
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 18, 2025 at 04:18 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
🌔BLACK SHADOW🌒
STORY BY MAI ISHE
FOLLOW US KUCHANNEL ⤴️
🚦0783873⁷¹5
🚦0716964³⁴5
🚦0719420¹⁵9
All rights reserved.
Parental guidance is advised
Chapter 1️⃣9️⃣
*Loliwe*
Kushevedzwa kwandaiitwa naKelvin kwakandirovesa nehana,nekuti ndaitoziva kuti ndine nyaya dzandainge ndaita makuseni,paakazotaura nezvazvo ndakatoziva kuti ndoo zvandainge ndashevedzera,akandiudza mashoko akapinda muhana mangu apa ndakabva ndamutarisa mumaziso chaimo ndokuona rudo.
Pakasimuka Kel kuuya pandaive ndimire apa misodzi yakange yoyerera nechekare,ndakaramba ndakamuyeva apa akange ane runyoro pameso ake.
Aka ndoo kaive kekutanga kwangu kumbundirwa nemukomana ndakanzwa moyo wangu kuve panzvimbo chaipo,musi uyu ndoo musi wandakaona kuti zvandaifunga handizvo zvaaive, aive munhu munyoro
Kubva musi uyu ndoo musi wandakatanga kusununguka kuve pamba apa nokuti Kel ndoo akange asara oga asina kundisunungukira,kusvika musi wakazouya mukadzai waKel ndoo wakave musi wekushanduka kwehupenyu.
Ndakati ndichipinda mumba apa ndaitofamba ndisina tarisiro nezvakawanda ndakavarairwa ndakavhunduka apa door rakange risina kunyatsovharwa, ndakamira ndakavharidzirwa zvishoma apa ndaida kuona zvaiitika vaviri vakamira semachongwe, ndakaona mashura chaiwo ndakanzwa hana kurova apa ndakange ndisina fungidziro nezvinhu zvakadai,ndakaramba ndakatarisa ndokuona vavairi vachitsodana pakarepo vakabva vatopesana,iniwo ipapo ndakashaiwa kuti ndodini nokuti door raipinda mukitchen raive nechepamberi zvishoma,ndakamboti zvimwe hakuna andiona, asi pandakatsiurwa pamusoro pekuona kwandakaita vaviri ndakabva ndatoziva kuti vanhu ava vari murudo .
"Saka zvinofamba sei pamukadzi wemwana wavo,but baba ava hauvafungiri zvakadaro"ndakatoita zvekuvhunduka ndave kubvunzwa pamusoro paenvirop yandaive ndatambidzwa naRue.
"Envirop yawapihwa waisa kupi? unotambidza ini kwete umwe munhu, ini ndini ndichaziva zvandichaita.?
Ndakanetseka zvakanyanya mushure mekunge baba vataura mashoko aya,ndakapinda mukitchen ndokutora maspice,ndakabuda mukitchen andina kuzoona kuti baba Kel vakange vafamba sei,asi mumoyo mangu ndakatambudzika nezvandaive ndaona, ndichitambidza mai Kel maSpice misodzi yangu yakabva yayerera yoga.
"" ko nhaiwe Nenyasha(Lolo) chii zvaita sei "
Ndaida kutotaura panguva iyi asi pandakacheuka ndichida kuona kwandabva ndakabva ndaona baba vachisvika pataive takamira,ndakakakama ndokushaiwa kuti ndokudii, moyo wangu wakarwadziwa nokuti baba vakasvika vachibata mukadzi wavo muchiuno ndokumutsoda padama,ini ipapo ndakabva ndatarisa pasi kwakunyara nyara ndichibva ndatonyepa zvangu""musoro wangu uri kutema mhamha""...
" hazvichemedzi Loliwe unotaura mhamha handisi kunzwa zvakanaka sununguka kutaura pane zvisingakuitire tigarisane zvakanaka,swedera pedyo neni tione"
Ndakaswedera pedyo navo vachibva vabata musoro wangu,apa baba vakange vakandicheka neziso raitaura chairo.
"Temperature yako yakanaka gara apa ndikutorere ma pain killer"
Nguva iyoyo mhamha vakabva vatofamba kunopinda mumba, ini ndakasara ndakagara baba ndokuramba vakanditi ndeee""ubate hana yako unofira mahara uchiri pwere"
Apa vaitaura nechizeve zeve vakatarisa kwaive kwaenda nemukadzi wavo.
Vakabva vaisa maoko avo muhomwe ndokufamba kuenda kwaive nasekuru Gotora,chandaiziva sekuru Gotora akange ari munhu wandakajaira kubva kare izvi ndakazviudza kuti havaizodzokera ndisina kutaura navo pamusoro pezvandainge ndaona.
Ndakatambidzwa mapiritsi asi ndakamadonhedza pasi ndokunwa mvura yoga,ndakaramba ndakatarisa mai Kel ndokunetseka kuti sei murume wavo akange asinga gutsikani navo.
Mai Kel vakange vakapfava uye vasina basa nezvakawanda,vaive munyoro ugoona parunako naRose wacho aisa kwana pavari,ndakagara namhamha vachibika zvavaibika ini ndichifunga shura raitwa pamba apa ndakazongonzwa "" aaaa zvakaoma zvaSenzo asikana,munhu abva pano izvozvi vanga vatoisa message nenguvai
Ndakarohwa nehana ndokuvhunduka ndakange ndisina kutarisira zita iri panguva iyi," matii mhamha?
"" Nenyasha ndinoda kuti uzowana murume ane rudo sewangu,ndinogara ndakaudza Rue zuva nezuva kuti adzidze zvatinoita isu vabereki vavo,munoziva handina kudaira asi mumoyo mangu ndakangoti,imbwa nyoro"
Izvi zvakandiratidza kuti mai ava vakange vasati vaziva hunhu wemurume wavo,ndakagara ndakavatarisa apa pfungwa dzangu dzakange dzonetseka nezvakawanda""zvinoreva here kuti baba ava ndibaba vangu,?asi kana varivo ndingaziva sei?
Ndakazvibvunza mibvunzo yakawanda," wave kunzwa sei kana uchinyanya kurwadza waipinda zvako mumba umbonozorora,"
"Unorwadza zvawo asi kwete zvakanyanya".
Ndakasimuka pandaive ndokubatsirana nevamwe kudisher chekudya mutambo wakazoitwa zvawo asi ini pfungwa dzakange dzisisiri panzvimbo.
Vanhu vakaparadzana ini ndokupinda mumba mangu kurara,ndakatarisa envirop iya hana yangu ndokuita kakunyumwa soo ndakabata bata envirop iya asi ndaitoda kuvhura chete,ndakadzosera pakarepo ndokupinda mumagumbezi ndorara.
Makuseni acho ndakarambidzwa kuita basa sezvo painzi muroora akange achida kuita chiroora ndakatomuka ndakarara zvangu pandakazomuka ndave kuda kutsvaira muroom mangu ndakanonga envirop iya ndokumbo mira ndakabata,ndaka vhura zvakanaka ndapedza ndakaona mifananidzo yakange asingaiti zvachose,
Ndakarohwa nehana ndokugara pamubhedha ndichiona vose vasina kupfeka vachiratidza kuti vaive panguva yebonde,
"" aaaaah,ndozvega zvandakakwanisa kutaura ndokusimuka ndichimira,Rose akabva apinda mapic aye ndokudonha pasi.
" shhhhhhhh,nyarara zvako izvi ndezvako neni newe nababa Kel zvikabuda chete zvabuda nepauri unofa rakacheka nyika,ndichaenda newe out masikati Harare unoiziva here iwe..
" kwee kwete,handina kwandinoziva.
" good ukabata moyo wako nehana yako ukadzikama,uchaziva every corner muno muHarare. wakanaka iwe asi haugoni kupfeka nekugeza chete,ndichakugezesa ndichakudzidzisa kupfeka.
" huya ubikire Kel tea ari kuda kubuda."
Rose akarongedza mapic aye ose ndokubuda neni takananga kukitchen,ndakabika zvose tea pamwe nezai iye akagara ari busy nefoni yake ndapedza akabva atora tray ndokuisa tea iya achibva atobuda nazvo.
Ini ndakasara ndirimo mukitchen apa ndaishaiwa kuti secret yakadai yaizochengeteka here,nguva yakaenda Rose kuroom kwake ini ndakabuda panze ndokutsvaga kwakange kugere sekuru Gotora uko kwavai kurukura nemukomana aigadzira maruva.
"Yowee Lolo muzukuru,Harare yave kuda kukubvuma muzukuru ini ndaisaziva kuti uri muchena kudai?
" aaah sekuru asikana ndingatadza nei kuita murungu ini ndichiswera mumba.
Ndakaramba ndakangomira apa kuti nditaure chifambirwa mukomana uyu aripo hana yangu yakarova chaiko.
" sekuru ndine zvandanga ndichida kutaura nemi zvishoma shoma.
" taura muzukuru wati uyu angaita basa rei?
" aaaa tadii kumbofamba famba zvishoma.
" unondirovesa ka hena hauchadi basa here ?
" kwete sekuru nyaya dzacho dzakadzika dzika dzinoda pasina vamwe vanhu.?
Takabva paive nemukomana uya ndokufamba setainobuda gedhi,sekuru ini ndine zviri kundidya moyo pano, ndigere zvangu zvakanaka,asi pane zvimwe zvezvinhu ndiri kundibira mufaro wangu nguva zhinji zvimwe imi mungandibatsira semunhu mukuru"..
" chiri chii muzukuru taura ndakateerera.
Ndine musi wanda.__________...
" Lolo Lolo.... vhurawo zve gedhi mota ibude iyi.
Ndakanzwa Rose oshevedzera apa Kelvin akange obuda kuenda kubasa akafamba kubva kwaive naKel ndokuuya achimira pataive.
"Muzukuru nyaya yako watumburira padumbu iti dyoo ndibate musoro wayo...
" Rose akabva andicheka neziso apa ini wacho ndakabva ndachingoti tuzu nokuti ndakange ndave kutoshaiwa kuti ndoti kudii.
*Kelvin*
Ndakati ndichangopedza kuvesa moto wekugocha sezvo boys repamaraini pedu rakange riripo richindikorototedza kubuda kwandaive ndaita mugota,iniwo ndaive nemufaro nokuti ndakange ndisingachachenesi Russel pana Rose,ndakapinda mumba ndokunobuda nenyama yakange yogochwa nguva iyoyo ndakanzwa kuvhurwa kwekagedhi kadiki.
Munhu wacho ayitovhura zviya zvekunetseka chaiko ndakaramba ndakayeva apa vamwe vaive busy kugocha,ndakarohwa nehana ndichiona Gari achipinda.
" aaaaah munhu uyu akokwa nani pano uyu."
Ndakadaro ndichitobva pane vamwe ndichida kutsvaga pekunyatsogara ndichiongorora mafambiro ake,Gari aive munhu ayi zivikwanwa nehunhu wekuba pamwe nehumhondi muRuwa mose.
Pasina nguva ndakaona otaura pafoni ini ndakaramba ndakamuyeva kusvika apedze kutaura,achiisa foni yake muhomwe akafamba akananga nekugarage hana yangu yakarova ndokuda kumbofonera baba vangu sezvo ndaisavaona pavainge vari.
Ndakanzwa kupera simba ndokudzosera foni muhomwe,ndakamboda kushevedzera nokuti ndakafunga kuti zvimwe paanga achifona anga ave kuudza vamwe vake zvokuita,ndakaona zvisingaiti ndokumutevera apa hana ichirova.
" boss ndauya zvangu muno asi ndinonzwa kunge pane anditeverea".
" haaaa Gari kuti zvingadaro here rega nditarise,"
"' aaaaah ndibaba vangu kaava ?
Ndakadaro ndanzwa izwi ravo ndakabva ndaswedera pamadziro ndokunoti kwati ndiripo.kureva kuti ivo naGari vaizivana.
" hapana aripo Gari ngatiite zvekukasira,uyu munhu anonzi Russel munyudze gari anoda kupinda nemwenje mudziva angandiparadzanisa nemhuri yangu.
" zvoga here mudhara izvo sirai mumaoko angu mangwana chaiye anodya nevadzimu vake,asika boss kuti ndiwane simba ndipei chidimbu chenyaya ndiwane simba.
" inyaya inoera Gari asi zviriko kuvarume,ndakachiva musikana wemwana ndikapinda naye murudo zvino nyaya dzacho dzese dzakazivikwanwa neshamwari naKel iyeyu Russel,ave kungo senda mapics angu naRose kuvanhu.
Ndakakashidzwa nemate ndokusimuka ndomahanya ndakananga kuseri kwebedroom chaiko nokuti ndaitoda zvekukosora chaiko.ndakasvika kuseri uku ndadikitira nenguva ndiki,ndakabata maoko angu ndokunzwa ziya kuyerera nemaoko angu ose.
Ndakaenda pasink ndokutora bucket raivepo nemvura ndafunga kunodzima moto kwaigocha vanhu asi ndakazvidzora,ndokurova madziro nechibhakera changu kusvika ruoko wave kurwadza.
Ndakapinda mumba ndokunanga mukitchen ndakanotora banga ndokuisa muhomwe apa ndakange ndatofunga kunobaya baba vangu chaiko.
Ndakaburitsa foni yangu muhomwe ndafunga kufonera Russel asi foni yangu yakange yakaisa kuma black list yaisabvuma zvachose.
Musi uyu hapana kana chimwe chakandifadza kusvika vaunhu vazo pararana apa ndaiti ndikatarisa baba vangu ndainzwa ropa kuuya mumaziso angu.
Ndakaramba ndiripo panze pandakaona baba vangu vachibuda pari pakati pehusiku ndakatenda mwari nokuti ndaida kuvapfuudza pasina kana anonzwa pandakatanga kufamba kuenda kwavaive ndakabva ndaona Rose achibuda padoor.
Ndakazvidzora ndokuenda kuna Rose ndonotaura naye asi izvi zvakatondiudza kuti zvakange vafonerana kusangzna panze.
Handina kuda kumungwadza asi nechemukati kwaive kuisa munyu paronda nyoro chaiko.
Ndakamuka ndine pfungwa yekuda kunoona Russel pasina chakashata chaitika kwaari asi ndakarangarira kuti ane zvaakanditumira kubasa ndakabva ndananga stright kuoffice kwangu
End......
Book redu rave kuwanikwa kune atenga book riripo rese uye rakatoperq kare kunyorwa
Maprice akamira akadai soo zim kungosenda 1 dallar chete ingave airtime kana eco cash panodiwa 1 dallar chete.mazig sendai 50 zig wadaro watowana book rese, munosenda pa O783873715 panobuda zita rekuti JN prof off payment isai pa O783873715
S.A 20 RANDS any voucher
Mhamha vaIshe💖
❤️
👍
🙏
😂
😢
❤
😮
💐
145