Floccy Stories
Floccy Stories
June 11, 2025 at 02:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Please follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 16 *Mia* "Yeeeh tasvika." ndakadaro tasvika kumba kwedu Tadiwa akati, "Ndakaneta shaa tomorrow I don't think ndoenda kuchurch ndoda kuswera ndakarara." ndikati, "Ayehwa Tadi usandiudze kuti wakanganwa kuti tiri kuenda kuchurch kwana Tay kwandakakwoka?" "Eish! Ndimangwana zviya?" "Ehe ndimangwana." "Ndanga ndatokanganwa toenda." he said ndikati, "Ukasire handidi kuti tinonoke, unouya uchinditora kana kuti ndini ndinouya?" zvikanzi, "Ndiwe, rega ndiende shaa ndinozorora, waita basa nekundiperekedze kana uripo zvinhu zvinoendeka ndinenge ndiine confidence." "Wapindura bhoo zvawabvunzwa but wambotanga uchikwata ndazviona zvangu. Ivo baba vaye vanobvunzisisa pane chasara here paye?" "Vanga vachida kuziva ka, chiburuka ndiende shaa nyaya dzedu hadzipere ndakanetesa ini." "Wadii kungorara kuno?" I asked akati, "Ndizvo zvanga zvichitoita but mhamha vanenge vachida kuziva kuti tafamba sei." ndikati, "Iri bhoo totaura paphone." tikakissana matama nekuudzana ma I love you ndikazoburuka ndikapinda mumba. "Maswerasei?" ndakamhorosa mhamha nemurume wavo vakadavira vese mhamha vakazoti, "Kwanga kuri sei mafamba zvakanaka?" ndikati, "Zvakanakisa atambirwa zvakanaka Tadiwa." "Tinotenda Mwari kana zvafamba, ko iwe Tay tomuona rinhi?" "Kana nguva yakwana apa hatisati tave kutaura izvozvo akati anoda kutanga apedza chikoro." "Chave kupera hacho, handiti ari kupedza gore rino?" vakadaro mhamha ndikati, "Ehe, don't worry muchamuona zvenyu pamberi apo. Handiti mangwana ndakakuudzai kuti tiri kuenda kuchurch kwana Tay?" "Iwewe nani?" she asked ndikati, "NaTadiwa ka, inga zviri obvious wani." zvikanzi, "Akakokwa ndiani pakati penyu?" ndikati, "Ndini zvangu but Tadiwa ndiri kuenda naye. Regai ndinogeza nekuzororora kana Mitchy apedza kubika anouya kuzondideedza." Ndakaenda kuroom kwangu ndikageza ndikapfeka kadress kaipinza mhepo kwaipisa zvisingaite. Ndakafonera Tay ndikamuti, "Ndave kumba babe." akati, "Mafamba zvakanaka here?" "Ehe." "Tinotenda Mwari neNyasha dzerwendo, mangwana uri kuuya ka?" "Ehe ndiri kuuya." I said akati, "I can't wait to see your cute face ndakusuwa shaa." ndikati, "I miss you too sweetheart. Ndakaneta sweetness rega ndimborara totaura later." "Zororai mai Pamire." he said ndikaita kunge ndichamelter nekungonzi mai Pamire ikoko. Ndakarara Mitchy akazondimutsa chikafu chaita tikaenda kunodya ndikadzoka kuroom kwangu after ndasuka maplates. Ndakataura naTadiwa ndikazotaura naTay kusvika ndave kunzwa hope ndikarara. The following day ndakangoti ndichimuka ndikafonera Tadiwa ndikamuti, "Muka ugadzirire iwe." kwave kumuudza hembe dzekupfeka zvese nebhutsu dzacho. Ndakasarudza dzangu hembe nebhutsu ndikafonera Tadi nevideo call akadavira achiri mumagumbeze. "Haa Tadi handina kukumutsa here iwe?" I asked akati, "Sorry ndave kutomuka." ndikati, "Usadaro iwe, nguva dziri kufamba muka tione uite zvandataura. Dress iri riri sei, blazer nebhutsu idzi?" ndaitaura ndichiisa camera ikoko akati, "Bhoo zvekuti igaroziva kuti zvese zvakatengwa neni zvinokufita." and ndiye aive akatenga zveshuwa ndikati, "Haiwawo chimuka ugadzirire ndouyako manje manje." Ndakagadzirira ndikaita light make up ndikaenda kubedroom kwamhamha kunooneka. "Wakachena." she said ndikati, "Thank you, ndave kuenda." zvikanzi, "Horight mwanangu unovamhorosa baba namai mufundisi Pamire, pahunhu handikutyire mwanangu." "Ndovamhorosa." Ndaenda kukitchen ndikatora banana neapple ndizvo zvandakadya ndichienda kumba kwana Tadiwa. Ndakasvika asati apedza Tadiwa wacho ndikaenda kuroom kwake ndikawana achipfeka bhutsu. "Unobhowa." I said akati, "Inga ndapedza wani." ndikati, "Ita tiende uko." Akatorawo apple nebanana akadya tave kuenda kuchurch kwana Tay. Takasvika pachurch pacho patove nemota dzakawanda ndikafonera Tay. "Tasvika babe." I said akati, "Asi wauya namainini Mitchy?" ndikati, "NaTadiwa." zvikanzi, "Ndiri kuuya." akauya tikaburuka mumota tikamumhorosa. "Maita zvakanaka mauya, ngatipindei hedu muchurch." Tay said tikamutevera tikapinda muchurch akatiratidza pekugara. Paiitwa intersession yaitugamirwa naiye Tay ikapera Tay akati, "Yave nguva yepraise and worship timbotambira nekurumbidza Mwari wedu. Nhasi ndiri kufara zvakanyanya nekuti tatsikwa nevazodziwa vaMwari vanoimba nekushumira Mwari nemutowo unoshamisa. Praise and worship nditenderei ndideedze vaenzi vauye vabate nemi nhasi, vanhu vaMwari ngatigamuchirei sister Mia nabrother Tadiwa, ngatiitei mhere mhere mhere nemufaro vachiuya kuno kumberi." Ndaive ndisina kutarisa kuti achadaro Tay tikatarisana naTadiwa kwakubva tasimuka tikaenda kumberi. Takapihwa mamicrophone tikazevezerana naTadiwa kuti aimbe praise sezvo ainyatsoigona ini ndozoimba worship yandaigonesa. Akatanga kuimba Tadiwa vanhu vakatamba nekufara zvekutamba ndaizvigonesa kwazvo but musi uyu handina kutamba ndichinyara. Nguva yeworship yakazosvika ndikaimba nemoyo tikazogariswa pasi mufudisi baba Tay vave kuda kuparidza. "Ndinokumbirawo mwana wangu Mia andiimbirewo changamire muponesi ndinozoida hymn iyoyo." baba Tay said after vamhorosana vanhu ndikapihwa microphone ndikaimba hymn song yavaida. Church yakazopera takomborerwa tikaenda kunomhorosa mai Tay. "Ndafara nekukuonai vanangu regai ndione vandiri kuda kuona tiende kumba." she said tikabuda panze Tay akauya pataive akati, "Maita basa nekushumira kwamaita nhasi taona huvepo hwaMwari. Mhamha nadaddy ndaive ndakavaudza kuti muri kuuya saka vati ndikuudzei kuti vari kukukokai kulunch kumba." "Vanga vataura havo mhamha." I said Tay akasekerera akati, "Ngatitungamirei zvedu kuenda kumba vanotevera vana mhamha. Tsano Tadiwa ndokumbirawo kuenda nasisi venyu nemota yangu." Tadiwa akati, "Its okay tsano endai naye munhu ndewenyu ndinenge ndiri kumashure kwenyu." Takave nenguva yakanaka kumba kwana Tay, he introduced me as his girlfriend kuma parents ake vakafara kwazvo. "Thanks babe nekubvuma kuuya kuchurch kwedu nekuuya kuno." Tay said atiperekedza kumota tave kuda kuenda ndikati, "You are welcome babe thanks nekundikoka ndanakidzwa handidi kunyepa, ndanzwa kudziirwa nekutambirwa kwandaitwa namhamha nadaddy." Ndakazonosiya Tadiwa kumba kwavo ndikaenda kwedu. After two weeks Tadiwa akandiudza kuti, "Tiri kuenda kwatete vaAlice paweekend." ndikati, "Iri bhoo toenda." that same night Tay akanditi, "Babe pane kwandiri kuda kukuendesa on Saturday." "Sorry babe ndipo pandiri kuperekedza Tadiwa kumba kwatete vemusikana wake." I said akati, "Utori serious?' ndikati, " Ehe." zvikanzi, "Aaah babe haana hama here Tadiwa wako dzimuperekedze? Ndakabhadhara mari kwandiri kuda kukuendesa hazviite kuti tisaende." "Dai wakandiudza Tay ndakagara ndaronga." "I wanted it to be a surprise babe." he said ndikati, "Ndipo pakashatira masurprises ipapo. Tozoenda next time hazviite kuti ndirege kuperekedza Tadi anotsamwa." End of chapter
❤️ 😂 😮 👍 🙏 😢 95

Comments