Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 19, 2025 at 08:24 AM
MY GRANDMOTHER'S WISH 💅💋💅 *VARIKUDA BOOK FROM CHAPTER ONE PINDAI UMU NDOO MANDICHAISA BOOK KAONE IMOMO👇👇👇👇👇👇* https://chat.whatsapp.com/Lve8DAHBLwU0SaXLsTHrFN STORY BY MAI ISHE FOLLOW US KUCHANNEL ⤵️ https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 📱0783873⁷¹5 📱0716964³⁴5 All rights reserved. Parental guidance is advised Chapter 2️⃣7️⃣ *MAI MUTISI* Ndakachema neshungu ndakagara pasi ndiri pavheranda pangu,unotanga kufunga kwawakabva nevana vako kusvika vave pavave wotoona kuti inga ndakangovarera vakakura hupenyu hwakanaka pasina kana dambudziko, I do spoil my kids zvandinotoona ndega kuti vana vangu ndakavajaidza apa,ndine imba ine 12 rooms yakapera yese full house,mwana umwe neumwe ane room yake nezvinhu zvake imomo vese vari three,munongoziva hupenyu hweHarare kuti ukavaka imba yako ikapera business paHarare kutoisa maroja asi ini zvose izvozvo handina kuzvida ndakada kusununguka kwevana vangu, kana zviri zvekunamta zvinogaro taurwa nevakawanda kuti vana vanoda kukurira munashe pane vana vangu handitaure kunamata ndoo kudya kwemumba mangu, vana vangu vanotoziva kuti kunomukwa pama midnight prayers kunomukirwa kuchurch kunonamata nevamwe kana iri misango nezvimwe zvirongwa zvechurch ini nemhuri yangu hatina kana pataisara, zvose izvi ndakazvifunga ndakagara pavheranda ndokuona kuti ko zvandine sungano yakanaka namwari Wani ko kutadza kwangu kuri papi zvokuti Vimbai asvike pakurasika nekuda kwekuti aroorwa, nguva iyoyo ndakabva ndaona kuti Satan akange atopinda mumba mangu ndikatadza kuzviona nguva iyoyo ndakabva ndapinda mumba ndichipinda mudinning Sam naVannesa vakange vakagara mudinning vachindiona vesa vanditarisa apa kumeso kwangu kwaitoratidza kuti ndakange ndichichema,hapana akataura neni iniwo ndakabva ndapfuurira ndokuenda kubedroom kwangu ndokunofonera madam Mapuranga, foni yake yakarira pekutanga ndokushaiwa mudairi ndokuzodairwa pandakafona kechitwo 📱📱📱 ""Hello"" "" mai Vimbai zvirisei, sorry hako handina kunzwa foni pekutanga ndanga ndiri panze chaipo kubvisa zvinhu zvandawacha"" "' no it Okey ndatoti rega ndikufonere ndasvika panguva yekugumirwa shamwari,kutadza kuziva kuti ndofunga zvipi vasikana,hauna.kwaungaziva kwandinobatirwa here aaah vana vangu vasikana ndodiiko"" pandakadaro akatura mafemo zvandakatonzwa kuti akange atura mafemo. ""nyaya yaVimbai zvekare"' akadaro mushure mekunge atura mafemo. ""ndoo kwandiri kuona kwatopinda nasatan wacho vasikana "" ndakadaro ndichigumirwa chaiko apa ndaiti ndikafunga kuti Vimbai akange ari muraini medu imomo ndainzwa pamoyo pangu kubaya "" "" chauri kutadza kuziva chinhu 1 Mutisi, Vimbai atokura kutoroorwa uku, uye unofanirwa kugamuchira kuti akaroora nekumurumura pauri, mutemo yedzimba inosiyana usade kuti ayite saVannesa mwana waunaye mumba mako unogona kuzvipa stress nezvinhu zvisipo "" "' Zvose zvawataura ndazvinzwa uye handina chandinoramba asi ndiri mai ndiri kutoona kuti ratove dambudziko Mapuranga zvirikundidya moyo izvi hauna here waunoziva anogona kubatsira zvimwe ndinga batsirika dia "" ndakadaro kuna Mapuranga asi ndaitoziva kuti zvandaive ndafunga zvaive against mutemo wemumba mangu hamheno kuti baba Vimbai vakazvinzwa paizogarika here"" ndine wandoziva asi mupositori chaiye anotoda zvinhu zviri straight hamheno ukazvigona hako "" pakadaro Mapuranga handina chandakaramba zvimwe ndaiwana zororo mumoyo mangu"' handisati ndakambozviita mufunge hako asi nekuda kwevana vangu ndototi ndizviite "' pandakadaro akaseka hake "" horaity pakanaka zvapo unouya wakagadzirira paunouya kubasa mangwana after work ndokuperekedza "" . "" ndinouya vasikana ingadai zvikandibatsira ufunge hako moyo wangu uri kurwadziwa chaiko"" padakadaro mumwe wangu akaratidza kusuruvara chaiko"" unobatsirika usatya hako ndokunge ropa rako racho rawirirana neko"" ndakazokata hangu foni yangu ndokumboita nguva ndakagara, kwaive kungogara zvako asi marwadzo anenge aripo apa unenge uchiti ukanzwa gedhi ravhurwa woti zvimwe ndiye auya sezvo ari pedyo kudai,asi zuva rakasvika pakunyura kunze ndokusviba handina wandakaona,""zvino ndoita sei ndingamufonera here nemashoko ahakataura neni musi waapedzisira kundifonera uye"" wakave mubvunzo wandakazvibvunza apa ndichinetseka chose mumoyo mangu, mashoko acho ndaiti kumafunga kudai ndaitoona sekunge ndosaka akange asingachauye kumba zvimwe akange ave kufunga kuti tinomushandisa ndaibva ndatogumirwa chaiko, baba vake vakasvika pakubva kubasa ndichingotenderera ndichitadza kugarisika hangu umwe moyo waimboti ndiudze baba vacho asi ini zvaindirambira nokuti mashoko akange ataurwa nemwana wavo vakange vasingamazive ndakaguma ndasiyana nazvo ndokungogara samazuva ose, ave mangwana acho makuseni ndakamuka ndokugadzirira kuenda kubasa ndokutakura zvaiita kuti ndizoenda kwaive kwataurwa neshamwari yangu, kwandiri zvaitove zvinyowani chaiko zvokuti ndaita kuzeza chaiko, musi uyu nguva dzakatoita sekunge dzamhanya ndokupedza basa tichibva taenda kwamadzimai, ugoona kaitove kamwana kadiki zvako mazera mamwe iwaya naVimbai zvokuti tichisvika ipapo ndakatanga ndatarisa sahwira wangu apa madzimai vacho vaiyamwisa mwana akagara hake pazuva "" titambire madam izvozvi ndiri kutoshaya kuti mota dzatevedzana kuuya pano vanhu vepi zvee kuzeza rwendo ndakabva kuNyanga nezuro kunoita basa randakashevedzerwa ikoko"" akadaro madzimai iyeye achitaura naMapuranga waizivana naye ""ndini zvangu ndauya neshamwari yangu uyu tabva nekubasa anoda kukuonai "" paakadaro madzimai ivavo vakabva vanditarisa "" pinda henyu mumba "" takapinda mumba iye achitevera, maitove mumba musvinhu uye ayiratidza kuti mukadzi akarongeka nokuti tuma colour twaive imomo twaingoyevedza, zveshuwawo akapinda muimba yake yemukati ndokupfeka nguwo dzake chena achibva adzoka mataive "" handiti munoziva henyu kuti handidi zvine mavara mavara hamheno kuti manga mavaudza here "" vakadaro madzimai vachitaura naMapuranga "" eye ndamuudza "' nguva iyoyo ndakabva ndaratidzwa mekuchinjira ndichibva ndapinda imomo ndokudzoka ndichigara, ndisati ndagara akabva anditi budai panze munhonge dombo mushevedze zita remwana wenyu makatarisa kumabva zuva mudzoke naro"" ko zvaive zvinyowani kaa ndakabuda panze ndokunoita zvaive zvataurwa ndokudzoka ndichigara panze"' nhai madzimai ndikati kune shamwari yenyu yamauyabnayo iyi vamwene venyu ndivo vari kushandisa mwana wenyu ndinenge ndaisa rungengo pakati pavo kaa, asi ndinoti kwavari endai mumogara pasi nemwana sikana wengu mumubvunze kuti pavakaenda kumusha chiii chaakaitiswa kumusha ikoko,"" pakadaro madzimai hana yangu yakarova kamwe chete ndokunzwa kupindwa nechando chaiko"" madzimai hazvina kumira mushe kutaura kuno mwana wacho aha taure neni ha handifunge kuti anotaura zvakaitika ini"' pandakadaro madzimai vakaseka ndokuuya kumira kumberi kwangu"" muchiona ndakapfeka nguyo chena kudai hakusi kuda uku ndiri mwana mudiki chose zvokuti ndinogona kutoenda kuchurch dzema gitare ndikadya nyika rutivi chakanditi siya zvose izvi imweya yemadzinza, handina kukubatsirai kwandinoita nokuti ndinogona kubvisa chinhu muridzi achichida, mumba memwana wenyu hamuna bonde zvachose akapihwa murume kare uyu, imi ndiverengerei mwana mitatu ndaona mabatwa maoko"" madzimai ivavo vachipedza kudaro vakabva vabata mhanza yangu ndokuisa muchinjikwa vachibva vabvisa mucheka wavaive vakasunga ndokugara pasi, ndakasara ndisina neremuromo zvinhu zvose zvaive zvisiri kubatika kana kunzwisika ko kana mumba make maive musina bonde ko inga gogo vakadzoka vachiti Vimbai awanikwa iri mhandara wani"" ndakazvifunga ndakagara ndokutarisa mukadzi uyu"'ndatopedza neni simukai henyu munotaura nemwana wenyu akuudzei chokwadi kana abvuma huyai naye"'ndoo mashoko akataurwa nemukadzi iyeye zvaive zvakaoma sekunamata Vimbai wacho ndaimutanga ndichiti chiii. *HILTON* Ndakatambudzika zvakanyanya mushure mekunge sex yatoramba zvachose naVimbai handina kukwanisa kutaura naye zvakawanda nokuti ndakafunga kuti zvimwe ndini ndakange ndine dambudziko, takarara husiku hwese kusvika kwachena hatina chatakaita pfungwa dzangu dzaitofunga kuti zvimwe ndini ndakange ndave nedambudziko sezvo ndaive nema game angu kunze, ndakaudza Vimbai kuti asaudza gogo vake kuti ndoo zvakange zvaitika ndakamboedzaa kuti avhare vhare nyaya dzese, ndakabatwa zvakanaka zvinhu zvose handina kana chinhu chandakasvora apa ambuya vake munhu akasununguka, takapihwa huku dzechibhoi dzaisvika ku6 nezvimwewo ini naVimbai ndokugadzirira kuenda kubasa, chinhu chandakaziva kana ndakange ndakasungwa naFaith nhengo yangu haizofa yakaita kune mumwe mukadzi ndakabva kumusha kwana Vimbai ndichifunga Annable,ndakanosiya Vimbai kumba ini ndokudzoka kubasa ndichisvika kubasa handina wandakataura naye ndakananga kuoffice kwangu apa ndaitove nestess chaiyo nguva iyoyo ndakabva ndatofonera Annble kuti auye muoffice mangu ndichikata coz ndakabva ndatosimuka pandaive ndakagara ndokumira ndakaisa maoko muhomwe hapana kupera nguva nenguva diki akabva atopinda muoffice mangu ndakatanga kumutarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka nguva iyoyo ndakabva ndamusimudza ndokumuradzika pasofa, maitiro ake ayiratidza kuti ane zvaida kubvunza asi ini handina kumupa mukana ndakabva ndatobvisa trouser randaive ndakapfeka handina kana romance yandakaita naye ndakangoisa chete nokuti zvandaida ndini ndaizviziva, kusvira kwandakaita Anna musi uyu kwaive kwekusada beche ndine zvandaida kuona asi ndakatosvika pakupedza pasina kana dambudziko zvikuti ndichipedza kukasvira ndakagara pasi ndokutura mafemo"" sir yave second time tichiita sex tese, handisi kunzwisisa kuti tave kufambidzana here, coz hamuna communication neni kuratidza kuti tiri kudanana here hamuna attention yamunondipa ndoziva zvipi"' ndakamutarisa ndokusimuka pandaive ndakagara ndokupfeka hangu ndichibva ndaenda ku table kwangu ndakavhura drawer yaive nemari ndokutora 100 us ndokumutambidza mumaoko ake "" dzoekera pabasa handina rudo newe "' ndoo ega mashoko andakataura, nguva iyoyo akabva asimuka achisvipukuta nema tissue ndokubuda hake, musoro wangu wakaita kutenderera chaiko ndakaita kushaya zvekuita "" kureva kuti handina dambudziko "' ndoo zvandakataura ndichibva ndagara pasi, kushanda kwacho kwakatondinetsa ndakatadza kuziva zvaive pana Vimbai kuti chaive chiii chaizvo apa mbuya vake vakange vati dambudziko rapera""mmh pamwe mukadzi wechikwambo"".ndakangozvifungawo nguva iyoyo, Takaita two days ini naiye tichizama kuita sex asi zvichiramba kuti ndimuudze kuti kune vamwe zvaiita zvaisaita nokuti iye ayiti ini ndine dambudziko, dakamboda kuudza tete kuti vangu nyaya iyi asi ndakaona ichisarira mumaoko angu nokuti ndoo munhu wandakapa jira ndichivati Vimbai ayive mhandara zvinhu zvacho zvakabva zvandiomera kwese, woti ini ndiri busy kufunga kuti dambudziko ropera sei mumba mangu shamwari yaVimbai ndoo payakauyawo ndakatoziva kuti ndoo waive muyedzo mukuru chaiwo ndokukasira kumu avoider,mazuva akafamba tiri kumba kwana mhamha mufaro uripo zvaitooneka chaiko"' iwe Hilton tsvaga musikana webasa, kaitiro kemuroora wangu aka ane atoda kukudza musha wangu ita semurume "" hana yangu yakarova ndokutarisa Vimbai iye wacho akanditarisa ndokutarisa pasi, handina kuda kumunyadzisa ndakabva ndatsigira mashoko amhamha"" ichokwadi mhamha musikana anotodiwa zvino vanowanikwa here"" ndakadaro zvekusada kufumura mukadzi wangu apa ini naiye takange tisati tamboita sex zvekuti panoitwa nhumbu""haiwa rega ndifone kumusha uku vazere "" vakadaro gogo ndichibva ndabata gotsi ndaida kuyeredza musodzi ndokusimuka hangu ndichienda kuroom kwedu ipapo. ndoo pandakatanga kuona kuita mistake kwandakaita ndichinyepa kubva musi wekutanga"' Hilton tadii kudzokera hedu kumba nokuti tikaramba tiri pano zvose izvi zvichapedzisira zvabuda pachena "" akadaro Vimbai apa handina kutoona kuti akange apinda mumba mandaive "" why wakapa shamwari yako ma direction eku office kwangu handidi kumuona kubasa kwangu"" ""hezvo nhaiwe zvapinda papi pane zvandataura "" "' ndatokuudza handidi kuti utambe naye "" pandakadaro Vimbai akabva aseka ndokugara pamubhedha ""wave kutya kaa kuti Mona akashanda kubasa kwacho hunhu hwako uchabuda pachena musi uye wakandichenamira futi ndauya ikoko kunei kubasa kwako, why wangomuka nekuti haudi kundiona ndina Mona pasina chikonzero handisi kuzorega kutamba naye "" ndakatoona kuti nehasha dzandaive nadzo ndaiguma ndaita zvimwe ndakabva ndabuda panze hazvaiita kuti ndimuudze zvaive zvaitwa neshamwari yake ndakabuda ndokunomira panze ndakazembera mota nguva iyoyo ndakabva ndanzwa __________ stay tuned macomment anopa simba mhamha vaIshe
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 💔 😭 🦉 518

Comments