
Atipa & Thando Novels 📖📚🖋
June 20, 2025 at 09:04 AM
BURDEN OF HISTORY
❤🩹💉❤🩹💉❤🩹💉❤🩹
Follow channel usarasikirwe ne book
https://whatsapp.com/channel/0029VaekmSx2f3EJ0A0tfF03
Group link
https://chat.whatsapp.com/GEdOTb8hTux2Wv6iBuG2PK
BY : ATIPA & THANDO
CHAPTER 21
SHARON
After tabva kumusha we went back kumba but Jason akangoti Mai vake, maiguru na bamkuru vachibuda iye ndokubva atobudawo nemota yangu hanty yake ranga rava scrapper here after the accident. I thought hameno padhuze paaenda ari kudzoka but akatoita mazuva asina kudzoka kumba. Ndakafonera bamkuru vakati vachamutsvaga but haana kubatika zvachose. Ndakatoona kuti pano nguva iri kufamba mwana asina zita kwakubva ndamuti Kuzivakwashe. Ndakagara pamba mwedzi ichivirikana pasina kana sign ya Jason. Chikafu changa chapera mumba, kamari kese kandaive ndaka saver kese kakapera ndichitenga ma pamper emwana ne porridge. Ndakaona zvandikunda kwava kufonera maiguru.
Her : hello
Me : maiguru murisei nevamwe kumba
Her : ndiri right arisei mucheche
Me : ari kukura hake uyu.
Her : aiwa zvinokudzwa. Variseiko bamnini
Me : ndizvo zvandatofonera izvi maiguru. Bamnini venyu havasi kudzoka kumba kubva paye. Chero mwana chaiye havana kumupa zita kana birth haana. Izvezvi handisisina chikafu. Kamari kese kandaive nako kakapera ndaikumbirawo mutaure navo. Mondiudzirawo bamkuru kuti ndizvo zviri kuno.
Her : hezvo ko hanzi chii , vachiri vakangotsamwa nanhasi here.
Me : handizive ini maiguru munhu wandisira kuona kana kutaura naye handichatozive kuti ndodii.
Her : inga zvakaoma rega ndigotaura nemukaoma wacho. Ivo ndichaedza kuvafonera ndokuudzai zvavanenge vataura.
Me : munenge maita basa chose.
Maiguru havana kuzofona iniwo kuti ndirambe ndichivabvunza ndakaona zvisingaite. Ndaive ndotonyara kusengedza vanhu mutoro wangu. Ndaingoshinga ndiripo ndakati nhamo hayiuraye. Kuti ndidzokere kumusha Kuna mai ndaitonyara Cheryl. Ndaitoshaya pekutangira kumuti sorry mwanangu for hiding the truth. Ko dai aizobvunza baba vake ndaimupindura kutii. Zvekare ndaive nechigumbu naye nekupunza imba yangu kwaakaita. I was stuck between guilty and regret. I had lost my child and my husband at the same time. On the 25th of December ndakanzwa noise ye huta panze. Ndakabuda kwakuona ari Jason. Akapinda ne gonyeti rake kuratidza kuti aitobva kubasa. Akasvika ndokurimisa pamberi pemba achibva aburuka nebucket. Ndakafara ndichiona makazara fish ndaive ndanzwa nema vegy kani. Semunhu aive asiri 100 percent right handina kukwanisa kupopota ndichibvunza kuti maivepi pese apa. Zvaitoda kutaura nehunyoro nemutsa wakanaka kuti pamwe ndaigona kuregererwa tikaenderera mberi nehupenyu.
Me : makadii Mhofu
Stage yekuti babe , my love , my king yanga yakadarika tadzokera pachinyakare chaipo pekudedzana nemutupo zvaiitwa nana mbuya vedu.
Him : ndiriboe ndakuigirai fish idzi. Mwana ari sei.
Me : ari boe rega ndinomutora.
Ndakamhanya upstairs kani kunotora Kuziva ndichibva ndauya kwakumupa baba vacho. The good thing was that my boy was a photocopy of his father. Kukura kwaaiita aitowedzera kufanana navo zvekuti handina kuzonetserwa DNA test futi. Akabata mwana wake achibva atanga kutamba naye. Ini ndakabuda ndokumhanya kunogeza kwava kutsvagawo hembe iri nani yekupfeka. Dzanga dzichambo fitter here nekuonda ikoko. Ndanga ndangove mabondo oga, iyo nhamo plus kuyamwisa hazvimbode kusangana baa. Ndapedza kugeza ndakabva ndanobika kwava kupakura ndokunosheedza Jason.
Me : ndapedza kubika huyai mudye.
Him : ndiri boe
Ndakabva ndapusa nemhunduro yake. Kana ini wacho ndakabva ndalooser appetite. Ndakati asi pamwe haasi kuda mavegy kani. Ndiwo wega muriwo wandaive nawo. Fish dzake dzaive dzaka freezer zvakanyanyisisa zvekuti ndakangodzidira mvura ndakamirira kuti dzinyevenuke.
Him : mukoma vakati uri kuda kundiona zvaita kaa ndichienda
Me : Jason I'm sorry. I'm really sorry for not saying the truth pliz this is toucher I can't take it anymore.
Him : you know the funny thing is that I gave you a chance to explain what happened. To tell me the whole truth but what did you do. You lied right in my eyes with a straight face.
Me : Jason what did you want me to say.
Him : I had to learn from your family that you have a child. Not just that Sharon but that guy akaita munyai wangu akazotondiudza zvimwe. Waive pfambi yedunhu ada avata. Mai muponesi vevakomana vemombe. Ma teacher , madhara , zvidhakwa, vana vechikoro. Didn't you think I deserved to know that as well. Wakamboroorwa ukarambirwa mbereko which was why I doubted our child. Didn't you think I deserved to know that as well. Ndakazvibvunza kuti Mwari ndimi makandipa mukadzi uyu here or mhepo dzedzinza rangu dzisingadewo zvakanaka ndidzo dzakandisundira kwauri. Hauna kumbosiyana ne guyu rakanaka kunze asi mukati makazara masvosve. Ndakanzwa kutya miri wangu wakamerera nezvandakanzwa pamusoro pako after 4years of marriage. The fact that I married a once upon a time sex addict made me doubt kuti addiction iyoyo yakapera here or une dzawaitotsikisa dzandisingazive. Ndaikuda Sharon, hapana nyaya yangu yawaisaziva. Yes I'm at faulty for going after Cheryl. I betrayed your trust and broke our marriage vows but you see you, you did not broke any vows but you lied. This marriage is a lie, it's fake. It was build on lies , betrayal , deception. Ndombofunga kuti maybe you never loved me , it was all for money and not love. You gambled with my heart.
Me : if you hadn't cheated then...
Him : even when I cheated I never planned to dump you. You had that grip on my heart as my lawfully wedded wife. Ndaiku respect zvekuti even Cheryl aizviziva kuti handidi ushungurudzwe. Ndakatadza , lust blinded me but your lies pushed me away. It tared our home apart. There is nothing else to build here. Apa to make matters worse Mai vako vakabva vauraya mwana wangu asina mhaka. She wasn't even apologetic about it . Vaitoganza vachiti vakagadzira zvinhu asi ukavaona uvaudze kuti hanzi neni pamakauraya mwana wangu makauraya chaitibatanidza.
Me : Jason I'm sorry murume wangu ooh ndapfugama Jason please usandisiye. Ndotangira papi Jason, ndinodiwa nani nevana vaviri pliz murume wangu. Ngatitaurirane zvakanaka kani for the sake of our child. I was young kani I didn't mean to do all those things
Him : pliz leave my legs l refuse to be chained to your Burden of History. This are your sins of the past and I can't take them at all. I would forgive but forget is something I won't even attempt to do. You can keep this house it's your's. As for the car I'm taking it since yangu yakaparara because of your secrets. You pushed me into drinking that much and I almost lost my life. Ini newe we're toxic for each other hatimbofa takagarisana zvachose.
Me : Jason no..
Him : mari iyi feed my child well ndizvo zvega zvaungatondi batsirawo nazvo.
Ndakachema ndichitarisa Jason achibuda ne gonyeti rake. Chokwadi imba yandakashingirira kuvaka , handina zuva one randakamboisa gumbo panze. I was a faithful wife. I did everything a married woman is supposed to do but my history resurfaced and everything became dry like a dessert. Why me why , noo this can't happen. I hate the day I got pregnant with Cheryl. I regret bringing her here now musha wangu waparara because of her. Next day ndakamuka ndakunzwa kupera simba nekuchema , kusadya plus kuyamwisa. Ndakabva ndati rega ndinogadzira fish ndibike kunodai wanike dza defrozer asi dzinhuwa kuratidza kuti dzakasoshata kare kare. Ndakatora phone ndikafonera Jason nehasha.
Me : uneshuwa kundiigira hove dzakaora Jason.
Him : it was to remind you mauyiro awakaita mu life mangu. Zvakaita fish idzo ndizvo zvawaiva nxaa you think ndokuda zvekutokuunzira bucket re fish kuti wageza njuzu here
Yeah my life has turned out to be a mess. Ndakambofunga kudzokera kumusha ndarwadziwa nekudadirwa uku but ndakanyara kunosekwa nekusemwa zvandakamboitwa after ndarambwa ku first marriage yangu. Ndakatoti since ndapihwa imba zviri nani kugara ipapo ndotsvaga chinondiraramisa ndiripo. Ndaisave kana ne degree or deploma. Certificate re form four raisambove kwaro zvekuti ringandiwanise basa svinu. Kamari kandakasiirwa na Jason akambondipusha mbichana but January akunopera ndanga ndisisina chinhu. Wekuudza or kuchemera ndanga ndisina. Mai vangu ndaisatoda kana kuvaona ndivo vamwe vakandipfurira zvisina basa now ndava ku suffer ndega manje. Zvinhu zvakachizonatsa kusunga kuzvika ndava kupfekedza mwana ma t-shirt ababa vake ndisisina mari yekutenga ma pamper. Ndakasvika pakuhorera hembe dza Cheryl dzaive dzasara nedza Jason. Ndaive ndafunga kuvhura bhero but then hembe dzacho dzaive quality zvekuti ndaitoda nzvimbo yakati nakei kwekuti ndinoita mari. Ndakabva ndamukira kumbare nadzo kumupedza nhamo kuye. Ndaive ndakambonzwa zvichinzi amwe ma dress anotengeswa mu town anenge atorwa kubhero richangovhurwa ono tengeswa after a steamwa. Ndakasvika ndokumirawo pakachikona kangu ndichidedzera. Zvakanhongwa zvishoma asi ndakazokubva ndichimhanya muridzi we table auya. Ndakabva ndafamba kuenda mutown ndaida kunowaridza ndotengesera ikoko. Nditori busy kudedzera hembe dzangu Kuna Ruzende ndakabva ndaona .....
End of Chapter
❤️
😢
🙏
😂
👍
😮
❤
👏
🫣
🍆
687