
Floccy Stories
June 12, 2025 at 06:14 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
For previous chapters follow my channel.
https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL
Please follow my Facebook page.
Compatible
Written by Floccy
Chapter 17
*Mia*
"Hoo Tadiwa wako ndiye anotsamwa inini handitsamwe?" akadaro Tay ndikati, "Ndadaro papi? Don't put words into my mouth Tay." zvikanzi, "Ndizvo zvawataura apa handiti wati haudi kutsamwisa Tadi, ko inini?"
"Tay wave kuda kungorebesawo nyaya iwe, dai wakagara wakataura pasina zvese izvi, Tadi akandiudza paine time ndikabvuma saka hazviite kuti ndimuudze kuti hazvichaite iye akagara ataura."
"In other words uri kureva kuti Tadiwa ndiye akakosha kundidarika?"
"Ndizvo zvandataura here? Yes Tadiwa akakosha and iwewe wakakoshawo futi apa nyaya iripo ndeye kuti waifanira kugara wataura kuti pane kwauchazoda kuenda neni." I said akati, "Inga ndataura wani kuti naida kuti iite surprise." ndikati, "Sorry zvako surprise yako yauya ndiine mamwe maplans andisiri kukwanisa kuchinja. Toenda next week, I am sure veikoko kwacho kwawaida kuti tiende vanonzwisisa ukavaudza kuti hatichakwanise kuuya mangwana." akanzwika kutaura mafemo Tay akati, "Its okay Mia enda naTadiwa wako akakosha kundidarika." achibva acutter call ndikatoshaya chaaive atsamwa.
Ndakafonera Tadiwa ikati number busy ndikaziva kuti aitaura naAlice wake akazofona papera kanguva akati, "My guy." ndikati, "Hesi T."
"Ndiri bhoo, you sound low waita sei?"
"Tay anditsamwira."
"Wamuita sei?" he asked ndikati, "Hapana zvandamuita ini, afona akandiudza kuti mangwana pane kwaari kuda kundiendesa ndikamuti handikwanise because ndiri kuda kukuperekedza kumba kwatete vemusikana wako akabva atotsamwa hanzi ndiri kukukoshesa kudarika iye."
"I understand him hangu, unogona kuenda naye."
"Aaah but ndiwe wakatanga kutaura ka."
"Hazvina basa Mia kwatiri kuenda hakuna yakanyanya kungonoona tete, enda kwauri kuda kuendeswa namfundisi." He said ndikati, "Hauna kutsamwa?" zvikanzi, "Handina ini, yes ndichabhowekana kuenda usipo semunhu wandajaira kuve naye but its okay enda zvako nemunhu wako. Ndofanira kutodzidzira izvezvi kumbokushaya nekuti manje manje unenge wave wake Tay wave mukadzi wake."
"Thanks rega nditaure naye apa anditsamwira."
"Haangambotadze kutsamwa umuti sorry."
"Okay ndokuudza kuti anenge ati chii." I said kwakubva ndatumira Tay message yekuti, "Tadi abvuma tinoenda kwauri kuda kuti tiende." and he replied kuti, "Dai asina kubvuma taisaenda ka? Zviri pachena kuti ndiye waunokoshesa."
"Sorry."
"Goodnight Mia." he said achibva atoenda offline ndikatumira Tadiwa conversation yangu naTay akati, "Pakaipa dzatsamwa dzimfundisi. Ramba uchimuita sorry." kwakubva ndatumira Tay message yekuti, "Sorry zvako kana ndaita sendakoshesa Tadi kukudarika I didn't mean to, I love you Tay please forgive me." ikaticker ka 1 kwakubva ndamufonera ikasaita through.
Ndakazotaura naTadiwa kusvika ndarara the following day ndikamuka Tay akaisa message yekuti, "Unodanana neni babe kwete naTadi so ndinotarisira kuti ukoshese ini kwete shamwari yako. Handigone kukutsamwira babe but nezuro wakandibhowa, anyway ngaipere nyaya yacho and usazozvidzokorora. Ugadzirire ndiri kuuya kuzokutora." ndikati, "Nguvai?" akataura kwakubva ndatomuka ndikaenda kubedroom kwamhamha kunovaudza kuti ndaibuda nemukwasha wavo wavaidisisa.
*Alice*
Ndakapfeka maslides angu ndikatarisa Emily ndikati, " Ndiri sei?" zvikanzi, "Uri right wakachena, uri kubva waita kunge uri kuenda kunoona main-laws sei iwe uri kuenda kwatete vako." ndikati, "Kungodawo kuziva kuti ndiri sei, iko hana yangu iri kurova ndiri kuenda ka kunoona vabereki vaTadiwa next weekend."
"Don't worry zvese zvinofamba bhoo."
"Dai zvikadaro chinhu 1 chete chiri kundibhowa."
"Chii ichocho?" she asked ndikati, "Mia." akaseka akati, "Mia ndiye wauri kuti chinhu? Chinokubhowa ndochishaya ini wakadanana naTadiwa uchiziva kuti mafriends naMia, saka apa chachinja chii?"
"Take take yacho inozonyanya ipapa uchaona vanouya vese."
"Zvine basa reiko nhai? Usade kuparadzanisa vanhu vawakawana vachiwirirana. Dai Mia asina mukomana wake taimboti zvino anotori naye, usadaro iwe uchenjere kuzozvikanganisira zvinhu."
"Zvinongobhowa haungambozvinzwisise I feel like Tadi anokoshesa Mia kundidarika." I said akati, "Iwe uri kuzvitarisirei? Dai Tadiwa asingakude haaimbotaura zvekuroora." My phone rang ari Tadiwa ndikadariva akati, "Ndasvika huya kumota."
"Auya." I said Emily akati, "Ndokuona wadzoka." ndikaenda kumota ndikafara kuona ari ega Mia asipo. Ndakavhurirwa door ndikapinda ndikati, "Ko tete varipi?"
"Handiti wakati haudi kuti tiende naye kuhama dzako." Tadi said ndikati, "Babe inga ndakati sorry wani." zvikanzi, "Pane kwaaendeswa nemunhu wake. Toenda hedu?" ndikati, "Ehe handei"
Muroad macho Tadiwa aive akanyarara hamheno zvaifungwa ndaive ndatanga ndichitaura naye achingopindura zviri cold zvake. Takazosvika kwatete mai Chari ndave kuita zvephone yangu. Tete mai Mandizvidza vaiveko sekutaura kwavaive vakaita tikatambirwa zvakanaka. Ndakaita maintroduction Tadiwa akazotaura nyaya yake tete mai Chari vakati, "Zvakanaka bamunini manga muchida kuzviita zvarinhi?" Tadiwa akataura tete mai Mandizvidza vakati, "Zvapari padhuze nhai, makatorongeka here?"
"Ehe, imi itai kuti zviite ndave kuda munhu wangu." Tadiwa said tete mai Chari vakati, "Zvakanakai bamunini regai titotanga kufambira nyaya dzacho.
Next weekend on Saturday takaenda kumba kwababa Tadiwa takaenda ari makuseni masikati taizoenda kwamai vake Tadiwa nemurume wavo. Takaenda tiri 3 naMia tikasvikotambirwa zvakanana nababa vake nemukadzi wavo. Masikati takaenda kwamai vacho and handina kunyatsoona kufara kwavo vaitooneka kuti vaisekerera zvenhema and vainditarisa neziso rinotaura.
"Kwanga kuri sei kuma in-laws?" Emily asked ndadzoka ndikamuti, "Bhoo zvako but handina kuona kufara kwamai Tadi vanga vachingonditarisa neziso rinotaura vanenge vasingandifarire." akati, "Wamhanya kuvafungira nefirst day pamwe watadza kuona."
"Rega tigoona but mmmm matarisiro avanga vachindiita haana kumira mushe."
Tete mai Chari vakazondifonera vakandiudza kuti list raive ratonyorwa date ravepo. Vakanditumira list racho iro raive right zvekuti, ndaive ndisina kunyanya kudhuriswa. Ndakakumbirwa number dzaTadiwa natete mai Chari ndikavapa vakamutumira list racho.
"Wave kuzoita wangu zvachose." Tadiwa said ndikati, "I can't wait, saka tichagara kupi after muchato?" zvikanzi, "Tichambogara nana mhamha then tozoenda kwedu."
Ndakatanga kugadzirira zuva reroora ndikatsvaga vemaevents ndivo vaizoita decor zvese necatering. Takasonesa majava edu, roora squad paive naEmily, Ruvimbo my cousin naTarisai shamwari yangu yekubasa. Mia akaramba kuva part of roora squad achiti aive kuside revakwasha.
Takaenda kumusha 2 days before zuva reroora negirls dzangu zuva racho rikazosvika. Vakwasha vakauya and Mia aivepowo ndikabvisirwa zvakanakisa pakakumbirwa muchato.
Ndakaroorwa muri muna April and muchato waizoitwa muna August.
Wakatanga kurongwa muchato mazuva achifamba rimwe zuva ndikabvunza Tadiwa kuti, "Anenge ari best boy ndiani?" zvikanzi, "Mia?" ndikati, "Musikana ka?" zvikanzi, "Ndiye best friend yangu ka, asi hausati wamboona musikana achiita best person wemukomana pamuchato?"
"Ndakazviona zvangu. Saka iye akachata ndiwe uchaita best boy wake, best person wake wacho?" ndakamupindura nemubvunzo akati, "Tozozviona kana ave kuchata Mia wacho. Apa ndini ndiri kuchata Mia achaita best wangu handina imwe shamwari kunze kwake."
"Zvichiita izvozvo?" I asked akati, "Zvichitadza nei? My wedding, my rules."
End of chapter
❤️
😂
😢
🙏
👍
😮
88