
Floccy Stories
June 21, 2025 at 07:29 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Its a free book follow channel for more.
Mother's secret
Written by Floccy
0773056698
Chapter 4
Masline
Ndaive ndamira ndichiteerera and ivo vaive vasina kundinzwa nekundiona kwakubva ndazotanga kufamba ndichiita noise vakachinja nyaya. Ndakaisa tray patable Trevor ndokuti, "Thanks." ndikati, "Ehoyi, mune zvimwe zvamuri kuda here?"
"Ayehwa, unogona kuenda hako."
Ndakapinda mumba ndokuenda kuroom kwangu ndichifonera Loice.
"Mai Gumbo." akadavira achidaro ndikati, "Handichade kunzi mai Gumbo ini zva Trevor zvakaramba saka ngatichisiyana naye ndawana mumwe." akati, "Wawana mumwe? Sei? Nguvai nhai? Ndanga ndisiri kutaura newe here manje manje apa uchindidembera nezva Trevor?"
"Zvaitika iwe ka, handiti paye ndakuti ndichakufonera?"
"Ehe wadaro."
Pasvika mota yandatadza kuziva apa yakanaka iwe mukaburuka vano bhudhi vakasvika kwazvo."ndakadaro ndikatsanangura zvese ndikapedzesera ndichiti," Ndaitozvinetsa pana Trevor asingandide ndisingazive kuti wangu chaiye achandifarira ipapo ipapo."
"Massy ka unondishamisa, not so long ago wanga uchishaya zvekuita naTrevor jiki jiki wakuda shamwari yake. Unoziva zvaunoda here iwe?"
"Ndoziva zvandisingade."
"Chii ichocho?" she asked ndikati, "Nhamo, handidi kutambura ini. Zvakawanda handina basa nazvo ini ndongoda munhu akarongeka anogona kundichengeta." akati, "Saka zvese izvozvo watozviona nenguva diki diki iyoyo pamunhu wauri kutaura? Watoona kurongeka kwake nekuti anogona kukuchengeta?" ndikati, "Zvinhu 3 zvandaona zvandafarira zvimwe ndichazonyatsotarisa zvangu nekufamba kwenguva."
"Zvii izvozvo?"
"Ndafarira mota, zvaari Itai wacho he's handsome iwe and voice rake rakanaka."
"Massy unondinakidza zvangu." she said ndikati, "Ndichanyatsotsvagurudza zvakawanda pamusoro pake and kana asiri zvandinoda ndinosiya. Ndakangwadzwa naBroddy and handife ndakaita mistake iyoyo futi ndakadzidza chidzidzo, nhamo yandakaona handiikanganwe."
"Akambonyatsokuita sei Broddy iyeye? Unogara uchimutaura?"
"Nhamo chaiyo aive nenhamo inonhuwa Broddy, ndakatadza kugarira nhamo ini. Ndoti kukurira munhamo ndoroorwa futi munhamo, ayewa bodo."
"Waive wakaroorwa?" she asked ndikati, "Ayehwa, nyaya iyoyi inondibhowa Loice ngatisiyane nayo." akati, "Saka hausi kunyanya kukoshesa rudo handiti chaunoda imari?" ndikati, "Ehe, mari yakakosha shaa rudo harudyiwe urwu. Don't get me wrong ndoda kudiwa but handidi kudiwa nemunhu asina mari. Zviri easy kudzidzira kuda munhu ane mari pane asina. Money is everything shaa, mari inoita kuti zvinhu zvese zviendeke. Nhamo hausi kuiziva iwe inorwadza handidi kana kuiona, kana ndatoshaya murume ane mari ndinofa zvangu ndisina kuroorwa better pane kuroorerwa nhamo."
"Mari ndoida zvangu but iwewe uri serious. Nhamo haina kunaka zvayo but inini handidi munhu anazvo kare ndoda asina tosimuka tese."
"Ko mukapedza makore kusvika mukufa musina kusimuka kwacho muchingotatarika? Ini handidi kutangira pasi ndoda kutangira pamusoro ipapo handidi zve stress ini."
"Iwewe hautevedzerwe, rega ndimborara shaa. Wozondiudza kuti munhu wako anenge ati chii." she said ndikati, "Iri bhoo ndokuudza."
Ndaitonzwawo hope but nguva yacho zvaisaita kurara ndaisada kuti Itai aende tisina kutaura. Ndakatombofunga kuenda kunogara navo panze ipapo ndikaona zvisingaite kwakubva ndaenda kunogara ku living room ndichiona Tv.
Time moved ndiri pa TV paye hoping kuti vanopinda mumba but havana. Ndakanodongorera nepa window ndikaona vachiri vakagara ndikasekerera ndokudzokera kunogara pasi. Trevor akazouya ari ega akati, "Nawo ma India ako aya?" ndikati, "Ehe zvangu, vaenda vanga vauya?"
"Ehe, rega ndinozorora kuroom kwangu."
Kamoyo kangu kakarwadza and kubva ipapo mufaro wakabva watopera.
"Asi uri kurwara?" Wepamoyo akandibvunza ndichibika zvemanheru ndikati, "Musoro uri kurwadza." akati, "Unotaura ka nhai Massy. Siya hako ndipedzise." ndikamusiya achibika ndokuenda kuroom kwangu.
Week rakapera asina kudzoka Itai ndichitombobatwa nepfungwa dzekubvunza Trevor. The following weekend yaive off day rangu but handina kubuda ndichiti zvimwe Itai anouya. Ndakatopfeka my best dress ndikanogara panze ndakamirira kusvika kwake.
"Saka watoramba kuti tisangane?" Loice wandaitaura naye paphone akabvunza ndikati, "Inga ndakuudza kuti hazviite ndakamirira Itai." akati, "Matauriro auri kuita uri kuita kunge makawirirana kuti anouya. Shamwari slow down uri kumhaya, Itai wacho haasati atombokuudza kuti anokuda but wave kutoita kunge mave kudanana."
"Achandiudza hake zvee, chikuru ndakanzwa achitaura kuti anondida. I have a feeling yekuti nhasi anouya chete, haamborege kuuya kuzoona soulmate yake."
"Hanzi soulmate, ndiko kwawatove? Horight mirirai soulmate yenyu vasikana ini rega nditombopinda kudhorobha zvangu."
Ndakagara nguva refu asina kuuya Itai ndikatoona kuti ndaipedza nguva yangu ndokupinda mumba. Akafamba mazuva asina kuuya Itai ndikatoona kuti waive munyama chaiwo wekushaya munhu akarongeka.
"Ndakakuudza kuti uri kunyanya kumhanya Massy, dzikama shamwari. Uchiri mudiki iwe nguva uchiri nayo kana nguva yakwana munhu wako achauya. Ndotoshaya chaunozvipira pressure pane kuti ufunge zvekuita zvine musoro zvine chekuita nekuvandudza life yako uri busy kufunga murume." Loice said tasangana mutown paweekend ndikati, "Kuti ainyepa?" akati, "Ani?" ndikati, "Itai, angave ainyepa here paaitaura naTrevor achimuudza kuti anondida?"
"Yooh I give up. Wakazoti chii hako neround? Ndine 3 girls dziri kuda saka kana iwewe uri kuda tinenge tave 5." she said ndikati, "Marii zviya?" akataura ndikati, "Bhoo."
Takazoparadzana kuma past 4 ndikaenda kwandaikwirira. Pa bus stop paive kure mbichana nekumba paive nekamufambo. Ndaitofamba zvangu ndichifunga kuti maybe kutiza kwandaive ndakaita mwana wangu ndiko kwaiita kuti ndisawane munhu ari nani.
"Massy." ndakanzwa zita rangu ndikamira ndikatarisa ndokuona ari Itai ari mumota. Kamoyo kangu kakasvetuka svetuka nemufaro and handina kutombovanza mufaro wangu ndikaita kunyinura mazino ndichiti, "Hii Itai!"
Aive amira paside peroad kwakubva aburuka ndokuuya pandaive akati, "Hesi, ko uri kubva kupiko?" ndikati, "Mushe, kutown ndanga ndanosangana ne shamwari yangu."
"Musikana?"
"Ehe anonzi Loice."
"Ndauya makuseni ndichiti ndinokuona." he said ndikati, "Hoo wauya makuseni?" akati, "Ehe shaa, ndaswera kumba kwenyu nhasi." ndikati, "Aaah ndanga ndabuda ini, ko pese apa waivepi? Ndaisabuda ini ndaiswera pamba."
"Ndanga ndakaenda out nebasa. Uri kumhanya here kumba? Ndoda kuende newe somewhere kunotaura."
"Ayehwa, nhasi ioff day rangu. Time dzandinodzoka hadzina basa."
"Saka bhoo, handei hedu." he said tikafamba kuenda pamota akandivhurira door ndikapinda. Akapindawo kwakubva ati, "Before taenda ndipo number dzako ndigare ndatora, that day ndakazobva ndave kumhanya ndisina kutora number dzako." and handina kunonoka kudaidzira, phone yangu ndokutanga kurira akati, "Ndini ndiri kufona ndanga ndichida kuona kuti hauna kundipa dzepa pole remagetsi here?"
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
197