🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 20, 2025 at 04:42 PM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
(+263784802591)
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
💥 *Chapter 15 and 16*
*TATENDAA*
Ndakasvika kwana Brendon asati arara ainge atondichengeterawo chikafu vabereki vake vainge varara kare. Takagara zvedu ndave kudya maziso ari kuchivhitivhiti tichiona hedu bhora. Ndainyatsonzwa kuti ndiri pamba ndisina kana kunetsekana zvangu.
"Sorry nekudzosa nyaya iyi mudariro wazofungei nenyaya yaitika kumba kwenyu hauone here kuti pane chiri kukurwisa manje ukaramwa zvobuda here?" Akadaro Brendon ndakabva ndatanga ndapedzisa sadza raive mukanwa ndokuzomupindura.
"Wangu right now I don't have any choice than to let go, or I need someone to help me."
"Listen man, the bible says *'let the weak say I'm strong'* hatingakundwe nezvinhu zviri pachena kuti imweya wakaipa uri kutonga uyu. I now urge you to pray more often and never faint. First thing in the morning tiri kuenda kumba kwenyu remember kuti hakusi kurambana nemusikana kaa ihama chaidzo so kana wakatadza you have to apologize."
"Ndiri kuzvinzwa Brendon ini ndatadzei pakuranga hanzvadzi yangu? Ndingadzingirwe kurova munhu mbama imwe here?"
"Right kana uchiona kuti zvawadzingirwa hazvina musoro ziva kuti vari kutoshandiswa nemuvengi kuti ubve pamba. Unozofara here kunzwa kuti hama dzako dzamedzwa masikati machena here?"
"Kwete."
"Then decide kusiyana navo kana kunotaurirana navo."
"Toenda Brendon."
Ndakange ndatopedza kudya saka paida kuti tirare hedu. Takamboti garei zvishoma ndokuzoenda kuroom kwake ndokutanga tanamata tisati tarara. Hatina kuzowanza nyaya takange tatorara ndokumukira kugeza mangwanani tave kuda kuenda kumba. Takazoti nonokei kuenda ndave kumboudza daddy vaBrendo nyaya yangu.
"Aah ungadzingirwe izvozvo infact havana kukudzinga kungotsamwa chete izvozvi vari kutonetsekana newe.."
"Kuti kudaro?"
"Yeah chokwadi chiendai zvenyu mufambe murugare."
Takazobva pana Brendon tananga kumba kwedu. Akatanga kutaura hake nyaya yaTrish haa Trish akange adiwa naBrendo.
"Wazvipira here kuti wamuda?"
"Aah wangu munhu haarambirwe kuroya ini ndichatomushandura akatoita munhu akanaka anotya Mwari."
"Okay haa tinoona hedu ndongokushuvira kuti zvifambe zvakanaka."
"Yeah dai zvakadaro akanaka kaa uye."
"Haunyepe akanaka zvisingaite."
Takange tave pagate ndopatakaita kakumira taona mota yaTrish. Hana yangu yakarova zvayakange isati yamboita ndakabva ndamhanya Brendon achitevera. Ndisati ndapinda ndakatanga kuona mhamha vakarara zvavo pasofa rainge rakanangana nepamusuwo. Zvakabva zvavedzera kuvhunduka kwangu ndokupinda mukati Trish akabva avhunduka achinditarisa akange akabata ruoko rwaTanaka. Pasina kana kanguva Brendon akabva apindawo.
We then face the satanic girl achiratidza kupererwa. Brendon akatanga kunamata neniwo ndakabva ndatangawo takamutarisa . Hapana kana kwaaipukunyuka nakwo. Tanaka akange atiza zvino amira kudoor akatarisa kwataive. Trish akatanga kuita seachatirova asi aisasvika pedyo nesu tichitaura moto . Aiita kubuditsa masounds nepahuro pake , akapedzisira adonha pasi Brendon ndipo paakanomubata musoro chaiwo akaudzvanyira pasi achinamata.
Mweya wetsvina wairamba kubva maari apa akange ave kubuda furo mukanwa maziso akange avhurwa tave kusaona cheblack chiya. Ndakambovhunduka asi ndakaona kuti paida kutonamatwa kwete zvekunyepa. Ndakanomirawo pedyo naye ndakatanga kunamata zvandakange ndisati ndamboita, ndakazonzwa ave kuridza mhere apa mhamha vaingove muhope zvavo. Brendon akazomusiya iye akasimuka, akatanga kutenderera tichingonamata akazoerekana arohwa zimhere akabva ati pasi puu.
"Thank you Jesus , thank you Jesus." Akadaro Brendon asimudza maoko ake ose. Ndakabva ndasimudzawo angu tave kutenda Mwari. Akaita nguva akarara Brendo akazonomubata ruoko akamusimudza asi akange ave kunyara nyara. Akanogara pasofa mhamha vakabva vatanga kukosora vachitobva kuhope.
Vakashamisika nekutiona tirimo apa takange tichiri mumweya wekunamata zvedu. Hapana kana chavakanzwisisa zvavo Tanaka akazopinda akanogara paive namhamha achiratidza kutya.
"Waitwei hee? Ndiudze kana akurova futi ndimugadzirise so!" Vakadaro mhamha vachida kuziva chaitora nzvimbo kuna Tanaka.
"Handina kurohwa mhamha , Trish ndiye aka..." Akabva amira kutaura akatarisa kwaive naTrish.
"Okay mhamha zvaitika ndeizvi.." Akadaro Brendon ave kuda kutsanangura.
"Musikana uyu watinoziva kuti Trish akange asiri iye wamaiziva. Ainge akabatwa nemweya wetsvina uye naiye akange akatenderana nawo kuti vagarisane. Ndiri kureva kuti she was a satanist but now she has been delivered. Aiwana mari nekuuraya saka zvanaka kana adai mochitanga kuwirirana kwete kumurasa ."
Pakamboita karunyararo zvishoma mhamha vakange vachida kutotaura asi nekuona magariro akange akaita Trish vakabva vangomutarisa.
"Ichokwadi here ichi nhai Trish?"
"Yes."
"Tatenda waiva right pese apa, ndiregererewo mwanangu ndaitoona seuri mharadzi kusaziva kuti ndaireverera akaipa wacho."
"Haana kuipa angofanana nevamwe, chikuru kuti azobatsirwa asati akuurayai pano ."
"Hmm haa Mwari vakanaka saka."
"Yeah ndauya naTatenda uyu ndakanzwa kuti makamudzinga nezuro kaa."
"Aah ndizvozvo ndainge ndatsamwa zvako iwe."
"Okay chigarisanai zvakanaka, eeh Trish i need to help you hande panze "
"Trish akabva asimuka ini zvaitondinetsa kuti akange asisiri musatanist here kana kuti akange achiri? Pane zvimwe zvekuzoti ave bho womuisa pedyo akakuendesa, chete kungoti Brendon ndiye akange ave kumuda pàmwe aisazouya pamba pedu zvekudaro. Brendon akabuda naTrish ndakasara nevamwe vangu.
"Haa mhamha zvandaona kaa Trish musatanist chaiye, aiita kupindura maziso aya hmm apa akange ave pedyo nekundidya chete pazosvika Tatenda handina kumunzwisisa ini."
"Zvowanikwa Tanaka zvanzi haachazi musatanist wani kureva kuti angofanana newe. Tagara takawirirana namai vake vachiri vapenyu kuti ndiye achave muroora wangu handidi kumurasisa zvangu."
"Okay handina hangu simba rekupikisa mhamha , zvamairamba kudai maive makamuka mazviona uye ndiye futi anga aita kuti murare hope mangwanani akadai."
"Yeah wataura apa nekuti handina kunzwisisa marariro andaita ini yeah kune vanhu vakaoma chokwadi. Izvi zvave kutoreva kuti ndiye akauraya amai vake kaa."
"Obvious kana mota yaainyepa kuti akaipihwa nasekuru vake iropa iri."
"Okay ngazvichipera hatidi kuti ashaye zvekuita pano ave topic."
Ndakazovasiya vachitaura ndakaendawo panze ndokusvika paive naTrish naBrendon achitoudzwawo zveshoko hake. Ndakabva ndisina chandabata kana kutaura ndaida kumupa mukana wekuti ataure nyaya yake.
Mubvunzo wangu wakange uri pakuti saka Trish asara nemota asisiri musatanist here ko akazoteverwa achadii? Zvakange zvisina basa hazvo kwandiri asi ndakange ndichiri kutya. Trish akazoenda kumota kwake vakabuda.
"Hmm haa uyu anoda kubatsirwa nguva zhinji takaita zvekutamba anodzoka achivava."
"Okay bro yandiri kuda kunzwa ndeye rudo wazoita sei?"
"Wangu ndingabva ndamuudza nezuva rimwe here ndozomuudzawo tamboti jairanei."
"Horaiti I hope zvofamba zvakanaka manje mhamha vachasvotwa kaa kuti muroora wavaida aenda kkk."
"Aah pavachazviziva unenge waroora Ropa wako."
"Yeah haa very soon ndichatomboudza daddy vandibatsire ndave kuda kuzvipedza remember kuti behind every successful man there's a woman. Ini ndotodawo wangu mukadzi nekukasika ."
"Yeah zvoita, ini rega ndiende Tatenda ndokuona pamwe uchauya here, ndapihwa number naTrish ndichatotaura naye ndakaita zvivindi ndoenda kumba kwake."
"Hmm hausi unenge wamhanya here? Uchenjere kuzodonha pakunamata nezvevasikana izvi mumwe wangu."
"Okay thanks."
Ndakangomusvitsa pagate akabva atoenda. Ndakadzokera mumba ndokusvika vanhu vachiri panyaya yaTrish haa zvaive zvavashamisa kunyanya mhamha. Handina kuda kutenga nyaya dzavo ndakabva ndangogara hangu pasofa.
"Tatenda wainge wazviona nguvai kuti musatanist zvataisaona isu vakuru?"
"Kare kubva pakatanga Tanaka kubuda ropa mumhino paye ndiye aikonzeresa. Hamuna chamakaona imi ini ndakapotsa ndafa pasina kunamata pamwe dai muchiri kundichema kutaura kuno. Muroom mangu makambopinda mukadzi aitoda nezvangu hmm ndakapona naro buri retsono."
"Manje ini pese apa ndaiti waitonyepa kaa kusada kudanana naTrish nemanakiro ake aya. Zvino zvanaka wotomira naye pakunamata mudiwa wako."
Mhamha vakange vachiri nenyaya yekuti ndidanane naTrish inga ropa raRopa rakatadza kuwirirana navo.
"Ini ndiri kuroorwa mwedzi uri kutevera uyo Tanaka wotoitawo plan nekuti unopasara wega pano."
"Ndiani angade kuroora mvana nhai mhamha?" Ndakadaro ndichida kuvanzwa .
"Sei usina tsitsi iwe? Ihanzvadzi yako iyi rega awanewo anomuroora zvonakidza here kuti asvike pakuchembera asina kuroorwa?"
"Mhamha ko imi munoda kuti mvana yenyu iroorwe asi ini hamudi kuti ndiroore yangu munopaonawo sei?"
"Horaiti Tanaka angatorega kuroorwa kwacho kwete kuda kundibatira pana Tanaka. Ndave munhu mukuru ini hapana chandisingazive, meso angu aya akaona zvakawanda aya. Munhu uye ndakatomuona paakatanga kuuya pano kuti haaite, handisi kumuvenga kwete asi munhu ari pakutsvaga kuroorwa saka anokuitira zvakanaka usati wave naye mumba, pau...."
"Horaiti mhamha ndazvinzwa , inyaya yekuti ndini gotwe renyu kaa mave kundisarudzira. Ngatimbomirai nyaya idzi timbotaura zvekunamata ndinovimba kuti mave kuziva simba rekunamata. Musafunge kuti zvaitika muno tagona no pane zvatatodenha."
"Zvatopera izvi topindirei busy nhaiwe? Namata iwe isu hatisati tave kuzvigona."
"Nhai Chihera nekutaurisa kwese uku moshayawo maviri matatu amungaudze Mwari here?"
"Tichanamata tave kurara."
Handina kuzoramba ndichivapa pressure ndakangosiyana navo. Tanaka ndiye ainge apona kubva pakaoma akange akangoti mwiro kunyarara . Apa paitoda kuti ndimbovanamatira vose kuna Mwari kuti vawanirwe nyasha vatendeuke. Pasina nguva murume wamhamha akabva asvikawo nemota yake. Ndakangovamhoresawo hangu asi ndakange ndisati ndanyatsogamuchira kuti ave murume wamhamha. Ndakazobva pamba ndonanga kwana Ropa mudiwa wangu.
Ndakasvika vachitowacha zvavo ndakabva ndambogara nabamukuru vacho.
"Eeh Tatenda uri sei hako? Chiita kaa uroore ndisati ndapinda pamuyedzo pano."
"Very soon ndoroora musatye, mwana wenyu ndochengeta zvangu pasina muripo."
"Usataurise kaa hona mukadzi wangu abva atarisa kuno."
"Okay sorry asi hapana zvavanzwa, muchadzokera rinhi kunze kwenyika?"
"Aah ndakangosiya mukadzi wangu ave nepamuviri ndobva ndadzokera asi mwedzi watiri kubata yeah ndinenge ndave kudzokera."
"Okay ."
Takazotaura zvizhinji ndichimirira Ropa kuti apedze. Vakazopedza ndokutanga kubika takadya tose ndokuzondiperekedza kumba. Hapana chinhu chonakidza sekuperekedzwa nemunhu waunoda.
"Ropa nhasi ndoda kuti usvike kumba tichimbovapa mashots kuti tichiri tose."
"No hazviite ndichangoda kuzouya wandiroora. Daddy vangu vambouya so vave kuziva nyaya yacho vaitoda kukuona manje kuti ndiuye kumba kwenyu ndaitotya."
"Hoo haa tichasangana hedu pakuroora."
"Yeah taura hako."
Ndakabva ndamutsanangurira nyaya yekwaTrish.
"Yeah there is power in prayer rambai makadaro daddy."
"Yeah newewo usimbe mudiwa , rega ndiende ndimbozorora mangwana kubasa."
"Horaiti take care."
Ndakadzokera kumba ndokutomborara zvangu. Ndakazomuka kwatosviba mhamha vave kutobika. Ndakanogeza ndokudzoka chikafu chatoita takadya. Takanorara ndakatanga ndanamata zvangu . Pakaita two hours hope dzichiramba kubata, ndakange ndave kunzwa kutsva ndakazoda kunodzima light rakabva radzima rega. Ndakaramba ndakagara zvangu ndakatanga kuda kunamata ndopandakanzwa mafootsteps mupassage achimhanya. Door rakavhurwa vaive mhamha vaipinda.
"Tatenda ndafa ini mwanangu."
Vakauya kubed kwandaive ndokundibata vakandimbundira vachidedera. Ndakazonzwawo mhere kuroom kwaTanaka , handina chandakakwanisa kuita kunze kwekunamata chete. Ndakazonzwa mhamha vave kunamatawo ndakamboda kuseka ndiri muprayer asi ndakazonyarara.
"Yes father! Yes father! Huyai Father!" Vaingodaro chete. Tanaka akazouyawo nemwana wake akasvikopinda mublanket mangu mhamha vakabva vapindawo.
"Hey musatye please wani ndakuudzai kuti pane zvatadenha masikati paya asi tinokunda chete , manje mukandiregerera ndega hazvi..."
Ndakazonyarara ndanzwa zita rangu richidedzwa zvine maungira. Ndipo pandakawedzera kunamata ipapo
*End of chapter*
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*Chapter 16*
*Tatenda*
"Jesus! Jesus!"
Ava ndimhamha vakange vave kudaro hamheno kuti vakange vachionei? Ndakazoona mukadzi akambouya uya ayerekana ave pamberi pangu. Aida kuuya kwandaive asi aitadza achiita seari kurovera pamadziro. Ndainge ndichinamata kusvika ndazosimuka ndichienda kwaari. Ndakange ndave muspirit zvekuti ndakange ndave kusanzwisisa zvandaiita zvacho. Ndakamusimudzira ruoko ndichinamata ndakananga kwaari, aidzokera kumashure panguva yandaiswedera pedyo naye. Akange akangonyarara zvake akabva azongorovanisa maoko ake ndakabva ndangokandirwa kure naye. Ndakasimuka paye ndakati the devil you are a lier ndakabva ndatowedzera.
Akazongoseka ndokunyangadika ndakaona kuti ndakange ndiine hondo yakakurisa chaiyo. Ndakatomboti taenda tose kuchurch naBrendo asi ndakange ndichida kumbochengetedza mhamha naTanaka. Light rakazobaka rega ndakabva ndangogara pamubhedha ndakabata musoro haa ndakange ndisati ndaona zvakadai muhupenyu hwangu. Apa paisatoda kuneta kunamata paitoda kudzikisa gejo chairo nekuti ndaifa.
"Zvaita here?"
Vakadaro mhamha vachibvisa blanket mumusoro mavo. Vakabva vasekerera vachiona light rakabaka vakabva vamutsawo Tanaka.
"Tana muka haa tanamata nhasi zvaita."
"No ndiri kurara muno nhasi zvaiitika muroom mangu zvandityisa."
"Zvapera iwe handiti tanamata here?"
Ndakavasiya vachiitisana nharo ini ndakanyarara zvangu. Mhamha ndivo vakazosimuka asi ndakaona kuti kwaive kutaura kwekuzvisimbisa vaitotyawo zvavo. Vakadongorera padoor zvenguva vakazoti ndivaperekedze ndakavaperekedza. Ndakadzoka Tanaka arimo ndakabva ndangorara naye zvangu. Kwakaedza ndakange ndoda kuenda kubasa ndakabva ndagadzirisa zvose ndakapedza. Hapana kana aitaura zvechiitiko chemanheru pakange pakanyararwa.
"Mhamha ndave kuenda ndodzoka mangwana."
"Aah kana zvakadaro hauchaende kubasa kwacho unoda kuti tife here pano?"
"Musatye imi hamuna kana mhosva asi namatai chete."
"Tozvigona here zvawaita manheru zviye." Akadaro Tanaka akagara semuranda pasofa.
"Tanaka hazvichaitika pamwe zvingauye kwandiri imi ndamatai. Iwe kwana Brendon unokuziva unomboenda monamata naye ikoko."
"Okay bho asi hmm watiomesera zvako."
"Kana ndiko kuti musimbe pakunamata hamheno zvenyu mukaita usimbe."
"Haa manje nhasi ndotofonera daddy kuti vauye kuzorara kuno." Vakadaro mhamha izvo zvakapa Tanaka nyemwerero akabva ati
"Aah saka neniwo ndofonera Tongai arare kuno."
Ndakabva ndapererwa kuti vanhu vacho vaitoona sevarume vavo ndiJesu. Ndakasvotwa kuti vangu vaifanira kunge vachitangawo kunamata asi vaitofunga zvimwe havo. Chokwadi shiri ine muririro wayo hairegi, zvaitoda nyasha kuti zvivafambire nekuti vaiparara nekuda kwekushaya ruzivo.
Handina kuzotaura anything vakange vave kutofara zvavo ndakabva ndatoenda kubasa zvangu. Ndakasvika ndakashanda zvakanaka hangu ndokuzoenda kumba kwangu. Ndakatanga kunamata ndichiri padoor chaipo kusvika ndapinda mukati. Ndakazosvika pakurara ndapedza zvose asi musi uyu hapana kana chakaitika. Ndakamukira kufonera Tanaka ndichida kunzwa kuti zvainge zvakamira sei?
"Hello Tate."
"Yes kutofara kaa uku zvainge zvakamira sei?"
"Aah hapana zvakaitika ndanga ndina Tongai mhamha nemurume wavo."
"Horaiti inga zvakanaka."
"Yeah haa kana kunamata hatina ndofunga zvaitevera iwe."
"Okay Tanaka zvakanaka."
Ndakazokata ndokuita zvekuenda kubasa ndakazobvako ndakananga Kuwadzana yakange iri Friday saka ndaizopedza weekend ndiriko.
*Trish*
Hupenyu hwangu hwakange hwave kutapira kupinda uchi. Hapana kana chainetsa mari yakange isiri yekufungidzira ndaitoshaya kuti ndoita sei nayo. Kusvika pakutenga mota kureva kuti ndakange ndaita mazimari. Ndakatsvaga driver aindidzidzisa kutyaira kusvika ndave kuita kakugonawo.
Mazuva akafamba ndokuzonzi pave kudiwa kuurawa apa zvainzi tishandise maziso kuuraya. Ndakasvika pakuenda kwana Tatenda uyo aigara asipo hamheno chaiita kuti ndipotsane naye. Ndakazoda kuuraya amai vacho asi ndakakundika nemadiro avaindiita acho. Ndainge ndasiya Tanaka akarara aizomuka kana ndapedza navo uye ndaida kungovapedzera vose nguva imwe chete. Ndakazonotora phone kumota yandakange ndatenga . Ndakapa mai Tanaka kuti kana ndakauraya Tanaka vairamba vachindidairirawo.
Ndakazobva pamba pavo ndataura kwavari kuti varambe vachindifarira kusvika ndatsvaira vana vavo. Ndakasvika kumba driver akabva aenda kumba kwake ndamupa mari yake, ndaimupa everyday. Uyo ndakange ndisati ndave neplan ndaye asi ndaizomuendesa chete. Ndakakasika kurara ndokuzoenda kumeeting kwedu , vamwe vaive vauraya ndini ndakange ndisina ndakabva ndatonzi ndisarege mangwana acho. Kune vamwe vanhu ndaisaenda nekuti ndaisawirirana navo saka kwana Tatenda ndiko kwega kwaibudirira nyaya dzacho.
Ndakazodzokera kumba ndokurara ndakamukira kugeza ndave kuda kuenda kubasa manje. Ndakafonera driver akauya takaenda kwana Tatenda. Tatenda ndiye wandaitya nekuti akange ave kunamata saka aindikurira, so ndaitaimira asipo ari kubasa. Pandakamufonera ndakange ndichida kukonzeresa kuti adzingwe pamba pavo ndakange ndiine rimwe simba rekuti vainetsana chete iye wodzingwa ndosara ndichifambira nyaya dzangu.
Ndakasvika kwana Tatenda ndokuona Tanaka aripo namai vacho. Handina kana kuda kuwanza nyaya nekuti ndaizonzwa tsitsi ndakatadza. Ndakakotsirisa mai vacho ndokutarisana naTanaka ndakamubata ruoko. Ndakamutarisa mumaziso ndokunzwa kuti pane zvainge zvoda kubuda mumaziso ndopandakavhunduka Tatenda apinda. Mumwe wake akabva apindawo vakatanga kunamata. Handina kana kuona mukana wekunyangadika kana kutiza nekudoor. Ndakanamatirwa kusvika ndanzwa kutsva zviye zvekuti ndaitadza kana kumira. Mudumbu maiita kunge mune moto umu simba racho rakange rakanyanya. Ndakamboda kuvatarisa nemaziso asi vanhu vaviri ndakatadza kuvarwisa kusvika ndazongodonha.
Ndakamuka ndichinzwa kuti handisisina kana simba mukati mangu. Hana ichirova apa mai Tate vakabva vazoudzwawo kuti ndaive musatanist vakazvibvuma. Ndakatoona kuti ndainge ndadzokera kuzero ndokuzodedzwa neshamwari yaTatenda panze.
Ndakaendapo ndichinyara kana kufamba ndokusvikomira panze.
"Right my name is Brendon I'm going to help you to protect your deliverance. Hongu wakange uchifara nezvawakange uri asi hazvina kunaka wakufanira kusiya. Kudai pasina zvose izvi amai vako vachirarama uye uchigara une peace. Ndoda kuti ugamuchire Jesu pachine nguva."
Ndakambodhonzera mweya wangu mukati ndisati ndatombomupindura. Ndaifunga kuti kusiya my luxurious life ndodzokera kuzero zvekare.
"Okay asi haisi hondo here yandinenge ndatanga nekuti ndinofa?"
"Usatye kana zvichibvira ndouya kumba kwenyu manheru anhasi."
"Hmm hazvibude."
"Okay kana kuti toenda tose kuchurch nhasi manheru."
"Okay ndipe phone number ndozokufonera."
Akabva andipa number dzake, handina kuzomira ndakabva ndapinda mumota mangu. Ndainzwa musoro wangu kutenderera ndakabva ndaendeswa kumba ndokusvikopinda mumba. Ndakasvikoona musisina mari, hana yakarova apa ndakange ndasara ndisina kana tswee. Ndakabuda panze ndokuona mota yangu yave kubuda nadriver wangu, ndakamumisa asi akangoseka haana kana kumira. Ndakabata musoro ndichiridza mhere ndakabva ndatoona kuti hazviko ndaifanira kutoita zvekunamata zvacho nekuti kuzoona ndawana zvandakange ndave nazvo yaitove nyaya hombe. Ndakabvisa chibangle chavo newatch ndokukanda mugomba remarara. Ndakabva ndafonera Catherine my friend ndichimuudza kuti handichada.
"Wangu handichade zvaSatan izvi."
"What? Sei wakapusa iwe? Haa apa wave kuchera guva rako unoziva wani kuti kusiya unofa."
"Ndatosiya kare ndanamatirwa ndatove bho."
"Hausati wati hako uchaona nhamo rega ndiuye ndikujoinise futi."
"No don't come."
"Trish usadaro kani sei usingade good life iwe?"
"I'm done with it handiti zvose zvatorwa here?"
"Usatye rega ndiuye mumwe wangu , usanyengedzwe nevechurch ava please think about it. Wakange wave kuita zvaunoda panguva yawada. Be strong rega ndigadzirire ndiuye.Vekuchurch Havana kana chavanacho ava "
Akabva atokata phone yake, ndakange ndave kuda kusiya pachokwadi asi kuti ndirwadzise mumwe wangu ndaisada. Ndakapererwa kuti ndoita sei ndopandakafonera Brendon kuti andibatsire.
"Hello."
"NdiTrish."
"Ooh thanks for calling hey so how's everything there?"
"Everything is not okay, I've lost my everything and now my satanic friend is coming for me."
"Hey okay usavhundutsirwe kuti udzokere kwakadai hakuna kana hupenyu uku. Kudai zvaive zvakanaka ingadai usina kurasikirwa nezvese ko mota yako how far?"
"Driver atiza nayo hamheno kuti abatwawo nei apa mune zvinhu zvangu."
"Okay so zvatave kuita chiuya tisangane palibrary ."
"Okay thanks rega ndiuye asati asvika."
Ndakabva ndatokiya madoors ose ndokubuda zvangu phone ndakabva ndadzima. Ndichingoti fambei ndakabva ndaona mota yangu yakaita tsaona apa pakange patove nemapurisa. Ndakaswedera pedyo only to find out kuti my driver akange afa. Ndakarwadziwa zvisingaite asi handina kuda kuratidza kuti ndini muridzi wemota ndakabva ndatotiza kunanga kwaive naBrendo. Ndakasvika akatondimirira asvika kare.
"Hie." I said ndichimumhoresa neruoko.
"Hey." Akadaro akabva aramba akandibata ruoko rwangu. Ndakada kudhonza ndokunzwa rakabatwa ndopandakasimudza meso angu ndokudhumana maziso takabva taramba takatarisana.
"Piii!" Takabva tavhunduka tose tanzwa huta yemota ndokuona kuti takange tiri muroad chaimo. Ndipo paakandisiya mota ichidarika takabva taramba takanyarara ndainge ndatarisa pasi ndichimuona necorner yeziso. Ndainyatsoona achimedza mate akanditarisa pandaisimudza musoro aibva atarisa rimwe divi hake ndipo pandakazoti "Can we go now?"
"Yes we can kutovarairwa hangu."
Takabva tatanga kufamba takananga kumba kwavo. Takasvika ndakabva ndatoona daddy vake vakatogara panze vakabva varamba vakavhura ziso vakanditarisa, vakazongoramba vakanyarara vakasira nzeve kuti dzinzwe kuti ndaive ani?
"Makadii zvenyu?" I greeted him vakadaira zvavo zviye zvekuratidza kushamisika.
"Right dad this is Trish my friend, she's under deliverance now ndabva kunomunamatira panyaya iya yandaikuudzai so zvazonetsa ndezvekuti shamwari yake iri kuuya kuzomudzosa zvekare ndosaka ndati ndiuye naye kuno."
"Okay no problem ndanga ndakutoti watiunzira muroora kaa ndakati une choice kk." Vakadaro vachiseka zvavo ndakabva ndanzwa kunyara.
"Haa kana muchida kuti aite muroora wenyu anoita but after yambomubatsira."
"Okay chipinda naye mumba."
"Okay daddy."
Takabva tapinda mumba ndokugara pasofa rimwe akatanga kunditsanangurira nezvekunamata.
"You know what Trish, eeh the devil comes to steal, kill and to destroy usanyeperwe kuti akauya kuzoti ubudirire but Jesus comes to give life and eternal life. Chaunofanira kuita kumugamuchira samambo naIshe muhupenyu hwako uone kuti hazvikufambire here? Sirivheri nendarama ndezvaJehovah saka chose chawada unochiona kwaari."
"Okay manje ndomugamuchira sei Jesu wacho?"
"Hazvinetse izvo patichaenda kuchurch panonzi vanoda kugamuchira Jesu woenda kumberi nemwoyo wako wose."
"Okay thanks for helping me out today, ndainge ndarasika ndini ndainge ndasarirwa nekufa apa hmm haa ndakatadza chokwadi kana Mwari havandigamuchire. Ndakauraya mhamha vangu, ndakauraya vanhu vazhinji zvisingaite zvivi zvangu hazviregererwe izvi ."
"Usataure mashoko akadaro, hakuna chaasingaregere Mwari. Kunyangwe zvivi zvako zvakatsvuka seropa iye anozvichenesa semazai echando."
"Hmm but hausi kuzvinzwisisa Bee, ndakauraya amai vangu ndakatarisa kusvika vazorora ndakanyeperawo kurwadziwa ndirini ndakauraya."
Ndakabva ndatotanga kuchema ndakange ndave kurwadziwa nezvandainge ndakaita. Brendon akazondinyaradza pave paya akazondiratidza kuguest room kwandaizorara.
"I can't sleep in here ndiri ndega ini."
"Manje toita sei hapana mumwe musikana pano waungarare naye."
"Ndouya hangu muroom mako ndorara pasi iwe pabed haa ndiri kutya ndogona kuurawa nhasi."
"Usatye okay unorara muroom mangu."
Takazoenda kuchurch ndakasimukawo pane vaitendeuka. Vanhu vakatifarira , ndainge ndakatarisira kuti Tatenda ndomuona asi haana kuuya. Zvaitondishamisa kuti ndainge ndasiya zvehusatanist hmm haa Mwari vakanaka. KwaSatan hakuna kana chiriko kunze kwemisodzi nekuitiswa zvinhu zvinokuvadzisa. Takadzokera kumba ndokusvikopinda muroom maBrendon ndakabva ndamira ndakamirira kuvaridzirwa pasi.
"Wangu tora blanket muroom mako wouya muno torara tese apa iwe uku ini uku."
Handina kupindura ndakange ndave kungonzwa bvudzi rangu kuti nyau nyau. Ndakabuda muroom make ndokuenda kwangu kwacho, ndakapinda muroom ndichibata blanket ndokunzwa door kuti bhaa kuvharwa. Ndakatarisa ndichida kunovhura ndakabva ndanzi dzvii nemaoko maviri akatenderedza dumbu rangu. Ndakada kudedza Brendon asi handina kukwanisa kubuditsa voice nekudzvanywa kwandakange ndakaita.
*End Of Chapter*
*Please Note That Our Book Will Be On Sale From Chapter 20*
*Vanoda kugara vatenga here is the payment details book rakapera kunyorwa kare ukatenga unobva wawana full book wonakirwa*
*Zim Side*
*Ecocash___* $1 or 45 Zig pa ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura*
*Airtime it's $1 on ⁰⁷⁸5346952*
*"Us airtime it's $1 scratch card netone or buddie rinouya pa 0⁷⁸5346952*
*Screenshot will be needed as your proof of payment on0785346952*
*SA*
*Or 20r Hollywood voucher, or OTT voucher kana 1 for you voucher*
Mosenda pa0785346952
*Thank you for your support*
❤️
🙏
😂
5