
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 17, 2025 at 04:58 PM
.https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
🌔BLACK SHADOW🌒
STORY BY MAI ISHE
FOLLOW US KUCHANNEL ⤴️
🚦0783873⁷¹5
🚦0716964³⁴5
🚦0719420¹⁵9
All rights reserved.
Parental guidance is advised
Chapter1️⃣8️⃣
*Ba Kelvin*
Ndakazongonzwa yave mhere mhere
apa ndainge ndakazorora
mubedroom mangu, vana mai Kel
vachiita gadziriro dzeparty
yemuroora wavo ndaisada
kuonekwa ndichifamba famba
pamberi pevakadzi ndakavapa nguva
yavo ndokuzorora ndiri
mubedroom ,ndakambodzima tv
ndichida kunyatsonzwa asi hapana
chandakazonzwa,ndakasiyana nazvo
ndokupfurira mberi nekuona tv pati
perei chinguva mai Kel vakabva
vapinda." Ba Kel muroora asvika
zvino chazoita chibati batai mushure
mekunge angodonha ka "
"Kudonha kundonha chaiko changa
chave chi zvekare"."ini ndinoona
sekunge i stres semunhu
achangopinda mumba hana
inomborova ka " ho aa saka wava
sei" ndatosiya agara atonaka uyu"
.pasina nguva ndakafonerwa
naRose ndisati ndadaira yakabva
yakata ichikata apa hana yakange
yorova nokuti mai Kel vakange
vachirimo kwakabva kwapinda
message." Ha vanhu vekubasa
kunetsa."
Anzi kwaiteiko vanofanirwa kuziva
kuti iweekend"
Ndakatovhara mai Kel apa
ndichivhura message.
✉ " Senzo Russel asenda maphotos
aye kuna mhamha.
Ndaive ndakagara pasi ndakabva
ndasimuka kumira nokuti ndakange
ndisina kunzwisisa message
iyi,ndakadzokorora kuverenga
ndokunzwa ziya kuyerera ndakaona
kuti kupindura message
kwainditorera nguva ndakwaitoda
zvekufona chaiko.ndakavaraidzana
namai Kel kusvika vazobuda
kudzokera kwaive nevamwe
📱📱📱📱
Rose urikuda kuti kudii uye iwe
uripi.
"Shi shi ,"ndiri mutoilet,but
maphotos anzi atambidzwa Lolo
ahasati asvika kuna mhamha?
Foni yakabva yakata apa ndakatoona
kuti pakange patoita disaster chairo
apa baba vangu vakange varipo
nyaya idzi kana dzaizobuda pamberi
pababa vangu zvaisa buda
zvakanaka zvaindishaisa
chimiro.ndakadzima tv ndokuchinja
hembe yandaive nayo ndisati
ndabuda mubedroom mangu
ndakafonera Gari ndaimuda kuti
asvike kumba kwangu nyaya idzi
dzisati dzandiomera.
Gari ndaimudira chinhu one yakange
irimbavha zvese nemhondi yakange
isina tsitsi murume uyu
ndakamuziva kubva
kare,ndakamufunga ndafunga
kugura muswe waRussel akange
andijairira kusvika pekupedzisira.
" Gari ndinokuda kumba kwangu
nhasi chaiye kune kabasa kamuka.
"Zvakanaka Senzo ndiri kusvika izvozvi"
Ndakafamba ndobuda umu asi
ndakange ndane mweya weumhondi
chaiwo,ndakanzwa hasha dzandisati
ndanzwa kubva kare.
Ndakabuda ndine pfungwa
yekutsvaga Lolo asi nguva
yandakabuda mubedroom ndakabva
ndasanganidzana maziso angu
naRose achibuda mutoilet
ndakaramba ndakamuyeva apa
akange andichinjira musi uyu,
akange akawedzera kunaka chaiko
ndakamutarisa naiyewo ndakaona
kuti akange achitoda nezvangu
chaizvo ndakamedza mate ndichibva
ndafamba zvishoma." handifanirwe
kutangirwa naKelvin nhasi apa
ndinoita plan chete."apa
ndaitofamba kuenda kwaibva nako
Ndakamira ndokucheuka kunerimwe
divi kwaibva nevanhu vachipinda
mukitchen ndakatarisa zve kune
mamwe mabedroom vanhu vaiita
noise vari panze ndakafamba
ndokusvika ndichimupa kiss apa
ruoko rwangu rwakabata magaro
ake handina kuita maminute
akawanda ndiri apa
ndichangopesana naye, Lolo
akavhunduka achipinda muKitchen
apa ayitotaridza kuti akange ationa.
"Pachipamwe baba.
" pachipamwe uri kubvepi"
uye
ndovimba maziso ako anoziva
zvekuona.
"Ndange,. ndange,. ndatumwa
maspice anoda kushandiswa nevari.
" Envelope yawatambidzwa naRue
waisa kupi".
Ndangoisa kuroom kwangu."vati
ndigotambidza mhamha.
"Haupi mumwe munhu unotambidza
ini ndini ndichavapa"
Ndakapinda ruoko muhomwe mangu
ndokubudisa ka5 dallars,"tora mari
iyi uzotenga drink,uye ugumire
pakuona zvawaona" ndini baba
vepano ndinoziva zvandinoita
nemhuri yangu,"
" ehoi baba handina wandinoudza"
apa kaitotyora muzura ndakabva
ndatobuda panze apa pfungwa
dzangu dzaive kunaGari.
Ndakambomira mira pasina nguva
ndakaona Gari achipinda kugedhi
apa ini ndaisada kuti awonekwe
nevanhu kuti akange achida ini,
nekuda kwekuti hunhu wake
waitozivikanwa nevakawanda.
" ndasvika boss"
Kakapinda kari kamessage apa ini
ndakashaya kuti ndaimuona sei
ndakambomira mira ndiripo pamoto
paigochiwa nyama papera kanguva
vanhu varivara ndakapota kugarage
dokufamba ndichinopinda mukati
ndakabva ndaudza Gari kuti ndo
mandaive.
Nenguva diki diki Gari akange apinda
imomo.
"Boss ndauya zvangu muno asi
moyo wangu uri kunyumwa kuti pane
anditevera pandauya kuno.
" unorevesa here Gari rega nditarise
ndione,ndakabuda ndokutarisa
hapana wandainge ndaona,Gari huya
titaure zvebusnes hatina nguva."
ndine maphoto angu ari kutenderera
muvanhu umu munhu wacho ari
kuma tenderedza ndichakupa
mapicture ake kana zvichigona
pfuudza angato paradza mhuri
yangu.?
" akamboita sei maphotos acho
boss ."
" ha mupfanha ita basa chete
zvizhinji tizotaura, mukomana uyu
anonzi Russel ishamwari yaKelvin?
" kabasa kadiki aka
mudhara,mangwana chaiye
ndovirirwa ndane information yake"
"Asika mudhara chinondipa simba
kuziva chinangwa chandiri kuuraira
munhu."
" mupfana ruchiva ruri panyika, uye
ndiri murume ndakachivawo
musikana wemwana ndikamudawo
zvakazivikanwa neshamwari
yaKelvin ndiye ave kupa vanhu
maphotos angu naRose.
Panguva yandakadaro ndakanzwa
kuti pane chakadonha mataive
kuratidza kuti ndaisave ini naGari
chete,takaramba takanyarara
ndokuzonzwa mafoot steps.
Iniwo naGari hatina kuzoita nguva
takatoziva kuti kune akange
akaterera nyaya dzedu.
Ndakadzokera kwandakasiya vanhu
vachigocha apa ndakange ndine
munhu wandaive ndanyumwira
ndichisvika ipapo handina kumuona
hana yangu yakabva yatotsemuka
chaiko.
*ROSE*
Ndakafunga nguva yakange yave
kutambidzwa vamwene vangu
envelope hapana chimwe chaivemo
kunze kwema photos angu,chinhu
chandakaona chaibatsira kutodonha
chaiko.
Kudonha kwandakaita ndaitoda
attention yemunhu wese ndakaziva
kuti munhu wese achamhanya
pandiri mai Kelvin vokanganwa kuti
vane zvavanga vachida
kutambidzwa,hana yangu
yakaramba isina kugadzikana nokuti
ndakange ndisati ndane envelope iyi
mumaoko angu sezvo kudonha
kwandakaita kwakabatsira panguva
iyi, ndakabuda ndoenda kutoilet
nguva yandakanzwa Rue achiti
atambidza Lolo ndakanetseka kuti
Lolo wacho ndaizomuwana
sei.ndakabva ndaisira Senzo
message ndiri mutoilet,hapana
kutora nguva akabva afona apa
ndaitotya kunzwikwa chaiko
ndakataura nechizeve zeve kusvika
tapedzerana.
Ndichibuda mutoilet ndakabva
ndamuona achibuda mubedroom
make apa mupassage makange
musina kana munhu,kakiss ketwo
munites kakanditapirira apa hana
yaitorova chaiko kutya kubatwa
ndakazonzwa kutaura kwake
ndichango pesana naye apa ugoona
ini wacho ndakange ndatogarwa
nemweya chaiwo ndaitononokerwa
nekuona Senzo,Kelvin ndisina kana
basa naye.
Ndakadzokera maive nana tete apa
hana yangu ichirova.
" nhai mainini asi makazvitakura
kani.
" kwete tete handina kuzvitakura ini.
" ndatoshaiwa kuti wazodona chi
nguva dziye.
"Pane zvatoitika,handina hangu
kuzvitakura ".
" asi vamwene vako vakapfava uye
vanokuda Rose chibvuma kudiwawo
paunodiwa iva munyoro.
Ndakambotura mafeno nokuti
ndakange ndisina minduro kune
zvavainge vataura.
Party yave kutanga isu nana tete
takashevedzwa kuma
introduction,ndakaudzwa munhu
wese akange aripo nehukama
hwacho,party yakazotanga zvayo asi
isu sevanhu vaive pauroora hatina
kuzonyanya kufara vanhu
vakazoparana nguva dzatoenda
chaiko ini ndakarara nana tete pave
pakati pehusiku ndakaisirwa
message naSenzo apa ndakange
ndakamutarisirawo.
✉ "buda panze uuye pamota yangu
izvozvi.
Ndakatomborohwa nehana ndave
kushaya kuti chi chakange choda
kuitwa naSenzo vanhu vachiripo asi
semunhu akange achimunzwirawo
moyo ndakabva ndatoita plan
yekubuda
" tete ndiri kumbo buda panze Kelvin
ati anoda kundiona.
" ukasire kudzoka usandinyadzisa
tinokusiya zviri pamutemo,ave
murume wako handikakusungiriri.
Ndakabuda ndokuvhura door remu
room mandaive ndakananga panze
apa imba yose yaive nerunyararo
chairo.
Ndakanovhura main door apa
rakange risina kukiwa,ndakabuda
zvakanaka ndokumbo cheuka
ndichitarisa kuma shure kwangu,
pandaka famba ndave kuenda
kwaive nemota yaSenzo ndakabva
ndashevedzwa.
" Rose .
Ndakavhunduka apa ayitove
kelvin.ndakamira ndokucheuka
kutarisa kwaive, apa ndakange
ndatoyerera ziya.
"Uri kuitei out side this time.
Mukati muri kupisa sha plus
ndashaiwa hope pave netime ndisina
kurara saka ndatoti regai ndimbo
pfurwa nemhepo.
Ndakato shaya kuti ndaiudza Kel kuti
kudi panguva iyi,iye akatondi believer
tichibva tagara zvedu panze asi
nechemukati ndaiona
kakusagutsika,uko baba vake avana
kuburuka kumota kusvika
tazosimuka apa Kel ayitoratidza kuti
akange aine zvaimunetsa.takasvika
pakubva apa Kel ndokundipinza
mumba iye ndokusara aripo panze.
Moyo wangu wakashaiwa zvokuita
ndirimo mukati ndakanamata ndiripo
padoor ndokuzofamba ndonopinda
muroom mangu asi moyo usina
kugadzikana zvachose,hope
dzakaramba kubata musi uyu
ndaingo pidiguka pidiguka asi
chekuita pasina ndakazonzwa
kuvhurwa kwedoor remuroo. maKel
kwapera chinguva.
Mangwana acho takamuka tikaita
chiroora vana tete ndokuzooneka
vodzokera kumba ini ndokusara
ndave pamba apa.
Ndakatarisa Chiso chaKel nguva
dzandairongedza hembe dzangu
muwardrop make,apa aitotaridza
kuti akange aine zvaimunetsa
mupfungwa dzake." Nhai babe ko
long face ndeyei."
""ha hapana ko ndigadziriro tea
ndoda kuenda kubasa".
Chakandinetsa ndakange ndisina
kumboita sex naKel kwetwo weeks
asi apa tasara tega vamwe vari
kubasa ahana kuratidza hanya neni
sezvaita mazuva ose aya.
" aaa shaa tea tisati
tambo"ndaitodaro ndichiswedera
pedyo naye asi akabva apindura
zvine hasha.
" Rose sha hazvisi kuita here
zvetea zvacho ndiudze
Nenyasha(Lolo) agadzire".
Ndakamboramba ndakamutarisa
ndokufamba ndobuda kuenda
kukitchen ndakasvika musikana
ayiziva nezvemukitchen asimo
ndakabva ndamutevera kuroom
kwake ndakasvika ari busy kuona
maphotos angu naBaba Kelvin.
Paakanditarisa zvose zvakabva
zvadonhera pasi ini ndoku____________
*KWASARA 1 LAST FREE CHAPTER UYU HUCHI UYU VERY affordable price Dallar kumunhu wese, chimunya ichi hachidyirwe kuguta price yekupa chaiyo MUZANZI 20 takaenda*
Stay tuned
*Zvichapera mushe here pana Lolo*
*zva komberedzwa nemasecret akadai*
*Ko kana varidzi ve nvirop*
*vavekuida achavapa here zva ziva*
*zviri mukati mayo, uye Rose*
*acharega Lolo anawo here*
*maphotos aya*
*Ndiyaniko akatevera Gari achienda*
*kuna baba Kelvin* .
*Ko iye wacho achangobuda*
*mugota mamoods nde yikumwenga* *Mhinduro dzose dziriko kumberi*
*huyai tibvise stres pamwe*
*nekudzidza mumabo k namama*
*vaIshe*
1 us watopedza book rese
❤️
👍
😂
🙏
❤
😢
😮
💃
💐
🔥
116