
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 17, 2025 at 06:00 AM
BURDEN OF HISTORY
❤🩹💉❤🩹💉❤🩹💉❤🩹
Follow channel usarasikirwe ne book
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
Group link
https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK
BY : ATIPA & THANDO
CHAPTER 17
SHARON
Zvinhu zvakangomuka zvakachinja sekutamba sekuseka. Ndaishaya kana nechekuita kana pekutangira zvapo. Munga mufaro wakabva wadzima nekuda kwemabororo a Cheryl. Mai va Jason vakabva vasvika ndiri mudziva rendangariro apa mwana wavo anga angobuda kuseni asina kundizivisa kwaaienda. Ndaive ndaneta nekutoedza kufona phone yake ichiramba. Ndakatambira vamwene vangu ndakasuwa suwa semunhu aive nendangariro dzake. Kana kuvabikira chaiko ndakakanganwa nekuda kwe stress vakatozoita zvekukumbira chekudya ndipo pandakazotirimuka ndokubika ndikavapa. Vayiedza kutaura neni asi pfungwa dzaive parefu chaipo. Vakaguma vanyarara, chokwadi ndaisava ne energy yekutaura tunyaya tusina basa ini ndaive nenyaya hombe yandaive ndakatarisana nayo. Pasina time ndipo pandakafonerwa na Jason.
Me : babe
"Makadii henyu nhai munozivanawo nemuridzi wefoni ino yandafonesa here"
Me : hongu ifoni yemurume wangu imi ndimi ani
"Ndinoitwa mai Nox aah amai svikai kaa pa Chitungwiza hospital murume wenyu arwara."
Me : kurwara??? Hello hello....
Ndakasvotwa ndichiona foni yakata. Ndakabva ndatoenda kwaiva nambuya nemuzukuru wavo.
Me : mhamha hanzi ndiuye kuchitungwiza hospital Mhofu varwara.
Amwene : hezvo kurwara kuita zvekudini chaizvo. Chihande tose iwe uchi driver ini ndakabata mwana.
Me : ndodii ndofonera bamkuru baba Tammy here nevamwe ndivazivise.
Amwene : ngatitange tanoona kuti zvakagozha zvemhando ipi tochiita way forward.
Takabuda mumba ndokuenda kuchitungwiza. Mhamha vaive kumashure vakabata muzukuru wavo. Takasvika paye ndokuedza kufona number iye ndichida kutaura kuti ndasvika but phone ya Jason yanga yava kuramba kuita. Takamira paye tichishaya kuti todii. After 30mins of trying ndipo pakaita phone through kwakutoona ine vamwe nurse vaitofambisa kuratidza kuti vari busy. Pavakadaira ndakabva ndatomhanya kunovabata vasati vapinda mu ICU mavanga vakananga.
Me : hello ndini munhu wamafonera. The wife to the owner of that phone
Ndakataura ndichinongedzera phone yavaive vakabata.
Her : okay can you wait a moment ndimbopedza zve patient iri umu I will be back.
Me : at least tell me how is my husband doing.
Her : I will be back
Ka door kakabva katonzi dhwaa ndokusara ndakati tuzu paye.
Mhamha : hanzii
Me : hanzi ndine emergency hameno kuti zvinonditadzisa kuti ataure kune murume wangu ndoenda wangu here oyenda hake ku emergency kwake ini ndichinoonawo murume wangu.
Mhamha : chigara pasi muroora umboyamwisa mwana anguri achema. Rega timirire tigonzwa pane paachagara imomo kusvika rinhiko.
Ndakatambira mwana ndokumupa mukaka achibva arara hake ari pazamo. We stayed there for over an hour. I was so frustrated but there was nothing I could do except waiting. Finally the door opened as nurses and two man in dust coats walked out and I assumed it was doctors. The nurse I was waiting for looked exhausted. Takabva tatomhanya na mhamha kunomira pamberi pake.
Her : doctor she is the wife of that man. I managed to get her number and call. I used his finger to unlock it.
Doctor : okay can you pliz follow me to my office so we can talk.
Takatevera kuye including the nurse. Umwe doctor neamwe ma nurse akabva atoenda. Takasvika muye ndokugara nurse achibva aisa phone ya Jason pa table ndokubuda.
Doctor : makadii zvenyu Mai nemi mainini.
Mhamha : ndinofara mwanangu ririseiwo basa.
Me : ndirinani zvangu makadii
Doctor : ini ndiri nani , basa kungodato daro zvichitofamba.
Mhamha : ndizvozvo chaizvo.
Doctor : imi ndimi mukadzi wemuridzi we foni iyi handiti
Me : hongu ndini chaiye ava ndivo mai vake nyakutumbura. Ndivamwene vangu ivava.
Doctor : okay so nyaya iripo ndeyekuti murume wenyu aita accident nemota achangopinda mu Seke road. Akuvara zvakaipisisa nekuti mota yadhumwa ne gonyeti asi iye hameno abuda sei. Taona akarasirwa mumasora ari muzasi neroad. Mota yaparara beyond repair zvekuti inyasha dzaMwari kumuwana ari mupenyu.
Me : what??? Ko kuseke road anga achibvepi ?. Saka amuka here? Mupenyu here Jason wangu hii hiii hii
Hana yakarova ndanzwa shoko re tsaona. Ndaitoona ndava shirikadzi mufunge. Ndakarwadziwa kushaya kuti mhepo dzabva nepi zvekare. Mhamha vakandibata ndokundidzikamisa. Ndivo vakazovhunza doctor zvizhinji ini mdichingochema. Pandakanzwa kuti ndiye aive mu ICU mavakatora nguva vari ndakanzwa kutya kuti pachiri nechipenyu here ipapo. Takazoenda kunomuona kwakuona pasina kana pekutarisa angori ma bandage everywhere.
Me : babe , my love , Jason chokwadi uri kuda kundisiya nani pano panyika. Tarisa mwana wako he is still way too young to be fatherless. Ko wakatanga rinhiko kunwa doro zvekutyaira wakararadza ysingaoni nzira. Unoda ndicheme nani , ndifare nani iwe uchiziva kuti ndiwe mufaro wangu. Babe pliz wake up. Wake up coz I need you so much. Tarisa mwana wedu haana kana zita , I want you to wake up and name him. Please my love please
Ndaitaura ndakapfugama ndichichema. Kana pakadai kunamata simba rinopera. Pandakanzwa kuti Jason was drunk when he had an accident I got shocked. Since ndichiroorwa naye I know that he drinks alcohol occasionally. Izvi zvakandinetsa kuti akazonwirei doro achi driver. Mhamha vakafonera vana vavo vese vachivazivisa. Ini ndakatorawo yangu phone kwave kufonera mai vangu kumusha asi vakati havakundi kuuya nekuti Cheryl aidzimbikana nemirii. Ndisati ndabvunza kuti ainzweii phone yanga yatodzimwa. Ndakati ndozozviona ndapedza zva Jason. Pane pandaimusiya ari muchipatara here ndichimhanya kumusha. Takaita week rese tichinoswera ku hospital but panga pasina change pana Jason. He was in a comma and I was starting to give up slowly. Ndakanga ndangove wemisodzi ndichichema everyday. Mwana wangu chaiye ndaive ndatsividza kuti zita achapihwa nababa vake kana zvazoramba tozviona nekufamba kwemazuva. Mu second week taenda ku hospital kunoona Jason ndipo patakasvika amuka. Ndakafara kani kuita kupembera chaiko. Aisagona kunatsotaura but I was grateful kumuuona akavhura maziso. Akazoburitswa papera svondo amuka . Hama dzangu hapana kana umwe chete zvake akauya kuzoona murume wangu for those two weeks. Kufona it's either dzisadairwa or dzairamba kutopinda zvachose phone dzacho. Day rakaburitswa Jason akaramba kuenda kumba ndokuenda kwababa Tammy. I was shocked kunzwa achitaura nekuti ndaitofunga kuti haasati ava kugona. That's when I realized that all along he was talking to his relatives except me. Tichingosvika mumba ma bamkuru ndisati ndatogara pasi Jason akabva ati...
Him : kuramba kuenda kumba it means handisi kukuda padhuze neni Sharon. Buda muno izvezvi handisi kuda kuona face yako
Me : ko ndaitasei
Bamkuru : exactly vadii mainini vairi kunzinga. Pamba pako here panapa paunotaura kuti uyu ngaabve uyu agare. Asi waka kakanisika pfungwa kani patsaona hauchazive mukadzi wako.
Him : mukoma if you love me Sharon must leave right now.
Mhamha : haa kapenzi tanga watiudza kuti chii chakakonzera umwe doro iwe uchityaira mota. Zvakatanga rinhi zvekudhakwa kunge benzi.
Him : zvakatanga musi wandaziva kuti ndakaroora muroyi kwete mukadzi. Asi Sharon chii newe chaizvo. Ndakakutadzirei inini zvekubva wandidaro. Chiona manje manyepo ako kwaakazondisvitsa. Why didn't you tell me kuti une mwana hee ndati wakaregererei kutaura kuti uri mvana ine mwana.
Mhamha : mwana upi wazvinzwa kupiko
Bamkuru : mainini ari kutiiko uyu. Jason haasi ava kutopenga here imi vanhu.
Him : kupenga kudiko hee kupenga kudiko kwamunondiudza. Ndakanetsana namukoma vangu na maiguru. Ndakatadzira mai vangu ndichiti ndiri kugona zvichaita ndigarewo nemuridzi wemoyo wangu nguva yakarema. How could I have known that the one I gave my heart is the biological daughter of the woman I married. Someone I call a wife. Even when I fell out of love with you I still respected you as my first wife because I thought you were perfect. How could I have known that I married a green snake under the green grass. Everything is fake like everything is fake.
Bamkuru ,: uri kutiiko iwe natsotaura nyaya yako zvakanaka.
Him : Cheryl mwana wa Sharon
Bamkuru : chirudzii , wazviziva sei iwewe.
Him : I was secretly dating her.
Me : JASON...
Him : putsek musurunyoko usatinyaudza dhemeti. Jason kudii kwacho, it's all your faulty Sharon. I actually loved her , I loved Cheryl with my all. I still do love her, she owns my heart that's why I was so protective of her. I was willing to go to any length for her. Unfortunately she got pregnant early achibva aenda kumusha. Zvakandirwadza kunzwa kuti arohwa achibvunzwa kuridzi wenhumbu asi haana kutaura. Ndakaona kuti zviri nani ndibude pachena kuti ndeyangu ndomuroora ndipo pandakanonzwa kuti kana ndichida kuroora ndotonoudza Sharon nekuti ndiye mai vemwana
Bamkuru : what ? Mainini is that true
Me : I ..I ..I can explain please
Him : zvichibatsirei Sharon zvichibatsirei. Will it change the fact that I slept with both mai nemwana. Ndakamitisa mai nemwana Sharon. Mwana waachazvara achakuti chii. Okuti mbuya here Mai vaamai or okuti maiguru sezvo uri mukadzi mukuru wababa vake. Wainyeperei ini the first place. Kundiudza kuti mwana wehanzvadzi yako iye ari wako. That explains why waimuda kudarika vamwe vese. Even fees nechese chaaida zvaibva kwauri uchiti you're helping nekuti anochengeta Mai vako. Wakadii kundiudza chokwadii Sharon now ndoitasei manje. I hate you nemoyo wangu wese please buda muno.
Mhamha : wakandiita benzi kaa paya mukadzi wako akatonditsamwira asi ndaitaura zvandaiziva. Jason akauya nekamwana kaye kuchipatara kuzondiona . Kuda vakafunga kuti handisati ndamuka here kwava kutotanga kudanana pamberi pangu. Pondoti nditaure ukati mhamha vakavenga hama dzangu. Iye muchimbovanzireiko chokwadi kana muri mvana muri mvana hazvichinje. Chiona manje manyepo aya kwaakusvitsai. Nxaaa unosemesa Sharon uri kakutu chaiko newe Jason wacho sakasikamu remwana. Baba Tammy ndidzosere kumusha handigarire ndove dzakadai. Rimwe roti kunyepa rimwe richihurawo nekuside asi mukaka ndakatosvinirawo sevamwe.
I don't know how to explain the feeling l had when all that was being said to me. Apa ndaive ndaita kunonzi kutsva kudumbu nekumusana. Ndaitangira papi kutsanangura nyaya yangu. Ko iyo marriage yangu yaizovei. Chokwadi ku replacwa mumoyo mewandinoti murume wangu nemwana wandakatakura nine months because of one lie. Pachinambo chekuti ndipopotere murume aka hura ndiri kutonyara manyepo angu aita kuti mwana wangu amitiswe nemurume wangu. How do I even explain this to the world. That's why hama dzangu dzisina kuuya nhai. Ndakapererwa kushaya simba chaiko. Kuti ndiende kumusha kwangu ndainotii. Kwabamkuru ndaive ndadzingwa Jason asingachade kundiona. Ndakatakurana nemwana wangu kudzokera kumba kwangu ku Waterfalls. I had no plan , my mind just froze and all I had was regret. I regretted lie to my husband but above all I regretted taking Cheryl in.
End of Chapter
❤️
😢
😂
🙏
👍
😮
❤
🔥
😭
💔
587