
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
June 21, 2025 at 08:06 AM
MY GRANDMOTHER'S WISH
💅💋💅
*VARIKUDA BOOK FROM CHAPTER ONE PINDAI UMU NDOO MANDICHAISA BOOK KAONE IMOMO👇👇👇👇👇👇*
https://chat.whatsapp.com/Lve8DAHBLwU0SaXLsTHrFN
STORY BY MAI ISHE
FOLLOW US KUCHANNEL ⤵️
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
📱0783873⁷¹5
📱0716964³⁴5
All rights reserved.
Parental guidance is advised
Chapter 2️⃣8️⃣
*VIMBAI*
""Nhai muroora ndoo shamwari yenyu kubva kare here iyi kana kuti ndewe pamusoro hushamwari hwacho"" wakave mubvunzo wakabva kuna vamwene wangu zvakandipa kuvatarisa nokuti mubvunzo wavo ndakashaya zvawakange wareva, ndokupindura hangu zvinyoro nyoro"" hongu mhamha, handina imwe shamwari kunze kwake iyeyu, uye handina imwe shamwari yandakatamba nayo kubva ndichikura, takangokura tichinzi munotamba mugedhi tambai mugedhi handina kuwana mukana wekuita shamwari dzekunze,ndakatozotanga kuwirirana naHilton mukuenda kwandaiita naye kuma sale group ekuchurch, naMona takatozozivana ndave ku collage,""pandakadaro vanhu vose vaive mumba umu vakatarisana,uye zvavakaita ipapo zvakaratidza kuti mukubuda kwandaive ndaita ndichiperekedza Mona mune zvakange zvasara zvichitaurika""maziso ake anomhanya mhanya ahana kugadzikana mwana uyu""vakadaro gogo Honde handinawo kudaira ndakaramba ndakanyarara uye maziso angu ndakatarisa kutv""runako anaro asi shona yevakuru inoti mukadzi mutsvuku ikasave chapa unoroya,hatisi kushoropodza sahwira wako mwanangu asi aiwa shamwari yako yakangwarisa """ndakango smiler ndokutarisa tete vadaro ndakange ndabhowekana handina kufarira kahunhu kavakange vaita panguva iyi,vakaratidza hunhu hwekuti kunyangwe ukashanyirwa nehama yako vaitongoita zino irena uchibva vosara vokutaura,zvinhu izvozvo zvakaita kuti nditadze kugadzikana zvachose,ndave nepfungwa yekuti kana neniwo ndofunga ndoo zvandaiitwa behind my back nokuti nguva zhinji vainge vachigara mu spare mavairara dzimweni nedzenguva waitozoita zvekuvatevera nechekudya ikoko,Zvemusi uyu zvakapfuura apa takange takamirira kuuya kwemunhu akange atsvagwa nagogo kuti ndigonogara naye,zveshuwawo mangwana acho akabva auyawo ndokunotorwa navamwene vangu kuMbare kwaive asvikira ikoko yaitove weekend apa ndaiti manheru ndoo pandiri kudzokera kumba vanhu vakange vaenda kuMbare,pamba ndaive ndasara nemusikana webasa apa iye akange achigadzirirawo kubuda kuti agoenda kuoff
,""mainini ndichamboenda kumba ndinodzoka izvozvi kutovarairwa hangu ndave kutodzokera ndisina kumbosvikawo kumba""
"",iiii taurai henyu ndaitoda kukubvunzai makabva maita sekunge munhu akatizira pamutemo chaiwo maifanirwe kunge makatonorara kumba kwenyu,kana kuenda nana gogo ava ikoko ko hukama igasva kaa unozadziswa nekudya""akadaro musikana webasa achindipindura iniwo hazvina kuve zvakapinda mandiri ndakabva ndakasirawo kubuda nokuti ndaida kukasira kudzoka ndichibuda gedhi ndatarisana nekumba ndakatanga kubatanidza zvinhu zvaiitika kwandiri pamwe nemashoko andainge ndakaudzwa naMona, zvakandinetsa uye kana
wekupa mhosva ndakabva ndamushaiwa,ndichipinda gedhi ndakawana mhamha vachinanika washen vakatovarairwa vasina kuona kupinda kwandaive ndaita""titambire mwanangu"" vakadaro vachiratidza mufaro wavo wese asi ini ndaive ndisina mufaro nokuti mumusoro mangu makange mune zvakawanda ndokuramba ndakavatarisa ndakanyarara""' inga Mwari vaita havo minamato yangu yanzwikwa moyo wangu wanga uri kutambudzika kuti ndokuona sei Vimbai gara pasi nditaure newe mwanangu""vakadaro vachinditambidza chair, munoziva ndaive ndakamira ndakanzwa moyo wangu kuvirira chaiko kureva kuti amai vangu ingadai ndakange ndisina kuenda kumba havaimbofa vakandiona kaa apa vaitoda kundiona""Mhamha munoziva zvimwe zvacho gogo vachindiudza kuti hamundide ndinenge ndichiti vari kunyepa nhasi ndazvionera ingadai ndisina kuuya pano maida kuzondionera kupi,muri kutoda kugara neni pasi asi hamuna kuwana chero mukana umwe chete zvawo wekuti muone kuti ndakagara sei asi mazofunga kugara neni pasi mandionq,ndakakufonerai ndine zvandinetsa ndichiti ndiudze mai vangu zvandinetsa asi hamuna kundidaira nokuti munoziva zviri kundinetsa kaa,ingadai ayive Vanessa kana amai venyu maitadza kufona back here, ndinosvika rinhi mhamha ndichiita bonde rekuvatirwa kuhope imi makatarisa henyu muchizvifarira""",guva iyoyo ndakabva ndaombera maoko angu katwo misodzi ichiyerera zvayo pamoyo pangu pakazara shungu""sorry mai ndanga ndakangwana kukuitai makorokoto handiti murume wenyu akapihwa promotion nekuda kwangu ini kutambudzika kwangu ini zvinhu ""ndisati ndapedza ndakanzwa
""Vimbai ko unotaura sei namhamha nhaiwee""
akadaro Vanessa achibuda mumba nguva iyoyo ndakabva ndamutarisa ndokuenda paive ari ndichibva ndamumbundira ndakachema ndakamubata""Hapana amai vasingadi vana vavo Vimbai,ingadai ndaisakuda mwanangu ndakakuuraya uchiri rusvava kana usina chawati wataura neni handina chandingaziva mwanangu, ndianiko akati uri kuroiwa neni,kana zviri zvababa venyu promotion yakauya nekugona kwavo basa hapana kana mushonga murume uye ndinomupupurira""ndakange ndabhowekana kare handina kutozoteerera mashoko akange ave kutaurwa namhamha, ndakabva ndapinda mumba ndichipukuta misodzi, ndokuona Sam akagara hake achitotamba game patv akafara chose andiona nguva iyoyo mhamha vakabva vapinda""wakagara sei Vimbai"ndaida kupindura mhamha pamberi pavani'nina vangu zvokuti havaizofa vakada kundiona asi ndakazvidzora ndokuvapa mhinduro nyoro""ndigere mhamha handina kana dambudziko munamato wangu mukuru ndewekuti Vanessa uyu asapindana nedambudziko seni,ko tianiko hatina kusiyana nevanhu vakafirwa kaa isu,hongu muri amai vedu asi munokoshesa hupenyu hwenyu kupfuura isu vana venyu,asi chandinoziva mhamha Mwari havadhakwi rimwe gore zvinobuda pachena""ndakanzwa shungu kuzara mandiri ndoo dzakapa kuti ndivaudze zvose zvandainge ndataura nguva iyoyo ndakabva ndabuda mumba ndichichema ndakachema ndave panze,""mhamha ndakambokuudzai kuti siyai Vimbai akadaro uyu musamutsvaga ichasvika nguva yaachaziva kuti muri amai vake""Akadaro Vanessa kuna mhamha ndichimunzwa ndokusimuka pandaive ndagara ndokubuda hangu gedhi ndichibva ndadzokera kumba kwana vamwene vangu,imba yangu naHilton yakange yangovewo imbawo zvayo yekugarisana apa nekuda kwehope dzandaive ndarota ndichibva kumusha zvakandipa kuti nditye kana kumanikidzira rudo kuna Hilton,uye nekuda kwehasha dzaakange ave nadzo dzacho waitonzwa kutya ndongoti ndichafumurwa pamberi pevanhu ivo vanga vatiyemura kare,Hongu Hilton akange ati ahadi kuona ndichitamba naMona asi ini pasina chikonzero chakaita kuti adaro ini handaimborega kutamba naMona,ndakasvika kumba vekuMbare vasati vadzoka apa munhu wandainge ndasiya ndakawana amira hake negumbo rimwe achibva abuda panguva yandakasvika,ndakasara ndokutanga kufunga nhamo dzangu ndave ndega hangu""ndinofanirwa kudiiko ndoita seiko""ndakadaro ndakagara pasofa nguva iyoyo ndakabva ndafunga tete Sabina.
Chinhu chakange chave kunyanya kundidya moyo inyaya yekuudzwa zvekufa kwaHilton chinhu ichocho chega ndoo chakange chave kundishungurudza,ndakatora foni yangu ndokutoona tete vari online ndokukumbira kuvaitira vedio call vachibva vabvuma.
📱 ""muzukuru watete""
📱""tete hapana kana chiri kumbonakidza zvinhu zvose zviri kubhowa izvii""
pandakadaro vakabva vaseka apa zvikagoti tete vangu vaigara vachiseka havo.
📱""Nhai Vimbai mwanangu wanga wabhowekana narinhi munhu asina nguva achata handiti ndoo nguva yekutaridzana rudo nemurume wako pasati pave nemwana kudai""
ndakatura mafemo tete vadaro ndokushaya kuti ndotangira papi chaipo kuvaudza.
📱"",Tete mumba mangu hamuna chirimo umu ingori imba isina sex kana rudo zvaro,pose patinoda kufara semukadzi nemurume hapana chinoitika takaenda ku honeymoon tete takasvika pakudzoka pasina kana chaitika unenge uchiti zvichachinja asi ritori dambudziko after dambudziko,ndave kupererwa tete kushaya kuti ndoita sei""pandakadaro tete vakatura mafemo vachibva vanditi.
📱""ko wakadii kutaura zvichangotanga nhaiwee usazvidya moyo Vimbai kungoti in ndiri kure zvangu asi kana nyaya dzasvika pakudai dzave kutoda vanhu vakuru pakati penyu,Hilton ngaaudze hama yake imwe chete ini ndiri kure asi udza gogo kumusha uku vanokubatsira vagare nemi pasi vaone chakonzera zvose izvi zvisati zvaenda kwakadzika usachengeta zvinhu zvakadai Vimbai"
📱""horaity tete ndichaita sekutaura kwenyu ndinenge ndichikuudzai kuti zvave papi""
📱""hongu kupindira kwevanhu kungavepo asi zvinamatire Vimbai namata iniwo ndichakubatsira nekuno asi namata,chimbomira kuudza mai vako nyaya iyi tione kuti zvinoita sei vangaite bp maiguru""
Vakadaro tete hatina zvizhinji zvatakazotaura foni yakabva yakata zvayo,zvavainge vataura zvaive zvakangofanana nokuti kuna tete vaHilton takange tatonyepa kubva zuva rekutanga saka apa vaizoudzwa sei,ukuwo kuna gogo ndakange ndakavaudza nyaya iyi ikagadziriswa asi zvakabva zvatoita worse asi kuna gogo takanyepa zvee,unotura mafemo wasvika pachikamu chakadai apa hama dza Hilton dzakange dzave kutarisira kuti ndinenge ndazvitakura misodzi inoyerera yega waunganidza nhamo dzese pamberi pako,apa kuti ndione kuchinja kwazvo pakange pasina chivimbo zvachose,ndakagara kwenguva vana mhamha vachibva vadzoka havo,ndichinotarisa musinaka wacho akange atsvagwa ayitove mwana chaiye zvokuti ndakatomboti hezvo zvarinenge rimwe basa zvee""muroora ndiye munhu wawatsvagirwa nagogo uyu,Tanya ava ndoo vauchagara navo"""vakadaro vamwene vangu ndichibva ndasekerera hangu
""maita bssa gogo""
"",Haiwa unotendei zvako ndatsvaga kechidiki kaunodzidzisa wega basa uyu chero akatadza rova amai vake ndoo vandakasiya pamba pangu ndakashanda navo kubva kare mukadzi akazvinyararira hake zvichide akada hake kuita samai vake aiwa hauna dambudziko vane shavi redonha vanoyerera mvura pavanofamba panoita kuti n'ale n'ale""pakadaro gogo munhu wese akabva aseka zvake""hoo pano hapasipo pandiri kushanda, yoweee ndanga ndarohwa nehana iiih ndoigonerepi imba yakakurakudai ""nguva iyoyo ndakabva ndamutarisa apa ayive Tanya iyeye akange adaro""uchadzidzira zvako zviye zvawaiita uri kumusha uku zvekutemesa amai vako musoro zviye zvapera wototsveta pasi imbwa dzinongera ""vakadaro gogo kuna Tanya uye ndega ndakatoona kuti ndakange ndapihwa dambudziko nematauriro agogo""haiwa hupwere uyu gogo hamuoni kana chiso chacho kuti mwana mudiki uyu""vakadaro vamwene vangu asi ini mumoyo mangu ndaisamuda,ndakaswera hangu ndichimuona maitiro ake ndokuona kuti ndakange ndawedzerwa rimwe dambudziko chairo,ave manheru ndakarongedza zvinhu zvangu zvese ndapedza ndakabva ndaenda kwaive nagogo""gogo rongedzai tiende tese mumbonoona kumba""ndakadaro varimo mavainge vakagara natete""rongedzai mese""pandakadaro vakabva vatarisana""inga wakabva kuvanhu muzukuru ndoo zvatanga takamirira kukokwa kumba kwako hataizodzokera tisina kuona pamunogara""vakadaro vachiombera maoko iniwo nguva iyoyo mufoni mangu makabva mapinda message from Mona
📩""ndatove ku Highlands munosvika nguvai""hana yangu yakarova ndokutarisa vana gogo apa vakange vave kutorongedza tamirira Hilton...
stay tuned.
drop your comment
mhamha vaIshe💚
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
❤
🔥
⛏
👆
445