Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 18, 2025 at 11:27 AM
MY GRANDMOTHER'S WISH 💅💋💅 *VARIKUDA BOOK FROM CHAPTER ONE PINDAI UMU NDOO MANDICHAISA BOOK KAONE IMOMO👇👇👇👇👇👇* https://chat.whatsapp.com/Lve8DAHBLwU0SaXLsTHrFN STORY BY MAI ISHE FOLLOW US KUCHANNEL ⤵️ https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 📱0783873⁷¹5 📱0716964³⁴5 All rights reserved. Parental guidance is advised Chapter 2️⃣6️⃣ *MONA* ""Nhayi Mona whatsup inga ndati ndinokuudzq ndave kumba wani"" ndakaramba ndakatarisa Vimbai ndichibva ndaswedera pedyo naye ndokumubata mapendekete ake"" asi ndakanganisa ndichiuya kuno kani ndidzokere hangu mubvunzo wako waratidza kusasununguka Vi"' ndisati ndapedza kutaura naVimbai mukitchen mataive tapinda makabva mapinda vamwe mbuya vechikuru vakabata mudonzvo wavo"" ndangonzwa navamwene vako kuti shamwari yemuzukuru wenyu yauya ndikati kashe ndione ndoga, yoweee zvairi njuzu chaiyo, hurungundo mwana akatsetseka kuita tsvara kadenga, yoweee ingadai ndichazvara ndakuzvarira murume wakaroorwa here nhai muzukuru"" ndakanzwa kunyara nguva iyoyo ndakabva ndatarisa pasi Vimbai ndokuseka hake "",zvagogo Honde vasikana mazondinakidza chokwadi, gogo uyu anonzi Monalisa ishamwari yangu uyu ahana hake kuroorwa manga mafunga kumutsvagira here gogo"' akadaro Vimbai achipindura mbuya ivavo nguva iyoyo mukitchen macho makabva kapinda mumwe zvee mukadzi wechikuru"" howee kuita zunguzurwa nerunako ndianiko uyu ndimupe muzukuru wangu Pardon ari Austria ari kuita masters unenge wagarika mwanangu kungonanga muhupfu "" vakadaro amai ivavo Vimbai ndokuseka hake "" zvatete vasikana, tete uyu anonzi Mona ishamwari yangu anogara kuChitungwiza"" pakadaro Mona tete ivavo vakabva varamba vakanditarisa"" hooo inga ane rudo chose kubva kuChitungwiza kuuya kukuona,wakaroorwa here mwanangu ndingada hangu kuti uyite muroora zukuru wangu"" "" aaah muromo wako iwoyo ndoo kaa wandabva kutaura ndakanga ndichitofungawo nezva Pardon muzukuru wako aiwa mwana akanaka zvake uyu ndianai asingade zvakadari mumba make "" Vanhu vose vakashaya zvokuita neni vandoina chinhu chandaiziva ndechekuti ndakanaka kupfuura Vimbai uye ini ndiri mutsvuku iye mutema uye ini ndine saka nema dimples iye ahana"" nhayi tete nagogo takadai tatove hama nehama nokuti ini ndichiona Vimbai handimuoni seshamwari yangu she is more than a friend to me,ndatoti sezvo tisina kuita chiroora chakakwana mazuva emuchato chiregai tichinyatsopedzisa munhu wese aripo uye tichizivana nehama"" ndakadaro kuvanhu ndichinyepa asi mumoyo mangu ndaitoziva chifambirwa chandainge ndafambira ndaida kunzwa secret yavimbai, vamwe vose vakazobuda zvavo ini ndokupihwa hangu drink nema biscuits ndokunwa Vimbai achibatsirana kubika namaid ayive aripo kubika lunch yemasikati, takaswera tichitandara hedu tichiseka ave manheru zvekuma past six ndakabva ndaoneka kudzokera kumba kwedu" """ hezvo wave kutodzokera kumba ko zvawamboti wauya kutamba chiroora manga matoita here mukapedza ko mvura dzekugeza hamuna kutipa, chirara kaa unozoenda mangwana mapedzesa basa "" vakadaro vamwene vaVimbai iniwo ndakatoziva kuti ndikarara mukana wekuziva zvandaida kuziva waita mushoma"" kana mhamha makoti ndomuziva nekugona ini kunenge kwave kuita mucheka dzafa "" "" ipapo wataura idi mwanangu, handidi nemukadzi naHilton, zinyerere hake chake ku smiler chete,kana riri basa injanji chaiyo,aiwa ndinotenda nerudo rwako, pano pamba penyu vana vangu makasununguka kuuya you are welcome mese zvenyu"" vakadaro vamwene vaVimbai handina kana chimwe chete chandakadaira Vimbai akabva andiperekedza "" handisi kusvika kure newe Mona time dza Hilton dzekubva kubasa dzave kukwana handidi kuti asvike ndisiko kumba "" pakadaro Vimbai ndakabva ndamutarisa "" wandirovesa nehana kaa nemessage yawasenda ndosaka ndatouya kumo ndipe ma highlights "" pandakadaro Vimbai akatura mafemo ndokunditarisa "" Mona hadzisi nyaya dzandingakuudza pafoni uye handingadzitaure munzira ndichifamba kana kukuudza ndiri pamba pevanhu dzakarema Mona, am shure kuti weekend ndinodzokera kumba kwangu neniwo handina kugadzikana nezvakaitika"" pakadaro Vimbai ndakabva ndatotambudzika apa iye ayitoratidza kuti akange asinawo kutogadzikana kwacho"" makagara bhoe here nemurume wako I mean muri kuwirirana here ndabva ndatotya kaa "" pandakadaro Vimbai akayangarara misodzi mumaziso ake zvandakaona,nguva iyoyo akabva andimbundira "" I am scared Mona "" ndakabva ndatoshaya kuti chaive chiii chaizvo chaida kutaura nezvacho"" saka uri kuita sei nextweek mapedza kaa momirira graduation muna October "" akadaro Vimbai achindibvunza ndakabva ndatura hangu mafemo"" yaa kupedza uku apa mabasa hakuna ufunge hako""pandakadaro Vimbai akabva atarisa kumba kwavo achibva anditi"" gadzira cv unosiya kubasa kwaHilton anganakidzwa nekupa vatorwa mabasa imi hama musina here hazviite unototi uriwane "" ndakanzwa hana yangu kuita kakurova soo Vimbai adaro "" Mona ndokuona shaa,waita basa wandiona izvozvi kana Vanessa chaiye ahasati ambosvika apa kuzondiona, chienda zvingazoita sekunge tine zvimwe zvatave kutaura tave panze ndokuona weekend ndokufonera "" pakadaro Vimbai ndakabva ndamupa hug"' ungatevedzera Vanessa anoita kunge muroyi musiye akadaro hantie kukura kuye,"" ndakadaro ndichimupa hug ndokuparadzana hedu asi nyaya yake yakandidya moyo kunyangwe hazvo ndaive ndisina kuudzwa nezvawo,ndakafamba ndichinetseka kusvika ndakwira comb kuenda kumba, mangwana acho ndakamuka ndokuenda kuchikoro ko takange tichadzidza here kwakange kwave kungofambira kuno clear zvaive zvakasarira sevanhu vaive vakapedza kare, kubasa kwaHilton ndaisatoziva nezvako zvachose asi zita recompany ndaiziva hangu ndakabva ndatoti after school ndokuenda paMakoni ndokugadzirirwa cv ndichitopinda mutown handina kana kumborasika kusvika ndasvika pabasa ipapo ndokunanga pa reception apa paitove nemumwe musikana kaingozvida kakatotanga nekundi ignore ndokuzotaura neni' " good afternoon, can I help you"" Paakadaro ndaka smiler ndichibva ndapindura ""ndoo mabatsiriro amunoita vanhu pasa penyu"" . "' No masvika ndiri busy nema files ari kutodiwa izvozvi,ndosaka maoma sekunge ndaignore ko tikasataura nemi tingagoti tabvirei kumba kumba kuuya kubasa"' paakadaro ndakabva ndafinyama hangu"' ndokumbirawo kuona Boss venyu "" "" okey garai henyu apo ndikubatsitei"" kakadaro kamusikana ikako kachitofona apa ini ndakange ndatokamaka kudhara,"" endai straight muchaona door number 8 munopinda imomo"" achipedza kudaro handina kana kutomboti thanks ndakabva ndatofamba ndokuenda "" can I come in sir "" ndakadaro nokuti door remo raive rakavhurwa apa munhu wandaida kuona handiye akange ari imomo ndakabva ndasvika nekumira "" please take a sit'" ndakabva ndagara hangu pasi apa mumoyo ndakange ndave busy kuzvibvunza kuti sei ndakange ndanzi ndipinde muroom number 8 ini ndaida kuona Hilton zvaive obvious kaa kuti company ndeyake saka sei ndakaendeswa kune mumwe munhu not iye "" good afternoon sir "" ""Good afternoon. How can I help you? ""I told the girl at the reception that I want to see your boss,ndiye ati ndiuye muno" Pandakadaro vakabva vanditarisa ndoku smiler havo"" mune appointment navo here "" . ""No ndiri hama "' Pandakadaro vakabva vafona kuoffice kwaHilton ndakatoona kuti kuti ndikataura ye cv ndaitobatwa zvisirizvo zvandaida vapedza kufoni ndakabva ndaratidzwa kwaive neoffice yacho ndokuenda hangu ikoko, apa yaitove kwayo yega chaiko kwekuti waisambofungira kuti ndoo pairi ndichipinda akaramba akanditarisa iniwo ndakabva ndaramba ndakamira achibva ati"''haaa sorry nekuramba ndakakutarisa,ipapa ndiri kuzama kufunga zita rako ndakanganwa shamwari yaVimbai anditi"" paakadaro ndakabva ndaseka hangu "' inga uri kutoziva wani yowee kudada here mabva matondikanganwa pasati papera kana mwedzi ko kuzoti panoperera gore "' nguva iyoyo akabva aseka hake ndokusimuka kuchaira kwaive akagara ndokuuya kumasofa, office yacho kunaka zvayo yakanaka maive neka couch kakanaka kafridge kadiki netumwe tuma nice nice twaive imomo "' kana uchiti inyaya yekudada here, ini ndiri munhu anoshanda nevanhu vakawanda soo kazhinji ukasatotaura zita ndinoita sekunge kudada gara hako pasi kwakanaka here kwawanditsika pabasa kudai"' paakadaro ndakagara pasi ndichibva ndaseka "" kwakanaka chose ndatoona kuti ukanyara haugwaze next week tiri kupedza zvima course zvedu izvi zvekunetsa mabasa sitereki zvino ndatoona kuti ndakamirira kuzotorwa ne government kuzogara hakuite pamwe tinoita 3 years tisati tapinda saka ndatoti ukanyara haugwaze ndosaka ndauya ndokumbirawo kubatsirwa cv rangu iri " pandakadaro kurume waVimbai akabva agara pasi akabata cv rangu"" horaity kuchema kwako ndakunzwa ndichakubatsira kuti uwane basa ndine shamwari dzangu dzakati wandei vane ma company pano ringa wanikwa haro asi kushanda pahukama kunonetsa mangwana zvinozonetsaa "' paakadaro ndakatoona kuti ndoo mukana wandaida chaiwo ndichibva ndaseka "" pahukama hukama hupi apa "" nguva iyoyo Hilton akabva anditarisa "" handiti uri shamwari yemukadzi wangu hapana hukama hunopfuura husahwira "' nguva iyoyo ndakabva ndaseka ndokumutarisa "" ndizvozvo sekuona kwenyu asi ndinoda kutokubastira pane zvakavanzika zvausingazive pana Vimbai ndibate mushe ndipewo basa chete iwee"" Hilton akaramba akanditarisa ndokupukuta kumeso kwake neruoko""aaaa uri shamwari yakaita sei nhaiweee, ndinga vimba newe sei kana watotanga nekuda ku betraya shamwari yako usati wawana basa, I said ndichakubatsira kutsvaga basa asi kwete pa company yangu,handishandi nemunhu asina respect kumukadzi wangu"' nguva iyoyo akabva asimuka paive akagara ndokuenda kusofa "" handina wanda"" nguva iyoyo Hilton akabva asimudza ruoko rwake senzira yekunditi nyarara"" ndichakufonera,uvhare door kana wave kubuda "" ndakanzwa kunyara zvekutadza kana kusimuka pandaive ndakagara uko kacv kangu kaive kakandirwa kwakadaro uko, unodzikira makore wanyadziswa chaiko ndakanzwa kubatikana nezvandaive ndaitwa naHilton ndakati fambe fambe ndokucheuka wanike munhu akange ave busy nebasa rake asina kunditarisa""ko gogo zvavakati mafuta anoshanda chero pandadira wani""ndakazvibvunza ndave kubuda apa moyo uchiita kuvirira chaiko"zvino akapusa Hilton ndoda kumupfidisa ndoda kumuratidza kuti ahana kungwara nguva iyoyo ndakabva ndafonera Vimbai ndokutanga nekuchema. 📱📱📱📱📱 ""Ko chiii wachemei kudaro"" "Hupenyu hwangu hwaguma Vimbai ndanzi nabamunini ndichizvionera ndapedza chikoro pavakachengeta pakwana,ndoita sei Vimbai handina kna pekutangira ndikadzokera kumusha ndisina kuwana basa handiriwane""ndadaro ndakabva ndachema hangu. "Saka apa uri kuchemei vagona bamunni kana vadaro kangani ndichiti huya ugare neni kumba uchiramba, ndavafarira bamunini ndizvo ufunge Mona unofunga kuti ndinoda kukuita house girl here aiwa usandiisa ikoko Hilton anditsvagira maid ari kutouya nhasi, muiti webasa anenge aripo tinyararire uko unouya kumba kwangu wogara,imba ndeyangu iya inga ndakakuudza wani kana Hilton ahana kana say pairi"" nguva iyoyo ndakanzwa Duuu duuu kuratidza kuti Vimbai akange akata foni yake ndaida kuona kana Hilton akange akangwra kupfuura ini. Stay tuned *Ndicharisira panzira nditange rimwe, book risina ma reaction kana comment rinorwadza kunyora .* Mhamha vaIshe🩷
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 👏 ☠️ 572

Comments