
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 18, 2025 at 10:55 AM
BURDEN OF HISTORY
❤🩹💉❤🩹💉❤🩹💉❤🩹
Follow channel usarasikirwe ne book
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
Group link
https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK
BY : ATIPA & THANDO
CHAPTER 18
SHARON
I was you when I had Cheryl. Yaivawo misikanzwa yehwana hudiki I didn't get rapped or anything like that. Ndakanyengedzwawo nemukomana aifudza mombe pamba pedu. Mufunge zvakatanga sekutamba ndichangobuda tumazamo ndiri grade 6. Aingotaura tumwe tuma language twenyaya dzemumba yemukati so. Pamwe otombondibata garo or zamo ndichingomusiya. Zvakaguma zvandinakidza zvekuti ndini ndaive ndotoda kutambira mudhuze naye ndichibatwa batwa. He taught me everything I know. Like how to kiss, how to arouse a man. Anything nasty that I do it was all him. So we did that for a long time zvekuti ndanga ndakumunetsera kuti arare neni. Airamba achiti ndiri mudiki but ndaisamboda kuzviteverera izvozvo. Rimwe zuva ndatopedza kunyora grade 7 ndakatiza mumba kwava kuenda ku room kwake. Ainge adzoka kuzodya masikati asiya mombe nemashamwari ake. Pamba Mai nababa vaisavepo vaenda kumusangano ku church. Ma brothers angu anga aenda kubhora kuchikoro ndikati ndiwoyu mukana wekumbonzwa kuti zvinodii nekuti ndanga ndava nemwaka wakareba ndichishuwa kurarwa. Ndakatosvika shasha yakarara mugumbeze ichiti musoro ini kwava kutopfekera imomo. Akamboda kundidzinga asi ndakabva ndaisa maoko angu mubhrugwa ndokutanga kumubata kusvika munhu atozobudirira kurara nneni. Zvairwadza zvekuti ndakademba but wekuchemera panga pasina. Zuva rakazodoka mukomana uye asisipo pamba aenda. Ndakatozoziva kuti ndatizwa ndaona aita mazuva asina kudzoka. Fro there ndairara nechero angoti Sharon huya. Ma teacher , vana vechikoro vahombe, vakomana vemombe wese hake angondipfimba ndaibvuma ndotorara naye. Ndakazoona kuti ndine nhumbu ndava form 1. Ndaisaziva muridzi , nguva yacho kwaisava nema DNA test. Nyangwe dai aiveko mari yekunoitisa gurumwandira revarume iroroa test kuti ndizive baba vemwana ndaiyiwanepi. Ndakarohwa kunge ndichafa nababa vangu ndichibva ndaendeswa kuhanzvadzi yavo yaive yakaroorwa kure. Mazuva acho mukoma anga achangobva kuroora Mai Charity vaitove nemimba yode kuzvarwa. Pandakaenda kwatete vanhu mumusha vakanzi nda transfer. Ndakanosununguka mwana wangu gore randaifanirwa kuita form 2 ndokubva ndadzoka kumba . Mwana akabva anzi achipihwa maiguru vongoita sevakayamwisira ini ndoenderera mberi nechikoro. Nekurwadziwa kwandakaitwa nemimba uye nhamo yandakaona I vowed never to let another man use me. Ndaive ndave focused nechikoro asi ndakafoira form four yacho. Ndakashaya akandibhadharira kuti ndinyorere sezvo baba vanga vafa kwava kugara pamba. Ndakambotizira ndikatonoita 2 years ndiri kumurume asi mimba yakaramba ndikadzoswa. Munharaunda hapana anga achandida ndichinzi ngomwa. Zvairwadza, ndaive ndakatamba nehupenyu. Ndaingove chipota namadziro pamusha pavabereki vangu. Mwana chaiye ndaisagona kumuchengeta financial asi kumupa rudo rwamai ndaizama.
Ndakazowanirwawo basa remushop ku Harare ndipo pandakasangana na Jason and I gave love a chance. This time ndaida kuita semwana kwaye kuti mdisawanirwe chipomerwa semunhu anga ambopinda mumba akabuda asina mwana ndainge ndoziva kuti ndagara ndine problem yembereko saka kuti ndigare zvaida kutoita hunhu nemutsa. Takadanana zvakanaka mdakaudzawo maiguru mai Charity pandakaona kuti Jason ari serious. Vakati nditaure zvemwana asi ndakatya kurambwa so handina kumuudza. Musi wemarooro ma brothers angu nevakadzi vavo vakati nditaure asi mhamha vakaramba nekuti vaityira imba yangu. Ndakaroorwa ndikachata zvandaive ndisina kutarisira. Mwana ndaive ndava kuchengeta financially apa anga akura kaa zvekuti kana tainzi tiri ma sisters zvaitobuda. Akati anga akakasika kuenda kuchikoro futi mwana wacho . Ndakaroorwa ndakura zvisingaite and nhumbu yakabva yarambawo kubata asi Jason was patient and supportive. He stayed till zvaita, ndaive ne wish yekugara nemwana wangu achiraramawo good life. Ndaisada atambiswe nemafudzamombe sezvandakaita but handina kuziva kuti kumutira kumuisa mumba kwaizondisiya muna taisireva. Ndakachema kusvika voice raenda ndichifunga kuti saka mwana wandakazvara nemurume wandakada vaitorarana ndiripo kusvika vamitisane. Yes ndakatadza pakusataura chokwadi but iye Jason wacho aizorarirei nehama dzangu. Kana aida mukadzi stereki akadii kutsvagawo kure. Cheryl aive adzokorodza the same mistake I made yes ago. Saka mwana wake ndaizomuti chii, muzukuru here or mwana. This truly became a burden of History. The sins of my past came back to haunt me.
Ndakatoona kuti pano chekugarira ndega ndega hapana rega ndiende kumusha Kuna mai ndononzwa kuti varongei. Pochinzwii kana padai nekuti haa ndega ndaigona kutongopenga. Ndakarongedza bag rangu nere mwana kwava kupinda mumota. Zviye zvekuti ndo driver sei ndine mwana asina car seat raitove drama. Ndakamutora kwava kumuisa kumashure akarara. Ndakamusunga ne seat belt kwava kutora futi tambo yecharger mumba ndokumusunga kuti asatombo mover. Ndaka driver kusvika kwaSeke nehusiku kwakuwana Cheryl akati rapata ari kudhuze nemoto achitoratidza kunge ari pa nhoo yerufu.
Me : mhamha ko akaitasei Cheryl. Ndiko kurwara kwamaireva here mwana ari serious kudai musingaende kuchipatara nhai.
Mom : unongosvika ne noise wambotikwazisa here.
Me : mhamha ndiri kubvunza kuti mwana wangu anorwara kusvika pakudai tarisai kucheneruka kwaaita kunge munhu asina ropa imi makanyarara. Muri kuda atange atonhora here.
Mom : iwe Cheryl wauri kutaura atonaya uyu pane zvaaiva. Wani pawakafona uchiti mukwasha aita tsaona ndakakuudza kuti mwana ari kurwara iwe wakakoshesa murume hakozve.
Me : kukoshesa murume kudii kwacho pane pandaisiya ari muchipatara here. You didn't even tell me kuti zva Cheryl zviri this serious kaa. Apa hamuna futi kundiudza kuti mukwasha akauya kuno mukamuudza nezva Cheryl makatadza kutaura naye zvakanaka here.
Maiguru : ndakazvireva paye kuti kudanana nemunhu musingamuudze chokwadi hakuna kunaka makanditi ndine godo nekuti muroorwe. Ndakakutii sezvo kuudza murume kwarema chiudzai mwana chokwadi mukati achiri mudiki. Zvino nehudiku hwake azokuparirai kaa
Me : mhamha vaivepo pakundisimbisa kuti ndisataure ava. Ndaityirawo marriage yangu. Honai ndanga ndakura ndisina kuroorwa . Muno mumusha ndaive ndaitove chidembo ndichisemewa nevazhinji.
Maiguru : munoti dai makaudza Cheryl kuti ndimi mai vake even dai aizopfimbwa nemurume wenyu handiti airamba here.
Me : handina kumbozvifunga, asi nyangwe ipapo ndaingove tete kwaari aizodanana nemurume wangu zvekusvika pakumitisana sei. Ndotoda amuke andiudze kuti akazviitirei. Mwana waachazvara ndinomuti chii ipapa.
Maiguru : aaah mhai ini rega ndiende tomutsana mangwana vatete morara zvakanaka.
Mai : neniwo ndave kutonorara nguva dzafamba mangwana ndinoda kunopihwa imwe midzi kwambuya Gono uko pamwe Cheryl angamuke
Me : mhamha makatanga rinhi kuita zvemidzi. Mungaenda nemwana wangu kun'anga ini ndisipo manje ndiko kudii ikoko
Mai : zvichibva newe wakarega kamurume kako kachikanganisa mwana. Hurwere huna Cheryl haude church uyu. Zvechivanhu ndizvo zvega zvingatomuyamura.
Me : handisi kunzwisisa, hurwere hwai husinganzwe munamato
Mai : ndakamubvisa mimba
Me : matiii????
Mai : waida tidiii hee, nyika yaizotii. Taimuchengeta sei mwana iyeye . This was the only solution to the problem. I did it to save your marriage
Me : mhamha muri kutamba hanty
Amai : undikwanire iwe kutamba kudii waida ndidii. Ndizvo zvataifanirwa kuita kwauri dai pasina zvese izvi.
Me : mhamha mune chokwadi kubvisa mwana wangu mimba ini ndisingazive. Mhamha makaisepi moyo hee makaisepi moyo. Musha wese kupfurirana kuuraya mwana wangu. Munoda kundiparira ngozi here.
Amai : usangochema nhema uchindinyangadza. Dai uri umwe uri kutonditenda izvezvi soo. Ipapa ukadzokera kumba wotonoudza mukwasha kuti mimba yakasvodza mogara zvakanaka hapachina chekutya. Pukuta misodzi iyo nonsense . Uri sasikamu ndizvo zvawakatorera mwana kuti anoitwa mukadzi nemurume wako manje. Ndiwe usingafunge uri benzi ramai wakatadza ma duties ako. Ndakange ndamukudza zvakanaka Cheryl uyu iwe wakunomudzidzisa chipfambi chako chawakandiitira pano.
Me : mhamha ndimi makundidai nhasi pamusoro pekukanganisa mwana wangu kwamaita. Mhamha mandirwadzisa muri Mai vangu chaivo imi. Saka chibereko chenyu hachisi kutorwadza ipapa nezvamakaita. Iropa kaa ramakadeura iri mhamha.
Amai : fokufu kakutu nxaa umuke uchidzokera kumba kwako kwete kuda kundivhiringidza uchindiudza zvisina basa. Musha wose wakatoona zvakanaka kuti mimba iyoyo iparadzike. Wava kuda kuti mwana mwana nekuti abviswa mimba asi ndiwe wanga wakafuta apa uchiti aputsa musha wako. Taugadzirisa musha wacho wava kutichemera wototinongedza huroyi husipo. Chienda unomhan'ara kwawada horaiti. Haubatsirike Sharon mwana rudzii asinganzwisise mai vake.
Ndakapererwa nezvakaitwa mwana wangu. I never thought that my family will take such drastic measures in the name of saving my marriage. Zvakandibata handidi kunyepa nekuti ndaitya kuti Cheryl anogona kungofa. Zvaaiva zvacho zvaisaita zvachose. Aive acheneruka kuti mbuu zvekuti wega waiona kuti mwana haachina ropa. Aisa pfakanyika kana kuzungunukawo kuratidza kuti pachiri nehupenyu. Ndaitoona riri Jeri svinu raive raitwa namai vangu iri. Husiku hwose ndakarara ku kitchen ndakatarisa Cheryl. Mhamha vakazouya vakabata zvigubhu zvemushonga kuseni ndokutanga kumunwisa. Cheryl akazomuka papera mazuva asi aisagona kufamba kana kudii. Handina chandakagona kutaura naye sezvo aidzimbikana nemiiri. Pese pandaive kumusha Jason haana kubvira afona kana kamwe chete zvako. Chero kutongovhunzawo mwana haana. Ndakasiya Cheryl ave nani kwave kudzokera kumba. Zvandaive ndasiya kuri ndizvozvo. Ndakagarako mwedzi wese kusvikira Jason azouya nehama dzake. Takakwazisana ndipo pavakataura zvavaive vafambira.
Bamkuru : mainini tinoda kuenda kumusha kwenyu tinogadzirisa nyaya yakaitika
Me : ehoi bamkuru ndazvinzwa hapana chakaipa
Bamkuru : sezvo iri weekend tomuka tichienda kaa tigare tazvipedza.
Me : ehoi. Eeh bamkuru mwana haana zita nanhasi uye haana birthday.
Jason : ndotoda ma DNA coz handikutembe what if asiri wangu
Me : what??
Bamkuru : Jason hausi wava kunyanya here. Of course mainini vakatadza pakunyepa asi mwana ndewako usadaro wangu. This is the same thing mainini did. She denied her child akazoguma ava mumaoko ako. Don't go down that route. Do right by your son , he is innocent. He didn't chose to be born under such circumstances
Haana kupindura Jason akabva ati zii. Takaenda kunobika namaiguru.
Maiguru : ko makanyeperei nhai
Me : I thought I was protecting my marriage. Hupenyu hwairwadza maiguru but at least ndakazowana akandida. Kuti ndimubudire pachena ndakaona sekuti ndinobva ndasiiwa saka ndakaona kuzvivanza kuriko kunoita
Maiguru : makadzima moto nepeturu mainini imba haimbode manyepo.
Me : zvakaoma zvino bamnini venyu vachandida here ipapo.
Maiguru : he is just angry . He feels betrayed but I think he will come around but panotoda prayer chaiyo coz we all know how he is kana atsamwa
Me : pakaipa.
Takaendesa chikafu asi Jason akaramba kudya. Mwana wake chaiye haana kubvira amubata aive na Mai vake. Zvairwadza handidi kunyepa. That look yandaipihwa nevanhu years ago ndiri kumusha ndiyo yandakaona pameso pa Jason zuva iri. Ndaitomusemesa chaiko zvekuti I'm sure he stayed for the sake of his family. Mangwana acho takamuka tichidzokera kumusha apa ndanga ndisina kutaura kuti nhumbu yakabviswa kare. Ana mhamha vacho handina kutovaudzawo kuti ndiri kuuya nehama dza Jason vakazongoona tasvika
End of Chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
❤
🔥
😭
🤸♀
694