Floccy Stories
Floccy Stories
June 2, 2025 at 05:25 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 7 *Tadiwa* Ndaitoda kumunzwa zvangu achibva aisa audio achiseka akazoti, "Hoo ndimi vaye vasingagone kusofta mababe?" ndikati, "Kwana mhani iwe, ndingatadze zvinhu zvakapusa kudaro?" "Wandinakidza zvangu, rega ndikupe number dzake utaure naye wega. Ndinenge ndichida kuziva zvese zvamataura." "Okay ndokuudza." Akanditumira number dzaAlice dzandakabva ndatosaver kuti babe neka heart ndikatora screen shot ndikatumira Mia uyo akabva atanga aseka akati, "Nhaka murudo mave kupindwa nezvimwe, uri kutomuda zvekudaro?" ndikati, "Zvekutodaro sahwii, wish me luck handisi kuda kurambwa." "All the best." "Usarare rega nditaure naye, kahana kave kutorova wena." "Kwana iwe. Asi uri kuda kubva watokanda shoko racho nhasi?" she said ndikati, "Ayehwa, ndomutanga ndichiti chii?" "Tadi ka uri kuita sekuti hausati wakambonyenga musikana sei? Mumhorese then womubvunza kuti asara sei?" "Horight rega ndidaro." Ndakaenda kuchat raAlice ndikafara ndawana atori online ndikamuti, "Hie, its Tadi." haana kunonoka kuvhura message yangu and she replied kuti, "Hie Tadiwa, how are you?" "Ndiri bhoo, wasara bhoo here?" "Ehe, ko imimi mafamba bhoo here?" "Haa tafamba bho, saka uri kuitei hako?" ndakadaro akati, "Kutamba nephone ndichitsvaga hope zvangu." ndikati, "Nice, ndangoti ndinzwe kuti wasara sei." "Haa ndasara bhoo, thanks for asking." "Goodnight." "Night night." I said kwakubva ndaita copy our conversation ndikanopaster mu inbox maMia. "Wagona, mangwana makuseni unomuti good morning beautiful, motanga kutaura kubva ipapo, masikati womuti afternoon zvichingidaro." Mia said ndikati, "Ako kave kutondidzidzisa kunyenga babe." akati, "Ndoita sei iwe uri kungobvunda bvunda zvisina basa. Ndave nehope shaa, mangwana toenda nemota yedu zvekuzomirira vemameeting zvinobhowa." "Okay ndouya kuzokuona. Goodnight, I love you." "I love you too, urare bhoo." The following day ndakamutswa necall yaMia akanditi, "Muka uite zvandakakuudza." ndikaseka ndikati, "Zvausina kukwana." zvikanzi, "Ita izvezvi." ndikati, "Horight kwacho." "Good morning beautiful." ndakatumira Alice message and she was online akati, "Morning, how are you?" ndikati, "Ndave bhoo ndataura newe, uri kuenda kuchurch here?" "Ayehwa nhasi handisi." "Ko why?" "Ndiri kuda kuita laundry yandaifanira kuita nezuro." she said ndikati, "Dai ndisiri kuenda kuchurch ndaiuya kuzokubatsira. Ndinouya next Saturday kuzokubatsira." akati, "Unogona kuwacha?" "Ehe ndinogonesa ini." "Mmmm ne zvauri?" "Zvandiri zvipi?" I asked zvikanzi, "Zvauri izvozvo hauna kufitwa nekuwacha." ndikati, "Ndanga ndisingazive kuti kuwacha kune kufita, uchaona zvako pandichauya kuti ndiri shasha pakuwacha." "Totenda maruva tadya chakata." "Unenge waive shasha kushona." "Ehe nditori ne A." she said ndikati, "Ndatozviona, totaura later hun regai ndimboita zvekuti ndiende kuchurch." akati, "Unondinamatirawo." ndikati, "Handina glue." "Glue?" she asked ndikati, "Rekunamatisa ka handiti glue ndiro rinonama." akati, "Haa iwe zvandiri kutaura uri kuzviziva." "Unoda kunamatirwa chii?" "Chero." "Okay beautiful I will definitely pray for you. Inini ndiri kuda kuti undinamatirewo paunenge uchiwacha." akati, "Kunamatirwa chii?" "Pane musikana wandiri kuda wandisati ndaudza, ndiri kuda kuti pandichazomuudza andidewo asandirambe." "Anonzani musikana wacho? Pakunamata panoda mazita." "Ingoshandusa first letter rake A, unenge uchiti Mwari itai kuti A azobvuma Tadi." I said akati, "Okay I will pray for you." "Thanks, totaura later." Handina kukangwanwa kuita copy and paste conversation ndikapa Mia akati, "Ichoo chiri kukanda ma worms mbichana mbichana, zviri kuita and wagona wena. Alice wacho anenge ari kutodyira, ari kutodawo." ndikati, "Anototi adyire ka, ko ndiripo ka ini." "Handsome overload, wakanaka baba vako." I laughed ndikati, "Ratochinjwa statement riya. Shaa rega ndigadzirire zveku church ndave nemazipower ndataura nabae." akati, "I hope haazonditorera shamwari yangu Alice iyeye." ndikati, "Jelosi, don't worry unozviziva kuti ndiwe unotanga. Alice anenge akakosha but iwewe wakakoshesesa." "Ugare wamuudza Alice wako iyeye kuti hatidi kupesaniswa." "Ndizvo zvandichatotanga kumuudza izvozvo. Chiita zvekuti tiende kuchurch." Ndakagadzira bed yangu ndikaenda kunogeza ndikapfeka macolors aipfekwa musi iwowo. "Asi uri kuenda nemota yako?" mhamha asked ndikati, "Ehe, imimi munobhowa kuzopedza gore muri mumeeting yenyu." zvikanzi, "Kungonakidzwa nekutambisa fuel." ndikati, "Yandinotenga ndega." Handina kuda kumirira vamwe kuti tidye pamwe chete ndikamwa tea ndiri ndega ndokuzoenda kumba kwana Mia. "Give me 5 minutes ndave kutouya." Mia said pandakamufonera ndasvika kumba kwavo. "Okay." I said kwakubva ndafunga kutaura naAlice ndakamirira Mia. "Watopedza kuwacha here?" I asked and aive offline Alice wacho. Mia akauya tikaenda kuchurch ikaitwa ikapera. Tave kuenda kumota naMia, Tendai akandideedza ndikamira Mia ndokuti, "Ndipe ma keys unondiwana kumota." ndikamupa akaenda Tendai akasvika pandiri. "Kana maive musingade kutaura neni maingondiudza kwete kundiblocker." Tendai said ndikati, "Ndakaona kuti kwaizoenda nyaya handizokufarire." "Kupi ikoko kwayaienda? Ndaitongoda kutaura nyaya dzekuimba chete ini kwete zvamakafunga nditori nemunhu wangu." "Sorry." "So muri kundi unblocka ka?" she asked ndikati, "Ayehwa, handina nyaya dzekutaura newe." ndikafamba ndichibva paari. "Hanzi chii?" Mia asked ndapinda mumota ndikamuudza akati, "Zvaasina kukwana." Ndakanosiya Mia kumba kwavo ndikaenda kwedu uko kwandakasvika ndichidya ndokuzoenda kuroom kwangu. Ndakachinja hembe ndikarara pabed phone iri muruoko. "Ndazopedza manje ende ndaneta yanga yakawanda washen yacho. Wazoenda kuchurch here?" aive apindura Alice ndikati, "Ndaenda ndichangodzoka." "I hope hauna kukanganwa kundinamatirawo." "Handina ndatoti Mwari komboreraiwo amai vevana vangu. Ko iwewe pawanga uchiwacha wandinamatira here kuti musikana wandinoda ane zita rinotanga na A andibvume?" "Ehe ndakunamatira." she said ndikati, "Thanks watondipa simba rekumuudza zviri pamoyo pangu." zvikanzi, "Muudze usatye." ndikati, "Ndichamuudza chete." Ndaive ndave kutaura naAlice nguva zhinji zvatinenge tataura ndoratidza Mia uyo aive atononokerwa nekuti ndidanane naAlice. Week rakamhanya Friday tichibva kugym naMia akanditi, "Saka mangwana hausi kuuya kuyouth?" ndikati, "Ehe, inga takawirirana wani kuti ndipo pandiri kuenda kunoona Alice." "Ndichakusuwa." "Kana neniwo, ndinouya kuzokuona manheru." "Horight." We hugged tikakissana matama akapinda mumba mavo ndikaenda kumba kwedu. "Mangwana ndiri kuuya kuzokubetsera kuwacha." ndakadaro kuna Alice akati, "Waitorevesa nhai iwe?" ndikati, "Ehe, saka ndouya nguvai?" zvikanzi, "Kuma 11." "Ndokuvigira chii?" "Aaah hapana." "Chii chinonzi hapana?" I asked akati, "Chero horight." ndikati, "Okay ndichauya nechero yacho." Ndakatumira Mia conversation yangu naAlice akati, "Anofarira pizza chicken and mushroom, minute maid yeguava wowedzerawo zvimwe zvinodiwa nevasikana." End of chapter
❤️ 😂 👍 🙏 😮 71

Comments