
Floccy Stories
May 31, 2025 at 03:21 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
For previous chapters follow my channel.
https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL
Please follow my Facebook page.
Compatible
Written by Floccy
Chapter 6
*Mia*
"Saka na Gregory zvakatopera?" Alice asked ndikati, "Ehe and ndatokanganwa nezvake." akati, "Saka waisamuda." ndikati, "Ndaitomuda ufunge but zvaakaita zvakandibhowa, angandiudza kuti ndisarudze pakati pake naTadiwa, kuita here ikoko? Ndakatoona kuti ndikaramba ndinaye anondi controller, sure ndiunzwe kuti siya munhu wandakakura naye nemunhu wandakaona ndakura."
"I think makangotadza kunzwisisana, chete vakomana vanonetsa ava."
"Zvakatopera shaa nditori pakutsvaga so."
"Ndiwe unotsvaga here kana kuti unotsvagwa?" she asked achiseka ndikasekawo ndikati, "Zvese zvinoita, ko iwewe uri sei mujolo wako?"
"Ndizvowo."
"Ndizvowo chii? Asi uri kunyiswa?"
"Ndinenge ndiri kudanana ndega Pardon wacho haachanzwisisike paamire uyu. Mumwe musi anoita kunge anondida mumwe oita kunge asina basa neni, aah haanzwisisike uyu ndiri kutofunga kusiyana naye. Ndinosvika kupi ndichinyengerera munhu akadaro? One sided love inoshupa iyi." she said ndikati, "But manga machovha kubva tiri ku high school."
"Ufunge hako ndotoshaya kuti chii chakachinja ini taive bhoo ufunge zvako akazongotanga kuita zvaari kuita last year muchando umu. Kunetsana kwacho hakuchaperi ndinotombofunga kuti ane umwe musikana chete. Akada kusapindura mamessages asi ari online zvake ozopindura kana mangwana acho. Kuitawo here ikoko?"
"Haa pakaipa anenge asingori wako kana zvanetsa siya vakomana vakawanda unowana umwe. Haungashingirire relationship kunge marriage ka uchiri musikana iwe hausati waroorwa kana zvaramba unosiya wotsvaga zvimwe."
"Taura hako Mia apa ndikasiya ndichambomira zvema relationships izvi ndomboita zvebasa rangu, mujolo unopa stress." she said ndikati, "Ini handichepeswe nemujolo ndikawana umwe ndinopinda zvekuzonyiswa ndinozozviona ndaamo."
Takasvika paround about yepa halfway Tadiwa akamisa mota paside peroad akati, "Ndiri kuda chibage chakagochwa, muri kuchida here girls?" ndikati, "Ehe, Alice uri kuchida?" akati, "Ehe." tikaburuka tikaenda pane umwe mukomana aigocha. Tadiwa akatitengera tikadzokera mumota tikaenderera mberi nekutaura naAlice.
"Iyi ndiyo road inoenda kumba kwedu iyi, pano panonzi paTenis." Alice said ndikati, "Horight, saka kumba kwenyu kure nepano here?" akati, "Ayehwa, 10 minutes chete."
"Saka padhuze, uri kudii uri kudzoka nesu here nhasi kana kuti uchaenda kumba kwenyu?"
"Pane zvandiri kuda ikoko but kurara ndanga ndisiri kuda zvangu."
"Tinokuperekedza." I said akati, "Thank you."
Takazosvika kuMhondoro Ngezi kuTurf tave kutaura nyaya tese tiri 3.
"Nzvimbo ino yakanaka wena." I said ndichiona dzimba dzakanaka and maroads acho aive akanakisa.
"Zvisingaite kani kunotonzi ku little London." Alice said ndikati, "Sure kwakanakisa iwe." Tadiwa akati, "I heard kuti hakuende magetsi hanzi vashandi vanokosheswa." Alice akati, "Ichokwadi."
Takanomira panonzi pacomplex ndikafonera vaHwede ndichida kunzwa kuti vaive vave kupi.
"Maswerasei baba? Mavepi?" ndakadaro vakati, "Mushe sister, tave kutosvika." ndakabvunza kuti, "Kupi?" vakati, "kwaTerry kwacho."
"Hoo ndiri kutoti muri kumashure kwedu. Okay tanga tamira muTurf regai titevere."
Alice akadirector Tadiwa tikaenda kwaTerry kwacho. Paive pakanaka zvekuti pakazara vanhu tikave nenguva yakanaka chose. Vaive vauya nekombi vakaenda isu tikaenda kumba kwana Alice.
"Apa ndipo panogara ambuya vemukadzi uya wekuzviuraya aive ambori mukadzi wehanzvadzi yangu." Alice said achinongedzera pamwe pamba paive pakanaka kwazvo ndikati, "Pakanakisa, akatadza kungodzoka kuna mbuya vake nevana vake here?"
"Hanzi akatombodzoka arohwa nemurume aine nhumbu vakamudzosera kumurume, hanzi vaikoshesa zvavaitirwa nemurume wacho."
"Ende zvakaoma kukoshesa zvisina basa kudarika hupenyu hwemunhu, zvino akafa vakagonei?"
"Pakaita drama kani parufu rwacho amai vemufi naambuya vemufi vachirwa vachitukana chikind chese. Ma secrets akabuda parufu ipapo amai vemufi vachiblamer amai vavo." she said ndikati, "Saka kutukana nekurovana kwavaiita kwaimutsa mufi here? Kumwe kusakwama chokwadi."
Takazosvika pamba pana Alice apo pairatidzika pari smart zvekuti.
"Asi uri kusara?" I asked Tadiwa uyo akaramba ari mumota isu taburuka akati, "Ehe." ndikati, "Zvinozoita here? Zvinoita kunge usina hunhu, buruka." akaburuka tikapinda mumba.
Takawana muina amai vaAlice vandaizivira paphone vachiona TV remote iri mumaoko. Vakasekerera mai Alice vakati, "Titambire." vachisimuka and they hugged nemwana wavo vakazotimhorosa tikagara pasi. Takabvunzana mufaro Alice akati, "Mhamha uyu anonzi Mia shamwari yangu yandinogara ndichitaura, uyu anonzi Tadiwa ishamwira yaMia. Mia and Tadi ava ndivo mhamha vangu." tikaitama matafara nekuzivana mai Alice vakazoti, "Kuri sei kubasa mwanangu?"
"Kuri right zvako. Ko daddy varipi?" Alice said mai vake vakati, "Vaenda kuKadoma."
"Ndaita munyama ndichatozovaona pandichazouya futi."
"Asi uri kudzokera nhasi?" mai Alice asked Alice akati, "Ehe."
Takapihwa drink nechibage chinyoro chakabikwa Alice namai vake vakatisiya vakazodzoka Alice akabata kasmall travelling bag. Takarongedzerwa chibage chinyoro, ipwa, nzungu, nyimo zvese zvinowanikwa kumusha tikavatenda.
Alice takanomusiya kumba kwake chaiko kwaailodger 1 room akati, "Thank you guys." ndikati, "You are welcome tinotaura paphone usare zvakanaka."
Tadiwa akanondisiya kumba tikagoverana zvataive tapihwa namai Alice.
"Usare bhoo." he said and we hugged akaenda ndikapinda mumba.
"Nathan naMitchy endai munotora zvinhu zviri panze mudriveway." ndakadaro mhamha vakati, "Zvii izvozvo?" ndikati, "Zvirimwa zvakawanda wanda tazvipihwa namai vaAlice pataenda kumba kwavo taenda naye, kumba kwavo kudhuze nekwatanga taenda."
"Horight, kwanga kuri sei kwamanga maenda?" vakabvunza mhamha ndikati, "Bhoo zvekuti, tanakidzwa zvisingaite ndichakuratidzai maphotos regai ndimbonogeza." ndikaenda kunogeza ndikadzoka ndokutanga kutaura zvaive zvaitika nekuvaratidza maphotos. Takazodya ndikaenda kuroom kwangu ndokutanga kutaura naAlice na Tadi panguva imwe chete. Tadiwa akandisendera photo raAlice akati, "I think ndamuwana."
"Ndi Alice ka uyu? Wamuwana kuita sei? Uri kuti chiiko iwe?"
"Ndiri kuti ndamuwana wandinoda." he said ndikati, "Uri kuda Alice?" ndaive ndambomuona zvangu achitarisa Alice but ndaive ndisina kuita basa nazvo."
"Yes ndiri kumuda, anoita here?" akadaro ndikati, "Ehe anoita, Alice munhu ari right ndingafare zvekuti, Bhoo zvekuti Alice." akati, "Neniwo ndiri kufeeler kuti ndiye wangu chaiye and the good thing is magara munowirirana zvinova zvandaida kuti iwewe nemunhu wangu munzwanane. Chindipawo number dzake nditange kutaura naye kana kuti unoda kutaura naye iwe, haudi here kundisoftira babe?"
End of chapter
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
78