🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 20, 2025 at 11:16 AM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Group*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*CHAPTER 13 AND 14*
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 13*
*TATENDAA*
Hana yangu yakange yave kurova ndashaiwa mhamha. Ndakazogadzikana ndaona vachipinda havo vakabata mavegetables.
"Ko Trish atoenda achisiya muriwo wake uyu?"
"Pamwe achadzoka."
"Okay ko azongobuda asina kutaura neni kwakanaka here?"
"Aah mozomubvunza he..."
"Mhamha imi!"
Takatarisa kudoor tose kwaibva izwi raTanaka. Takatanga kuona misodzi mumatama nemabags ake ndakatoshaya kuti chii chaitora nzvimbo . Mhamha vakaita sevachadonha kumhanya kwaari .
"Chiiko nhai Tanaka?"
"Ndarambwa mhamha, Dan ane mumwe mukadzi."
"What?! Ko achiitirei hunhu hwakadaro nhaimi? Ko zvaaikuti huya kumba kuda kuzokurambira kumba here?"
"Mhamha ndiri kurwadziwa zvisingaitee zviri nani kufa hanguu ndomuchengeta nei iyeyu?"
"Don't worry haungazviurayire mukono zvako gara pano mwanangu ko ndiwe watanga kurambwa here ?"
Ndakabva ndambogara pasi ndakatanga kuseka hangu, kwete kuti ndainakidzwa nezvainge zvaitwa hanzvadzi yangu asi ndakarangarira mabatiro avaiita Ropa nekuda kwekuti ane mwana mumwe ndaibva ndaona kutsiva kwaMwari. Idi kuti munhu anorarama anokohwa zvaakadyara , iyi ndoyainzi nevakuru ndomene haichemedzi manje. Vamwe vakati ndambakuudzwa akaonekwa aine mbonje pahuma.
"Tatenda uri kusekenyeka chii ipapo, haumunzwirewo tsitsi here mumwe wako?"
"Mhamha zvorwadza zvaaitwa asi now adzidza hake kuti hakuna munhu asina basa muhupenyu. Regai ndizvitaure zvekare ndati hakuna munhu asina basa muhupenyu. Moyo wangu wakazara neshungu kuti mose muone kukosha kwemunhu muhupenyu. Musatarise zvaakamboita kumashure asi tarisai kuti achaitei nekurasika kwaakamboita. Tingamuti mukadzi wemunhu here Tanaka uyu kana kuti totomudana zita rekutsvinya ramaigara muchiti Ropa imvana."
"Tatenda ndiwe wakundidaro here?"
"Mira Tanaka ndoda kumbopedza namhamha ava, nhai mhamha dangwe renyu zvarauya nemwana kudai ndodawo kuziva kuti hamudi kuti riroorwe here?"
"Ndoda."
"Mazviona kaa. Uyu atofanana naRopa, zvamunomushuvira Ropa anoshuvawo zvakadaro. So I'm going to marry her."
Ndakadaro ndichivasiya vasina neremuromo. Vanhu rudzii vasingakoshese vamwe, vanoona kuti vamwe vanhu vasina basa vachitovashuvira rufu chairwo . Zvino Mwari wandonamata haabatwe nedoro uye haakotsire. ZvaTrish zvakange zvatobva mumusoro nenyaya yaTanaka. Ndakazotanga kunamata ndichifamba famba zvangu mumba. Ndakange ndave kukumbirira family yangu kuti ichengetedzwe kubva kuna Trish. Ndini ndakange ndave pedyo nekuurawa pasina kunamata ndaigona kutoparara masikati machena chena. Hakuna chinhu chinorwadza kuti vamwe vako vofa Iwe uchikwanisa kuvamiririra nyaya dzavo. Ndakazopedza ndokubuda ndakaona vakangogara zvavo pasina aitaura nemumwe.
"Right kuzvida kana kusazvida tave kufanira kuenda kuchurch pamba pano. Handidi kuti mumwe atsakatike nekuda kwekusaita zvinoraramisa zvacho. "
"Nhai Tatenda iko kunamata kunombunyikidzwa munhu here? Iwe wakazongotanga kuenda wega usina kubatirwa shamu saka chimbotisiya zvako."
"Hazvina mhaka kana mati hamusi kuda mhamha. Ko Tanaka unoda here?"
"Yeah."
"Unodei iwe wonamatiswa nekuda kwekuti warambwa here aah ?"
"Mhamha ndisiyeiwo ndimbozama zvimwe zveutsinye hazvina zvazvakandipa kunze kwemaronda manyoro ari mumwoyo."
"Heya ,itai tigoona kwazvosvika asi usakanganwe kuti Trish ndiye muroora wangu."
Tanaka haana kuvadaira ndakabva ndaonawo aimira neni hamheno kuti kwaive kurwadziwa here nekuti kazhinji shiri ine muririro wayo hairegi.
Chandakafarira kuti akange adzidzawo muhupenyu. Vakange vangofanana naRopa waaigaroseka achimuona sembwa chaiyo asi kudenga kuna Mwari pasi pane vanhu. Ndakazoita kufonera Ropa nekuti ndakange ndisisade zvekuenda kumba kwavo. Takasangana ndakamutsanangurira nyaya yaTrish neyaTanaka .
"Hmm inga zvaTrish zvave kutoita worse nhaiwe."
"Pakaipa chandokukurudzira kunamata mudiwa nekuti pasi pave nemeno apa tinorumwa takarivara."
"Haureve nhema pakadaro ko Tanaka hanzi mhosva yake ndeyei?"
"Mhosva yake ndeyekushora iwe."
"Aah saka ndozvaarambirwa here izvozvo?"
"Ehe angosvika pamba pave nemumwe mukadzi iye akadzingwa nemwana wake iyeye. "
"Hmm I feel sorry for her."
"Zvakaoma asi chidzidzo kwaari kuti kuva nemwana kana kuva mhandara zvose zvakafanana. Mumwe akapinda mumba ari mhandara asi imba yake yakatoparara, mumwe ndiye anopinda ane mwana asi vogoramba vachiyanana. Ndozvinoita hupenyu munhu haadadirwe zvake."
"Wataura mashoko ane udzamu apa mumwe wangu."
"Yeah ko how far bamukuru havasi kunetsa here?"
"Haa havasi zvavo ."
"Ko sei wachinja chiso pawanzwa zvabamunini?"
"Aah hapana kungobhowekana nazvo."
"Okay mudiwa, so uchaendawo kunoona pamba pangu rinhi?"
"Kana wandirora."
"Hezvo kungouyawo chete here?"
"Horaiti haa any day we can go."
"Sure, ari sei Tania wangu?"
"Ndakasiya kari bho hako."
"Horaiti ini rega ndimhanye kumba mangwana ndakaenda kubasa ndichadzoka nekuti manheru kune church kana uchikwanisa toenda tose."
"Hmm I don't think so ndinenge ndichiona kuti zvakamira sei?"
"Horaiti mudiwa wosara zvakanaka."
"Mofambawo zvakanaka daddy."
Takaparadzana ndave kuenda kwana Brendon ipapo ndaisakanganisa. Ndaiti ndakabva pamba ndovanhu vaviri vandaifambira chete. Ndakaenda kwana Brendo ndokusvika achida kutouyawo kumba.
"Aah wabva wanditangira nhasi ndini ndaida kumbokufambira kaa, hazvizoite kuti urambe uchiuya iwe chete kaa."
"Taura hako saka hande kumba hedu tichitaura."
"Okay hande."
"Ko zvaitika nhasi wangu haa ndiri kufara kwete kutya?"
"Ko chii?"
"Iwe Trish azouya kaa akatsamwa achitoda ropa rangu asi ndazotanga kunamata ndakamunongedza sezvaunoita zviye akabva atanga kuzvonyongoka kusvika atiza."
"Wonderful, now wakuchifanira kuramba uchinamata usapere simba. Ukaona wadai wadenha zvakawanda uye zvichakurwisa mativi ose asi chandofarira ndechekuti tiri vakundi nekupfuririsa."
"Ipapo haureve nhema hmm Mwari anoda kunamatwa uyu."
Hurukuro yedu yakaenderera mberi kusvika tasvika muruvanze rwepamba pedu. Mota yemurume aifambidzana namhamha yakange iripo ndakaziva kuti ainge auya. Takapinda mumba ndokuona vakagara pasofa rimwe zvavo Tanaka ari kwake chiso chakapusa pusa zvacho. Takanogarawo pasi ndokukwazisa vaivemo Brendo akakwazisawo vose. Pakamboda kuita karunyararo mhamha vakabva varidza huro kuri kuda kuti vanyatsobudidza mashoko.
"Right Tatenda naTanaka, ndinoziva kuti murume uyu munongomuona achiuya pano uye semi makura kudai hamungatadze kuziva kuti anenge achidei uye ndianii kwandiri? Nekudaro chiregai ndikuzivisei muri pamwe chete kuti ndiye ave murume wangu uye munoziva kuti murume wamhamha ndibaba. Morega kuvatarisira pasi asi varemekedzei sababa, uye mwedzi uri kutevera vari kundiroora."
"Horaiti mhamha maita basa nekutizivisa, tafarawo nekuziva murume wenyu mutsva."
"Yeah iwe Tate ndave kuda muroora uri kunonoka mhani. Iye Trish wacho achasvika pakutobhowekana newe akabvutwa nemadinga zvawo apa tarira ave nemota. Havasi vasikana vekudadira vaye ndovanoshandura upenyu hwako ."
"Mhamha next month ndiri kuroora."
"Kwete mvana yako iya kaa."
"Matanga mhamha ."
"Aah nhai Mukanya zvinoita here kuti Tatenda haasati ave nemwana wonotorana nemunhu akambogara mumba?"
"Aah zvakuenderana nekuwirirana kwavo ndiri seni hangu ndiri iye zvingatode kubikirwa doro handitore ini."
"Ooh wanzwa kaa zvataurwa nababa vako."
"Horaiti."
Handina kuda kuramba ndichiitisana nharo navo.
Ndakazoenda muroom mangu naBrendo takatanga kukurukura dzehupenyu. Takataura kwenguva refu ndipo paakazoti
"Haa wangu rega ndiende, nyaya hadzibvaruke idzi. Ndokuona mangwana tave kuenda kuchurch."
"Okay hapana chakaipa hande ndikubuditse."
Ndakabva ndamuperekedza ndokuzodzoka hangu. Mhamha vaingoyemerana nemurume wavo Tanaka nemwana wake ini ndokupinda muroom mangu nerunhare rwangu. Nguva dzakafamba kusvika manheru takadya ndokutorara. Ndakamukira kubasa ndichipedza basa handina kuenda kumba kwangu ndakabva ndadzoka kwamhamha. Ndakaudza Tanaka zvekuti agadzirire tiende kuchurch.
"Aah ndozoenda Tatenda."
"Unoenda kana zvadii?"
"Aah chimbondimirira Tatenda ndine munhu wandoda kumboona nhasi."
"Anova ani akakosha kudarika Jesu, Iwo manheru ako ndoaungaite zvekuonana nevanhu here?"
"Handiti uri kuziva kuti ndakarambwa here uye vana tete vaDan vauya makuseni nhasi vachitondipa gupuro iye Dan hanzi haachada kundiona."
"Saka wanga wafunga kuita sei manje?"
"Aah ndine mukomana aigarondinetsa mazuva ose aya saka nhasi paandibvunza ndazongomudawo nekuti hapana zvekuita ndogara kusvika rinhi pano?"
"My dear sister you're totally wrong. Murume haawanikwe nenzira yakadaro , wadii wambotsvaga Jesu uone kuti akakugadzirirei?"
"Tatenda ndiri kutaura newe zvakanaka wani, enda kuchurch iwe. Mhamha chaivo havana kuramba nyaya iyoyi vatozvifarira iwe woda kundibhurutsira shiri yangu."
"Horaiti ndatsveta matombo pasi, handichabhururutsi shiri yako rega tione kuti paichaneta iri mumuti mumwe haibhururuki here?"
"Ooh atoisa message handei tose uchienda kuchurch ndichisangana naye pagate ."
"Horaiti vangu sisi handingakumisei kuita zvido zvemwoyo wenyu."
Ndakabva ndatopedzisa kugadzirira zvangu ndokuzobuda naTanaka. Takasvika pagate ndokuona munhu waaiti mukomana wacho imi wee. Zvimwe hauseke asi unonzwa tsitsi. Nezera rake akange atokura zvake ndakatoshaya kuti sisi vangu ndozvavainge vamhanyira here? Kungoti munhu haatarisirwe pasi usati waziva rimwe divi rake. Ndakamumhoresa ndiine kamufaro zvangu ndokuziviswa kwandiri ini ndakaziviswawo kwaari. Zita rake ainzi Takudzwa.
"Ndafara nekukuzivai tsano mune vana here?"
"Nhawe Tatenda mubvunzo rudzii wakadaro? Handina kukuudza here kuti haana vana , usadaro iwe zvawaiti watsveta matombo pasi wani?"
"My apology."
Ndakadaro ndave kutoenda zvangu. Ndakafonera Ropa akati aikwanisa ndakafara zvisingaite. Ndakamutora ndokumhanya kwana Brendon sezvo nguva dzakange dzadyana. Takaenda tose kuchurch kwainakidza chaizvo , yakazopera takabva taperekedza Brendo isu ndokudarikira zvedu.
"Ko vamwene vako vave kuda kuroorwa kaa next month."
"Hoo inga zvavo vanogona kutotitangira."
"Ehe ndoda kuti vatange havo ndozokutoorawo."
"Zvose zvakanaka mudiwa wagona nekumbondiendesawo kuchurch kwaikomborera kwazvo."
"Haa totenda Mwari mudiwa."
Ndakabva ndamusvitsa pamba pavo chaipo ndokudzokera hangu. Ndakasvika Tanaka achiri kutandara nemunhu wake mhamha newavo hamheno kuti vakange vave kugara pamba pedu here baba vacho. Ivo mhamha vaifanira kuenda kumba kwemurume kwete kugara naye pedu ko vakadanana nemunhu asina kana imba uye achiita mota yekukumbira. Pamba pacho pakange pave kutobhowa hapo ndakabva ndapinda muroom mangu Trish akabva afona nguva iyoyo.Ndakadaira ndichibva ndatanga kurecorder call.
"Hello."
"Hello church boy."
"Uri kudei iwe?"
"Hmm wakuda kungwarisa kaa iwe manje uchaona zvandiri kuda kuita hangu."
"Unondiitei iwewe?"
"Hapana asi sisi vako namhamha vako vachakuudza hako. Mhamha vako vanondifarira saka ndichivanyara hangu kudai ndakauraya ivo ndakasiya vangu."
"What!? Saka ndiwe wakauraya amai vako nhaii hmm zvakaoma."
"Iwe ndichakuwanira plan haundinetse hako , kana kuti uchasara wega uchirwadziwa vamwe vachererwa pasi."
"Horaiti Trish rega ndiitewo zvandogona ."
"Good boy I love you so much, I'm now craving for your sister's baby's blood, the fresh blood bye."
Akabva atokata zvake, ndakapererwa nezvaaitaura kuti akange achitoda ropa raShantel. NaTanaka taisanzwanana asi weropa ndeweropa mwana wake aisazofa ini ndiripo. Vanhu vacho kuvaudza vaisabvuma manje apa Trish ndakange ndamugadzirisa ndainge ndasara necall yake muphone. Ndakabva pamubhedha ndichimhanya kubedroom kwamhamha ndivo vandaida kuti vatange vanzwa. Ndakagogodza asi handina kudairwa , ndakabva ndangonanga kwaTanaka ndokunzwa achitosekenyeka zvake. Pamba pacho pakange pave kuita sepepfambi chaipo.
Ndakapererwa ndashaya wekunzwisa kuti vaitewo shungu nekunamata uye vasatendere Trish kuuya pano. Mangwana acho ndaienda kubasa ndautonyumwa kuti aigona kungouya akaita zvaanoda nekuda kundirwadzisa. Ndakashaya kuti ndodii ndakange ndisingade kuti ndirare ndisina kuvanzwisa. Ndakagogodza pagonhi raTanaka asi haana kuvhura, ndakatoona kuti aitondinzwa hake asi asingade kuvhura. Ndakaita hasha ndakabva ndarivhura ndega ndokusvikoona muine mwana chete. Hana yangu yakatanga kurova apa kusekenyeka kwaTanaka kwandainzwa kwakange kwanyarara. Ndakashaya kana zano rekuita kunze kwekunzwa kuti mwana aive mupenyu here ndakabva ndamusimudza ndokubuda naye ndakananga kubedroom kwamhamha.
"Mhamha! Mhamha imi!"
"Nhaiwe Tatenda uri kudei mausiku ano? Handina kukuudza here kuti remekedza baba vako izvozvi unogogodza kuti zvidii washaya chekudya here? "
"Mhamha ndokumbirawo kutaura nemi please ndezvanhasi chete."
"Mangwana anosvika Tatenda enda unorara wakutondikanganisa hope dzangu manje."
"Okay Tanaka haamo mumba make umo."
"Ndiri kuzviziva kuti anogona abuda asi anodzoka zvee."
"Horaiti mhamha."
Ndakadzokera kuroom kwangu nemwana waTanaka ndokunamata ndakamubata. Phone yakabva yaringer futi aive Trish , handina kuda kumudaira ndaitoona kuti izwi rake rine zvaraitokonzeresa. Yakazodaira yega ndakabva ndada kuikata asi yakange yadzima pascreen, ndakabva ndazoita zvivindi zvekuitora ndokuiisa panzevee.
*End of chapter*
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 14*
*Tatenda*
Ndichiisa phone panzeve ndakabva ndanzwa Trish achitoseka zvake, ndipo pandakatanga kunamata paphone ipapo akabva atokata . Ndakazonzwa kuvhurwa kwedoor repanze ndopandakabuda ndakabatidza torch ndokuona ari Tanaka zvake.
" Nhaiwe hanzi chii kundivheneka sembavha kudaro?"
"Sorry ,Tanaka wainge waendepi?"
"Hapana ndaive panze zvee."
"Hmm ko ndambonzwa kuseka muroom mako ndakapinda ndokuona mune mwana chete chii chiri kuitika?"
"Aah ndini ndaiseka ndaive ndakamira pawindow nemukomana wangu."
"Are you sure?"
"Yes ko chii?"
"Hapana pane zvandoda kuzokunzwisai mangwana mose namhamha. "
Ndakabva ndanotora mwana wake ndokumupa ini ndokudzokera kunorara . Ndakange ndave kutoshamisika kuti kuseka kwaibva panze, ndakazongobatwa nehope hangu kwave kumuka mangwanani ndave kugadzirira zvekubasa. Vekumba ndivo vainditemesa musoro nekuona kwemwoyo yavo kusada kuterera zvandaitaura manje apa ndakange ndiine chamboko chehumbowo. Ndakapedza zvose mhamha vasati vamuka. Ndapedza ndopandakazovamutsa vose naTanaka vakauya vachida kunzwa kubva kuneni. Ndakatora phone hangu ndokutanga tamutsana zvedu tisati tapinda mune dzimwe nyaya.
"Right vanhu vaTrish ndoda kuti muzvinzwire mega musazoti ndonyepa. Mose maiona kunge ndakamuvenga kaa manje inzwai audio iyi?"
Ndakadaro ndichiplayer asi paibuda inzwi risiri raTrish. Ndakashamisika nazvo ndakabva ndambodzora volume ndokukwidza zvekare asi harina kuchinja.
"Asi watinzwisa risiriro here nekuti hapana Trish watanzwa apa? Chii chauri kuda kuzama kuita Tatenda?"
"Mhamha handizive ndozvitsanangura sei mukandzinzwa asi zvamanzwa apa ndiye Trish akazvitaura nezuro."
"Ko uyu ave ani watanzwa achiti anoda kutiuraya?"
"Ndiye Trish asi voice rake razongochinja hamheno nei? Trust me handisi kureva nhema apa mhamha ngwarirai munhu uyu."
"Nenhema dziri pachena idzi kuti wagadzira zvinhu zvako zvefake manje zvatadza kubuda. Trish akazvizvinzwa izvi haatosvike kaa pano hmm Tatenda zvawave muroyi chaiye ungabva wamaka munhu zvekudaro kana kunzwa kuti haumude izvi zvanyanya."
"But mha..."
"No, no, no ini ndisiyei zvangu regai ndidzokere kunorara zvangu aah kana kusanyara."
Mhamha vakabva vaenda ndakasara naTanaka.
"Nhai Tatenda ko ukasiyana nekunyepa unobvei mwana wamai? Wanga wagona hako plan yako asi zvaramba kushanda izvi."
"Tana I'm sure kuti iye Trish ndiye atokonzeresa kuti zvidai , no problem rega ndiende kubasa ."
"Famba murugare mwanakomana."
I left her presence ndichinyara zvisingaite. Yeah Trish aitove nenharo zvake, ndichisvika pagate ndakabva ndangodeleta zvangu ndonanga mutown kubasa. Ndakasvika ndakatoneta neta zvangu asi hazvina kunditadzisa kuita basa rangu. Ndakange ndatokanganisika hangu nenyaya yaTrish haa munhu aitove nerimwe simba randaisafungira. Ndakazofonera Brendon ndichimuzivisa nyaya yacho.
"Hoo ndozvakaitika haa zviriko izvo pamwe haasi akatozviita asi maspirits acho akatoona kuti wave kuda kumufumura akabva achinja izwi. Ngazvisakushamise hako plus hatisi pakuda kuti mhamha vako kana ani vazive kuti Trish musatanist isu ngatinamate. Hatirwe nenyama neropa asi nemweya yakaipa yemuchadenga. Ndotomboshuva kuti kudai aiuya kumba kwangu kuno ndakapedza naye."
"Okay haa makwikwi vanhu vakadai vanofanira kungofa."
"No kwete Trish."
"Ko nei iye achiita zvinhu zvakadai?"
"Because I'm in love with her, ndomuda hangu."
"Brendon!"
"Yes ko zvakaipei? Ndoda iye kwete zvaanoita izvo tinozvibvisa pasina kana maminutes akawanda usatye."
"Waidi kundiudza pese apa kuti unomuda ?"
"Ndosaka ndazokuudza nhasi so zvakafanana. Ndiri kutomushaira mukana zvangu asi hana yangu yakarovera paari."
"Hoo inga wakashinga ini handingambode zvakadaro ini."
"Unoreva kuti Ropa akapinzwawo mazviri asingade unomuramba here?"
"Handimurambe."
"Handiti waona so ndonyaya yacho. Zvaitondimara kunzwa mhamha vako vachida kuti utore Trish semukadzi wako."
"Hoo haa ndave kuziva manje usatye zvoita."-
Takazotaura zvishoma ndokuzokata tapedza. Haa akandishamisa kuda Trish nezvandaiona achiita uye ndiye ainge akauraya amai vake. Ndakazongoti ndikoko ndakasiyana nazvo hangu. Ndakadzokera kumba tapedza basa ndokuzoona Tanaka aine mumwe mukomana vakagara pasofa. Ndakavhunduka kuti ko akange ave kuchinjanisa zvekare, ndakanzwa kudumbirwa nehasha asi ndakazozvidzora ndakaramba ndakanyarara. Mhamha vaitove panze zvavo murume wavo pakange pasina. Ndakagara pasofa kusvika Tanaka azoperekedza munhu wake vakabva vapinda vose namhamha.
"Tanaka ndochii ichi?" Ndakadaro ndasimuka zvino .
"Aah Tatenda siyana neni please this is my life. Im heart broken ndisiye ndimboita zvondifadza uye kuti ndikwanise kuchengeta mwana wangu ."
Ndakabva ndaita hasha ndakamurova mbama yakavhundutsa kana mhamha. Kaive kekutanga kumurova zveshuwa apa akange ave kurasika zvisingaite.
"Tatenda unoda kundikuvadzira mwana here? Hee? Chaunomurovera chii chacho, icho chakubhowa chii panyama yedhongi yausingadye?"
"Mhamha muri kukurudzirawo here zvaari kuita izvi muri kutoona kunaka kwazvo here?"
"Hazvina kana Satan mukati izvi handiti akarambwa musiye atsvage mari neniwo ndoidawo mari yacho plus yemwana. Paachazonzwawo kuti zvakwana anosiya ega plus haasi pfambi no usafungire izvozvo asi hatingamudzivise kuuya nevakomana vake pano."
"Kudai musiri amai vangu ndambokurovai bhutsu zimuromo iroro rinoita kunge rakakiswa naSatan nxaa."
"Tatenda uri kundituka, chibva mumba mangu izvozvi."
"No mhamha handibve kaa pano musare muchiita zvakadhakwa izvi. Pane zvimwe zvekusekerera mhani asi apa mave kunyanya."
"Ndati ibva muno benzi remunhu handidi kukuona pano ini."
Ndakabva ndatogara zvangu pasi pasina nguva mhamha vachiri kupopota murume wavo akabva apinda ivo vakatanga kuchema.
"Chii mukadzi wangu?"
"Tarohwa muno nemhondi iyi tarirai kana Tanaka ari kuchemawo ngaabve pano."
"What?! Iwe shamwari ibva pano."
Vakadaro vachiuya kwandiri, ndakange ndatopererwa kare nemashoko amhamha avainge vataura. Ndakasimuka zvakanaka ndokusundwa ndichinodonhera panze. Ndakacheuka ndichitarisa Tanaka, ndokutarira kuna mhamha door rakabva ravharwa. Chokwadi ndaisangana nezvakawanda muhupenyu hwangu, handina kuda kurasa tariro ndakabva ndasimuka pandakange ndadonha.Chokwadi kuti paunosimuka pakunamata unosanga nemiyedzo. Ndaizotadza kusimuka ndafa kwete ndiri mupenyu bodo .
Pamba pakandirwadza kubva asi pakange pasina zvekuita ndaida kumbovasiyawo vazopepuka vamedzwa nekuda kwemwoyo yavo. Ndakaenda kwana Brendo ndokusvikomurondedzera mafambiro enyaya yacho.
"Hmm uri panguva yakaoma wangu. Wakaipa ari kurwisa kutendeuka kwawakaita hmm please usaore mwoyo Jesu wawakagamuchira ariko . Don't ever think kuti akurasa no uchazozvinzwisisa kumberi ."
"Haa ndashaya neremuromo wanzwa apa zimurume ramhamha kuzondimhanyisa mumba musiri make, ndarwadziwa handidi kunyepa. Ndaiedza kubatsirawo mumwe wangu Tanaka asi ndaisaziva kuti ndaikanganisa mumwe munhu."
"Be strong, zvimwe zvinhu zvinouya pakutisimbisa Tatenda. Zvakasauya izvi tinogona kungoneta tichiti haa tiri pakanaka asi tozovirwa nezvakaomarara takatadza kukunda. Ukaona zvadai Mwari vawe kuda kukusimudza just keep on praying."
"Brendo hausi kuzvinzwisisa iwe, kudzingwa pamba namhamha here ndisina kana kuvabira, kana kuvarova, kana kuuraya mwana wavo asi nekuda kwekuti ndairangawo hanzvadzi yangu kuti azivewo zvekuita ndokudzingwa ini ndichiti ndiri kuita zvakanaka. "
"Tatenda kaa hatirwe nenyama neropa wanzwa asi nemweya yemuchadenga. Isu ngatisamire kunamata usatye vakatidzinga vachatitsvaga, zviri kutimhanyisa tichazvimhanyisa ngatisaneteswe nezvakadai."
"Okay haa ini hangu kaa handichadzoke kuno zvekudaro ndichange ndichiuya apo neapo."
"No unouya unorara hako kuno."
"Haa iri bho rega ndiende ndoda kuona Ropa anofanira kuziva izvi."
"Okay unodzoka hako worara kuno."
Ndakazobva pana Brendon ndokuenda kwana Ropa. Ndakasvika ariko ndokumuudza zvose.
"Yeah haa kuroya hakusi kumuka usiku chete hmm mai vako vakaoma zvako. Hmm ndogarisana navo here ukandiroora ?"
"Usatye hamheno Mwari zvavakaronga mudiwa hmm nekuti zviri kuitika muhupenyu hwangu handisi kuzvinzwisisa ini. "
"Usacheme Tatenda ukadaro unozviziva kuti neniwo ndochema. Mangwana ndouya ndichikuona kumba kwako handiti."
"Okay babe don't think kuti ndiri gwara kuchema uku no kuchema kwekurwadzirwa vari kumba, hmm ndakamboedza zvangu asi zvandaiburitsa mumuromo hakuna akanzwa rega ndingosira meso muromo ndiuvhare zvangu."
"Good mudiwa rega zvakadaro tione kuti zvopera sei?"
Akadaro ave kutondibata bata zvake ndofunga aida kuti ndikanganwe nezvainge zvaitika. We end up kissing each other zvekuti takazokanganiswa nekuti taive munzira tingadai takaita madarikanguwo.
"I love you Tatenda, please nyangwe ari manheru nditarisewo mumaziso and promise me anything."
I hold her waste, I kissed her forehead, ndakabva ndakisa dama rimwe ndokuzokisa rimwe ndakazoti mwaa pamuromo pacho then ndakabva ndaramba ndakamutarisa mumaziso ndakangoguma pamuromo. Ndisati ndataura akange ave kutondibata muhuro ndokutanga kundikisa zvekare kusvika azondisiya.
"Ropa I promise you kuti handife ndakusiya mudiwa. Zvingaome sei zvingapise sei kana kubvira sei handikusiye. Ndinokuda nemwoyo wangu wose zvisiri zvekunyepa chaizvo."
"Thanks my love iwe chienda unozorora mangwana kubasa."
"Hmm handisi kuda kubva panewe ini."
"So torara muroad here?"
"Handei mumota yabamumuru vako kaa."
"Kkk Tatenda chienda hazvizopere zvakanaka okay bye I love you." Akadaro achiita kakusimukira sezvo aive mupfupi ndokunditsvoda.
Ndakamubata ruoko ndokutanga kurisiya zvishoma tichifamba zvishoma mumwe achienda kwake. Takazongosiyana ndakabva ndatonanga kwana Brendo iye akananga pamba pavo.
*Tanaka*
Ndakange ndarwadziwa chokwadi nezvandakaitwa naDan. Munhu wandaivimba naye kuti haafe andisiya nekuti ndaiziva achindida asi hamheno kuti imhepo dzemumusha here dzakadarika nemumwoyo make ukatosviba. Kudai akandirambira mhosva yekusaterera pamwe zvaive nani manje ndakatosvika mumba mune mumwe mukadzi zvake achitoratidza kuti aive nekadumbu kari kukura . Ndakachema ndakazvirega ndokuzoenda kumba hangu. Ndakaudza mhamha vakarwadziwa nazvo ndokubva vazoti
"Aah kurambwa hakusi kuguma kwehupenyu mwanangu. Ini nadaddy vako takasiyana asi ndiri kurarama so ndatove nemunhu ari serious anoda kundiroora. Iwe kana wakangwara siyana naDan wako varume vakazara mwanangu ."
"Ko akazodzoka achikumbira ruregerero."
"Rweiko imbwa iwe? Hauzive here kuti daddy vako ndakavarambira same nyaya iyoyi yekuti vakange vane mumwe mukadzi ndisingazive kureva kuti vaisandida. Kudai vaindida vakandiudza pachena kwete kundifuchirira pasi sembesa kudaro."
"Haa mataura apa mhamha ini ndine murume aindinetsa kubva kare kunyangwe ndine nhumbu aindida ndodii?"
"Wakatonaka iwe ini ndakanetseka kuti ndidiwe so usatambise mukana wakadai mubvume. Plus kana ane mari ndopandoidyirawo zvee uye nekuchengeta mwana wako uyu."
"Hamureve nhema mhamha hmm nekuti ndakagara ndisina murume mumwe kaa ndinozviuraya nekufunga."
"Handiti waona ini ndinoziva kuronga ndiri amai kwavo. Tatenda ndiye akaramba kutora Trish manje uchaona kuti achabudirira here nekamukadzi kake Kaye."
"Hmm thanks mhamha ndanga ndisina kana kuzvifungira kuti ndodaro nekuda kwekurwadziwa. Chokwadi kugocha kunotoda kwaamai kwemwana kunodzima moto."
Hatina kumira kufara zvedu namhamha zvekuti ndainge ndarambwa ndakange ndazvikanganwa. Ndakatextera Takudzwa aingonzi nevanhu TK ndakangomutanga hangu. Akabva atopinda munyaya yake zvake yekuti anondida.
"Hauzondirasisa here Tk?"
"Do I look like a heart breaker here?"
"No okay ndakuda ."
"Wow thanks ndouya kuzokuona manheru."
Ndakabva ndangoseka zvangu haa ndakange ndoda kuzamawo kuti zvaipera sei? Tatenda akazouya achida tiende kuchurch ini zvakange zvatobva mumusoro ndokuramba zvangu. Ndakamuperekedza kusvika pagate ndokusangana naTk ipapo takaita maintroductions Tatenda akaenda zvake kuchurch.
Takapinda mumba mhamha vakafarawo kumuona , murume wamhamha akange auyawo saka mumwe nemumwe newake asina hamheno zvakee. Takatandara kusvika Tatenda adzoka ndopandakazobva mumba ndaona kuti TK aimhanyira kumakumbo ndaida kutanga ndadya mari yake asati avhura gumbo rangu. Takaenda panze ndokumira kuwindow ndokwaitaitaurira ikoko .
"Ndokumbirawo mari babe."
"Hmm pakatoipa ndoda kubhadhara rent kaa mwedzi wave kupera uyu ndichakutsvagira."
"Hoo."
"Yeah don't worry ndiwe kaa munhu wacho?"
Ndakatoona kuti hatina rwendo apa ndakangonyepera kusekenyeka zvangu achitaura nyaya dzekundifadza asi ndakange ndatomukanzura. Akazoenda ndokupinda mumba ndakasangana naTatenda hamheno kuti chaimunetsawo chii haa aitosvota. Ndakazorara kwave kumutswa naTate kwaedza ndokutinzwisa audio yaaiti ndiTrish ainge amufonera. Ndakamboda kuseka asi ndakanzwa tsitsi pachitobuda chimwe chizwi hacho chisingatopindirane naTrish. Ndakatoshaya kuti ko mukoma vaizama kuda kudii? Vakazoenda vari mukunyara ndopandakasara ndega mhamha vachiendawo kubedroom kwavo.
Vakazomuka vave kuperekedza daddy vakazodzoka ndichivaudza zvaTK.
"Aah siyana naye anozodzoka ave serious harwusi rudo rwemukomana nemusikana kaa urwu rwekuti munopedza makore musina kupanana mari."
"Taurai zvenyu haa ndombomusendeka padivi hangu."
"Yeah Tongai uye wakazodii naye?"
"Hmm mune number dzake here mhamha ndakazongomublocker kaa paya."
"Ndinadzo aah ndivo vanoburitsa mari manje vaye vemakombi."
"Taurai henyu ko ndanga ndanyura kuna Dan zvee."
"Kk okay rega ndikupe number dzacho."
Ndakazopihwa number dzacho ndokumutanga kungonzwa kuti ndini ngaafare. Ndakataura naye zvakanaka ndichimirira kuti asvike panyaya yake iye, iye aitotyawo asi akazongotaura akahwanda zvake ndakabva ndamudawo. Akafara akati paaizopedza basa kumanheru aiuya kuzondiona. Ndiye aizondiwanisa mari zvake nekuti aishanda.
Trish akazouya pamba masikati zvake nemota yake yaityisa maraini edu ose. Kune vaizviti mbinga asi vakanyaradzwa nemota yaTrish. Akange asati ave kugona kudriver saka aifamba nadriver wake. Takatandara zvenguva refu zvekuti ndakatomborara zvandisina kunzwisisa ndakapepuka achitobva kubedroom namhamha ndipo paakazobuda ave kuenda.
"Haa Trish ane rudo hake mwana uyo ndatengerwa phone." Vakadaro vachiibuditsa mubox macho.
"Hmm inga henyu haa ko vane mari kaa ava kufa kwakaita amai vake hupenyu hwake hwakabva hwatochinja."
"Ehe aah ko vana sekuru vake vakazomupawo kaa mari nemota zvofadza."
Takazotandara zvedu nguva dzichifamba ndichimboyamwisa mwana wangu zvangu. Ndakazofonerwa naTongai achiti ave pagate, ndakabuda ndakatoona achidzika mukombi ndokutouya pamba. Takanogara mumba kusvika Tatenda auya apa akange akatotsamwa zvake. Ndakakasika kuperekedza daddy Tongai akabva andipa mari zvekuti ndakasekerera ndega. Ndakadzokera mumba ndiine mufaro asi wakazogurwa naTatenda. Akatanga kupopota kusvika andirova mbama mhamha vakatsamwawo nazvo. Murume wamhamha ndivo vakatozobatsira kuti Tatenda abve pamba akasandudzirwa panze.
"Aah anoda kutotonga pano mwana mudiki akadai."
"Aah vanenge vakadhakwa vapfana apa ndivo vanobata chibharo hanzvadzi dzavo kana kutouraya amai."
"Taurai zvenyu daddy magona mandibatsira ane mwoyo wakaipa mwana iyeyu apa kuda kusvibisa zita raTrish kuti timuise kure nesu munhu ane mari yakadaro."
Vanhu vakange vave kutaura nyaya yaTatenda ini ndakanyarara zvangu ndichiterera dama rangu rakange richiri kuswinya swinya nembama. Mhamha vainge vave kutofara ko vakange vanyepera kuti varohwa ivo vasina . Mhamha vakazoenda muroom mavo nadaddy ndakasara ndichienda kumashops ndokumbotenga zvekudya hangu. Ndakazopedza kudya nekutorara zvangu. Ndakazomuka mhamha vave kuperekedza daddy , nguva dzakafamba kusvika Trish azouyawo . Akange ave kugona kudriver ega asi driver wake aivemo.
Mhamha vakafara kani vachitambirira manje aizororwa nani iye Tatenda akange asisipo. Takagara zvedu mumba ndokuzoshamisika mhamha vararawo vave kutorova ngonono. Trish akabva asimuka ndokuuya kwandaive akaunza ruoko rwake kwandiri, ndakatoshaya kuti aida kudii apa akange avhara maziso ake. Ndakamborohwa nehana asi ndakapedzisira ndangobata ruoko rwake akabva avhura maziso ake zviye zvekuti ndakatya.
*End of chapter*
❤️
👍
😂
🙏
9