🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 21, 2025 at 07:57 AM
Chapter 18 and 19
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Join my group*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow channel for more books*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
*💥To be on sale from 20*
*Chapter 18*
*Tatenda*
Ndakazoenda kumba weekend ndichisvika hapana kuita nguva mhamha naTanaka vakabva vatobudawo vachiratidza kuti vaive nekarwendo. Shungu dzekubvunza kwavainge vachienda handina kudziwana ndakangovasiya vachienda. Ndakambozorora zvangu ndiri ndega pamba ndopakazosvika Brendo achingosekerera. Ndakatoshaya kuti ainge auwanepi mufaro wakadaro waimuitisa kuti asekerere segudo ranhonga roro. Akasvika nekundimbundira achirova rova kumusana kwangu.
"Man Tate haa I'm the happiest man in the world like now."
"I can see it and I'm now wondering what has made you to be excited like this."
"She."
"Who's that she."
"Trish akatendeuka nezuro."
"Come on Brendon ndozvaungaite sewatengerwa private jet here izvozvo."
"Okay inzwa kaa kubva mukati kati memwoyo ndomuda mwana uye, and iye anondidawo we are now lovers "
"Wow yeah I can see the happiness on your face congrats to you man."
"Thanks haa ndafara zvisingaite."
"Haa asi wakashinga zvako ini handingambozvikwanise kuti kutora nemunhu wandaiziva nekuita zvakai..."
"Hey ko wapindwa nei futi? Inzara here? You know what , we don't have to search for love because we might not find it but we can create it , create someone that you don't love and make him your other half sezvaunoda. Wangu ndakaenda naye kuchurch yeah ndozvandaida kuti ndive nemusikana anoziva Mwari. Wani Adam akangobviswa mbabvu pakagadzirwa Eve haana kutsvaga nekuti wako ari mauri. Unozvinzwa wega kuti uyu ndiye wangu chaiye. Newako Ropa unofanira kutomugadzira the way you like, kana asingaende kuchurch ngaatoita serious ."
"Kkk okay ndanzwa bro yeah muri murudo zveshuwa haa God is good wangu pasara nemazuva mashoma kuti kamwedzi kapere aka ndave kuda kukanda pakitchen manje."
"Hoo zviya haa ita uzvipedze nekuti uyo awana mukadzi awana chinhu chakanaka."
"Haureve nhema ipapo."
Ndakazobika zvangu vanhu vacho vainge vasiya vasina kubika vamhanyira kumativimana enyika. Nekwaiendwa namai nemwana ndakakushaya kutadza kundiudzawo . Ndakapedza kubika ndokudya zvedu nyaya dzichitsva. Tichipedza takabva tamboenda kumba kwavo ndokuzomukumbira kuti andibatsire panyaya dzangu dzekuroora dzandaida kuita. Obvious akabvuma kundibatsira ndopatakazoenda kwana Ropa mudiwa wangu. Takagara pasi nemhuri yose ndakabva ndapinza mudariro nyaya yangu.
"Right pamusoroi imi makachengeta Ropa, ndinoona kuti mazuva apetana aya ndave kunzwa kunhuwirira kweumwe mwedzi. Ndine mufaro mumwoyo ndati ndiri kuzouya kuzoroora mwedzi uchingopera let it be musi wa2."
"Okay bamunini haa chinhu chakanaka ichocho I hope zvose zvinofamba negwara kwaro. Eeh tichaenda hedu kunogara daddy ndokwamucharorera ikoko saka musi wacho ngausvike."
"Yeah igoridhe kaa iri randiri kuda kuroora."
"Kk haunyepe apa unenge wazviwanira chikoshwa chako ndotoshaya kuti akamuitisa kudai akange asina meso yekuona zviri mberi here?"
"Aah zvinhu zvacho here pakaipa. So ticharonga hedu tokuudzai kuti zvakamira sei?"
"Horaiti bamunini."
Bamukuru vacho vainge vakatosona muromo zvavo pamwe vaitorwadziwa nekuroorwa kwaRopa. Manje vaiputika havo nekutsamwa zvandainge ndareva ndaizvizadzisa, handinei nekuti nhingi azotaura kuti hazviite asi ndoramba ndakatarisa pandiri kuda kusvika. People always talk and they talk people. Ndaisapedzwa simba nezvakadaro , akawanda madiscouragements anouya muhupenyu asi unofanira kungotarira mberi kuti usazozungunutswa nevanhu ukadonhedzwa.
Mhamha naTanaka vaisada kutoinzwa nyaya iyoyo saka ndovanhu vandaizoita vekupedzisira kusuma nyaya iyoyi nekuti paitozomuka mhiri zhonga chaiyo zvakadhakwa. Havasi vose vaunofanira kuudza chauri kuda kuita vamwe vanofanira kuzongoshandisa meso kuona nemuromo kushamisika nezvaunenge waita. Nzeve ndopadzozoshandawo kunzwa kupemberera kwako nemwoyo inobva yarwadziwa kune vavengi nevanotarisira kuti hapana chauri kuzoita.
Takagara zvenguva kwana Ropa takange tave kutotaurawo dzimwe nyaya zvedu. Takazoraira tave kuda kubva pamba pavo Ropa akasimukawo nesu kwave kutiperekedza. Brendo akazoita kakutungamira ndakasara ndichisasana neakange akaba mwoyo wangu.
"Tate ndokuda zvako haa ndiri kufara kuti tave kuzogara tose after all those discouragements."
"Yeah takasangana nezvakawanda kana pamba pedu wakangopatsika zuva rimwe ukatomhanyiswa asi hazvina kutitadzisa kuenda mberi ndokudawo mudiwa. Ndoda rudo rwedu rwubvire kwete kunge moto wemapepa asi wematanda ekuChimanimani chaiwo haadzime. Ndoda kukupa rudo rwemandiriri zvekuti kana mademon anosvika pakuzvifarira. You're my rib babe so ndoda kugara ndinewe."
"Thanks my love haa naMwari zvoita hakuna chinoramba. Baba vangu vakatotarisira danga kkk I know kuti uri kuzounza chaizvo."
"Yeah naMwari hakuna choramba, izvozvi handina kana mari muhomwe asi ndiri kuda kuroora."
"Shuwa here hmm ko ukazoshaya."
"Eeh babe faith works, God will provide because He's Jehovah Jireh."
"Okay bamwana."
"Good mai Tania rega ndimhanyire mumwe wangu ndinokuona kana ndawana mukana ."
"Okay chengetedza zvinhu zvangu ndichazvida kana waroora."
"Newewo babe pasina kukuroora handiwane saka bye ."
Ndakabva ndatanga kumhanya ndokusvika paive naBrendo. Takafamba zvedu tichingotaura nyaya dzemaroro idzodzo nekuti ndadzakange ndiri pamberi pangu saka ndaisafanira kutarisa zvimwe zvinhu. Kana wada chinhu ramba wakachitarisa usingatarise kuti ko ndakatanga ndadai unogona kuita gore rese gore rakatova diki futi usati wachiwana. Ndohunhu hwangu ndakada kana kuita something ndoita make sure ndachipedza ndisati ndaita zvimwe nekuti zvakawanda zvinenge zviri mumusoro.
"Yeah itai muroore baba zvakakosha. Hakusi kutambisa mari asi ukaroora unenge une kachiremerera so.
"Haurevi nhema."
"Okay so ndakuperekedza kaa chindiperekedza kwana Trish kaa ndatomusuwa ufunge ."
"Okay no prob handei."
Takabva tatotanga kufambisa takananga kwana Trish. Takasvika achitowacha hembe panze zvake akabva amhanyira Brendon wake. Ndakanzwawo kufara nazvo at least akange ave kusazondinetsa. Vakabatana maoko vachiudzana zvekusuwana nezvekudanana kwavo. Takazonogara mumba make haa mainge makanaka makashongedzwa zvainwisa mvura. Takatozoramba kubikirwa chikafu nekuti tainge takatoguta zvedu. Takazobatana maoko ndokunamata naye akazotiperekedza tave kuenda. Sezvaiitwawo naBrendo ndakabva ndafambisa kumberi zvangu ndakavasirawo mukana. Haa rudo rwavo rwakange rwuchindifadza vachimboberekana zvavo haa pakange pasanangana vanopindirana. Ndakazoshamisika kuona mhamha naTanaka vakamira kumberi kwangu vakatarisa kwaive naBrendo vachiratidza kushamisika, ndakangotsikitsira musoro pasi ko ndaidii zvangu munhu vavaida ainge atorwa neshamwari yangu.
"Tatenda ndochii icho?'
"Icho ndoichocho chamuri kuona."
"Unoshura nhaiwe ko wazviitirei kudzungaira kudaro? Mumwe wako akatoona kunaka kwaTrish akamutora iwe wakangobatirira kumvana yako, manje uchandiona hako ndonzi Chihera ini handiitiswe stress nezvakadai."
Vakadaro vave kutoenda zvavo ndakabva ndangomirira Brendo akange ave kuuya Trish akange ave kudzokawo. Vose vainge vanzwa mashoko amhamha .
"Haa mai vako pakaipa hmm ko kuzoramba vane nyaya yavo nhawe."
"Aah siyana navo ava wati ndichazviterera here? Yes she's my mother asi kana vasingamirewo neni hapana zvandingaite ndongotarisa chete."
"Yeah aah unganetswe nezvakadaro here, kana. Chienda hako ndave kuda kudzokera kwana Trish ndine zvandoda kumudzidzisa hangu."
"Okay wangu pamberi nerudo hazvina kana Satan mukati izvi."
"Ukuziva wani bye."
Brendo akamhanyawo achidzika kwana Trish, ini ndakabva ndamhanyirawo vana mhamha.
Ndakavadana ndave kusvika vakabva varamba vakatarisa mberi.
"Tanaka!"
"Svika kaa nhaiwe Tatenda nhasi hatisi kucheuka isu."
"Makuvara mitsipa here?"
"Wakubvunza zvakawanda manje."
Ndakazosvika pavari zvangu mhamha vakange vakatopakira muromo wavo mumhino chaimo. Handina kana kutaura navo ndakange ndave kutaura naTanaka.
"Muri kubvepi nhai Tanaka?"
"Tanga taenda kuDzivarasekwa."
"Horaiti kunani wedu zviya?"
"Hakuna pane zvatainge tafambira hedu."
"Horaiti zvaita hazvo."
"Yeah zvaita."
Takazosvika pamba mhamha naTanaka vakabva vaenda kubedroom kwamhamha. Pasina nguva Tanaka akabuda achienda muroom make. Ndaitoshaya mufaro pamba pandakazvarirwa nekuda kwaRopa, zvaitoreva kuti mhamha vaitozowedzera kutsamwa kana ndakamuroora. Tanaka akazobuda hamheno kwaiendwa ndakazosara ndega ndokufonera daddy kuti ndivakumbire kubatsirwa pamari yekuroora.
*Tanaka*
Takafamba rwendo rwedu zvakanaka namhamha. Takaenda kuDZ uko kwaive nen'anga yainhonga tsono pasi penyanza. Ndakatoshamisika kuti mhamha vaipaziva sei apa ndakange ndave kusavachenesa chete kuti mai ndimai havanangwe huroyi. Takasvika paye ndokukurura shangu sezvatainge taratidzwa.
"Makwati titange nyaya vazukuru hembe dzamauya nadzo garai mabuditsa."
Ndakabva ndanzwa manyukunyuku ndokukasika kubvisa mari ndokukanda muzihari hombe ndokubuditsa hembe dzacho. Padivi pen'anga pacho pakange paine moto so pandakamutambidza hembe akabva adzigadzika pamoto asi dzaisabvira.
"Yeah vazukuru zvamafambira zvaita izvi, hembe muchanodzorera pamadzitora uye hakuna anofanira kukuonai. Vachadzitora vachifunga kuti vakadzikanganwa asi pavachadzipfeka pane zvichaitika. Izvi hazvisi zverufu kwete asi kana mave kuda kubata ropa zvenyu tinogona kuuraya wamuri kuda."
"Haa musauraye zvenyu ndoda kuti vangorambana infact Dan arambwe iye."
"Hapana chakaipa iwe chisikana unoda kuroorwa kaa?"
"Hongu sekuru."
"Bvisa chipfeko chako chemukati uunze kuno."
"Ndonobvisira kupi?"
"Bvisa paugere ipapo."
Ndakabva ndabvisa pant rangu ndokuvatambidza, vakabva vakanda pakabonde kavo ndokuti
"Right uchange uchigara wakadaro zvauri izvozvo kusvika waroorwa wozodzoka pano wotanga kupfeka chipfeko chako ichi hapana zvozonetsa. Ukapfeka chete haufe waroorwa zvekare."
"Haa handipfeke sekuru."
Vakabva vaseka zvavo ndakabva ndapihwa hembe dziya ndokuisa mubag mangu. Takazosimuka tave kuenda ndokunzi tisacheuke haa zvekun'anga zvaitoda kungwarira waigona kutobhenda mutsipa zvamuchose nekucheuka badzi. Takapfeka bhutsu dzedu ndokupinda munzira zvedu.
"Wavaona sei sekuru ava havamirire kuudzwa kaa?"
"Aah haa apa handibve ndopave pasowe pangu haa vanobatsira zvavo vane chipo chavo."
"Yeah haa apa vakura kaa ava kudai Mwari akasakasika kuvatora vambofamba nesu."
"Yeah but mhamha makavazivawo sei ko imi?"
"Aah iwe ndave munhu mukuru ini zvimwe siyana nazvo."
"Hoo haa munopinda pinda wena."
"Yeah ."
"Pakaipa asi nyaya yekuzogara ndisina nduwe hmm ndopakaipira zvemishonga ipapa ndosvika rinhi nhaimi ndichingorohwa nemhepo?"
"Kkk wotosunga dzisimbe wangu hakuna chemahara, wotoita make sure kuti mapants ako wamavharira pakahwanda kuti usazoite mistake."
"Haa zvimwe zvacho kaa hauseke unonzwa tsitsi."
"Kkk."
Takazofamba zvedu ndokuzosvika kumaraini kwedu ndopatakaona Tatenda ndokuonazve Trish naBrendon vakaberekana vachiita rudo zvavo. Handina kana chandakataura nekuti ndaisada kukanganisa mhiko dzangu ndaigona kungocheuka kaa. Mhamha ndivo vakazongopopota havo asi hatina kuita nguva takamira takabva tatodarikira. Tatenda akazoteverawo takasvika kumba zvedu ndokutanga ndaenda kuroom kwamhamha.
"Yeah tasvika hmm gotsi ranga richirema iri kuti ndicheuke chete." Vakadaro mhamha vachigara pabed ravo.
"Kana rangu haa rega ndimbozorora hangu mhamha ndaenda."
"Okay usazopfeka kaa."
Ndakangosekerera ndichibuda zvangu ndokutonanga muroom mangu. Ndakapukuta pukuta tsoka dzangu ndokubuda ndananga kuextention kwaigara Dan. Ndakasvika ndokuyanika hembe dzavo paline , mwana akabva atanga kuchema nguva iyoyo zvekuti ndakavhunduka. Ndakasuduruka zvishoma ndisati ndaenda kure door rakabva ravhurwa naDan. Ndakarohwa nehana apa imwe hembe yakabva yadonha akaitarisa.
*End of chapter*
*🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..*
💥 *last free chapter*
*Chapter 19*
*Tatenda*
*...ndakazosara ndega ndokufonera daddy kuti ndivakumbire kubatsirwa pamari yekuroora...*
"Hello."
"Yes daddy maswera sei zvenyu?"
"Ndaswera zvakanaka zvangu hamheno iwe?"
"Haa ini ndaswedzwa naMwari zvangu sei kumba namhamha nevamwe vose?"
"Haa vatano ava kuona kusekerera kwavo ndokunounza mufaro wangu, hamheno kuti ari sei dangwe wangu uyo Tanaka?"
"Tanaka ari mupenyu hake. Ko daddy ndine nyaya kaa I hope muchaifarira."
"Horaiti mwanangu nzeve dzangu dzave kutoita nhangemutange kuda kunzwa nyaya yako uri mumwe gara watoisvipa."
"Okay eeh ndine musikana wangu wandakakuudzai uya. Right ndazofungawo kuti ndimutore tigare tose achindibatsirawo mune zvimwe nekuti vakadzi vabatsiri sezvakatarwa neshoko raMwari."
"Yeah ipfungwa yakanakisa chose, kana mwoyo wangu waita seuchatiza paunogara ukauya mumusoro nemufaro."
"But the problem is this. Eeh munoziva kuti this is my first month kushanda uye ndichada kubhadhara imba imwe mari so as i budget my money ndiri kuona isingandikwanire. Ndakambofunga zvekuzozviita next month asi mari muenzi kaa anogona kungooneka muri pakati pehusiku uye haumumise. So ndaikumbirawo mumbondijegawo ndozokudzoserai mari yenyu kana zvangu zvatambarara semubora."
"Yeah mwanangu ndafara. Ndichakubatsira uye handitarisire kuti yabuda muhomwe mangu igodzoka zvekare , ndokubatsira mwanangu."
"Wow thanks daddy I love you sooo much."
"No need to thank me, that's my duty to stand up with you."
"Okay daddy ndafara saka ndouya kuzokuonai mangwana."
"Okay."
Ndakadambura runhare rwangu ndokuswetukira mudenga nemufaro. Haa zvangu zvakange zvaringana uye hapana aikwanisa kuzvidzivisa kudenga napasi nekuti chandinenge ndasunga pasi chinenge chasungwawo kudenga. Ndakamboda kufonera Brendon ndimuudze asi ndakazoti zvimwe ndingakanganise rudo rwavo naTrish. Ndakagara zvangu maziso ari kuchivhitivhiti kusvika Tanaka apinda mumba. Tose taifara iye hamheno kuti aifarei handina kuda kuzvitsvaga. Akazondibatisa mwana zvangu ndokumbomunamatira ko raive basa rangu rekusima minamato zuva nezuva. Nguva dzakafamba takazonorara ndakange ndave kunonokerwa nekupera kwemwedzi ndakange ndave kuda kutotenga ruva remwoyo wangu.
Ndakazomuka ndokugarawo pamba seSunday kudai taida kuzoenda kuchurch saka paisada kunzvekura semombe yemashanga. Mhamha vakazobudawo vakadzoka vachifara haa munhu wese akange aine chaaifarira mumba kana ndega ndaitonzwa kuti makaramba mune mufaro kudai Satan aisatiwisira pasi. Mhamha hamheno rokwe ravainge vatenga kuti raive rei ndakasiyana nazvo ndakangoti Chihera vafunga kuzvichenera zvavo. Ndakazofonera Ropa ndichimuudza agadzirire zvekuenda kuchurch ini ndakange ndave kuda kutonogeza.
Ndakapedza zvose ndokupinda munzira zvangu ndichiimba song yaDorcas Moyo yekuti *haakotsire*. Zvechokwadi Mwari wandonamata haakotsire, uye haazive chinonzi hope. Haazive zvekare chinonzi rwendo zvekuti haashanye asi anoramba aripo. Iye akavapo kuvapo kusati kwavapo. Ndaimuti Jehovah Magonazvose nekuti hakuna chaanotadza pasi pezuva.
Ndakazosvika kwana Ropa ndokuona atopedza hake. Takamhoresana nevamwe vose takabva tatooneka ndokunanga kuchurch zvedu.
"Wamuka sei mudiwa wangu?" Ndakadaro ndichisekerera zvangu .
"Ndamuka zvakanaka hmm simairi ndeyekuwirirana here iyo kana kuti uri kutoseka dressing yangu?"
"Hmm babe amana, okay wakachena zvisingaitee. Uri kutoita kunge ndiwe uri kufamba neni apa ndini ndiri kufamba newe."
"Kk muri kutiiko nhai VaDaddy?"
"Wazvinzwa, wangu ndiri kufara ndave kukwanisa kukuroora pasina kukundika."
"Woow I can't wait for that day hmm I love you babe."
"I love you more than my cellphone."
Takazonyarara tave kusvika kuchurch, takapinda ndokutoona Trish arimo Brendon akange atove kumberi achiimba nevamwe. Haa chipo chekuimba chakange chakaita zvekuramwirwa maari . Takadakadzwa zvaikomborera zuva iri , kana kubhawa ndaisaenda zvangu nekunakidza kwacho. Church yakazopera takabva tabatana hedu naBrendo naTrish. Vanhu vaingotarisa Brendon vachitoshamisika kuti akange ave nemusikana . Iye aitoita zvekuti vaone kuti ndewake sezvo aisanyadzisa.
Takazobvapo hedu tave kufamba famba zvedu. Takazosiya Ropa naTrish vachifambawo vese zvavo isu varume ndokutungamira mberi.
"Haa wangu zvinofadza sei kana tichidanana kudai? Ndozvinoda Mwari kaa izvi hazvina kana mweya wetsvina mukati izvi. Ngatide vasikana vedu ava."
"Yeah wataura idi ipapo, ini ndave kuda kutoroora kaa saka ndine mufaro. Mangwana ndoda undiperekedze ndoda kupihwa mari nadaddy uye handichaenda kubasa pamazuva mana ari kutevere tingoita zvipere. "
"Yeah chirungu hapasisina mazuva kaa musi wa2 pedyosa."
"Yeah tototanga maarrangements acho mangwana."
"Okay good ."
Takazofamba zvedu ndokumboenda kuna Bulawayo road . Takapindawo muchicken slice takazvitengera hedu zvekudya. Taifara chose ndokuzodzokera kumba zvedu. Takaparadzana mumwe ave kuenda kwake Brendo naTrish vakaramba vari vose nekuti vaigara mberi nekwedu. Ndakaenda kumba ndokusvikoona mhamha nemurume wavo vari mumba naTanaka. Ndakavakwazisa ndichigara hangu pasi, mhamha vakazopotsera nyaya yavo mudariro ndakabva ndamisa nzeve sezvikwangwari ndichida kunzwa kureva kwavo.
"Right Tate ndakange ndisati ndakuudza kuti ndiri kuroorwa mwedzi uri kuuya uyu so ndatokuudza now. "
"Ndazvinzwa mhamha haa chinhu chakanakisa."
"Good."
Ndakatoshaya kuti vaindiudzirei ivo vaive nechigumbu neni. Ndakazoenda muroom mangu ndokuisira daddy message kuti ndakange ndave kuuya mangwana. Ndakazobuda murume wadaddy vaenda ndokuona mhamha naTanaka vachifara zvavo.
"Saka mhamha ndimi muchange muri amai vemukadzi?"
"Ehe zvangu kungotanga nekunoroorerwa zvangu."
Ndakaramba ndakavaringa sendaitarisa mota munzira kuti ndiyambuke ndipo pavakazoti
"Eeh mwana wevamwe ave kuroorwa zvakanaka iwe pesvu pesvu nanaRopa. Ndaida kumboenda newe umboona vamwe zvavanoroora."
"Mhamha!"
"Don't mhamha me zvisina basa apo. Umusiye Ropa wako iyeye chokwadi ungatorerwe babe neshamwari iwe uchisekerera zvako unosvodesa mwana iwewe."
"Im sorry mhamha ndozvandakasarudzawo muhupenyu hwangu kuti ndide Ropa. Munganditsvakira jean rekupfeka kwete mukadzi noo."
"Uri muroyi wanzwa, unoda kundiurayisa neBP here iwe?"
"Kwete mhamha ndotoda kuti mufare, ehh ndine zvandaisada kukuudzai asi regai ndikuudzei kuti musi wa2 ndiri kunobvisira Ropa."
"Hayaas, okay not in my presence nekuti ndine wangu mwana ari kuroorwa."
"Mhamha munomuziva here musikana wacho wamoda kuita kunge ndimi makamutumbura nhai?"
"Hazvina basa asi vana vakazvibata, uye iwe uchienda kunoroora ngaasatsike pano Ropa iyeye."
"Hapana chakaipa mhamha."
Vakabva varidza tsamwa zvavo, haa ndakange ndiri pakaoma. Ndakazononamata hangu ndakanzwa zviri nani ndainge ndatobatikana. Kwakazosviba kusvika tarara ndakamukira kunotora Brendo ndokuenda naye mutown kubasa kwedu ndokutora off yemazuva mana zvangu. Ndakazopihwa mazimari nadaddy zvekuti dai ndaive munhukadzi ndakafenda.
"Haa maita basa daddy handina mashoko akawanda ekukutendai navo zvangu."
"Okay pamombe unotora 20 dziri kumusha ."
"Daddy! "
Ndakadaro ndichivambundira zvangu. Haa zvangu zvakange zvaita, takabva tazonotenga zvedu suit yangu yekuenda ndakapfeka Brendo akange anadzo kare. Taizoshandisa mota yekwana Brendo saka takagara tatenga grocery ndokuenda naro kumba kwangu. Takapedza ndokuzorara ikoko tose, haa ndina Brendo ndainzwa kuti ndine shamwari yerwendo chaiyo. Taigara tichitaura dzehupenyu zvedu. Mazuva akafamba tichigadzirira zvose kusvika musi wacho wasvika ndakanotora mukoma wangu mwana wadaddy nemumwe mukadzi. Takaenda kumba kwana Ropa ndokugarirako tainge tatomirirwa zvedu. Ndakabva ndamhanya kumba kunooneka zvangu asi ndakasvika vanhu vasipo zvavo ndakabva ndadzoka, Ropa nevepamba pavo vakabva vatungamira zvavo isu ndokuenda nekuGlenorah kunotora zvinhu zvedu.
*TaNaKa*
*Ndakarohwa nehana apa imwe hembe yakabva yadonha akaitarisa.*
"Iwe uri kuda kuitei ipapo?" Akadaro achiswedera pedyo neni .
"Hapana ndauya kuzoti uone mwana."
"Kuona mwana iwe uchida kuba hembe here?" Akadaro achinhonga hembe iya ndokutora imwe zvekare akadzibata.
"Handisi kuda kuba hembe ini ndandoiguma nemistake."
"Hoo saka watii? The other thing you have to avoid coming here unnecessarily because I have a wife so she might thing that we are still in love. "
"Okay ndazvinzwa ndokumbirawo mari yesipo."
"Okay mari ndokupa asi ngakave kekupedzisira kudzoka pano ndisina kukusuma ."
"Zviri munzeve."
Akabva andonyera ruoko rwake mumutodo waainge akapfeka ndokubuditsa 5 dollars akandipa. Handina kana kuita nharo kuti yaive shoma nekuti ndakange ndadyara pesaniso muwanano yavo saka aizozviona. Ndakatenda hangu ndave kutofamba kuenda kumba hangu ndiine kamufaro. Nyaya yekugara ndisina pant ndakange ndisati ndaijaira ndaingonzwa kakusagadzikana kunyangwe pakufamba asi ndaigodii ateya mariva murutswa haatye kusviba magaro.
Ndakapa mwana wangu kuna Tatenda aive hake pasofa akambotambawo naye. Ndakabva ndatanga kuita basa zvangu mhamha vainge vakatorara zvavo . Ndakapedza kubika ndokudya tichangopedza Tongai wangu akabva auya. Ndakamutambira nemufaro nekuti ndaiziva kuti zuva rega rega raMwari ndaidya machikichori nemazhekun'eke nemasibligonzi aizipa kkk. Vakamhoresana naTatenda takabva tazoenda muroom medu zvedu. We had a beautiful time together asi ndakange ndisati ndave kuda zvekurarwa ndaida atange aita shungu yekundiroora.
"Haa usadaro wobva waita kunge murume here kutadza kunzwawo kufambwa kana ndichitaura newe."
Ndakaseka hangu , ndakabva ndabata ruoko rwake ndokuripinza muskirt mangu akabata ndokurubvisa ipapo ipapo akabva ati
"Haa usadaro Tanaka, iyi ndopunishment manje."
"Kana uchizvida marry me usatye zviripo uye zvakanyatsosikwa nemazvo."
"Hmm horaiti ndoita plan pamberi apo."
"Good boy."
Takatandara zvishoma akabva abuda kuenda zvake. Ndakazobatwa nehope ndokurara ndakazomutswa namhamha vaine mufaro zvavo.
"Tanaka muka mwanangu unzwee, haa handisi shiri padhorobha ini sekabat bat."
"Manhongeikoo mangwanani ano?"
"Ndiri kufara zvisingaite, ndiri kuroorwa soon but ndisati ndaroorwa ndichanomira saamai pane mwana wadaddy vako ari kuroorwawo. So hanzi mari yaacharorweswa ndoichauyawo kuzoroora ini."
"Hoo inga zvenyu ndezvarinhi izvi? Mungamire saamai kuti zvadii?"
"Handina kuziviswa zuva racho asi chandiri kuziva kuti hakusi kure sekuenda Binga netsoka pamberi apa. Handisi amai vake asi ndichange ndine múrume wangu ndichimirira mari"
"Hmm saka ndotoendawo ini ndosarirei?"
"Aah iwe hausare mwanangu usatye handiti."
"Yes ndini kaa kajunior imimi."
"Kkk haureve nhema ipapo mwanangu so rega ndimboona kuti ndotenga hembe dzakaita sei dzekuenda ndakasimira ikoko."
"Okay haa ini musandityire ndoenda nerokwe rangu riya remavara asi ndichatogara zvakanaka ikoko semunhu ave kusapfeka chivharangozi kudai."
"Haa pakaipa ndokuti zviite."
Mhamha vakazobva muroom mangu ndakazomukawo kwave kutanga kuita basa zvangu. Nguva dzakafamba mhamha vakazobudawo vakanotenga rokwe ravo haa raive rakanaka. Ndakamboita godo nemanakiro aro asi ndakazongozvisimbisa kuti ndichatenga rangu.
Tatenda akazoudzwa namhamha kuti vakange vachiroorerwa mwana wavo iye akati akange achiroorawo Ropa wake. Ndakaona kuti ainge achida munhu wake kwete zvekutamba. Handina kuda kupindura nyaya dzavo namhamha vachichinjana mashoko zvavo. Ndakafara kuti dai zvaitikawo kwandiri ndaonawo mukomana aindida zvakadaro kunyangwe ndiine mwana. Tatenda akazobuda hake akaenda kutown mangwana acho asi haana kuzodzoka. Namhamha takange tave kutoronga zvekuenda kwairoorwa mwana wavo wacho.
Mhamha vaisagona nemufaro kudarika pandakaroorwa pamwe nyaya yekuti vakange vave kuwana mari yavaisatarisira. Mazuva akafamba zvaTatenda tainge tatokanganwa ainge aitonyepa zvake.
"Nhai mhamha Tate aitaura chokwadi here?"
"Aah nhema dziye mari ipi yaanororesa."
"Kk yeah kwaive kutaurawo kuya kwekuti akaurwadzisei ."
"Yeah."
Daddy vakazofona vachiti vanouya mangwana kuzotitora kuti tiende kumba kwavo nekuti mwana wavo ndopaairoorwa. Mhamha vakaita chamupidigori muvhu chaimo kuita sechigure chaicho. Vaiita kunonokerwa kani vachingoti dai kunze kwasviba kuchene zvekare. Zvisinei nguva hadzina kuita shanje kana kuda kuvarwisa asi dzakazofamba zvakanaka. Kunze kwakaedza takamukira kugadzirira zvedu. Mhamha vakapinda murokwe ravo takabuda panze ndokuvatora mapics haa vakange vakachema amai vangu. Pasina nguva daddy vainge vauya zvavo. Ndaitoshaya kuti ko kuti musikana wacho akange asina amai here kana vakafa handiti vaingotora hama dzavo hamheno pamwe vaida kungoti tiende vanotiratidza hama dzavo. Takapinda mumota ndokunanga kuChitungwiza ndokusvika pane vanhu vatatu vainge vakatomirira daddy. Vakakwanisana takavakwazisawo, maziso angu aida kungoona musikana wacho asi handina kumuona. Ndipo patakazonzi ari kubva Harare vanosvika pasina nguva. Takagara zvedu pasina nguva mota yacho yakabva yasvika, makatanga kubuda mumwe murume nemukadzi wacho. Takasimuka namhamha mhamha vachiita kakuomberera pasi zvavo vachidedemera makumbo aya vachifara. Musikana wacho akazobuda ndopandakaona mhamha vachigwadama pasi, ndakashaya kuti chii ndakabva ndatarisisa ndokuona ari Ropa. Daddy vakabva vatonotambira Ropa. Ndakanzwa mweya wangu kupera ndokuzoshamisika mhamha vave kudirwa mvura vakati rabada pasi.
*End of chapter*
*Please let's go to the subgroup tose usasare please kune zvodakadza zviri mberi. Vasati vambotenga vanoda kunxwisisa mouya inbox bk Rakapera kare huyai mutenge*
*Now on sale*
*here are the payment details*
*Zim Side*
*Ecocash___* $1 or 45 zig on ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura*
*"USD airtime it's $1 scratch card rinouya pa ⁰⁷85346952*
*Screenshot will be needed as your proof of payment on0785346952*
SA
*Or 20r Hollywood voucher or OTT voucher kana 1 for you voucher*
Proof of payments munounza pa0785346952
Vane zvichemo mouya apa futi
*Thank you for your support*
❤️
😂
5