Floccy Stories
Floccy Stories
June 4, 2025 at 12:05 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Please follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 8 *Tadiwa* "Thanks ndichakuratidza zvandinenge ndatenga zvacho." I said tikazotaura dzimwe nyaya kwekanguva ndikarara. "Morning beautiful." ndakatumira Alice message uyo aive atori online akati, "Morning how are you?" ndikati, "Ndamuka bhoo zvangu, wandirotawo here?" "Handirote ini." "Kune munhu asingarote?" "Ehe inini." she replied ndikati, "Hakuna zvakadaro." akati, "Ndinokanganwa." ndikati, "Idaro hapana munhu asingarote, ndokuona ndauya kwete kuzowacha ndisati ndauya." "Horight." Ndakataura naMia ndapedza kutaura naAlice. "After youth ndiri kufunga kuenda kuvillage zvangu." Mia said ndikati, "Kunoitei?" ndikati, "Kunofurwa nemhepo zvangu pamwe ndingaonekwa." ndikati, "Ayehwa Mia haufambe wega ndisipo." "Ndiri kuda kuonekwawo ka nhai." "Imbomira izvozvo Mia ndipo pakuzokumba zvese zvese. Uchamuwana munhu ari bhoo chimbomira kumhanya." "Horight kwacho ndoenda kumba after youth." she said ndikati, "Good girl ndouya kuzokuona zuva rodoka. Mota yangu ine tsvina shaa rega ndinyengerere Taku andibetsere kuigeza." "Kana yangu wena asi yangu ndichatuma Nathan kuti aende nayo kucar wash." "Totaura later." I said ndikaenda kuroom kwaTakudzwa uyo aive achiri akatorara zvake ndikamumutsa. "Ndiri kuda kubatsirwa kusuka mota." I said akati, " Ndizvo zvawandimutsira izvozvo?" ndikati, "Ehe, hande." akati, "Usadaro iwe, uri kubhadhara?" "I am your big brother Takudzwa ndinotofanira kukutuma." "Uku kubatirana." "Hande hauzoshayewo something." I said tikaenda kunogeza mota ndikazoenda kunogeza ndikapfeka zvaionekera semunhu aienda kunoona babe. Takadya breakfast as a family nahalf 10 ndikaoneka mhamha vakati, "Saka hautogone kuswera usina kuona Mia?" ndikati, "Why madaro?" zvikanzi, "Wave kutoenda kwaari ka." "Handisi kuenda kuna Mia ini ndiri kuenda kunoona muroora wenyu, pamubvunzo wamabvunza pekutanga ehe handigoni kuswera ndisina kumuona Mia ndichienda kunomuona zuva rodoka ndadzoka kunoona muroora wenyu." "Wave nemusikana?" mhamha asked ndikati, "Ehe but handisati ndadiwa zvangu." vanhu vese vakaseka mhamha ndokuti, "Zvausina kukwana, unoti une musikana iwe usati wadiwa? Une photo rake here timuone zvedu?" "Muri kumhanya mai Tadiwa muchamuona kana mave kufanira kumuona. Regai ndiende ini." Ndakafonera Mia ndichangogara mumota akadavira achiti, "Mukomana waAlice." ndikati, "Amana ndatochinjwa zita here? Apa handisati ndatombodiwa." "Kudiwa unodiwa hako watononoka kutaura." "Zita rangu ndonzi Tadiwa. Uri kuitei?" "Ndichangobva kunogeza ndiri kuzora mafuta." she said ndikati, "Saka ngatitaurei kusvika ndasvika." zvikanzi, "Asi watosimuka." "Ehe." "Wakazotii chii nenyaya yema business ideas aye?" "Handiti takati ticharonga here." I said akati, "Time iri kufamba Tadi tinofanira kuita zvedu zvisinei nevabereki." ndikati, "Taura hako, totaura pandiri kuuya kuzokuona." Ndakasvika papizza inn ndichitaura naMia ndika order 1 large box of pizza yaifarirwa naAlice zvese nejuice racho. Ndakamirira order kuti iite ndichitaura naMia. "Ndave kuenda kuchurch." she said ndikati, "Ngatitaure kusvika wasvika." tikataura order yangu ikaita ndikaenda kunotenga magoodies kusupermarket. "Ndasvika totaura wauya kuzondiona." she said ndikati, "Uswere bhoo ndabva ndatotanga kukusuwa." zvikanzi, "Kana neniwo, umhorose Alice ndichataura naye zvangu I know achandiudza kuti wakanda shoko." "Kufunga kwako anondibvuma?" "Zvinoita kani Tadi, bye bye." *Alice* Ndakapedzisa kuyanika hembe ndikadzokera mumba. Mvura yangu yekugeza yaive yaita ndikaidira mubucket ndikaenda kunogeza. Ndaive ndatosarudza zvekupfeka ndaisa pabed ndikadzoka ndichozora mafuta nekupfeka. Padoor pakaita knock ndave kukama frontal wig yandaive ndakaiswa. Ndakatofunga kuti ndiTadiwa ndikamhanya kuzvigadzirisa kwave kuzoenda kudoor ndikavhura ndikaona ari musikana aigara munext room. "Aaah ndiwe?" ndakadaro Emily akati, "Ndini zvangu, wanga wati ndiani?" ndikati, "Pane shamwari yeshamwari yangu ari kuuya. Nhasi kwakanaka kuknocker nekusapinda? Ndokuziva uchingo knocker ka 1 wobva watopinda." "Ndakuona uchibva kunogeza ndaizopinda wakashama. Kana uchiti shamwari yeshamwari yako unorevei?" "Handiti ndakakuudza nezve shamwari yangu anonzi Mia wandaiti takadzidza tese ku high school?" "Ehe wakandiudza." she said ndikati, "Ane shamwari yake best friend mukomana ndiye ari kuuya kuzondiona." akasekerera akati, "Hoo mukomana ari kuuya ndosaka wachena chena so? Asi ari kukuda?" "Ndadaro kupi? Ari kuuya kuzondiona chete." "Chete chete." Ndisati ndamupindura phone yangu yakatanga kurira ndikaitora ndikaoma ari Tadiwa. "Helo Tadi." I picked the call ndikanzi, "Hey beautiful, ndave kuuya." ndikati, "Ndiriko huya zvako." zvikanzi, "Ndikasvika wawacha ndikurova." and the call ended Emily akati, "Ka smile aka ndeke munhu ari murudo." "Kutaura chokwadi ndakamufarira Tadiwa that's why ndiri kumu entertainer, ndiri kutozviziva kuti ari kundida. Akanaka iwe, angori munhu ari bhoo so." "Ndabva ndatonzwa kuda kumuona. Ko Pardon?" "Ndiri kumuona mangwana and ndiri kubva ndamuudza kuti tichisiyana hedu hapasisina rudo." I said akati, "Unenge wagona but hazvisi kukurwadza here?" ndikati, "Ndakatanga ndichirwadziwa, ndiye ka akandibvisa humhandara and ndiye ega mukomana wandakarara naye. Iye zvino hazvicharwadze ndakazvigamuchira kuti rudo hapasisina." "Chimbozama iye ari kuuya uyu. Nezuro ndakakanganwa kutenga chingwa nzara shaa, ndipo ka 4 slices ndokudzosera ndatenga changu." "Kudzosa kwekuita seiko Emily, kana uchida zvibikire tea ndabika mazai ari mupan yakavharwa iyo." "Thanks." she said achienda paive neelectric jug akaribatidza. Akazvigadzirira tea yake akatanga kudya tichitaura nyaya. Phone yangu yakatanga kurira ari Tadiwa ndikadavira zvikanzi, "Ndasvika." ndikati, "Ndiri kuuya." kwakubva ndati kuna Emily, "Munhu wangu asvika, ndiri sei?" "Zvese bhoo, enda unomutora ndimuone ndiende kuroom kwangu." Ndakabuda ndikaenda kwaive naTadiwa. Aive ari mumota akabuda paakandiona. "Hesi." I said akati, "Ndave bhoo ndakuona, iwe uri sei?" ndikati, "Ndiri right zvangu, ngatipinde mumba." akatora mapaper bags aive mumota nezibox repizza. Ndakatambira mapaper bags tikapinda mumba ndikamupa chair yekugara akamhorosana naEmily. "Emily uyu anonzi Tadiwa ndi besty veshamwari yangu Mia. Tadiwa uyu anonzi Emily ishamwari yangu tinogara tese pako." I said vakazivana Emily akazoti, "Thanks Alice rega ndiende ndiri kuda kupinda mutown, hapana zvauri kuda?" "Hapana, ndokuona wadzoka." Akaenda Emily pakaita karunyararo Tadiwa achibva azoti, "Asi watowacha?" ndikati, "Ehe, kare kuseni chaiko." zvikanzi, "Usadaro iwe ndakati ndoda kukubatsira wani." "Ndakadzidziswa kuti varume havawache." "Manje inini ndinenge ndichikuwachira basa rese ndinenge ndichikubetsera. Unoda here kuenda neni somewhere kunofurwa nemhepo?" "Handei hedu." I said akandiendesa kune kamwe ku a fancy and quiet place. Takadya food yainaka kwazvo tave kudya dessert Tadiwa akandibata ruoko akati, "Alice ndokuda." Ndakashaya zvekutaura akati, "Ndati ndokuda Alice." ndikati, "Ndokumbirawo kubvunza." zvikanzi, "Bvunza zvako." "Mia akandiudza kuti muri ma friends but zvamunoita zvinoitwa nevanhu vanodanana, hamudanane here?" "Dai ndaidanana naye ndiri kukuudza kuti ndinokuda here? Mia is my friend, my special best friend. Hatidanane isu tingori vanhu vanowirirana chete." he said ndikati, "Okay kwanga kuri kungoda kunzwisisa. Apa ndichiri murelationship neumwe mukomana but ndave kuda kusiyana naye hapasisina rudo, ndichambofunga ndichipedzerana naPardon ndozokuudza kuti ndinenge ndafungei." End of chapter
❤️ 😂 🙏 👍 😮 25

Comments