Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 17, 2025 at 04:58 PM
.https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 🌔BLACK SHADOW🌒 STORY BY MAI ISHE FOLLOW US KUCHANNEL ⤴️ 🚦0783873⁷¹5 🚦0716964³⁴5 🚦0719420¹⁵9 All rights reserved. Parental guidance is advised Chapter1️⃣8️⃣ *Ba Kelvin* Ndakazongonzwa yave mhere mhere apa ndainge ndakazorora mubedroom mangu, vana mai Kel vachiita gadziriro dzeparty yemuroora wavo ndaisada kuonekwa ndichifamba famba pamberi pevakadzi ndakavapa nguva yavo ndokuzorora ndiri mubedroom ,ndakambodzima tv ndichida kunyatsonzwa asi hapana chandakazonzwa,ndakasiyana nazvo ndokupfurira mberi nekuona tv pati perei chinguva mai Kel vakabva vapinda." Ba Kel muroora asvika zvino chazoita chibati batai mushure mekunge angodonha ka " "Kudonha kundonha chaiko changa chave chi zvekare"."ini ndinoona sekunge i stres semunhu achangopinda mumba hana inomborova ka " ho aa saka wava sei" ndatosiya agara atonaka uyu" .pasina nguva ndakafonerwa naRose ndisati ndadaira yakabva yakata ichikata apa hana yakange yorova nokuti mai Kel vakange vachirimo kwakabva kwapinda message." Ha vanhu vekubasa kunetsa." Anzi kwaiteiko vanofanirwa kuziva kuti iweekend" Ndakatovhara mai Kel apa ndichivhura message. ✉ " Senzo Russel asenda maphotos aye kuna mhamha. Ndaive ndakagara pasi ndakabva ndasimuka kumira nokuti ndakange ndisina kunzwisisa message iyi,ndakadzokorora kuverenga ndokunzwa ziya kuyerera ndakaona kuti kupindura message kwainditorera nguva ndakwaitoda zvekufona chaiko.ndakavaraidzana namai Kel kusvika vazobuda kudzokera kwaive nevamwe 📱📱📱📱 Rose urikuda kuti kudii uye iwe uripi. "Shi shi ,"ndiri mutoilet,but maphotos anzi atambidzwa Lolo ahasati asvika kuna mhamha? Foni yakabva yakata apa ndakatoona kuti pakange patoita disaster chairo apa baba vangu vakange varipo nyaya idzi kana dzaizobuda pamberi pababa vangu zvaisa buda zvakanaka zvaindishaisa chimiro.ndakadzima tv ndokuchinja hembe yandaive nayo ndisati ndabuda mubedroom mangu ndakafonera Gari ndaimuda kuti asvike kumba kwangu nyaya idzi dzisati dzandiomera. Gari ndaimudira chinhu one yakange irimbavha zvese nemhondi yakange isina tsitsi murume uyu ndakamuziva kubva kare,ndakamufunga ndafunga kugura muswe waRussel akange andijairira kusvika pekupedzisira. " Gari ndinokuda kumba kwangu nhasi chaiye kune kabasa kamuka. "Zvakanaka Senzo ndiri kusvika izvozvi" Ndakafamba ndobuda umu asi ndakange ndane mweya weumhondi chaiwo,ndakanzwa hasha dzandisati ndanzwa kubva kare. Ndakabuda ndine pfungwa yekutsvaga Lolo asi nguva yandakabuda mubedroom ndakabva ndasanganidzana maziso angu naRose achibuda mutoilet ndakaramba ndakamuyeva apa akange andichinjira musi uyu, akange akawedzera kunaka chaiko ndakamutarisa naiyewo ndakaona kuti akange achitoda nezvangu chaizvo ndakamedza mate ndichibva ndafamba zvishoma." handifanirwe kutangirwa naKelvin nhasi apa ndinoita plan chete."apa ndaitofamba kuenda kwaibva nako Ndakamira ndokucheuka kunerimwe divi kwaibva nevanhu vachipinda mukitchen ndakatarisa zve kune mamwe mabedroom vanhu vaiita noise vari panze ndakafamba ndokusvika ndichimupa kiss apa ruoko rwangu rwakabata magaro ake handina kuita maminute akawanda ndiri apa ndichangopesana naye, Lolo akavhunduka achipinda muKitchen apa ayitotaridza kuti akange ationa. "Pachipamwe baba. " pachipamwe uri kubvepi" uye ndovimba maziso ako anoziva zvekuona. "Ndange,. ndange,. ndatumwa maspice anoda kushandiswa nevari. " Envelope yawatambidzwa naRue waisa kupi". Ndangoisa kuroom kwangu."vati ndigotambidza mhamha. "Haupi mumwe munhu unotambidza ini ndini ndichavapa" Ndakapinda ruoko muhomwe mangu ndokubudisa ka5 dallars,"tora mari iyi uzotenga drink,uye ugumire pakuona zvawaona" ndini baba vepano ndinoziva zvandinoita nemhuri yangu," " ehoi baba handina wandinoudza" apa kaitotyora muzura ndakabva ndatobuda panze apa pfungwa dzangu dzaive kunaGari. Ndakambomira mira pasina nguva ndakaona Gari achipinda kugedhi apa ini ndaisada kuti awonekwe nevanhu kuti akange achida ini, nekuda kwekuti hunhu wake waitozivikanwa nevakawanda. " ndasvika boss" Kakapinda kari kamessage apa ini ndakashaya kuti ndaimuona sei ndakambomira mira ndiripo pamoto paigochiwa nyama papera kanguva vanhu varivara ndakapota kugarage dokufamba ndichinopinda mukati ndakabva ndaudza Gari kuti ndo mandaive. Nenguva diki diki Gari akange apinda imomo. "Boss ndauya zvangu muno asi moyo wangu uri kunyumwa kuti pane anditevera pandauya kuno. " unorevesa here Gari rega nditarise ndione,ndakabuda ndokutarisa hapana wandainge ndaona,Gari huya titaure zvebusnes hatina nguva." ndine maphoto angu ari kutenderera muvanhu umu munhu wacho ari kuma tenderedza ndichakupa mapicture ake kana zvichigona pfuudza angato paradza mhuri yangu.? " akamboita sei maphotos acho boss ." " ha mupfanha ita basa chete zvizhinji tizotaura, mukomana uyu anonzi Russel ishamwari yaKelvin? " kabasa kadiki aka mudhara,mangwana chaiye ndovirirwa ndane information yake" "Asika mudhara chinondipa simba kuziva chinangwa chandiri kuuraira munhu." " mupfana ruchiva ruri panyika, uye ndiri murume ndakachivawo musikana wemwana ndikamudawo zvakazivikanwa neshamwari yaKelvin ndiye ave kupa vanhu maphotos angu naRose. Panguva yandakadaro ndakanzwa kuti pane chakadonha mataive kuratidza kuti ndaisave ini naGari chete,takaramba takanyarara ndokuzonzwa mafoot steps. Iniwo naGari hatina kuzoita nguva takatoziva kuti kune akange akaterera nyaya dzedu. Ndakadzokera kwandakasiya vanhu vachigocha apa ndakange ndine munhu wandaive ndanyumwira ndichisvika ipapo handina kumuona hana yangu yakabva yatotsemuka chaiko. *ROSE* Ndakafunga nguva yakange yave kutambidzwa vamwene vangu envelope hapana chimwe chaivemo kunze kwema photos angu,chinhu chandakaona chaibatsira kutodonha chaiko. Kudonha kwandakaita ndaitoda attention yemunhu wese ndakaziva kuti munhu wese achamhanya pandiri mai Kelvin vokanganwa kuti vane zvavanga vachida kutambidzwa,hana yangu yakaramba isina kugadzikana nokuti ndakange ndisati ndane envelope iyi mumaoko angu sezvo kudonha kwandakaita kwakabatsira panguva iyi, ndakabuda ndoenda kutoilet nguva yandakanzwa Rue achiti atambidza Lolo ndakanetseka kuti Lolo wacho ndaizomuwana sei.ndakabva ndaisira Senzo message ndiri mutoilet,hapana kutora nguva akabva afona apa ndaitotya kunzwikwa chaiko ndakataura nechizeve zeve kusvika tapedzerana. Ndichibuda mutoilet ndakabva ndamuona achibuda mubedroom make apa mupassage makange musina kana munhu,kakiss ketwo munites kakanditapirira apa hana yaitorova chaiko kutya kubatwa ndakazonzwa kutaura kwake ndichango pesana naye apa ugoona ini wacho ndakange ndatogarwa nemweya chaiwo ndaitononokerwa nekuona Senzo,Kelvin ndisina kana basa naye. Ndakadzokera maive nana tete apa hana yangu ichirova. " nhai mainini asi makazvitakura kani. " kwete tete handina kuzvitakura ini. " ndatoshaiwa kuti wazodona chi nguva dziye. "Pane zvatoitika,handina hangu kuzvitakura ". " asi vamwene vako vakapfava uye vanokuda Rose chibvuma kudiwawo paunodiwa iva munyoro. Ndakambotura mafeno nokuti ndakange ndisina minduro kune zvavainge vataura. Party yave kutanga isu nana tete takashevedzwa kuma introduction,ndakaudzwa munhu wese akange aripo nehukama hwacho,party yakazotanga zvayo asi isu sevanhu vaive pauroora hatina kuzonyanya kufara vanhu vakazoparana nguva dzatoenda chaiko ini ndakarara nana tete pave pakati pehusiku ndakaisirwa message naSenzo apa ndakange ndakamutarisirawo. ✉ "buda panze uuye pamota yangu izvozvi. Ndakatomborohwa nehana ndave kushaya kuti chi chakange choda kuitwa naSenzo vanhu vachiripo asi semunhu akange achimunzwirawo moyo ndakabva ndatoita plan yekubuda " tete ndiri kumbo buda panze Kelvin ati anoda kundiona. " ukasire kudzoka usandinyadzisa tinokusiya zviri pamutemo,ave murume wako handikakusungiriri. Ndakabuda ndokuvhura door remu room mandaive ndakananga panze apa imba yose yaive nerunyararo chairo. Ndakanovhura main door apa rakange risina kukiwa,ndakabuda zvakanaka ndokumbo cheuka ndichitarisa kuma shure kwangu, pandaka famba ndave kuenda kwaive nemota yaSenzo ndakabva ndashevedzwa. " Rose . Ndakavhunduka apa ayitove kelvin.ndakamira ndokucheuka kutarisa kwaive, apa ndakange ndatoyerera ziya. "Uri kuitei out side this time. Mukati muri kupisa sha plus ndashaiwa hope pave netime ndisina kurara saka ndatoti regai ndimbo pfurwa nemhepo. Ndakato shaya kuti ndaiudza Kel kuti kudi panguva iyi,iye akatondi believer tichibva tagara zvedu panze asi nechemukati ndaiona kakusagutsika,uko baba vake avana kuburuka kumota kusvika tazosimuka apa Kel ayitoratidza kuti akange aine zvaimunetsa.takasvika pakubva apa Kel ndokundipinza mumba iye ndokusara aripo panze. Moyo wangu wakashaiwa zvokuita ndirimo mukati ndakanamata ndiripo padoor ndokuzofamba ndonopinda muroom mangu asi moyo usina kugadzikana zvachose,hope dzakaramba kubata musi uyu ndaingo pidiguka pidiguka asi chekuita pasina ndakazonzwa kuvhurwa kwedoor remuroo. maKel kwapera chinguva. Mangwana acho takamuka tikaita chiroora vana tete ndokuzooneka vodzokera kumba ini ndokusara ndave pamba apa. Ndakatarisa Chiso chaKel nguva dzandairongedza hembe dzangu muwardrop make,apa aitotaridza kuti akange aine zvaimunetsa mupfungwa dzake." Nhai babe ko long face ndeyei." ""ha hapana ko ndigadziriro tea ndoda kuenda kubasa". Chakandinetsa ndakange ndisina kumboita sex naKel kwetwo weeks asi apa tasara tega vamwe vari kubasa ahana kuratidza hanya neni sezvaita mazuva ose aya. " aaa shaa tea tisati tambo"ndaitodaro ndichiswedera pedyo naye asi akabva apindura zvine hasha. " Rose sha hazvisi kuita here zvetea zvacho ndiudze Nenyasha(Lolo) agadzire". Ndakamboramba ndakamutarisa ndokufamba ndobuda kuenda kukitchen ndakasvika musikana ayiziva nezvemukitchen asimo ndakabva ndamutevera kuroom kwake ndakasvika ari busy kuona maphotos angu naBaba Kelvin. Paakanditarisa zvose zvakabva zvadonhera pasi ini ndoku____________ *KWASARA 1 LAST FREE CHAPTER UYU HUCHI UYU VERY affordable price Dallar kumunhu wese, chimunya ichi hachidyirwe kuguta price yekupa chaiyo MUZANZI 20 takaenda* Stay tuned *Zvichapera mushe here pana Lolo* *zva komberedzwa nemasecret akadai* *Ko kana varidzi ve nvirop* *vavekuida achavapa here zva ziva* *zviri mukati mayo, uye Rose* *acharega Lolo anawo here* *maphotos aya* *Ndiyaniko akatevera Gari achienda* *kuna baba Kelvin* . *Ko iye wacho achangobuda* *mugota mamoods nde yikumwenga* *Mhinduro dzose dziriko kumberi* *huyai tibvise stres pamwe* *nekudzidza mumabo k namama* *vaIshe* 1 us watopedza book rese
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 💃 💐 🔥 116

Comments