
Floccy Stories
May 26, 2025 at 05:19 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL
Compatible
Written by Floccy
Chapter 2
*Mia*
I chuckled ndikati, "Greg utori serious?" kahana kangu kave kutorova haana kupindura akamirira waitress aive auya ne food kuti aende kwave kuzoti, "Yes, more than serious. Kana uchida ini wosiya zvekutamba naTadiwa wako. Kana Tadiwa akanyanya kukukoshera wosiyana neni."
"Mese makakosha and ndokudai zvakasiyana. Tadiwa is like a brother to me."
"Inini matambiro enyu handimade."
"But wakandida ndichiwirirana naye ka?" I asked akati, "Ehe but zvamunoita zvacho hazviite, akambokosheiko Tadiwa wacho? Inga vasikana vakazara wani and utori na Alice musikana wekutamba naye."
"Yes Alice ishamwari yangu but haana kukosha saTadi, takabva kure naTadiwa. We have been friends kubva tiri vana vadiki."
"Kana uchiri kuda kuita musikana wangu siya kutamba naTadiwa."
"Gregory I love you so much, ndokudisisa but handikwanise kusiyana naTadiwa. Tisati tatanga kudanana I told you kuti Tadiwa ishamwira yangu best friend ukanzwisisa, saka chachinja chii?" I said akati, "Dai maitamba zviri normal naTadiwa wako handifungi kuti ndaikuudza kuti usiyane naye. Iwewe zvamunoita naTadiwa wako ukandiona ndichizviita neumwe musikana unofara here?" ndikati, "Handiti inenge iri shamwari yako."
"Iwe ka! Usanyepe, ungafare kundiona ndichifamba ndakabatana maoko neshamwari yangu yechisikana? Ungafare kundiona ndichikissa shamwari yangu here?"
"Kukisswa pai?"
"Chero pakave padama or pa forehead hazvingoite." he said ndikati, "Zvimwe zvinhu zvaunotsamwira hazvina kana basa Greg, paforehead pane basa rei? Daddy vangu chaivo vanondikissa ipapo and handina kana problem nazvo." akati, "Tingatopedza nguva tichinetsana choose between me and Tadiwa."
"I can't, mese ndokudai zvakasiyana."
"You have to choose."
"I love you Gregory." I said and ndaitorevesa zvikanzi, "I love you too but uri kufanira kuchooser." ndikaramba ndakamutarisa maziso angu otovavira nemisodzi.
Ndaimuda Gregory asi kusiyana naTadiwa ndaisatoda, ndakatanga kutarisa kuti akanyanya kundikoshera pakati pavo vari two ndiani kwave kuona ari Tadiwa. Taive takabva kure neshamwari yangu takaitirana masacrifices akawandisa and kuti ndizongomusiya nekuda kwemunhu wandaive mdaziva ndakura kwaive kusingaite.
"Tadiwa." ndakazodaro ndikamuoma achimedza mate Greg akati, "Ndiye wawachooser?" and I nodded ndichirwisa kuti misodzi isabude akati, "Okay saka ndiko kupedzesera kutaura tese iwewe neni hatichadanane." handina kupindura ndikasimuka misodzi ikatanga kuyerera ndikafambisa ndichibuda. Ndakatora phone mubag and I called Tadiwa.
"Mia." akadavira achidaro Tadiwa and kungonzwa kwandakaita voice rake shungu dzekuchema dzakabva dzawedzera ndikatanga kuchemesa akati, "Mia are you okay? Waita sei?"
"Gregory aaa...." ndakakakama zvikanzi "Aita sei?" ndikati, "Huya unditore " akati, "Okay calm down handiti, ndiri kuuya kuzokutora."
Gregory akauya pandaive ndakamira akati, "Hande ndinokudzosera kumba kwenyu." ndikapukuta misodzi nekuseri kweruoko ndikati, "Tadi ari kuuya." achibva aenda kumota kwake.
Tadiwa akazouya ndikanopinda mumaoko ake ndichichema akati, "Sorry chinyarara, ngatipinde mumota undiudze kuti waitwa sei?" tikapinda mumota ndikamuudza zvaive zvaitika.
"Handisi kuti Greg zvaaita zviri right but you were not supposed to choose me Mia." ndikati, "Ndanga ndichifanira kuita sei?" zvikanzi, "Kumutsanangurira kuti iye neni takasiyana."
"I tried shaa but haana kunzwisisa."
"But aiita kunge ari bhoo wani nekuwirirana kwedu wani?"
"Ndizvo zvandaitoonawo ndatoshamisika ave kundiudza zvekuchooser. Ndarwadziwa Tadi nemudiro wandinomuita Greg anga asingafanire kundidaro." I said akati, "Sorry ndichataura naye." ndikati, "Ayehwa siyana naye."
"Unomuda Mia ndotaura naye ndomuonesa kuti inini newe tingori mafriends chete."
"Ayehwa musiye atondiratidza kuti haana basa neni, haangambondiudze kuti ndichoose pakati pako naye iye akauya uripo. Hazviite izvozvo ! No one will separate us, I repeat no one."
"Greg unomuda and iye ano kuda hamungapesaniswe neni ndichataura naye don't worry." he said ndikati, "Une nharo iwe." zvikanzi, "Iwe dzaunadzo ishoma here? Todii toenda kumba kwedu here or ndonokusiya kwenyu?"
"Hande kwenyu handisi kuda kuti mhamha vandione ndakadai."
"Chivaudza kuti hausi kudzoka."
Ndakatumira mhamha message vakati, "Ndichakufonera ne video call." ndikati, "Ndipo pandingakunyeperai here? Munondibata pamweya ka nhai prophetess."
Takasvika kumba kwana Tadi amai vake vachiona TV nemurume wavo. Tese tiri two naTadiwa taive takazokura tichigara nana step father, mhamha vangu vaive vasina kugara nababa vangu vaive vakaita zvekumitiswa and ndaivaziva zvangu baba vangu but we weren't close. Amai Tadiwa vaive vakarambana nababa Tadi vakazoroorwa neumwe murume.
"Ndanzwa kuti wanga waenda kudinner naGreg kwanga kuri sei?" mai Tadi asked ndikati, "Haina kuzopera mushe tarambana na Greg." vakati, "Aah ko maitanei?" ndikatsanangura vakati, "Zvazvakaoma nhai, iko imiwo hamusiyane zvinotoda vanotokuzivai sesu so asingakuzivei haangambozvinzwisise." murume wavo akati, "Taura hako nekuti kuwirirana kwacho kwakanyanya dai vatongoroorana zvavo."
"Ndichiroora sister yangu? Daddy munenge mave nehope imi endai munorara zvamuri kutaura zvakangofanana nekuti ndiroore Tinevimbo." Tinevimbo aive sister yaTadiwa.
"Taura hako mwanangu vanhu havakunzwisisei." mai Tadi said Tadiwa ndokuti, "Ndichataura naye Greg ndomuonesa kutu hapana iripo. Mia rega ndikutorere food udye." ndikati, "Handina nzara ini."
"Undikwanire."
Akanotora food akandimanikidza kudya ndikazofonera mhamha ne video call vakagutsikana kuti ndaive kumna kweshamwari yavo. Takazoenda kuroom yandaishandisa ndiri kwana Tadi ndikachinja hembe tikatandara tiri tichiona TV. Akazoenda kuroom kwake ndikasara ndave kuita zvephone yangu. Alice aive anditumira message yekuti, "Urisei?"
"Mushe zviri sei? Mazopihwa mwana here?'' I asked akati, "Ehe zvazoita wena anovigwa mangwana zvanga zvamboda kunetsa nekuti aive ave kushandisa surname yemurume wamai vake."
"Better zvazoita, saka ari kuvigwa brother yako isipo?"
"Ehe, anga achida kuuya but taona kuti paanozouya pacho nguva inenge yafamba. Anozongoonawo panenge pavigwa mwana wake. Ndiri kurwadziwa Mia ndave kudemba hutsinye hwataimuitira mukadzi iyeye. Takamubata rough naamai vangu vachindifurira kuti ndimuitire hutsinye ndave kuzvifunga kuti dai tisina kudaro pamwe dai asina kurambana naAbel asina kuzoroorwa nemurume aimushungurudza."
"Zvakatoitika Alice usazvipe mhosva kana wadzoka unondiudza ndouya kuzokuona." I said tikati taure taure kwekanguva ndikazongoerekana ndaenda muinbox maGreg. Ndakatanga kuverenga mamessages ataisenderana ndikatotanga kuchema kusvika ndabatwa nehope. The following day ndakamuka ndikagadzirira kuenda kubasa ndikapfeka hembe dzaigara kwana Tadiwa.
"Nhasi hapana ari kuenda asina kudya." Tadiwa said ndikati, "Ita cereal." akagadzira tikadya tikaenda kubasa. Ndichangopinda mu office mangu Gregory akafona ndikatoshaya kuti aidei kwakubva ndadavira ndikanzi, "Mia udzawo Tadiwa kuti asandinetse."
End of chapter
❤️
🙏
😮
👍
😂
😢
77