Floccy Stories
Floccy Stories
May 28, 2025 at 07:22 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 4 *Mia* "Ndinoda, ndingarambe kuendeswa kudinner nasahwi hwi hwi wangu here? Hazviite izvozvo, saka uri kundiendesa kupi?" ndakadaro akati, "Its a surprise uchakuona yasvika." ndikati, "I can't wait shaa thanks." "Unozotenda kana wakufarira ka." "As long ndaendeswa newe ndinototi ndifare chete." Ndakanomusiya kumba kwavo ndikaenda kwedu ndikasvika mhamha nadaddy vakagara panze pama garden chairs. Ndakaenda pavaive ndikavaswedza vese mhamha vakati, "Kwanga kuri sei kugirls fellowship?" "Kwanga kuri right hako." "Mai Chimusoro vauya here?" "Ehe vauya namai Kasambarare vauya futi." I said vakati, "Vagonesa next week ndinenge ndinemi pane zvandiri kuda kukurairai. Ko kuyouth baba namai Hwede vauya here?" "Ehe vauya, kuyouth kwanakidza nhasi taronga kuenda kunonzi kwaTerry kwadai kunetsa but tichatanga taenda pamisty walk apo, I think next week but 1 ndiko kwatichaitira youth." "Nice, ndichataura nababa namai Hwede. Nhasi ndiwe uri kubika." "Ndiri kubuda ndichakumbura Mitchy." I said vakati, "Uri kuenda kupi?" ndikati, "Tadiwa ari kundiendesa kudinner.'' zvikanzi, " Hapana kwauri kuenda." "Aah mhamha." "Aah mhamha kuita sei? Ndati hapana kwauri kuenda ndiri kutokuona kuti uri kuenderera Mia. Yes wakura but pano uchiri mwana zvako zvekubuda manheru pawadira ngazvipere." "Ndiri kuenda naTadi mhamha." I said vakati, "Handina basa nazvo ini ndati hausi kuenda. Enda unogeza utanganene mapoto. nhasi ndiri kuda kudya sadza rabikwa newe." ndikatarisa murume wavo uyo akabva ati, "Babe siya mwana aende." mhamha vakati, "Unomujaidza mwana uyu." "Usadaro musiye aende, iwewe Mia next time unotanga wakumbira kwete kungotaura wave kuda kuenda." "Thank you daddy, ndezva nhasi chete ndinositaura nguva iripo vanozviziva mhamha, kungoti nhasi Tadi aita zvekundijuma." "Ndokuda pamo na half 8 prayer ya9 inofanira kuitwa wadzoka, udzoke kuno zvekuzondiudza kuti uri kunorara kwana Tadi handidi kuzvinzwa." mhamha said ndikati, "Thank you, thank you mhamha." ndikavakissa padama vese nadaddy. Ndakapinda mumba ndikaona Nathan achiona bhora akati, "Hey sis." ndikati, "Hey kiddo how are you?" zvikanzi, "Bholato." ndikati, "Where is Mitchy?" "Ndambomuona aina aunty kulaundry room kwavari kuita ironing." "Rega ndinomutarisa ikoko." I said ndave kufamba Nathan akati, "Mia." ndikacheuka ndichiti, "Hee." zvikanzi, "Ndipo $20." ndikati, "Asi hauna kupihwa monthly allowance yako?" "Ndakapihwa." "Saka?" "Yakapera." akadaira ndikati, "Handiti wakatambisa hako mari yako wega mirira mwedzi upere and wave kutopera uyu kana kuti udza mhamha nadaddy vakupe." akati, "Usadaro Mia you know havandipe ava ndiri kukumbirawo." "Nathan wave kutojaira zvisina basa iwewe every month unondikumbira mari. Yako yaunopihwa unomboishandisa chiiko?" "Zvakawanda zvinoda mari." "Zviiko? Uchanetsa iwe hande unotora kuroom kwangu ndinokupa but ndiko kekupedzesera kukupa mari unofanira kuita discipline pamari iwe yaunopihwa dai uchitoisaver." I said akasimuka achiti, "Thank you." tikaenda kuroom kwangu ndikamupa mari yaaida. Ndakaenda kulaundry room ndikaona aunty vari vega Mitchy asimo. "Aunty maswerasei?" ndakavamhorosa vakati, "Mia zviri sei kwanga kuri sei kuchurch?" ndikati, "Kwanga kuri right zvako. Aripi Mitchy?" "Anga ari muno manje manje hanzi ndane hope aenda kuroom kwake." "Regai ndiende ikoko." Ndakamuwana ari paphone pake Mitchy ndikamuti, "Mimi, warukwa zvakanaka." aive aenda kunorukwa ndosaka taive tisina kuenda tese kuchurch aive aperekedzwa naNathan kusalon. "Thanks, kwanga kuri sei kugirls neku youth?" she said ndikati, "Bhoo, ndokumbirawo favor." akati, "Yei?" "Ndokumbirawo ubike nhasi ndozobikawo ka two next Saturday neinouya yacho." "Uri kuda kuenda kupi?" "Tadi ari kundiendesa kudinner." I said akati, "Pane denim jacket randiri kuda." ndikaseka ndikati, "Riri kuita marii?" akataura ndikati, "Ndokupa mari yacho wotenga but next week pauri kufanira kubika ndiwe unobika ini ndozobika paduty rangu chairo." "As long wanditengera denim rangu nemaheels andiri kuda." "Aikaka wawedzera maheels futi?" "Inga ndataura wani." she said akatorova serious ndikaseka ndikati, "Uku ndiko kubirwa kuri pachena uku, horight ndokupa mari yauri kuda rega ndinogadzirira Tadi anouya manje manje." ndikaenda kuroom kwangu ndikageza kwave kutanga kutsvaga zvekupfeka. Ndakasarudza three ma dinner dresses, 3 pairs of shoes, 3 maclutch bags, ma earings ne watch. Ndakazvitora maphotos ndikatumira Tadiwa achibva asarudza zvekuti ndipfeke. Iye Tadi aive anditumirawo maphotos ndikasarudza zvekuti apfeke. Ndakaita light make up ndikaenda kuroom kwaMitchy ndikawana asimo. Ndakaenda kukitchen ndikamuwana ave kutobika. "Ndiri sei?" I asked ndichizvitarisa tarisa akati, "Wakachena." ndikati, "Stereki?" zvikanzi, "Ehe kani Mia, sei uri kuita kunge uri kuenda nemukomana wako iwe uri kuenda naTadi?" "Saka handifanire kuchena because ndiri kuenda naTadi?" "Handina kudaro but uri kubva waita kunge uri kuenda nemunhu ari special." "Uri kuti Tadi haasi special?" I asked akati, "Yuwii! Wakachena mwana wamai vangu wakachenesa ende Tadi achafara." and I smiled ndikati, "Ndiye atosarudza." phone yangu yakatanga kuringer ndikatarisa aifona ndikaona ari Tadi ndikati, "Anenge asvika Tadi ndokuona." ndikadavira ndichiti, "T." zvikanzi, "Ndasvika buda." "Ko hausi kupinda?" "Ehe tononoka usakanganwe kuti tapihwa nguva shoma." "Okay ndiri kuuya." I said ndikanooneka mhamha nadaddy ndikaenda kwaive naTadi. Aive akachena kwazvo paakandiona akavhura maoko ndikanopinda maari and it felt so good kuva maari. Akazondisiya akati, "You look stunning." ndikati, "You don't look bad yourself." "Toenda ka?" "Handei hedu." Akandivhurira door remota tikaenda kwataienda tichiita sing along ku song ya Spyro ft Tiwa savage *who is your guy* Tadiwa aka parker mota tasvika pane imwe restaurant yandaisatoziva ndikati, "Wakakuziva sei kuno?" akati, "Mukufamba imomu." akaburuka akandivhurira door remota akandipa ruoko rwake ndikaburuka akandibata. "This place is beautiful." I said akati, "Ndaziva kuti uchapafarira, mira uone zvakaita mukati." ndikabvunza kuti, "Asi wakambokuuya?" "Rinhi nhai Mia isu tichigara tiri tese? Ndakaona maphotos and videos pasocial media." "Okay zvave kumaker sense." Takapinda takabatana maoko tikaratidzwa table yekugara Tadiwa akandivhurira chair ndikati, "Thanks." ndichigara achibva agara pachair yaive opposite me. Taka order zvataida kudya kwakubva ndatanga kutarisa tarisa ndikanzi naTadi, "Like what you see?" and I nodded akati, "Tichagara tichiuya." Food yakauya Tadi akada kudya ndikamuti, "Iwe." kwakubva aseka achisiya fork and knife akati, "Torai mapikicha enyu tidye." ndikatora food maphotos ne one video ndikazoti, "Chidya hako." Takadya tichitaura nyaya tapedza tikabuda panze ndokutorana maphotos nemaselfie akawanda. Takaenda kumba kwedu tichiridza radio tasvika tikaburika ndokutanga kutamba. "Zvakwana chipinda mumba." Tadi said achifemereka ndikati, "Thanks T, I had a really nice time tonight." akati, "You are welcoming." and we hugged tikakissana matama akati, "Chipinda ndoda kusiya wapinda mumba." "Iwewe naTadi wako hamutodi kukura ka? Inoise yei yamanga muchiita panze apo?" mhamha asked ndichangopinda mumba ndikati, "Sorry mhamha, regai ndinogeza ndidzoke tiite prayer." ndikaenda ndikadzoka. Prayer yakaitwa ikapera ndikaenda kuroom kwangu kwave kuisa 2 photos kustatus yekufacebook, instagram and watsapp, 1 raive refood rimwe taive tiri two naTadi akandikissa padama ndikanyora caption yekuti, "In perpetuity." End of chapter
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 62

Comments