
Floccy Stories
May 29, 2025 at 06:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
For previous chapters follow my channel.
https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL
Please follow my Facebook page.
Compatible
Written by Back
Chapter 5
*Tadiwa*
"Friends for life." ndakareplyer status yaMia achibva ati, "Toparadzaniswa nerufu. Thanks shaa nhasi ndafara." ndikati, "You are welcoming. Wazoti mangwana tiri kuimba kuchurch here?"
"Ehe, ndave nehope Tadi. Goodnight."
"Kana neniwo, goodnight. I love you."
"I love you too." she said kwakubva ndasarudza 1 photo randaive ndamutora kudinner kwataive taenda, raive rakanyatsobuda ndikaisa kuwatsapp status ndikanyora caption yekuti, "my ride or die." ndokuisa phone pacharger ndikarara.
The following day ndakamutswa nephone yairinger ari Mia and I smiled ndiladavira.
"Wanga wakarara ka?" she asked ndikati, "Morning to you too Mia." akati, "Morning kwacho, chimuka." ndikati, "Ehoyi mhamha." zvikanzi, "Uri kundiona samai vako here ini?"
Takataura kwekanguva kuri kungowanzirana chete ndikazomuti, "Time dziri kufamba Mia tinozononoka kuchurch." akati, "Gadzirira usanonoke." and the call ended ndikabuda mumagumbeze ndikagadzira bed. Kupraise and worship taive takanzi tiri kupfeka red and black so ndakasarudza black trousers and a red shirt nebhutsu dze black.
Pa door pakaita knock ndikati, "Come in." mhamha vachibva vapinda vakati, "Ndanga ndatouya kuzokumutsa."
"Ndamutswa na Mia."
"Tiri kuenda tese?"
"Ndichatanga ndanzwa Mia." I said vakati, "Tadiwa ka, hakusi kutotambisa fuel here kumbotanga wanotora Mia wako iyeye?" ndikati, "The last time I checked ndaingozvitengera fuel yangu ndega."
"Yatova rough ka iyi?"
"Ayehwa kungotaurawo."
"Bva ita zvaunoda." she said vachibva vabuda ndikasara ndichifonera Mia ndikamuti, "Tiri kuenda tese here?"
"Ayehwa, tonosangana ikoko."
"Okay."
Ndakaenda kunogeza ndikachinja ndikaenda kudining food yaive yatoita vamwe vatogara. Takadya tikaenda kufamily car daddy vakandipa ma keys and I drove kuenda kuchurch. Takasvika mota yekumba kwana Mia yatovepo Mia akauya pamota yedu akamhorosa vanhu akanditi, "Hande kuseri uko ndiko kune vamwe." tikaenda ikoko tikaita kameeting leader wepraise and worship achitiudza zvekuita. Takazopinda mukati church ikatanga nguva yema items ikakwana tikaimba song yedu naMia vanhu vakanakidzwa.
"Brother Tadiwa maimba zvinonakidza nhasi." ndakanzwaro neumwe musikana anonzi Tendai aive auya pasi pemuti pandaive ndakamirira Mia aive adeedzwa namai vake, church yaive yapera.
"Thanks sister Tendai."
"You are welcome, ndofarira zvekuimba kana muchida tozombo practicer song toimba tese."
"That'll be nice but handiwanzobatike ndinogara ndiri busy." I said akati, "Chingotii hamudi brother Tadiwa, inga sister Mia munovawanira nguva wani?"
"Iwewe na Mia makatosoyina, ndichakuudza pandinenge tiri free topracticer."
"Tiri? Imimi nani?"
"Na Mia." ndakadaira akati, "Dai ndanga ndichida kuimba nasister Mia ndanotaura navo, ndauya kwamuri because ndiri kuda kuimba nemi." ndikati, "Horight, ndokuudza pandinenge ndiri free." and she smiled ndokuti, " Ndichange ndichitaura nemi pawatsapp number dzenyu ndakadzitora mugroup reyouth. Musazondidadirewo kana ndikataura nemi."
''Haa maya handidaro."
Akaenda musikana uya Mia akazouya tikanogara mumota yekumba kwedu takamirira vabereki vedu kuti vapedze meeting yavaiita.
"Ndosaka ndichida kuuya nemota yangu izvi zvekumirira vanhu vasingapedze zvinobhowa, unotoshaya kuti vanenge vachimbotaurei chaizvo." I said Mia akati, "Taura hako zvinobhowa.''
Vakazouya nguva dzafamba Mia akaenda kumota kwavo isu tikaenda kumba uko kwatakasvika tichidya. Ndakazoenda kuroom kwangu ndikabvisa hembe dzekuchurch ndikapfeka short ne vest. Mia aive asingabatike pawatsapp so ndakatanga kuita zvefacebook nguva dzikafamba ndikazodeedzerwa kudya.
Ndaitotaura naMia ndiri muroom mangu pakapinda message from a new number. Ndakaivhura ndikaona yakanzi, " Hie handsome." kwave kushaya kuziva kuti ndiani ndikatarisa profile picture ndikaona ari Tendai musikana wandaive ndambotaura naye kuchurch.
Ndakatora screen shot re chat iroro ndikatumira Mia akati, "Ndiani?" ndikati, "Tendai weku church." akati, "Ari kukuda." ndikati, "Ndizvo zvandatoonawo."
"Mupindureka."
"Kuti chii?"
"Kuti, I am fine how are you beautiful." she said ndikati, "Anobva afunga kuti ndomuda." zvikanzi, "Asi haumude?"
"Ehe, kuchurch kuya hakuna wandinoda. Handisi kumupindura rega nditomu blocker." I said and ndizvo zvandakaita ndikaenderera mberi nekutaura naMia kusvika ndazorara.
The following day takaenda kubasa naMia aive auya nema scones tikamadya pabreak time netea. Palunch takaenda kuour usual restaurant after work tikaenda kugym. Taive tatakura gym wear yedu tikasvikopfeka ndokutanga kuita maexercises.
Handina kufarira kamubatirwo kaiitwa Mia nagym trainer apa Mia wacho aitoita kunge ari kunakidzwa nazvo. Takazopedza ndisisina mufaro Mia achitonakidzwa zvake. Takaenda kumota ndiri kumberi ndichifambisa ndikanopinda mumota.
"Kwakanaka here?" Mia asked apinda mumota ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Hakuna, waitwa sei nani?" ndikati, "Hapana."
"Uri kunyepa ndinokuziva T, wakatsamwei asi pane zvandaita zvakubhowa?"
"Ehe."
"Sorry, ndaita sei?" akadaro ndikati, "Wanga uchida ndisekerere uchibatwa batwa na trainer.'' akati," Ndizvo zvawatsamwa?"
"Ehe, ndingatadze kutsamwa iwe wanga uchiita hunzenza ndakatarisa?"
"Sorry hako kana ndaita zvakubhowa handina kumboziva kuti zvatanga tichiita hazviite. Asi ari sei?"
"Ani?" I asked akati, "Trainer ka, idude ka?" and I clicked my tongue ndikati, "Mia usade kundibhowa, uya nyangwe zvikanzi varume vapera munyika handidi kumuona padhuze newe. Vakadzi vangani vaanobata bata pazuva zvaanga achikuita?"
"An...." she started ndikamucutter ndichiti, "Ngaipere nyaya yatrainer mangwana ukamusiya achikubata bata hatidzoke futi." akati, "Okay ndazvinzwa."
Ndakanomusiya kumba kwavo tachinja nyaya mazuva akafamba weekend ikasvika. Taienda kunonzi kuMisty walk ndiko kwatainoitira youth tichiita braai.
"Kana muri kuda kuenda neni itai zvekukasira." ndakadaro kuma siblings angu Takudzwa and Tinevimbo
"Inini ndatopedza hamheno Tine." Takudzwa said Tinevimbo akati, "Kana neniwo ndapedza." kwakubva ndati, "Saka handei." tikaenda kumota. Takaenda kumba kwana Mia handina kupinda mukati ndikafonera Mia ndikati, "Ndasvika." akati, "Takutouya." vakauya vari 3 nema siblings ake. Nathan naMitchel vakagara kubackseat kwaive naTaku naTine, Mia akagara neni kumberi.
Takaenda ku misty walk and we had a really nice time tikapedza zuva rodoka. Takanosiya Mia nevana vamai vake kumba kwavo tikazoenda kumba kwedu. Next Weekend mayouth aive akabhadhara mari yaidiwa taienda kwaTerry. Friday manheru tichiti tiri kuenda kwaTerry kwacho mangwana makuseni Mia akanditi, "Toenda nevamwe here or toenda tega." ndaisatoda zvekuenda nevamwe ndikati, "Ngatiende tega." zvikanzi, "Rega ndiudze vaHwede vasativerenga pavanhu vari kuenda nekombi. Unouya uchinditora, tiri kuenda nemota yako also tiri kusangana na Alice mutown ari kuendawo."
"Iri bhoo, wazoti tiri kupfei?" ndakadaro akati, "Zvanzi mat-shirts eku church aye eku youth nema jean trousers." ndikati, "Horight, ndave nehope shaa rega ndirare undimutse ndogona kurarisa."
"Ndagara ndokumutsa, goodnight I love you."
"Night, night, I love you too."
Akandifonera makuseni Mia ndikagadzirira ndikaenda kunomutora kumba kwavo. Takanotora Alice kwaaive vakafarirana naMia. Ndaimuziva zvangu but taive tisiri close. Mia akagara kubackseat naAlice vakatanga kutaura nyaya dzavo vachiwirirana kwazvo. Pane zvandakabva ndafunga and I smiled ndatoona kuti ndaive ndawana musikana aizoworirana naMia.
End of chapter
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
79