
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 19, 2025 at 06:30 PM
BURDEN OF HISTORY
❤🩹💉❤🩹💉❤🩹💉❤🩹
Follow channel usarasikirwe ne book
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
Group link
https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK
BY : ATIPA & THANDO
CHAPTER 20
CHERYL
Jason nehama dzake nemukadzi wake vakazobuda vachidzokera kumba kwavo. Ndakangovaona vachipinda mumota ini ndakagara pamuti wangu. Handina kana munhu one wandakaoneka. Baba Charity vakabva vandidedza ndichibva ndaenda. Ndakangosvika nekugara pasi ndiri zii pasina kana kumboti matiii or ndauya coz I had no energy to make silly talks.
Baba Charity : Cheryl ndiperekedze kudanga muzukuru.
Gogo : taurirai muno tichinzwa munoda kunofonyora mwana pfungwa muri mega ikoko. Taurai pano tizvinzwe kana zvisingaite totozviramba ipo pano
Baba Charity : mhamha hamusi makuzvinyanya here. Zvamaida makaita uyu muzukuru wangu I have every right to go where ever I want naye. I have a right to make private talks pliz tinyareiwo tisati tadana ana sekuru
Gogo vakabva vati zii. Hanzvadzi dzavo vaidzitya zvokuti ... Ndakabuda ndichitevera sekuru kudanga kwavaienda ndokusvika tichibva tagara pamapango.
Baba Charity : losing a child is not a child's play. You were robbed of the opportunity of being a mother and that's not fair at all. Handina kunge ndazviziva kuti ndizvo zvarongwa. Dai ndakaziva ndakakuvanza usina kubvira wasangana nehondo iyoyo. Ndiri murume handife ndakatakura mimba asi ndakanzwa kuti kurwadza kwacho kunodarika rufu. Saying sorry won't mend the broken pieces of your life. It won't bring back the life of your unborn child. It won't take away the pain you went through. Yes ungati hupenyu hwako was a lie but it is what it is. These are the sands of time. They can never be wiped away. They shall remain a part of us for as long as we live. But I'm here to ask how you feel about knowing the truth of your real parents, losing a child and the harsh words and treatment that you got.
Me : zviri kurwadza izvi....
That's all I could say . Ndakachema kusvika ndakunzwa mabayo. Ndiko kakava kekutanga kuburitsa shungu dzangu. Ndakachema kusvika ndatotesa hembe ya baba Charity nemisodzi sezvo vaive vaisa musoro wangu pachipfuva chavo. Takaita nguva takadaro pandakanyarara vakabva vandibata ndokudzika padanga tichibva tagara padombo raive padivi pemuti padyo nepadanga ipapo.
Baba Charity : chiri kunyanyokubata chii. Mwana here or kuvanzwirwa chokwadi cheakakubereka.
Me : why muri kutaura neni zvakanaka ini ndakaputsa imba yehanzvadzi yenyu. Nei musiri kundipopotera sevamwe. Nei musiri kundiudza kuti ndiri pfambi , mwana wegora sevamwe.
Baba Charity : kubva zuva randakaku tambidzwa ndichinzi ndiku chengete semwana wangu ndakabva ndakuisa mumoyo mangu semwana. Nyangwe vanhu vakati chii iwewe uri mwana wangu handiti kaa. Zvinorema , zvinorwadza asi ndichange ndinewe. Handimbozokurase nhasi Cheryl nekuda kwe zvaitika . Kutadza kuri muvanhu chinonetsa ndechekuti vanoona pawatadza asi pavanotadza havapaoni. Yes handidi kunyepa zvawakaita hazvina kundifadza. Nyangwe kudai Sharon aive tete vako zvechokwadi waisafanirwa kupinda mumachira nemurume wake muchivande. Wakaputsa imba yake zvaunoziva iwewe. Hunhu wanga waisepi pawaiita zvese izvozvo.
Me : handigone kuramba mhosva yangu sekuru ndakatadza. Ndakamboda kuzvisiya asi bamkuru vakanditi ndikaramba vaibva varamba tete. Hongu mungati wakadii kuudza tete asi tete vaivimba na bamkuru nemoyo wavo wese. Uyezve kuti nditaure zvakandiremera ndakashaya wekuudza. Ndakatadza kufunga ipapo ndiregerereiwo sekuru. Nekusaziva zvakatoguma zvava normal kwandiri. I made a mistake and I regret that every single day.
Baba Charity : zvinowanikwa , kusaziva asi izvezvi wadzidza kuti murume wemunhu haatorwe even if ari muramu wako hazviite zvinokonzeresa ruvengo mumhuri.
Me : issue yemwana iri kundibata zvakanyanya
Baba Charity : with time you will heal. Just don't bottle things in your heart. If you need a shoulder to lean on you can come to me.
Me : how come you still love me even after everything. Ndimi mega maisa effort yekutaura neni.
Baba Charity : I understand that it takes two to tangle. The blame goes both ways and you're hurting right now. I don't want you to have suicidal thoughts thinking everyone has abondoned you.
Me : maitabasa ndamborerukurwa zvandaona zvishoma.
Baba Charity : Saka wafunga kudii nechikoro.
Me : maybe next year ndenge ndafunga nekuti izvezvi I'm not emotionally stable. I won't be able to handle the pressure from school with all that's going on.
Baba Charity : I understand , rega ndino sunungura mbudzi kumakura uko kwavira.
Me : ehoi
Baba Charity : kkkk Cheryl zviri kukuremera kunditi baba like always. Uri kuedza nepaunogona ku avoider zita iroro kubva tichitanga kutaura. Panguva imwe chete hausi kukwanisa kunditi sekuru.
Me : pese pandinoda kuti baba ndiri kubva ndarangarira mashoko ambuya kuti ndiri gora risina kumusha. Mwana wemusanganiswa asina rudzi. Hazvisi nyore kuziva kuti ndakaberekwa nenzira takadaro. Hapana kana tarisiro yekuti ndichazove newandichati baba muhupenyu hwangu. Handina mutupo , handina dzinza , handina baba. Zviri nani kunzi baba vakafa or vakakuramba asi vachizivikanwa zvino apa itori non starter.
Baba Charity : usawanze mifungo unoita BP uri mudiki. Kana kuti urambe uchinditi baba kuchirema ita sekuru hanty ndagara ndiri sekuru vako here.
Me : ndichaita sekudaro
Ndakabva ndadzokera kumba asi ndaive ndatorerukirwa zvishoma. Ndichisvika mbuya vakaedza kubvunza kuti sekuru vatii asi ndaive ndatodzokera pangu pekusataura paye. Kubva musi uyu ndaitaura na sekuru chete vamwe vese ndaisatovacheuka zvachose. Kunyatukwa zvinorwadza sei or kudeedzwa ka 100 ndaisa shama muromo wangu. Nguva yakafamba kusvika tava muna December ndisingataure zvangu. Vamwe vanhu vakatofunga kuti zvimwe handichagone kutaura zvachose asi ndichigona hangu. Sekuru was so good to me. Ndaive ndajaira manje kuvati sekuru. Muna January panga pakutaurika nyaya dzekuti ndi applier kwandaida kunodzidza. Chokwadi ndechekuti ndaisada ma favours kuvanhu. Ndaisada kuripwa , I also didn't want to be compansated especially by Jason's family. Ndaiona zvisina kana yamuro muupenyu hwangu zvese zvavaida kundiitira.
Charity : nhaiwe Cheryl uchasvika rinhi usingataure. Kuchiri kutsanwira mimba yemurume wamai here nhai vasikana.
Ndaive ndakagara zvangu pabvute pangu paye paakapfuura zvake achitaura nyemba dzake. Uyu ndaigona kumuumburudza right round but ndakatonyara kuti ndimai. Ndaisada zvemuedzo saka ndakangomutarisa ndokunyarara. Chelsea munin'ina wake akabva asvika achibva kuchikoro.
Chelsea : sis Charity nhasi kuchikoro kwauya masoja hanzi kune road race vanohwina vari kubva vaenda kunoita masoja.
Charity : haiwa masoja handimafarire ini ndakanzwa kuti vanonetsa. I don't what to end up ndava mvandara sevamwe vatoziva vava kungotevedza mimvuri yemuti .
Chelsea : haiwa unongozvidawo zvisina basa hautogone kutaura nevamwe zvakanaka rega ndiende.
Chelsea uya akabva aenda Charity ndokubhidhaira achitevera mumashure. Mangwana acho ndakamuka ndakananga kuchikoro kwana Chelsea ndisina kana wandataura naye. Ndaida kunoona kuti zvii zviri kuitika apa yaitove Saturday. Ndakatosvika race rakuda kutanga ...
Lady : Saka vese vari pa line ndivo varikuda kumhanya handiti. Tati 20km zvichireva izvo kuti 10 km kuenda 10 kudzoka pano ndipo pamuchapedzera. Vasvika ne 45mins ndivo vachaenderera mberi ne training.
Ndakabva ndatomhanyira pa line apa ndaive ndaenda ndisina kumbogadzirira zvekunomhanya. Ndaive ndafambira kunoona but ndakazoona uriwo mukana wekunzvenga ma favours andaida kuitirwa na Jason nemhuri yake. I wanted to stay clear of their way. Ndaisada kana chinhu chimwe chinotibatanidza. My life was my life and I wanted to live it my way and on my terms. Chido nechikoro ndanga ndisisina futi. Ndaive nemapatapata mugumbo ndakabva ndatobvisa ndokumasiya padivi penzira. Pito yakaridzwa ndichibva tatanga kumhanya. Vanhu vanoda zvinhu weduwe mazariro ainge akaita vakadzi vakuru nevarume vachena musoro waitoshaya kuti vaidei. Panga pasina kuiswa age limit. Takamhanya vamwe vachimira munzira vamwe vachifenda asi ini ndaingoshinga ndichienda. Ndaingoona vamwe vachimhanya vachibaya tumbudzi (foni) I guess kwaive kutarisa time. Ini ndangoti hameno ikoko ndozviona ndasvika. Mabayo akati andibata , ndakambodzora speed asi handina kumira. Pazvakaita nani ndichibva ndasimudzira. Ndagara hangu ndaimbomhanya kuchikoro asi ndaigumira pa 2rounds izvi zve marathon zvaindiremera. Semunhu aiziva nhamo dzake nechinangwa ndakatoshinga kuruma muromo ndichitsika matama enzira. Ndakazoona Mozi mukomana aifudza mombe dzambuya Gono achiita kukandawo nhanho achienda. Ndakatoshaya kuti mombe asiya nani zvaave kuno. Iyeye ndiye munhu wandakazoshinga kutevera nekuti aimhanya zvekuenda chaizvo. He was the motivation I needed zvekuti ndanga ndava kutsikira tsoka dzake ndiri mumashure. Sandi kurwadza kwainge kwoita pasi petsoka ndichibaiwa nematombo. Mozi uye akazowedzera speed takuzvika kuchikoro ndipo pandakasarira ndaive ndaneta. Speed yake yakandikunda ndakangoti hameno ikoko kana ndatadza kudzibata 45mins dzacho ndizvozvo. Pandakabudikira pachikoro panga pane vanhu noise yakabva yatanga. Apa ndaifanirwa kuyenderera ground kuti ndinosvika pa finishing line.
"Mhanya iwe kwasara 5min shinga shinga"
Vanhu vaiita kudedzera vachindikuza asi 5min ini ndasarwa ne 400m nezvandainzwa zvacho ndakaona ndakundikana ini asi handina kuda kumira ndakatoti ndinofa ndaedza. Ndakaritenderera ground ndakaita kupfumbata tumaoko ndakashama muromo ndichiita kufemera padenga. Pandaka crosser line ndakabva ndabatwa neumwe musoja wechikadzi ndisati ndadonhanhera pasi. Akabva atarisa time ndokuti...
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
❤
😮
🇿🇼
🔟
😋
518