Floccy Stories
Floccy Stories
May 27, 2025 at 03:26 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 3 *Mia* "Horight." ndizvo zvandakataura achibva atocutter call ndikangozunza musoro. Taive ne meeting makuseni iwawo ndikaenda kuboadroom meeting ikaitwa ndikadzokera ku office kwangu. Pa breaktime Tadiwa akauya akabata coffee nema muffins akaisa patable ndikati, "Takudya pabreak?" ndichisumuka pachair akati, "Ehe, kutanga nhasi tave kuita zvekudya, zvekuenda kulunch tichiita kunge tave kuda kufa nenzara zvakatopera." ndikagara pa couch paside pake ndichiti, "Inga zvinhu zvinochinja. Ndafonerwa naGreg." "Ati chii? Mave bhoo ka?" "Ati usamunetse.'' "Ndizvo chete zvaataura?" he asked ndikati, "Ehe, usataure naye Tadi haungamumanikidze kuti andide iye asisandide." akati, "Sorry." ndikasekerera ndikati, "Hebo, don't worry ndichawana umwe atori bhoo kudarika Greg." "Unomuwana kupi?" "Mukufamba imomu, wakazoti chii nenyaya yekuenda kugym?" "Asi ndiko kwauri kuda kunotsvaga umwe bae?" he asked ndikati, "Ehe, ndakanzwa kuti kune ma dude ari hot.'' akaseka akati, "Rega ndigoona kuti ndekupi kunoita ndogona kutozowana chi soulmate changu ikoko." "I don't think wako mupenyu ini anenge akafa." "Watanga ndokudira coffee iyi." "Sorry kwacho." I said nguva dzikafamba tichidya tichiwanzirana Tadiwa akazodzokera ku office kwake. Pa lunch takaenda kurestaurant kwedu ndikaona Tadiwa achitarisa Chiko. "Ndikukumbirire number here?" ndakadaro akati, "Dzani?" ndikati, "DzaChiko." akati, "No, ndodzidii?" ndikati, "Unomuda Tadiwa, wambozviona here kuti ndiri kutaura ndega iwe wakangotarisa Chiko?" "Wave kunyepa manje iwe ndanga ndisina kumutarisa." Kana uchimuda muudze ka." "But hauna kumufarira ka." "Nhai T inini ndini ndinenge ndichidanana naye here?" I asked akati, "Tiri munhu 1 Mia ndofanira kuita zvinotifadza tese." ndikati, "Horight kwacho ari right." akaseka akati, "Haiwawo usade kundivhara." ndikati, "Ari bhoo sure kungoti haana kamwe ka that kanoenderana newe." "Chiko haaite Mia ngatisiyane naye." "But unomuda ka nhai T sure ungatitevedzera inini uchisiya munhu waunoda?" "Inga iwe you chose me wani." he said ndikati, "Inyaya two dzakatosiyana." zvikanzi, "Hadzina, you are more important to me, ndinoda kudanana nemunhu waunoda handidi kuti tipesaniswe neumwe munhu, mukadzi wandicharoora anotofanira kunzwisisa kuti inini newe we are inseparable." "Friends for life." "Till death do us apart." "In perpetuity." I said akati, "I love you my ride or die." ndikati, "I love you too my partner in crime." akati, "Cheers to us." ndikati, "Cheers." Takazopedzisa kudya tave kutaura dzimwe nyaya Tadiwa asisatarise Chiko. Takadzokera kubasa nguva dzikafamba tikachaisa ndikaenda ku office kwa Tadiwa. "Mira two minutes pane email yandiri kuda kusenda." he said ndikati, "Ndipe ma keys unondiwana kumota." akandipa ndikabuda, ndave kusvika kucar park ndakadeedzwa neumwe mukomana. "Hesi Cedric." ndakadaro ndamira akauya pandaive akati, "Nhasi ndafara kukuona uri wega. Ko aripi munhu wako?" ndikati, "Ari kuuya." "Hamusiyane anotishaisa mukana." "Mukana wei?" "Wekutaura newe." he said ndikati, "Unenge usingade zvako kutaura neni, kuoffice kwangu unokuziva nyangwe ukandiona ndinaye unongokumbira kutaura neni. Apa haapo chitaura tinzwe." "Nyaya yacho inotoda tiri somewhere not pano ndipo ka number dzako." Tadiwa akabva asvika akati, "Ced zvirisei?" Cedric akati, "Mushe urisei, Mia tobatana." achibva aenda Tadiwa akasara achiti, "Hanzi chiiko neidzi?" ndikati, "Ati afara kundiona ndiri ndega, watondikanganisa apa wasvika ndakumbirwa number." "Wamupa?" "Handina, inga ndati wandikanganisa wani." "Ndasvika nguva yakanaka, haaite." he said ndikaseka ndikati, "Haaite chii?" zvikanzi, "Zvandiri kutaura uri kuzviziva Mia, haaite ndakambomuona achiputa fodya mai mufindisi havadi mukwasha anobhema." "Handimude kani T ndingasaite benzi kuda umwe munhu ini ndichangobuda mune imwe relationship? Wangu ari kugym uko anenge aine six pack." "Vhara karomo kako uri kutaura zvisina basa." Takanopinda mumota akandiperekedza kumba kwedu uko kwatakasvika ndokumbogara mumota tichitaura nyaya. Tadiwa akazoenda kumba kwavo kwatosviba ndikapinda mumba mhamha vakanditi, "Tanga tave kutofunga kuti muri kurara mumota isu." "Maswerasei mai Mia?" "Taswera maswerasei sisi Mia, kwanga kurisei kudinner nemukwasha wangu?" "Hamusisina mukwasha." I said ndichibvisa ma heels andaive ndakapfeka mhamha vakati, "Unorevei kana uchiti handisisina mukwasha?" ndikati, "Takarambana naGregory." "Kurambana!" she exclaimed ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Chii chakaitika?" ndikati, "He told me to choose between him and Tadiwa, hanzi haadi musikana anowirirana nemukomana?" "And you chose Tadiwa?'' "Obvious ka." "Ende Mia ka!" she said ndikati, "Chii chacho? Kana ndimiwo zvinoita here izvozvo? Akandiwana ndichiwirirana naTadiwa wangu ozoda kundiudza kuti ndisiyane naye kuti zvaita sei? Haana right yekundiudzira vekuwirirana naye aive boyfriend yangu not my father. Ndaimuda zvangu but pakuzoda kundipesanisa naTadiwa takatadza kuwirirana." "Hushamwari hwako naTadiwa hauna kushata mwanangu asi unofanira kuziva kuti wakura Mia, uchadawo murume anokuroora and murume akakwana haangambosekerere mukadzi wake achiwirirana nemurume. Uri kufanira kudzora matambiro ako naTadiwa mwanangu." Ndakasimuka ndikati, "Ndave kunogeza." vakati, "Imbomira ndichiri kutaura newe." ndikati, "Kana iri nyaya yekuti ndisiyane naTadi handina nguva yekuteerera izvozvo nekuti inini naTadi hatisi kuzosiyana ticharamba tiri ma friends kusvika tafa. Murume anondida chaizvo anofanira kuziva kuti Tadi akandikoshera anotofanira kunzwisisa kuti Tadi and Mia are friends for life they are inseparable, ndave kumbonogeza." Ndakaenda kunogeza tikazodya ndikaenda kuroom kwangu uko kwandakanotaura naTadi nevideo call. The following day yaive Friday Tadi akauya kuzonditora tikaenda kubasa. Taikasira kuchaisa nguva dzekubuda dzikakwana ndikaenda kunotora Tadi ku office kwake. "Ndakawana gym." he said tichifamba kuenda ku car park ndikati, "Taura neni iri kupi? Ndiudze zvese." akataura ndikati, "Iri bhoo so tinenge tichienda nguvai?" "Everyday after work makuseni haaite hatizobate time dzekuuya kubasa. Togona kuenda kunokuona kana uchida." "Hande." I said tikaenda kunokuona kugym kwacho ndikafarira zvandakaona kwakubva tatosiya tabhadhara mari yeone month. Tadiwa akanondisiya kumba akati, "Ndokuona kuchurch." kwaive ne Friday servicece manheru. Takaenda kuchurch service ikaitwa tikadzoketa kumba. The following day ndakanonoka kumuka ndikazomuka kuma past 9 ndikadya cereal ndokuita laundry yangu. Na12 kwaive ne girls fellowship and ndaive umwe wevatungamiri vegirls fellowship. Na 2 kwaive neyouth and ndaive umwe wevaitungamira youth yacho. "Tiri kuenda tese here kana kuti unozotevera?" ndakabvunza Tadi ndamufonera akati, "Tiri kuenda tese ndinogara mumota muchiita girls fellowship yenyu." "I think munofanira kuita boys fellowship panguva yatinenge tichiita girls fellowship. Vakadzi tisu tinonyanya kudzidziswa zvakawanda wanda but imi vakomana nevarume hamudzidziswe. Ndichataura namhamha pagadziriswe ipapo kunofanira kuitwa boys fellowship nechina chanababa." "Taura navo but ndoona kuti varume vanouya vashoma." He said ndikati, "Apa vagara vari vashoma varume vacho." akati, "Vakadzi vakawanda kupfuura varume, huya shaa unozononoka time dzafamba." Ndakaenda kunomutora nemota yangu tikaenda kuchurch akasara akagara mumota. Takaita girls fellowship nguva dzikafamba na 2 tikatanga youth iyo yakapera na 4. "Ndiri kuda kukuendesa kudinner nhasi." Tadiwa said ndave kumuperekedza kumba kwavo ndikati, "Hii sure?" zvikanzi, "Ehe, kana uchida." End of chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 152

Comments