🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 21, 2025 at 04:19 AM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *To be on sale from 20* *Chapter 17* *Tanaka* Pamba pedu pakange pakuita kunge pakaurayirwa munhu nekutyisa . Tatenda ndiye aiteverwa nekuda kunamata kwake. Zvinhu zvizhinji zvaiitika kana iye aripo mumba maitorema kurara imo muri medu. Pakauya Trish ndakapona neburi retsono akange achitoda kundimedza ndiri mupenyu. Akazonamatirwa nemabrothers angu mweya wetsvina ukatama. Manheru acho ndopakange paine hondo svinu chaiyo yakandikandisa mapfumo pasi. Ndainge ndakarara ndokutanga kunzwa munhu kufamba pamusoro pemubhedha kudivi randange ndisina kurara racho. Ndakambozviignore asi nekufamba kwenguva mwana akange ave kuchema ndakaziva kuti pane zvaaiona. Mubhedha wakange wave kusimudzwa mudenga ndipo pandakajamba ipapo watove mudenga. Zvakandishamisa kuti wakange wave kuda kuendepi ndakabva ndatora mwana wangu. Malights akabva adzima imba yose ndakabva ndabuda ndokushandisa ruzivo kuenda kuroom kwaTatenda nekuti ndaisaona. Ndakasanganawo namhamha vari chahwiriri kumhanyawo vachipinda muroom maTatenda. Ndipo pakawedzera kutya kwangu takabva tapinda mumablankets tose. Takafuka musoro uku bvudzi raiti nyau nyau uku ziya richiyererawo. Tatenda akazotangawo kunamata mhamha vachitevedzerawo ndakamboda kuseka vaiita kudedera zvavo nekutya. Pakaita kanguva ndopakazoreruka mumba , ndakabva ndatorambisisa kuenda kuroom kwangu nekuti ndaiziva zvandainge ndaona. Mhamha ndivo vakazvishingisa vakaenda kwavo ini ndakazorara naTatenda. Takamuka mangwanani iye ave kutoenda kubasa ndakafara kuti kwainge kwachena. Nguva dzakafamba aenda Trish haana kuzobatikirawo uku Tatenda akange achitoti haasi kudzoka. Takatoona kuti taifa ndakabva ndafonera Tongai kuti azouya manheru mhamha vakafonerawo murume wavo. "Haa mwedzi uri kundinonokera kupera ndoda kuroorwa ini pamba hapaite pasina murume." "Taurai zvenyu mhamha ini hangu zvekuroorwa handichada hmm ndichiri mukurwadziwa mumwoyo." "Aah iwe roorwa naTongai uyu ndomukana wacho anokuda kaa uye plus haasati ane mwana unomuchengetesa wako." "Chokwadi mhamha ndakapusa ndouraya mwana nenzara, Dan haachatode kutsika pano uyu." "Waona kaa ndomunamato wangu kuti uroorwe mwanangu ungaite kaa rombe renzira ." "Yeah mataura mhamha. Kana bota ndiri kumunyima ndoda atange aroora." "Obvious plus uchiri murwere mwanangu, baba vako vatove munzira kuuya ava." Nguva dzakafamba tiri pamba murume wamhamha ndiye akatanga kuuya wangu anga achiri kubasa kwake. Hatina kana kuvaudza nezvaiitika pamba nekuti vaigona kutitiza takangozvinyarara. Ndakazobva pamba ndakambofamba famba ndichitamura makumbo ndakange ndanyanya kugara pamba kubva ndibatsirwe. Ndakafamba kusvika kuna Bulawayo road ndokumbogara pasi zvangu. Ndakazoona kombi yaTongai ndakangoisiya ichidarika nekuti vaive busy nebasa. Ndakafonera Dan ndichifurwa nemhepo hangu kubva andirambe akange asati ambofonawo. "Hello." "BaShantel muri sei?" "Shantel ndiani?" "Mwana wedu zvee mave kukanganwa here?" "Hoo ndiri bho zvangu." " Totenda Mwari vari sei mainini?" "Vanofara zvavo variko kumba ini ndiri kubasa." "Hoo mozovamhoresa, muchauya kuzoona mwana rinhi?" "Ndinouya kana ati kurei ndingarambe ndichiona mwana padiki nepadiki here?" "Ndangobvunzawo kwete kuti muite hasha sorry." "Okay." Akabva akata zvake, handina kuzononokera kufunga ndakabva ndatokwira mota ndokunanga kumba kwake. Ndakasvika door rakapfigwa ndakashaya kuti ndodii? Ndakamboda kunetsana nemukadzi wacho asi ndaikuvara nekuti ndakange ndisati ndapora operation yangu. Ndakazobanganuka ndaona hembe dzavo dziri pawaya. Ndakanotora t shirt yaDan netop yemukadzi wacho ndakabva ndatobuda kuenda. Ndakanhonga paper bag panze ndokuisa mukati ndakadzokera kumba zvangu. Ndakange ndarwadziswa ndaidawo kuti zvinovarwadza mumarriage mavo. Ndakasvika nekuzviviga muroom mangu ndokuzoenda mudining maive namhamha. "Asi murume wenyu atoenda kani?" "Arimo amborara zvake, haa ndiri kufara wena vari kutorevesa kuti vanoda kundiroora kaa. " "Sure here?" "Ehe hanzi pane zvavari kumirira kuti zviite vanobva vatouya kuzobvisa zvavo." "Inga zvenyu, ko mhamha makafara here nezvakaitwa naDan kwandiri?" "Aah zvingafadze here izvozvo hona apa watongove mvana saRopa. Ndakatsamwa nazvo zvisingaite." "Okay ndaenda kumba kwavo ndakatora hembe dzavo vose saka ndoda kuti dzigadzirwe vambokaura." "Yeah apa washandisa pfungwa mwanangu, zvaakaita zviye hazviite kuti akusungira kuno iye wototora mumwe mukadzi zvake haa he deserves to cry ndine kwandoziva kunosotwa nyaya dzakadai toenda mangwana." "Okay mhamha maita basa." "Aah ungatambudzwe ndiripo here?" "Hazviite." Ndakafara chaizvo chokwadi Dan ainge andibaya nebanga rakagomara riine ngura panyama nhete chaipo. Munhu wandaivimba naye ndiye akange andimukira zvakadaro apa ndainge ndakamuchengetera mwana wake kwenguva refu. Ndichimirira kubatsirwa ndiri kumba kwamhamha iye ndiye paaitoita zvemumwe hake achinyepera kundida haa yangu yaipera nemisodzi chete. Nguva dzakafamba ndokuzotanga kubika zvemanheru hangu, pasina nguva Tongai ainge asvikawo. Akamhoresana namhamha semukwasha naambuya zvakaita kuti ndinyemwerere. Akange ane kaparcel kaine twekudya haa ndaidiwa. Takazodya zvedu mhamha vainge vanodyira mubedroom nemurume wavo. "Maita basa Mhofu mauya." "No need babe, ko ndiwe wacho kaa ndingadii?" "Taura hako ndini munhu wacho, saka Tongai uri kufungei nezvangu?" "Pakudii ndiri kungofunga kurarawo newe nhasi wapora iwe?" "Handisi kureva izvozvo kani, usatye nhasi ndokupa asi ndave kubvunza zvekumberi kuti tichazodii?" "Kudii Tanaka iwe une murume wako handiti tiri kuita chipfambi here apa?" "Tongai unobhowa ndakakuudza kuti zvakapera wani." "Hoo handina kumbobvira ndafunga zvekuroora ini ndichaona kuti ndodii?" "Okay ko sei usina mukadzi nezera rako iri?" "Hapana ko ndomhanyei sekunonaya ndicharoora hangu." "Ini kaa." "Yes." Takazopedza kudya ndokutoenda muroom mangu zvedu. Handina kuzombofunga nechiitiko chakaitika manheru ndakange ndave mudenga rechinomwe nemudiwa wangu. Mwana akachema asi takamusiya akadaro kusvika mutambo wagwamba ndomuzomuyamwisa. "Thank you babe for today." "Hapana apo ndoda kuroorwa wangu kwete izvi. Ndatoita zvivindi kukupa nekuti handisati ndanyatsopora." "Horaiti usatye ndokutora." Takazorara zvedu zvakanaka pasina kana chaitika. Takamuka Saturday mangwanani akabva abuda kuenda kubasa kwake, Tatenda akazosvikawo nguva dzamboti fambei. Ainge akatsamwa zvake ini kana shungu ndakazobuda namhamha nehembe dzaDan nemukadzi wake. *Brendon* Trish achibva muroom mangu ndakasara ndave kuvarira mablankets zvakanaka kuti tikwane tose pabed. Ndakazoda kuti auye nemaviri ndakabva ndatevera hangu kuroom kwake. Ndakavhunduka ndichipinda kuona akati rabada pasi. Ndakamuzunguza asi airatidza kuti akange ave kusaziva zvaiitika ndakabva ndatoshaya kuti chii. Handina kumhanyira kufonera ambulance ndakabva ndatanga kunamata nekuti ndaiziva kuti mune simba mukunamata uye zvaisava zvose zvaida chipatara. Vazhinji vakafira kuchipatara vachingonzi vane chirwere chakati ivo vakasungwa nemweya wakaipa. Ndakanamata ndakamubata kusvika ndave kunzwa kupfakanyika kwake. Akazomuka zviye zvekuvhunduka achibva asimuka nekundimbundira. "Brendo ndanga ndafa." "Hay usatye I'm here for you." Ndakadaro ndakabva ndaenderera mberi nekunamata. Akatangawo kunamatawo kusvika tazonyarara hedu. "Chii chaitika Trish?" "Ndangopinda muno ndokunzwa munhu kumusana kwangu azondibata padumbu achindidzvanya. Ndazongodonhawo pasi apa ndave kusakwanisa kufema nekuti pandaiburitsa mweya aiwedzera kudzvanya kusvika dumbu raguma kudzvanyika." "Hmm yeah mweya iya ichiri kukuda asi usatye ari matiri mukuru kupfuura wenyika tinopakunda chete." "Hmm dai zvakadaro nekuti zvandatanga izvi ndogona kuurawa ." "Haumbofe Trish." Takazotora mablankets ake acho ndokuenda kuroom kwangu. Haa uko kwaipisa hakuna mweya waipindamo . Akazorara kudivi kwake ndakarara kwangu kusvika kunze kwachena. "Wamuka sei Trish?" "Ndamuka bho ini." "Good hapana zvazoitika here?" "Hapana ndangorota amai vangu vachiuya kwandiri nehama dzavo dzose. Pavasvika vabva vandinongedzera vamwe ndokutanga kunditi nditaure zvandakaita." "Hey hoo watanga kuzvirota nhasi here?" "Ehe." "Okay haa pamwe zvozodawo kureurura kuhama dzavo kuti ndiwe wakauraya." "Manje ndopasara ndiri mupenyu here ipapo." "Yeah tichanamata nezvazvo." "Okay thanks. Unoziva I can't believe kuti ndini ndaive musatanist nezuro nhasi ndatochinja hmm zvinhu zviye hazviite kana wazogara. " "Haa hakuna zvaSatan zvakanaka usanyengerwe wanzwa. Ndoda kuti uve munhu anonamata zvakanyanya uye nevoice rako iri unogona kuimba ndichaita kuti uimbewo kuchurch uchikurawo mukunamata." "Okay haa kuimba ndoimba zvangu." "Yeah ndazvinzwa so ndoramba ndichikukurudzira kunamata, handina dzimwe nyaya dzandoudza munhu kunze kwekunamata Mwari. Zvine mubayiro izvi zvekunamata." "Okay haa kana neni ndave kuzvidawo ndicharamba ndichinamata nguva dzose." "Wow I like it." Ndakafara kuti Trish akange ave kunzwisisa kuti kunamata kwakanaka. Ndaida kumugadzira kuti ave munamati akasimba uye aimbe kuchurch nekuti ndotype yemusikana wandoda akadaro. Ndaisada kuita wekutsvaga asi kuzvigadzirira ndega iyeye kusvika asimba. Nguva dzakafamba achiri pamba achimbobatsira mhamha basa zvake. Ndainyatsoona kuti muroora wavo akakwana apa nekudzikama kwaakange akaita kwacho ndaibva ndanzwa manyukunyuku mukati mangu. Ndaitononokerwa nekukanda shoko rerudo kwaari. Moyo muti unomera pawada chokwadi chada mwoyo hachikoni. Tatenda ainge anakirwawo naRopa achiona Trish seasingaite asi ini ndaiti ndakatarisa Trish ndaiona hupenyu hwangu hwose huri maari. *They say that one man's junk is another man's treasure.If you are being treated like junk, go to the one that treats you like the treasure you are!* Takazodya ndokuzoperekedza Trish kumba kwavo. Takambogara zvishoma ndokuzoraira kuti ndave kuenda. "Okay bye may God keep you for me." "Wow thanks Trish you are a good girl." "You're also a good guy." Takabva taramba takatarisana zvino hapana ainge aine chekutaura. Takazongosira maziso kuti apedzerane ndakabva ndatoona kuti kutambisa nguva yakadai ndaigona kuzoshaya futi nguva yekumuudza zvandainzwa. Ndakavhara maziso angu ndakabva ndaramba ndakadaro ndichifunga kuti ndoti kudii. Ndakamuti ndomuda nechemumwoyo ndakabva ndashamisika ave kuti "Are you serious?" Ndakavhura maziso ndakabva ndati "Serious nei?" "Zvawataura izvozvo ndazvinzwa in my heart." "Yes I'm sure, I love you Trish ." Ndakadaro ndichitomumbundira, phone yangu yakabva yaringer ndokuona ari Tatenda ndakangotarisa handina kudaira. "Hey pick that call." "No right now I need to pick you up." Ndakadaro ndichitomusimudza mudenga akabva atanga kusekerera zvake. Finally ndakange ndave murudo nemunhu wandaisafungira kuti angadanane neni. Yeah hakuna munhu asina basa chokwadi kunyangwe aroye munhu wese akakosha. Ndakazoparadzana naye ndave kumhanyira kwana Tatenda ndichingozhinya road yose. *End of chapter* *Please Note That Our Book Will Be On Sale From Chapter 20* *Vanoda kugara vatenga here are the payment details* *Zim Side* *Ecocash___* $1 or 45 Zig on ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura* *Airtime it's $1 or 45 zig on ⁰⁷84802591* *"Or USD airtime $1 netone or buddie scratch card rinouya pa ⁰⁷85346952* *Screenshot will be needed as your proof of paymnt on +23378️⃣5346952 SA *Or 20r Hollywood voucher, oTt, one for you, blue* Proof of payments munounza pa +2637️⃣8️⃣5346952 *Thank you for your support*
❤️ 👍 😢 7

Comments