
Floccy Stories
May 25, 2025 at 08:45 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL
Compatible
Written by Floccy
Chapter 1
*Mia*
Door rakavhurwa ndiri pakati pekutaura na Gregory mukomana wangu uyo aive andibvunza kuti, "Tichiri kuenda here?"
Ndakatanga ndatarisa munhu aive avhura door ndichitoziva zvangu kuti ndiani nekuti aive munhu one chete aipinda asina ku knocker. I smiled ndichigadzika phone pasi Tadiwa akasekererawo akati, "Wanga uchiudzwa kuti chiiko paphone pako ipapo? Uri kufareiko?"
"Ndiri kufatira iwewe ka. Ndakati chii nenyaya yekusaknocker?"
"Siyana neni iwe, hande shaa ndine mazinzara."
"Nyaya yako yekusadya makuseni yave kufanira kupera." I said akati, "Handitogone kudya makuseni acho unozviziva, inga iwe haudye wani uri kuita kunge ndini ndega." ndikati, "But handizoite sewe ka unoita kunge wave kuda kutofa kana wave nenzara."
"Muonei kunyepa, hausiriwe unomboita kunge wave kuda kufenta iwe?"
"Iii ngaipere nyaya yacho, horight kwacho tiri kufanira kuzvimanikidza kudya makuseni."
"Wave kutaura manje, chisimuka tiende." he said ndikasimuka tikabuda mu office mangu takabatana maoko. Ndiwo aitove mafambiro edu iwawo taifamba takabatana maoko kana kugrabana vanhu vazhinji vaitoziva kuti hatisiyane vachitofunga kuti tinodanana asi tisingadanane zvedu. Taive ma bestfriends taive takakura tichitamba tese tichidzidza tese, vana amai vedu vaive mabest friends ndivo vaive vaita kuti tiwirirane and taiwirirana zvisingaite. Taishanda pacompany yasekuru vangu baba vamai vangu vaive vakafa mhamha vangu vakasara vave mukuru wayo but vakazosiya basa vave kuita zvechifundisi so company yaive yave kutungamirwa nasekuru hanzvadzi yamhamha.
Takasvika pamota paTadiwa akandivhurira door ndikapinda kwakubva avhara door akanopinda kuside kwake. Achangomutsa mota my phone rang ari Gregory and ndipo pandakabva ndarangarira kuti ndaive ndisina kuzomupindura.
"Babe." I answered the call zvikanzi, "Mia zviriko here?" ndikati, "Sorry babe ndavhura message kwakubva ndaita busy ndikakanganwa kureplyer, sorry sure." zvikanzi, "Unobhowa iwe, chindiudza tichiri kuenda here?"
"Ehe toenda."
"Thanks sweetheart, saka ndouya kuzokutora here?"
"Ehe unouya." I said akati, "Okay my love ndokuudza ndave kuuya. Rega ndiende kulunch, I love you." ndikati, "I love you too." and the call ended Tadiwa achibva ati, "Waitei wanga uchimuti sorry?" ndikati, "Time yawapinda muoffice mangu ndanga ndichangobva kuvhura message yake so ndabva ndakanganwa kureplyer."
"Iwe ka unoda shamhu. Ku dinner date kuya kwawaitaura ndiko kwamuri kuda kuenda?"
"Ehe."
"Enda umbonoidya mari yamupfanha tsano." he said achiseka ndikati, "Usadaro mukomana wangu." zvikanzi, "Ndimupfana tsano uya."
Takasvika pa our favorite restaurant tikanogara pa our usual table our favorite waitress akauya.
"Hesi Chiko urisei?" ndakadaro after andimhorosa akati, "Ndiri right tokupai chii?'' Tadiwa akati, " Haa Chiko." ndikaseka ndikati, "Anoda kutinzwa Chiko uyu." akaseka Chiko akati, "Pamwe nhasi munenge musiri kuda ka iyo usual yenyu muchida zvimwe."
"Chiko ibva pano tine nzara isu." Tadiwa said achiseka Chiko akati, "Iri kuuya food yenyu." and pasina nguva chakauya chikafu chedu tikatanga kudya.
"Ari sei?" Tadiwa asked ndikamutarisa ndichiti, "Ani?" zvikanzi, "Chiko?" ndikati, "Inga ati ari bhoo wani patamumhorosa." akati, "Handisi kureva izvozvo ini."
"Saka uri kuti chii?"
"Haaite here?"
"Kuita kwekuita sei? T uri kuti chii? Wait, zvandiri kufunga ndizvo?" ndakadaro akati, "Iwe uri kufunga chii?" ndikati, "Uri kumuda?"
"Hatingati kumuda ngatiti I like her."
"Zvinotangira pa like zvozoenda palove."
"I kinda like her, anoita here, ari sei?" he said ndikati, "Ari right hake." zvikanzi, "Right hake?" ndikati, "Zvimwe zvese hazvina basa T kana uchiona kuti iwewe anokuitira imbozama."
"Iwewe unomuda here?"
Ndakatanga ndaseka ndikati, "T shaa ndogomuda sei ini ndiri musikana?" akaseka akati, "Taurira pasi anotinzwa." ndikati, "Anoziva sei kuti tiri kutaura iye?"
"Ndanga ndaona kunge ari bhoo but maitiro awaita aratidza kuti haumude saka ngatisiyane naye."
"Haa T iwe uchimuda?"
"Kwanga kuri kungoda kuzama." he said ndikati, "Unobhowa." zvikanzi, "And unondida nekubhowa kwangu." ndikati, "Haufanire kunditevedzera T kana wada wawada ingomuda." zvikanzi, "Wakandikoshera shaa ndinototi ndikutevedzere, ndicharamba ndichitsvaga kusvika ndawana waunoda iwewe."
"Sezvandakaita pana Greg?"
"Inga uri kuziva wani, ita tiende ndiwe uri paduty rekubhadhara."
"Manje haunyare?" ndakadaro akati, "Kunyarei bhadhara tiende uko."
Takadzokera kubasa tichiwanzirana and ndiwo waive mugariro wedu iwowo. Taitombonetsa but taisapedza nguva takatsamwirana. Umwe neumwe akaenda ku office kwake nguva dzikafamba ndikazoenda ku office kwaTadiwa.
"Hande shaa usakanganwe kuti bae wangu ari kundiendesa kudinner." I said akati, "Ndogona kungozvidira jecha.'' ndikati, " Unozviita iwe haurambirwe, hande shaa. Ndakuudza here kuti Alice ihama yemukadzi uya wekutanga auraya murume akazozvikanda mupool nevana?"
"Haa iwe serious here?"
Alice aive shamwari yangu taive takadzidza tese ndiye waindaitoti shamwari kuvasikana.
"Ndakataura naye nezuro achitoti mukadzi iyeye aive akamboroorwa nebrother yake vakarambana. Hanzi vakaita mwana vese and mwana iyeye akafawo." I said Tadiwa akati, "Akabhaiza zvake mukadzi uya aisafanira kuzviuraya nekuuraya vana hapana chaakagona." ndikati, "Ukazoona munhu asvika ipapo anenge apererwa. Kwatanga tichida kuenda naAlice paweekend hatichaende akati achazondiudza kana ave free. Handei shaa."
Takaenda kumba kwedu Tadiwa akati, "Totaura paphone." ndikati, "Pinda ndiri kuda kuti undibatsire kusarudza zvekupfeka." akati, "Mia shaa." ndikamuti, "Chii chacho? Hande uko." ndichimudhonza ruoko tikapinda mumba. Mhamha vaive vakagara mulounge nema siblings angu Nathan and Mitchel. Takavamhorosa tikaenda kuroom kwangu Tadiwa akandibatsita kusarudza zvekupfeka.
"Zvaita ka?" he asked tawana zvekupfeka zvacho ndikati, "Hazvisati mira ndinogeza ndipfeke nekuita make up." akati, "Inini ndiri pama 1." ndikaseka ndikati, "Asingaite kani."
Ndakaenda kunogeza ndikadzola Tadiwa akapinda mubathroom ndikasara ndichipfeka kwakubva ndazomudeedza ndapedza.
"Woow." he said ndikati, "Bhoo here?" zvikanzi, "Bholato wakachena besty, tenderera tione." ndikatenderera zvikanzi, "Icho chimufitwi." ndikati, "Ndiri kulooker looker here?"
"Uri kulooker looker wangu everything is on point mami."
My phone rang iri pa bed and pane kuti ndiitore ndidavire takabva tatotanga kuita sing along kuringing tone tichitamba.
"Ndanga ndatone nguva ndichingochemera chanzi nawanadem, nawanadem, zvino ndapihwa nguva ndave kutombofaisa dhanzi nawanadem." taiimba tese tichitamba, Tadiwa achangotanga kuti, "Gara zviya takachanza nawanadem..." phone yakabva yamira kurira Tadiwa akati, "Iwe anogona ari Greg." and aive ari iye zveshuwa ndikamufonera back ndikati, "Sorry babe ndanga ndichigeza." akati, "Ndave kuuya."
"Wanga uchigeza kupi?" Tadiwa asked achiseka ndichangobva paphone ndikamuti, "Siyana neni, hande tinogara mu lounge takamirira kuuya kwaGreg." tikaenda.
"Ko wachenera kupi?" mhamha asked ndikati, "Inga ndakataura wani kuti Greg ari kundiendesa kudinner." vakati, "Hoo zviya ndinhasi. Ko imi muri kuendesawo makoti wangu rinhi?"
"Handina mari yekurasa." Tadiwa said and matauriro aakaita aive funny tikaseka tese.
Greg akazofona achiti asvika tikabuda naTadiwa kuenda kumota kwake. Tadiwa aive akabata ka clutch bag kangu tikafamba kuenda kunze kwegate. Greg aive akamira pamberi pemota yake tave kusvika paari Tadiwa akati, "Chienda kumunhu wako." achindipa kaclutch bag and we hugged akandikissa paforehead semazuva ese.
"Greg." Tadiwa said Greg akati, "Zviri sei?" Tadiwa akati, "Bhoo munhu wako uyu." Greg ndokuti, "Thanks wangu." ndikafamba kuenda pana Greg and we hugged akandivhurira door remota ndikapinda.
Aive akangonyarara Greg ndikamuti, "Why kunyarara?" zvikanzi, "Hapana zvangu pane zvandanga ndiri kufunga. Uri sei hako? How's work?" ndikapindura kwakubva tatanga kutaura tunyaya kusvika tasvika kwataienda.
Tagara pasi tamirira food yataive taorder akanditi, "Inini hangu friendship yako naTadiwa handiifarire matambiro enyu handimade." ndikati, "Tinotamba sei?" zvikanzi, "Izvo zvamunoita zviya zvinondibhowa, kana uchida kuramba uneni wotosiyana naTadiwa wako."
"In other words uri kuti ndisarudze iwewe kana T?" I asked akati, "Ehe handidi musikana anotamba nemukomana, munenge muchitambei?"
End of chapter
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
76