipo achitotyisa . Akazoswedera kwandaive zvishoma nezvishoma ndokusimudza ruoko rwake akandinengedza narwo. Ndakabva ndatanga kunamata ndisina kana kutya , akabva azoti
"Tatenda ndaisada kukudai asi haunzwe, die now! Die now! Die now."
Akaramba achidaro ini ndichingonamata chete . Ndakazosimuka paya ndakatanga kunamata ndakamunongedzerawo akabva atanga kuzvonyongoka. Zvakatondishamisa asi handina kurasa tariro ndakaramba ndichingodaro akazongoyerekana atendeuka akabuda achimhanya. Ndakaramba ndichingonamata ndokubuda muroom mangu ndave kutsvaga mhamha mumarooms ose. Handina kana kuona kwavakange vari , ndakatarisa panze mota yaTrish yakange yatomutswa yave kuenda.
*End Of Chapter*
Stay tuned
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
16