Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 15, 2025 at 04:34 PM
BURDEN OF HISTORY ❤‍🩹💉❤‍🩹💉❤‍🩹💉❤‍🩹 Follow channel usarasikirwe ne book https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03 Group link https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK BY : ATIPA & THANDO CHAPTER 16 JASON Munoziva pandakanzwa ambuya vangu vachitaura zvekuti Cheryl ane nhumbu ndakanzwa mudumbu. Ndakatoshinga kuramba ndakagara ndiri chilled kuti vasandifungire. All along ndichirara naye ndaitoti achangoitawo zvakaita Sharon zvekuita makore asati abata mimba. Ndaitoti mbeu yangu ino nonoka kutambirika kumunhukadzi kuti izodyara chinhu chinoumbika kuita munhu. I didn't even think about family planning or morning after pills. Honestly I took all the blame nekuti ndakazvitarisa Cheryl mwana and she is innocent. Ndini ndakatomudzidzisa musikanzwa yese iyi asi ndakaitawo mistake pakukanganwa kuti kunodzivirirwa mimba. Mugoona dumbu ra Cheryl raisambooneka. Wakamutarisa waingoti kusimba kwemunhu akagara zvakanaka achiwana zvese zvaanoda. Ndaitomukumura hembe kahobho ndichibata every inch of her body as I never expected kuti she is carry a little seed of the love we share. Umwe moyo waida kufara sezvo ndaive ne wish yekuti one day Cheryl agotakurawo mwana wedu semucherechedzo werudo rwaive pakati pedu. Izvi ndaida kuzvoziita tanatso planner kuti tozvivanza sei kuvanhu manje apa pakazoitika an unplanned pregnancy chaiyo. Biggest fear yangu yaive yekuti chokwadi chikabuda pachena vanhu vaizvitambira sei. Chandainyanya kutya kusungwa nekuti Cheryl yaive under age chaiyo. Ndakatarisa hangu vanhu vachibuda kuenda kuchipatara. Me : God what have I done. How will I explain this. Mai vangu vachatii nazvo, ko mukoma na maiguru vandakaita mapenzi nemanyepo angu. Harisi Jeri here iri randatarisana naro. Ndaiita kuzvibvunza mubvunzo ndichifamba famba mu bedroom. Stress yaive yandigara zvekuti ndanga ndisingachatozive zvekuita. Sharon : aaah nhai babe mwana ari kuchema hausi kumunzwa here nhai weduwe. Apa anenge abvira kare achichema uri kufungei zvekutadza kunzwa mwana. Ndakavhunduka Sharon paakadaro. Ndaive ndisina kutonzwa kuti adzoka ndiri busy kuronga ndichirongonora pfungwa dzezvandaive ndatarisana nazvo. Me : sorry I was just worried about mainini Cheryl . Hanzii na doctor Sharon : Cheryl andipedza simba babe. Handina kana pekutangira. Handisi kutoziva kuti ndoti chii right now. Doctor vati she is three months gone can you imbagine. Kumubvunza muridzi wayo haasi kutaura. Ndatombofenda pandazvinzwa andirwadzisa hake. Me : three months Sharon : can you imagine babe. Me : shit ma 1 Sharon : rega nditonoona mhamha vari kurongedza kuti vaende kumusha right now. Pamwe akambonorohwa nana mukoma anotipa answer iri nani . Me : eish kurohwa futi ko akasvodza nhai madii kutaura naye zvakanaka Sharon : haasi kuda kaa kutaura kwacho ndiyo yega option itoripo. Wadii kuchinja wavaperekedza Me : aaah eish ndakanganwa kukuudza kuti ndafonerwa na Jonso ati pane kabasa kaabata Saka ndoda kumhanyako Sharon : Saka vanoenda nani mhamha vacho I can't drive nemwana. Handisi kuda futi kuva pedyo na Cheryl ndingafe nebp Me : mari iyi hire mota or something ndabuda ini. Ndakabva ndatotiza ndokubuda ndakananga kumba kwa Jonso. Hapana kana basa raimbovepo asi iwe mabororo aive amuka kumba uku ndiwo andaida kutiza. Kana kuenda kumusha kwaSeke ndakatotya . Jonso : ndatsikwa nechibaba Me : Jonso ma 1 atanga. Ndati ma 1 atanga kani Jonso eish pari kupisa baba. Pari red haa pakaipa wangu Jonso : Jason dzikama undiudze nyaya yako mhani wakuda kupenga here. Gara pasi titaure sevarume kwete kuda kundipengera panapa uchingozeya zeya seunotamba ngoma ye Zion. Me : haa fokofu mhani Jonso : Saka hasha ndedzei taura nyaya yako tinzwe Me : ninez vane pregaz Jonso : wakamitisa hama yemukadzi kkkkkk ichoo chakawana kari fertilized kasingazeze kugamuchira mbeu. This is good news mhani Me : unopenga here unoti good news asi wakanganwa kuti ndine mukadzi plus Cheryl mwana mudiki Jonso : iwe sei usingatende Mwari. Hauone kuti Jesu anokuda here. Kuwana ka babe ka mhandara kobva katoita mimba na one na one. Hauone kuti kwaSharon zvakatora time here obvious aitoda mubatsire. Me : imbomira kutaura zvisina basa ini ndiri panguva yakaoma. Vakazviziva kuti nhumbu ndeyangu unoti zvinopera mushe here. Jonso : we should celebrate shamwari hapana kana nyaya apa. Babe uya anokuda chete haazombokusiye uchisungwa. As for kamukadzi kako ako haiwa kanojaira soon kuti kwana mainini. Chiri kutodiwa apa kufanounganidza mari ugare uri ready Me : nxaa haubetsere wangu Jonso : ukutsvagei pano kana ndisingabetsere Me : hapana kana chine musoro chawataura apa. I need a solution not this Jonso : solution ndeye kuti ita zvawafunga Jason. Either kutiza hanty uri kutya Jeri here or kumira nemunhu wako. Ukamira naye haambomusiye uchisungwa mwana uye. Me : rega ndiende hapana nyaya svinu yawataura apa Jonso : my man hoyooo Ndakatobva pamba pa Jonso ndava more confused. Ndakawanika Sharon ari busy kuchema akagara muroom ma Cheryl Me : babe Sharon : Jason chiri kunyanya kundirwadza ndechekuti Cheryl haana kubvira akabva pano zvekuti ndingati akaita mukomana kunze. Machemero akaita pandamubvunza andisiya nemubvunzo mukuru mumoyo nemupfungwa. If she is 3months gone it means zvakaitika ndiri mu 7months going to 8. That time ndaive pano and aiswera pano everyday. Anga asati akumboenda kuchikoro zvekuti ndingati akamitisirwa ikoko. Hatina gardener kana guard pano wekuti ndingapomera. That leaves me with only one person Me : uri kutiiko Sharon Sharon : ndiri kuti ... Mwana akabva achema ndikati Mwari maita henyu . Ndini ndakaita number one kumhanyira kunotora mwana kwave kutanga kumusvusvudzira. Sharon akauya but haana kuzotaura nyaya iye futi she was just quiet. Manheru acho akatambira nhare kubva Kuna mai vake. Ndakatonyepera kunge ndabatwa nehope ndichida kunatsoteya nzeve kuti ndinzwe. Sharon : mhamha Amai : haa Cheryl aramba kutaura. Arohwa zvisingaite kuno zvekuti ndatozochema kuti vamurege asi haana chaataura ari kungochema chete. Sharon : Saka mati zvinzwii Amai : aaah hameno ndapererwa ini rega tigozoona kwaedza. Sharon : horaiti mozondiudza kuti madii. Moyo wangu wakarwadza ndichinzwa kuti babe wangu akarohwa. Ndakaeredza misodzi papillow ndichinzwa pain kunge ndini ndarohwa. Ipapo ndipo pandakazonatso dzamisa pfungwa ndikaona kuti ndingaurayise mwana asina chaakatadza. Ndakanatsofunga kuti paarohwa nhasi apa ane mwana wangu mudumbu ko akawana chinomuwana ndinozorarama sei ndichiziva kuti ndini honzeri. Rudo rwaive mumoyo mangu ndirwo rwakandituma. I realized kuti more than my life itself I love Cheryl and I can't watch her suffer alone. Ndakaona zviri zvinhu zvakanaka kuti ndiende kunomununura ndotaura nyaya yangu ndega. Maybe hama dzacho dzikanzwa kuti ndinoda kuroora uye mukadzi wangu ndomuda vaindinzwisisa sezvo ndinenge ndabvuma mhosva yangu. Handina kurara ndichifunga the pain yaive na Cheryl. Ndakamuka kuseni ndokunoita full payment yemba yeku Belvedere ndava kuita ma preparation ekunotora mudiwa wangu. Kana vakaramba kunzwisisa ndaive ndatozvipira kutiza naye hangu toenda kure kusina anoziva. Ndapedza ma pocesses emba, ndaive ndaisa muzita ra Cheryl. Ndaive ndaba chitupa chake chaive na Sharon. Ndapedza ndakabva ndapfuura ndichinoona Jonso Me : ndafunga kutevera mukadzi wangu Jonso : ninez here Me : ehe haa I love her shamwari. Ndomuda mwana uye and I can't let her suffer ndiri mupenyu. I can take care of her, I have money saka. Ndakarwadziwa nezuro ndichinzwa kuti akarohwa. What if vakazomukuvadza. Hazvibatsire kuti ndirambe ndakanyarara ndichitya Jeri at her expense. Ko akazozviuraya afunga kuti ndakamu betrayer. After all she didn't choose to be pregnant Jonso : ndizvo zvandaiedza kukuudza paye pawaiita tuhasha tusina maturo. Dai zvakarongeka ndaikuperekedza manje uku kune chimoto unogona kungobvako uchidzingirirwa nembwa saka haa I can't go with you. Me : I understand wangu ndoenda ndega. Akabva atondiperekedza paye kusvika pamota yangu. Ndakasvika kumba late Sharon atorara ndichibva ndangorarawo ndichigaya horror dzangu. Makuseni ndakamuka ndakabata steering ndakananga kwa Seke. Sadombo wangu aive mwana wasahwira wava ambuya vangu saka ndakasvikira kumba kwake ndokumupira nyaya yangu. Him : mupfana iwewe haunzwe hanty. Ichi chimwana chekunaka wakachigona sei muno mumusha chaive chanzwa nekutuka wese aisvika pedyo nacho. Nenguva diki iyoyi wanga watochigona zvekutochimitisa haa ooh tora sando dzako. Takamboti taurei kusvika zuva rakwira achibva ati tichienda zvedu kwana Cheryl. Ndakatosvika mwana akakombwa mumba makazara. Hana yanga yava kurova zvekuti ndanga ndakufunga kutiza kudzokera kwandaive ndabva but pandakaona mudiwa wangu akazvimba face maziso akati piriviri ndakabva ndazvishingisa. Iye akanditarisa zviye zvekutya chaizvo. Munyai wangu akabva aisa nyaya mudariro achitaura zvandaive ndafambira zvekuti achipedza kutaura mumba makaita runyararo rusingaite. Vamwe Mai vandaisaziva ndivo vakati. "Aaah mukwasha zvaabvuma zvakanaka hanty auya ega akati anoda kuroora Saka handione chakaipa apa. Barika ririko uye hazvisi zvitsva kuti tete vano parikwa nemwana wehanzvadzi. Ndichi chivanhu chaicho ichi kusimbisa ukama. Kutonatso charger makadekara apa baba Charity" Hapana akavadaira baba Charity nemunin'ina wavo vaingodzungudza musoro. Mhamha ndivo vaive vatsvukisa maziso vachingochema. Mai Charity : ndakambozvireva izvi amai kuti zvamaita izvi hazvibude asi makanditi ndakavenga tete Sharon. Chandoziva ini hakuna foundation yemba inovakwa nejecha pasina cement nekuti inodhirika. Nhasi chionai pfimbi yenyu payatisvitsa. Baba Charity : ndakange ndazviramba zveHarare izvi amai. Ndakambokuudzai amai asi Sharon wenyu nharo mazviona kaa. Ndakatotadza kuziva kuti chii chava kuita vanhu vakakavadzane pachavo nekuti ndaive ndakatarisira kumhanyiswa mufunge zvenyu. Gogo vechikuru vaivamo ndivo vakazoti.. "Pamusoroi mese muri muno. Mukwasha nyaya tainzwa yamataura asi isu tese pano hatigone ku charger mari pamwana uyu. Sezvo mati munoda kuroora hapana chakaipa asi mai vemwana ndivo vamasiya kwamabva.. Me : vandasiya kwandabva??? "Hongu ivavo vamatiza nuchiuya kuno ndivo mai vemwana uyu. Kana vanga vasina kubvira vakataura kuti vane mwana matozvinzwa. Kana muchiri kuda kuroora motodzokera monovatora vouya vareva zvavanoda pamwana wavo..... End of Chapter
❤️ 😂 😮 👍 😢 🙏 🔥 👀 👏 634

Comments