
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 16, 2025 at 09:45 AM
MY GRANDMOTHER'S WISH
💅💋💅
*VARIKUDA BOOK FROM CHAPTER ONE PINDAI UMU NDOO MANDICHAISA BOOK KAONE IMOMO👇👇👇👇👇👇*
https://chat.whatsapp.com/Lve8DAHBLwU0SaXLsTHrFN
STORY BY MAI ISHE
FOLLOW US KUCHANNEL ⤵️
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
🚦~~0783873⁷¹5~~
🚦~~0716964³⁴5~~
🚦~~0719420¹⁵9~~
All rights reserved.
Parental guidance is advised
Chapter 2️⃣4️⃣
*HILTON*
""Haa varume chiii chinomboita kuti munhu usvibe moyo nemukadzi wako iwe uchimuda ""pandakadaro vanhu vese vakanditarisa vachibva vaseka iniwo ndakabva ndabata musoro wangu ndokuturikudza makumbo angu patable ndave kutoshaya zvekuita nenyadzi,ndakanyara ndokuti ndakango karuka ndabvunza muvunzo uyu""aah boss mabvunza mubvunzo uyu muchida mhinduro here kana kuti munoda kutinzwa hedu""akadaro mumwe mukomana achigara patable,iniwo ndakabva ndamutarisa nokuti ndaive serious nemubvunzo wangu, uye zvakange zvave kuitika pakati pangu naVimbai zvakange zvave kutondinetsa chaiko asi zvaisaita kuti ndingoti dyoo munyaya yangu""ndinorevesa Judah,uye mbudzi kubarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa,hazvina basa kuti ndiri boss venyu asi hamutadze kundibatsira nemazano""panguva iyoyo ndakabva ndasimuka ndokunomira hangu ndakaisa maoko muhomwe, mumwe murume wechikuru akasimuka paive akagara ndokufamba kubva kwaive akamira ndokuuya kumira paside neni""ndatombofunga kuti zvimwe idambe kaini,asi matauriro ako unoratidza kurevesa,zviri paviri zvinhu izvi uye zvingwarire nokuti zvinogona kukuputsira imba yako,iwe nemukadzi wako hamuna nguva maroorana, uye ipapa ndoo panofanirwa kunge rudo ruchitsva chaiko,zvokuti namazuva iwaya mashoma amagara mese, ingadai tichiona Soro namustai pano,kulunch mese,kana kungouya zvake moswera henyu makavharirana muoffice mako umu, zvino hapana zvokuti isu tiri vanhu venyama tinopedzisira tave kubvunzana bvunzana kaa,kana kuti""pavakadaro vakabva vanyarara ""Maita basa vakomana kana paita any change tichange tichizivisana nenguva, ngatidzokerei pabasa""ndakadaro kumunhu wese sezvo mubvunzo wangu ndakange ndabvunza mushure mekunge tapedza meeting.
Zveshuwawo munhu wese akasimuka ndokuenda kuoffice kwake asi ini ndakange ndichida kunzwa kuti vaMunemo vakange vachida kuti kudii panyaya nokuti vakange vasina kupedza nyaya yavo, ndakarega vachibuda pandakaziva kuti vakange vave kuoffice kwavo ndakabva ndavatevera ndakavasvikira vachangopinda zvokuti vachindiona vakatombovhunduka
""Kwakanaka here boss kwamanditevera ndichangobva muoffice menyu asi pane pakanganisika kani"" vakadaro vachisimuka pachigaro chavo zvokuti ini ndakaramba ndakavatarisa uko ndichivhara door"" kwete hapana kana chakashata garai henyu pachigaro chenyu"' pandakadaro vakabva vagara zvavo pasi"" mataura nyaya yenyu asi hamuna kuzopedzisa ndosaka ndakuteverai"" vakaseka zvavo ndokupindura"' ,ndatoti zvimwe ndine pandatadza nokuti handina kuona mhinduro yenyu, ukawona zvadaro zvinogona pane chivanhu chiripo kunewe murume kana kumukadzi wako nokuti imba yenyu ichangotanga iyi haitarisirwe kutanga nedambudziko kudaro gara pasi nehama moonesana mativi ose "" munoziva vachipedza kudaro ndakatura mafemo ndokuvatarisa, zveshuwa vakaita sekunge vaiona zvaive kumba kwangu,Vimbai ayitove nedambudziko chairo nguva iyoyo ndakabva vake "" maita basa baba mandibatsira "" ndoo ega mashoko andakavaudza handina kuvaudza zvedambudziko raive kumba kwangu ndakasiyana pakadaro ndokudzokera kuoffice kwangu, ndakaswera ndichishaya kuti ndofonera Vimbai here kana kuti ndorega akadaro, ndakaswera ndisina kutaura naye, ave manheru ndokuenda kumba, paingove nekubhowa soo asipo apa zvose zvandainzwa zvekutya mumba umu musi uyu handina kana.kuzvinzaa ipapo ndoo pandakaona kuti zveshuwa mashoko akange ataurwa ayive echokwadi Vimbai ayive nechivanhu chaive paari,mangwana acho makuseni ndakamuka ndokugadzirira kuenda kubasa asi ndakatoona kuti zvandaiita zvaisaita nokuti mukadzi wangu akange abva pamba zvisina kuwirirana nguva iyoyo ndakabva ndafonera gogo vake , hana hairova asi nenguva diki diki foni yanga yaita
📱📱📱📱
""Hello ""
"" gogo makadii "'
""Ndinofara muzukuru ko kurova kudaro asi ndakatotanga nekurambwa here "" pakadaro gogo ndakaseka ndichibva ndapindura hangu.
'""Ndosaka ndafona gogo,pakaita kusa"' ndisati ndatopedza vakabva vanditi.
"' kwete pafoni mwanangu huya kumba ""
handina kupihwa mukana wekupindura call yakabva yatokata, paive pasisina zvekuita asi kutotevera Vimbai kumusha kwake, ave manheru ndapedza basa handina kuenda kumba ndakabva ndatonanga kuBanket, ndakasvika zvekuma past 7 manheru nokuti ndakafamba ndichirasika chaiko,musi uyu ndoo yaive first time kusvika kumusha kwana Vimbai, zveshuwa paive pakavakwa zvakanaka raitove purazi hombe chairo, gogo vachindiona vakabva vandimbundira ndokuzopawo Vimbai hug,ndaive ndine zvandaive ndamuunzira ndichidawo kunyengerera kaa, ndakabva ndatotora ndokumutambidza tichipinda mumba, ndakamhoresa gogo tapedza mumba makamboitwa nguva makanyararwa ndokuzotaura hangu"" gogo hamheno kuti Vimbai anga akakuudzai here nyaya yakaita kuti titadze kuwirirana "" gogo vakagadzirisa pahuro ndokupindura "" hongu akataura hake asi ndodawo kunzwa iwe side rako "" ndakataura zvose zvakange zvaitika asi chakandinetsa gogo vakanditi"" haiwa muzukuru vanhu tinosikwa zvakasiyana hapana kana dambudziko apa ndakatozvipedza zvose izvo, kaingove kanhu kadiki diki kaida kugadziriswa chete, iwe Vimbai ipa murume wako chekudya mupinde mumba murare tione kana zvichipo"" vakadaro mbuya Vimbai apa vakange vachizvitora kuzviita nyore, ndakashaya kuti ndovabvunza sei kuti vakange vapedza sei dambudziko iri ndakabva ndanyarara hangu, Vimbai akaita sezvaakange audzwa ngogo vake ndokundipa sadza ndakadya uku ndichitandara hangu nagogo"" hezvo ko watogara chiisaka mvura yekugeza murume wako ageze uyu Harare kure uku"" vakadaro gogo, Vimbai ndokusimuka hake"" nhai gogo ndabva kare ndichida kubvunza, sekuru vatorara here ndamboda kubvunza asi zvarambira parurimi"" pandakadaro gogo vakaseka havo "" nhai muzukuru nekutaura kwese kwataita uku ingadai vaive pano wavaona kare sekuru vafumo bata jongwe muromo vaenda kuNorton kune shamwari yavo inorwara ikoko""
""Hoo ndaona kaa ndisina kuvaona'"
takatandara kusvika mvura yekugeza yaita ini naVimbai ndokunogeza gogo ndokunorara,kana koita vana mbuya vakangwarisa mbuya vaVimbai vakagwara hama dzangu, takageza hedu asi ndaitoona kuti mukadzi wangu ari kunyara, iniwo ndakabva ndarasira pfungwa dzese kure ndokumboita zvekuda mukadzi wangu, ndakabva kubathroom ndakamutakura ndokupinda muroom yedu yataive tapihwa ndakamusimudza ndichinomuradzika pamubhedha, handina kutambisa nguva ndakabva ndatotanga romance naye, ndakabata munhu wangu kusvika ayibva zvokuti kana ini ndakange ndonyatsonzwa kuda mukadzi wangu,ndakabva ndanyatsoturika gumbo rake pabendekete pangu ndichiona chivaka shure chese,ndaitoona zvose zvokuti handina kunetseka kupinda, ndichingopinza musoro chete paye pandaida kuisa mberi nhengo yangu yakabva yatopera simba kurara chaiko kudzoka kuita kadiki,kusvava ndakatonetseka apa mukadzi wangu waitoona kuti munhu ari kutoda kusvirwa uyu, ndakangobudisa chinyararire ndisina chandataura "" ko chiii"' akadaro Vimbai achimuka paive akarara iniwo ndakabva ndarara hangu negotsi ndakatarisa mudenga .
NARRATING
""Gogoi,,,tisvikewo"" ndakaita kunzwira kure apa taive mumba nguva iyoyo ndakabva ndabata nevoice rakange rataura ipapo, hapana kana chimwe chakauya mumusoro mangu ndakatarisa mhamha ndokufunga zvandaive ndaita ndoknzwa muviri wangu kuneta chaiko"" hezvo ukagoita sekunge muroyi ayedzerwa uchitadza kutarisa kuti panze panani kufunga kwako ndinosimuka pandakagara apa "" vakadaro mhamha nezwi raive rizere nehusimbe ndaiita kunzwa makumbo angu kudedera nguva iyoyo ndakabva ndabuda panze "" inga Mwari vaita havo ndiwe munhu wandiri kutoda amai vako vari kupi, vakadaro vatarisana neni nguva iyoyo ndakabva ndavanongedzera mumba maive namhamha apa vakange vakaita kusungirira zambia muchiuno vasina kana shangu kutsoka ziya raive rakati teu teu vachiratidza kuti kwavakange vabva kwaive kusina kumira zvakanaka nezvandaive ndaita ndakatoziva kuti pangu pakange pandiperera nokuti amai vangu vaigaro taura nezvazvo""amai mwana vamwe vana vari kuzvikoro varikudzidza kuti vagoita madhokotera amangwana nana mukoti imi wenyu mwana makarega achigara pamba zera iroro huyai muone mabasa ake kumba kwangu uku"" vakadaro amai Alice vakamira padoor rebedroom redu ndichinzwa izvi handina kuda kudzokera mumba mandaive ndabuda ndakabva ndatongoti vereru nemadziro ndokunomira hangu muchibage ndichinzwa zvose zvaiitika kumba "" chiregai kudaro amai Alice pindai mugare pasi chiiko chaitika ini ndamuka ndisipo ndambobuda kutodzoka izvozvi ndofunga murikuona zvandirikuita."" Vakadaro mhamha nezwi raive pasi apa vakange vagara zvavo zvekutaura vakange vasingadi""" mumba handipinde zvee ndati huya kuno uwone mabasa adhokota vako vauri kudzidzisa pano,achitadza kuenda kuchikoro kunoenda vamwe, namwari mwana wangu akafa Tanya ndinomudzika demo rakacheka nyika "" ndakaita kunzwa mudumbu mangu umu kuti guuuuu mai Alice vadaro, makumbo ndokuita kudedera chaiko zvekutadza kumira '" asi Alice afa here chii chazoitika"" ndakazvibvunza mumoyo mangu apa zvandaive ndaita ndaizviziva,ugoona mhamha vaigara vakazvitaura kuti handiti munhu anobata zvinhu zvangu ndisipo " zvino nhai vasikana handiti ndoo zvandambobvunza kuti chiii chaitika, tiwane kubatsirana sevanhu vakuru zvemusikanzwa yevana zvinoonekwa taonesana zviripo vasikana '"" vakadaro mhamha, ndaitonzwa kuti matauriro avo vaitosimuka pavainge vakagara"" handina zvandinotaura neni huyai kuno"" matauriro ayiita mai Alice ayiratidza kuti vaive nehasha zhinji nguva iyoyo ndakaona vofamba namhamha iniwo ndakangosara ndakamira pandaive ndakamira handina kubudikira, pakaita nguva vasati vadzoka ndakazongonza votaura vega ndakabva ndaziva kuti mwana wemuyera Dziva akange adzoka "" asi iwe Alice wanga uchabviswa mimba naTanya zera rako iri une chokwadi " pandakanzwa mashoko aya ndakatoziva kuti pangu pandiperera nokuti ndakange ndazviitawo chokwadi, ruzivo rwekuita zvose izvi ndakazviona ndakango zvifungawo Alice andiudza kuti akange apihwa pamuviri nemurume wemunhu uye akange ave kuramba mimba yacho iniwo ndakangoti zvandainbonzwa mhamha vachiti ukasanganisa ichi nechichi chino suka chibereko kana kubvisa mimba zvisina kana nguva, izvozvo ndoo zvandakaita apa zvakange zvisina nguva zvabva kuitika apa ivo vacho vanga vamukira kubuda "" mhosva yangu ndeyeiwo ini, kumuchengeta here, chikoro wakaramba ndikati gara hako zvee zvino wave kutamba nehupenyu hwevana vevanhu raendepi chokwadi ndikaribata ndouraya zvirinani ndibatwe hangu maoko pane izvi "" vakadaro amai vangu vachisimudza Tanya ndokuisa pavheranda iniwo ndakatoziva kuti nemashoko amai vangu ndaipondwa chete musi uyu ndakabva ndatobuda, ndaive ndakapfeka mapata pata akange akasungwa zvawo newire pasi apa ndakasvika paroad yai famba nemota zhinji ndokumira ipapo,"' asi ndinoenda kupi nhaimi sekunge ndine wandinoziva kana kwandinoziva ko ndikadzokera kumba ndotorohwa hangu zvipere "" wakave mubvunzo wandakazvibvunza ndakamira panzira ipapo ndakatoona kuti handina kwandienda asi kutodzokera kumba, zveshuwawo ndakashingirira ndokuenda kumba ndichinosvika kumba ndakawana Alice ave kubuda ropa rakawanda, chemusi uyu ndakademba kuti kana nechandainge ndazviitira, amai vangu havana kana kutaura neni kana kudii mashoko avo vakangonditi"" basa rako iro mwanangu ndaneta newe Tanya pedzisa sekutanga kwawaita akafa woenda kumapurisa wonovaudza kuti ndiwe wazvita amai vake vamuramwa "" zvose zvaiita Alice ndakange ndinaye handina chandisina kuita ropa rose ndakabata ndichimubatsira kusvika zvose zvapera kubuda, takaita mazuva maviri tinaye kumba Alice kusvika ave kugona kuzvifambira ega ndokuzoenda kumba kwavo"" Tanya mwanangu asi ndine pandinotadza here mwanangu"" vakadaro mhamha vakanditarisa neniwo ndakashaya kana nemhinduro yekuvapindura ndokuramba ndakanyarara""nyaya dzako dzawanda mwangu zuva nezuva ndinotukirwa iwe, zvoita sekunge ndinorangana newe kuita zvaunoita izvi, wakaramba chikoro mwanangu ndikati handikumanikudze ita zvaunoda wagara pamba pano misikanzwa yacho zvatonyanya unotamba nehupenyu hwevanhu,basa rekurapa iri chipo changu kwete iwe, ndoita sei newe nhaiwe "" pakadaro mhamha vakabva vachema nguva iyoyo kafoni kavo kakabva kariri zvako apa kaive muimba yemukati, nguva iyoyo ndakabva ndasimuka ndokutora foni yavo apa vaive gogo Taderera vakange vafona, handina chandainzwa pane zvavaitaura asi maitiro acho akatondiudza kuti vakange vachitaura nezvangu nokuti mhamha vakabva vati vachipedza kutaura pafoni"" vaita havo vandinunura anzi mwangwana ndikuise muna C.A.G wawanirwa basa muHarare remumba zvino uko ukaita hunhu hwako uyu kufira mujeri chaimo"" ndakatarisa mhamha moyo wangu ndokunzwa shungu pamoyo wangu"" asi mhamha matoshinga kuti ndiende kubasa ndinozvigonera kupi ini"" pandakadaro mhamha vakaseka ndokuramba vakanditarisa "" mwanangu ukaona waita ruzivo rekuziva kuti mimba inobviswa kukura ikoko zvekuti une 15 years handinei nazvo ini"" vachipedza kudaro mhamha vakabva vasimuka ndokutotanga kundirongedzera bag zuva rakazosara rodoka zvinhu zvose zvatove panzvimbo ndakambotanga ndichasuwa asi ndakaguma ndafara hangu zvimwe ndoo kwaive kuchinja kwehupenyu.
Stay tuned.
Mhamha vaIshe 🩷
❤️
👍
🙏
😂
😢
❤
😮
🔥
🐸
💃
431