
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 19, 2025 at 06:25 AM
BURDEN OF HISTORY
❤🩹💉❤🩹💉❤🩹💉❤🩹
Follow channel usarasikirwe ne book
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
Group link
https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK
BY : ATIPA & THANDO
CHAPTER 19
CHERYL
Who would have known that my once perfect life would turn out to be a total disaster. This feels like a dream, it's like I'm watching a horror movie , wrong turn to be precise. I want to cry so hard but I don't know where to start. My whole life was a lie. I want to shout , I want to vent my frustrations but I for some reason I feel numb. It's like my world stopped the moment my baby's soul got separated from mine in a ruthless manner. It's been a long time since I woke up from the dead and I haven't spoken to anyone other than myself. It's only wild thoughts running through my mind. I wish to die, I don't even understand why I survived when I drunk that orange juice which was spiked with abortion drugs. I never knew that my granny would be this heartless. She seriously killed my unborn baby in called blood without my knowledge. Everyday I ask God why me , so many lies and secrets led to this betrayal. I committed a taboo and everyone blames me for getting pregnant and sleeping around. Moyo wangu handingati une ronda asi wakatotsemuka kuita zvigwishu zvigwishu. Ndaiti pain yekurohwa kwandakaitwa ndichibvunzwa muridzi wenhumbu ndichirega kutaura. Pain yekuziva kuti vandaiti vabereki handivo vakandibara ndiri gora risina dzinza kana mutupo. Vandaiti tete ndivo Mai vakandivereka. Ndega ndaizvibvunza kuti nei vakandivanzira zvinhu zvakadaro. Kureva here kuti dai ndisina kumitiswa nemurume wamai ndaitosvika pakufa ndisingazive akandizvara. Ndaitove nechigumbu mumoyo chekuti mai Charity vanondishara pavamwe vana havandipi rudo runondigutsa izvo kwani havatoziviwo kurwadza kwemimba yangu. Mashoko andakatukwa nemusha wese pakauya Jason achiti anoda kundiroora nekuti ndiye muridzi wemimba akandibaya moyo achinobudira kuseri zvekutondisiya ndine maronda akadzama. Ndakatombo fenda kaa ndichinzwa kuti Sharon ndimai vangu kwete tete. Zvaisandibudira pa age ndipo pandakazoudzwa nyaya yacho zvizere yekuti ndakazvarwa sei. Ndakabatikana asi wekuudza ndipo paive pasina.
Pachinhambo chekuti ndipopotere kuvanzwirwa chokwadi ndaitotukirwa chihure chinenge chamai nekuudziwa zveshavi rechipfambi randaisaziva. Jason akangobva maziso akajenga misodzi asina kana kuoneka. Chifumi chacho ndipo pandakapihwa drink nambuya Gono vainge vashanya ndakati ndazivikanwa izvo kwani ndaive ndarongerwa dhende. Ndaisa ziva kuti kubviswa mimba kunorwadza kudaro. Vese vanobvisa ii vakashinga , ndakakungura rufu mudumbu muchimonya kunge ndaisungwa matumbu ne barbed wire. Pasina time ropa ranga rakubuda richiita kubvinza chaiko. Ndakachema ndichideedza gogo vakutondiudza kuti shinga kusvika kamwana kabuda. Veduwe ndakarwadziwa pandakazvibatanidza kuti pano mdabviswa nhumbu ndisingazive. Ndakayieredza misodzi ndakagara pa bucket ropa richijuja . Marwadzo ekurasikirwa nemwana wandanga ndatarisira kubata mumaoko zvisinei nekuti akaberekwa sei. Ndaive ndatozvipira kuva Mai at such a young age asi mbuya vangu vakati haungazvare mwana nemurume wamai vako unovaputsira wanano yawagara waisa mutswi kare. Zuva rakazosara rodoka ndisingachagoni kana kusimudza ruoko. Ndaive ndangoti ragwada mabhonzo ese aguka guka kunge asisina mwongo. Kuzoedza kwekunze ndanga ndisinga chatozive kuti ndiri kupi zvachose. Pandakazomuka ndakatanga kusanganidzana maziso nevacho vainzi ndivo mai vangu vane kacheche kavo. Handina chandakataura navo ndaisatove nesimba racho. Gogo vakandikurungira porridge rine zvimidzi zvavo ndokudya. Ndakaita nguva ndichingopihwa maguchu emushonga kuti ndinwe kusvikira ndasimba. Gogo ndainzwa kuvavenga zvekuti asi shungu dzaiperera mumoyo. Ndaishaya pekutangira kuvaudza mashoko aive pamoyo pangu nekuti ndaitya kuudzwa mashoko anorwadza navo. Aunt Sharon nemwana wavo havana kuzombogarisa vakabva vadzokera ndokusara nambuya vangu tiri vaviri. Zuva rega rega waive mutoro kwandiri asi ndaisave nepekuuturira. Moyo wangu waive nemisodzi yemwana wangu akafira dzaasingazive. Kutadza ndakatadza hongu asi mhosva yacho yairipwa neropa remwana wangu here.
Zuva iri ndaive ndakatogara zvangu pasi pemupfuti waive mudhunduru raive pamberi pechivanze ndichigaya nhamo dzangu. Ipapo ndakabva ndaona mota ya Jason neye mukoma wake dzichipinda muyard yedu. Ndakatovhunduka kuti ko vavingei zvavo. Kuti vaidzwa zvekubviswa mimba kwangu natete here. Dzakasvika dzikamira pamberi pekitchen. Ndakashamisika ndichiona ratouya riri dzinza rose ne mbuya iye yekumbondi tukirira nekundirova. Mai va Jason na mbuya vangu vanenge vakaenda ku course yehutsinye vese. And vanenge vaitoita team work pakundishungurudza. Ndakatoramba ndaka easer ndiri pabvute ivo vachiti gogoi. Tete Sharon vakangonditarisa vakadzungudza musoro ndokutsikitsira. I had became a shadow of myself. Trauma and depression had taken over my body , soul and mind. I had no emotions what so ever and I didn't have the energy to voice out. Gogo vakabva vabuda mumba ndokuti...
Gogo : iwe Cheryl haugone kudaira vanhu here. Unoramba wakati zete ipapo usingatambire vaenzi kuti zvidii.
Handina kupindura ndakatoramba ndakagara panze ivo ndokupinda mumba. Kana wandakuita chido chekumhoresa hapana even the might Jason that I once loved. Yes it's now loved coz the love has been washed away. Papi pacho pandairamba ndichida munhu wekuti ndikamuitira mimba inobviswa. Hapana kupera nguva refu vanhu vapinda mumba ndakabva ndaona baba namai Charity vachisvika pamba vakadungamidzana. Havana kugarisa mumba ndakabva ndadedzwa ndipo pandakasumuka ndokuenda mukitchen maive nevanhu. Handina chandakataura or kukwazisa vanhu handina ndakangonogara parukukwe ndiri zii.
Sharon : mhamha nemi mukoma namaiguru muchiona tauya kudai zvanzi tizogadzirisa hukama tione kufambira mberi nehupenyu.
Bamkuru : ndizvozvo chaizvo , sevakuwasha takatadza tinobvuma hedu mhosva uye mukati tiripe tinoita sekudaro. Chatanyanya kufambira inyaya yekuti tionesane kuti todii nemwana asati azvarwa.
Gogo : aaah heya iii zvino mimba yacho yakaparadzika
Mai Jason : chirudzii
Gogo : wakaita BP Cheryl uyu nekuziva kuti Sharon ndimai vake
Mai Jason : inga zvakaoma nemaramba kukura . Ko makadii kutizivisa pane mwaka takauya .
Gogo : taisaziva kuti munozvitambira sei senyaya yanga isati yataurika nekugadzirika zvakanaka.
Sharon : ini handichade ma secrets zvinozorema futi mangwana. Mhamha sei musingadzidze imi kubva pakutadza kwenyu. Munoda kuramba muchidzokorodza the same mistake. Honai nyaya yekuvanza zvinhu payandisvitsa nhasi. Ikozvino Cheryl haasi kutaura kana nani zvake nekuda kwenyu. Chokwadi chiripo ndechekuti Cheryl haana kuparadzika asi kuti akabviswa mimba namai ini ndisingatozivewo. Ndakatozoona mwana akati rabada svondo rapfuura iro pandauya kuno. Ndiregererei nekutadza kukuudzai nezuro pamakauya kumba muchindizivisa nezve rwendo runo. Ndakatoshaya kuti ndotangirawo papi kutaura nekuti ndichakatobatikana nekuita kwamai vangu.
Jason : kubvisa nhumbu yangu musina kundiudza here. Manje wangu mwana ndomuda izvezvi soo.
Gogo : mukwasha nyaraiwo imi. Inzwai kutya kungoreketa ipo pasina ari kutaura nemi. Zivai kuti makabatirira mwana mudiki. Cheryl ritori jeri iri nezvamakaiita kumupa mimba ari chanana chichiri kubuda mukaka pamhuno .
Mai Jason : kana irori ritori Jeri futi kubvisa mwana nhumbu isiri yenyu. Tanga tairamba here mimba yacho zvamakaibvisa.
Gogo : imi ndimi musina kutsengera mwana wenyu ikozvino honai akaita chihure chakapusa. Inga Shona inoti mbeva ikapinda mumba haidyiwe rinenge rava gonzo.
Mai Jason : haa dhemeti mhani chembere ine zvimbi asi isinganyare. Ndakakatsuura kamuzukuru kenyu kasati kava nemimba kakachema nhema kachipidigurira nyaya yose kwandiri. Muroora wangu akatondivenga asi ndaiedza kunatsurudza musha wake usati waparara. Ndimi mune chibereko chakaora chakazvarara dununu. Sharon akatadza kuita tsvakurudzo uyu chaakagona kundivenga zvese nezimwana rake rine pakati pakafumuka. Muchinyanya kuvanza chokwadi ikozvino mava kugarwa nhaka nevana. Murimbwa dzevanhu musha uno wese. Kunaka zviso njere dzakazara madh*dh*. Beauty without brains very useless people. Apa maka charger mwana wangu roora kunge muri kutengesa fresh meat imi muchitengesa bhero rine tsikidzi mazikuma enyu mese.
Gogo : haaa musurunyoko mhani ndimi makadzidzisa vana chihure imi munenge mairara nana bamnini mumusha. Ndimi mune chibereko chakaora manzwa get away ibva pamba pangu. Mungade kuuya kuzonditongesa manje pamuzukuru wangu ndewenyu here. Makadii kamwana kechipini hee. Ndimi musingafunge dai muri vamwe matenda kuti ndakagadzira zvinhu nenzira yakanaka now vana vochigara pasina kugunun'una.
Mai Jason : kugadzira kwekuuraya ropa redu here.
Gogo : chaizvo asi kudii ndokuti next time muzive pekuisima.
Bamkuru : mhamha zvakwana kutukana hakupedzi nyaya muri kutowedzera kuisa zvinhu musango. Ngatingobvimei kuti tese takakanganisa totsvaga nzira yekuzvigadzirisa pane kupopotedzana kwamuri kuita uku. Tsano munotiiwo nazvo.
Baba Charity : imi ndimi varidzi vemwana akaparadzika . Mudzimai wenyu ndiye Mai vemwana aive nemimba. Ndombonzwawo mese kuti muri kufungei
Bamkuru : aaah ini handizivewo kuti kana padai panoitwa sei. Hapasi panoda kuripwa here nekuti imhosva yatakaita iyi.
Sharon : hongu mukoma ndini mai vemwana uye panodawo mai ndichitaura asi Cheryl mwana akakurira mumusha. Imi ndakakutarisai ndimi munomira sababa vangu uye muri sekuru va Cheryl saka mune right yekutaura. Chandoda kungotaura ndechekuti mhamha hongu muri amai vangu handina zvandingazviita asi pakubvisa mwana wangu mimba makatadza. Ndimi futi makanditsindidza kuti ndivanze chokwadi chinova chazosika misodzi nematambidziko nhasi uno. Mhamha ndine hurombo nematambirirwo amaitwa uye kuchinjana mashoko kwaitika. Ndakatadza kufunga chokwadi dai ndakaterera mashoko enyu paye ndakaita tsvakurudzo nhasi ndisiri kuchema. Mhofu , murume wangu ndiregerereiwo ndakatadza ndaisafanira kuvaka imba nemanyepo. Hwaive hupwere shuwa uye kushaya akandiraira. Ndapfugama ndakazvininipisa nemoyo wese ndichikumbira ruregerero .
Jason : was Cheryl the only secret you didn't tell me about
Sharon : yes
Jason : kkkkk so much for seeking forgiveness zvakaoma.
Tsano : ini handigone kukuripisai nekuti mukaripa Cheryl munenge matoroora pachishona chedu saka hazvigone kuti muripe. Tongoperera mukutaurirana imomo mozotsvaga chamungaitirewo mukadzi wenyu ndiye wamakatadzira .
Bamkuru ,: since mari tisaripa ko ndikaendesa hangu Cheryl kuchikoro semwana ane shungu yekudzidza zvimwe nerimwe zuva angazotiregerera. Chandoda kungomubhadharira fees chete kusvika a graduater.
Tsano : ikoko kuda kwenyu uye kana ma zvichibva pamoyo penyu handina chandingarambe.
Bamkuru : maitabasa nekunzwisisa tsano. Hameno iye Cheryl ane zvimwe zvaangada here angazoti tamudzivisa kutaura shungu dzake.
Tsano : Cheryl pindura kana pane chaunoda kutaura.
I kept my mouth shut. Ndaida kutaurei zvangu neziso randakapihwa namai Jason. Hanty vanga vatopedza nyaya dzavo kare here ko ini vanga vachada kuti nditii. Ndakangopukuta misodzi yangu yaingochururuka zvisina muganhu kwakubva ndatobuda mumba ndokudzokera pasi pemuti wangu
End of Chapter
❤️
😢
👍
😂
🙏
❤
😮
😭
🔥
😍
559