Shona Stories 002🇿🇼
June 13, 2025 at 01:20 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 18
*Kalindi*
Pandakaona Livia naNora vasvika ndakarohwa nehana.Saka ndiyo hanzvadzi yandaudzwa naJace meaning ndiJericho here.Ndakanetseka mupfungwa dzangu.Sevanhu vaizivana takabva takwazisana zvedu.
“Kalindi ndiwe unoziva mukoma vangu pavati vaona musikana wemushop ndaitoti hameno atsvagwa“ she said
Takapinda mumba macho tikagara pasofa.Apa maiva smart sei.
“I hope waratidzwa room rauchashandisa.Pano tichagara tiri vatatu mukoma vanenge vari kubasa nguva dzose.Inini ndinenge ndakuswerawo kubasa uyu Nora anenge ari kuchikoro but chandokumbira kuti unomubikirawo asvike paine chikafu.Chandafarira uri munhu wekuziva i trust you" said Livia
“No problem ndoita sekutaura kwenyu“
Takazodya zvedu tikatanga kutaura nyaya since tanga tagara tichiwirirana.Makuseni ndakamukira kuenda mushop.Ndakaona Livia aiva busy kugeza.Nora anga atomuka ndikamuti ageze.Ndakakarongedzera lunch kachipedza ndikakapa chikafu kakadya.
“Thanks Kalindi but handidi kukuwanzira basa uyu Nora unosiya ndomuitira“ said Livia
“I can help you handina problem plus ndagara ndichaitawo mwana wangu saka ndofana kujaira“ i said
Combi yakauya ikatora Nora akaenda kuchikoro uyu Livia akabudawo.Ndakasara ndega mushop.Mazuva akafamba ndikatanga kuwirirana naNora kaiva kari sweet.Lyra akazouya kundiona zvake.Ndaipota ndichienda kumba kwake dzimwe nguva.Rimwe zuva ndakaenda kumba ndikasvika kuona achidikitira.Akandiudza zvastep father vake.Ndakatanga kumutyira ndikamuti tiende kumapurisa akaramba.Kutaura chokwadi ndanga ndisisina kugadzikana.Ndakarara muroom make ndikarara.Makuseni ndakatora vana 2 ndikaenda navo since yaiva weekend.Ndakasvika ndikavaisa pasofa.
“Aaah mandiunzira vana“ said Nora achibata Alister
“Unozotamba navo kana vamuka“
“Uyu akamuka“ said Nora
Ndakatarisa ndikaona kaAlisha kanga kakavhura maziso.Umwe wacho ndiye anga akarara ndakamuendesa kuroom kwangu.Nora akatanga kutamba naAlisha.
“Ndoda tigare nevana ava ndovada“ said Nora
“Don't worry ndichapota ndichiuya navo uchitamba navo“ i said
“Saka anonzi uyu“
“Alisha“
“Honai kari kusekerera“ said Nora
Ndakazobika ndikapa Nora chikafu ndikaenda kushop kwandakagara.Ndakazodzoka ndichitora mwana anga amuka.Masikati ndakaona Lyra asvika ari low low.Akagara pachair yaiva panze pashop.Ndakaenda kunomutorera mvura ndikamupa mwana.Akazotanga kuyamwisa vana.
“Zvinhu zvangu zvose zvatorwa nekanzuru“
“Dai usina kuenda kubasa hausi okay.Pfungwa dzako hadzisi panzvimbo kubva zvawaona stepfather vako ava“ i said
“Kalindi hapana zvandokwanisa kuita.Hatisi tese takasikirwa kufara panyika.Chandava kuda kuzvishingisa ndigone kuchengeta vana vangu ava.Dai pasina vana kutaura chokwadi ndakazviuraya kare nekuti pain yandinayo inonetsa kutsanangura“ said Lyra
“Lyra don’t say that.Everything will be okay.Apa ndoda usiye zvemusika woshanda hako pano ini ndosiya hangu basa i will talk naJace anonzwisisa“ i said
“No handisiye zvemusika nekuti ndatorerwa zvinhu nekanzuru.Ndicharamba ndichitengesa kusvika zvaita.Iwewe ramba uchishanda handidi mafavours from anyone sorry“ said Lyra
“But handidi u....“
“Kalindi if you love me usandipikisa support me pazvinhu zvandoda.Zuva rauchaita mai you will understand zvandiri kutaura.Ukajaira kuda kurarama nemafavours paunozomashaya unorarama sei“
“Wava nematurity Lyra iiiih“ i said
“Saka apa ndakumboenda kumapurazi ndoda kurara ndahodha zvinhu zvangu ndichanonoka kudzoka.Usare nevana ava“ said Lyra
Ndakapinda mumba ndikamuisira chikafu akadya zvake akabva atoenda.Ana 2 vanga vakamuka zvavo ndipo pakapinda Jeep ndikaona Jace adzika.
“Dad“ said Nora achivamhanyira
“My baby“
Jace wacho akasimudza mwana wake.Hana yangu yakatanga kurova ko akaona vana ava achaita sei.Jace wacho akabva apinda akabva atarisa pasofa panga pane vana.Ndakaona anditarisa achidzikisa Nora pasi akafa achienda pedyo nevana
“Munofara here boss so...r..r.yy. va.. .n..a.. ava ...ndaka...“ ndanga ndakukama ndakutya kungonzi basa rapera unouya nevana pamba pangu sei
“Kalie taura zvakanaka usanditya.I told you treat me as your brother.Ndichikuona ndoona hanzvadzi pauri“ he said
“Sorry“
“Yei ko vana ava ndevako? But why vakafanana naRandon kudai" he asked achivasimudza vese
Twakabva twatanga kusekerera twuchibata Jace kumeso panguva iyi ndanga ndapusa.Saka iye Jace aisaziva kuti vana vaRandon here
“Vana vesister yangu saka aenda kumapurazi kunohodha asiira ini.Sorry handichauye navo panp futi“
“Kalie ndambokuti usatya handina problem nazvo.As long uchiita basa nemazvo.Hauna kupindura ndati why vana ava vakafanana naRandon.And who is your sister“ asked Jace akanditarisa
Ndakabva ndafunga mashoko aLyra achiti ndisaudza anyone kuti vana vaRandon.Aisatoda zvizikanwe nekuti Randon pachake akavaramba.
“Long story mubvunzo uyu unoda mai vacho varipo“
“Zvisinei pane nyaya yakaitika kufamily kwedu handina kuisa musoro i hope zvandiri kufungira hazvisizvo“
“Handizozive“ i said
“Who is your sister“ he asked
“Lyra“
“What!!!!! Saka ava vana vaRandon nekuti Floria naLivia vakandiudza Randon akaramba nhumbu but handina kubvira ndazviisa mumusoro“ he said
“Are you Jericho“
“Yes ifirst name rangu why asking“ he asked akanditarisa
“Hapana hangu“
Regai Julia ati he is a hot dude ndakatozvionera ndega.Apa anga ari cool aisava nedzungu.Hameno akafonera ani pasina 30 mins ndakaona Mai Joto naFloria vatosvika.Ndakavakwazisa vese vakabva vatarisa vana.Ndakaona Mai Joto vakuchema vakabata Alister.
“Vana vedu ava.Vazukuru vangu hapana kana mubvunzo asi Randon chiiko“ said Mai Joto
Ndakaona macustomers akudaidzira ndakamhanya pashop.I was surprised kuona ari Major.
“Mune Everest here“
“Ehe ndinayo" i said
“Hezvo ndiKalindi nyika idiki tasangana waifarisa uri kuchikoro“ he said
“Asi Major ndakambokutadzira chiiko“
“Uchazoziva later but Kalindi ndinokuda apa wawedzera kunaka“ he said
“Siyana neni“
“Ndiri kumhanyira kubasa kwangu i will be back“ he said
Ndakadzoka mumba ndikaona Mai Joto vakatarisa matwins aya.
“Kalindi where is your sister“
“Hezvo ndiye Kalindi wacho" asked Jericho achinditarisa
“Iyazve saka hauzive anonzi ani here“
“Akati anonzi Kalie handina kuziva full name" he said
It's like pane paakambonzwa zita rake.Ndakangoti pamwe akaudzwa naRandon kuti akambodanana neni hameno.
“Kalindi saka mai vevana varipi“ asked Mai Joto
“Hanzi vaenda kumapurazi kunohodha.Ndakuona this girl is suffering.Mom we failed kutarisisa zvenyaya iyi.Inini handina kubvira ndazviisa mumusoro iye Randon ndakamufonera akati haazivane nemusikana saka ndakangoti zvevasikana vemazuvano“ said Jerry
“Even me as a mother i failed.Baba Livia ndivo vakasvika kuporonga nyaya yose.Saka Mai 2 vanodzoka nguvai“ said Mai Joto
“Handizive“
Kutaura chokwadi izvi zvakaita ndivenge Randon zvakanyanya.Saka akanyepera brother yake.Mai Joto naJericho vairatidza vanhu vari bhoo.Even pakataurwa nyaya yenhumbu vakazama kuda kutora side raLyra but Baba Livia vakaporonga zvese.
“Saka Randon akamboonawo vana ava here“ asked Jerry
“Haana anoda kuvaonerei iye akati haana kumborara naLyra“ i replied
“Randon ari kuSouth Africa izvozvi anouya next month.Mira nditore vana ava mapictures ndimuratidze“ said Jerry
“No handidi vatorwe mapictures.Tambai navo zvemapictures motaura namai vacho nekuti mukazviita vasipo zvokanganisa relationship yangu naLyra“ i said
“I understand zvangu“ he said achigara pasofa
Ndakazoenda kunogara kushop.Kwakavira ndikaona vana vatogezeswa nekuchinjwa naMai Joto.Lyra akazouya manheru apa anga akasviba sei.Paakaona vana vake vakabatwa naMai Joto akatsamwa.
“Leave my kids alone“ she said achivatora
“Lyra“ said Floria
“Floria mashoko ako ekuti ndiri hure handimakanganwe.Mai Joto mukudei pavana vangu“said Lyra
“Lyra gara pasi titaure" said Jerry
“Handina zvandotaura nemi siyanai nelife yangu moda kundiuraya here.Kalindi ndizvo zvandasiira vana here izvi" she asked akanditarisa
Ndakatarisa ndakutochema akabva atobuda apa kwanga kwasviba sei.Apa ndaiva pashop kuti ndiende naye zvaisaita.
“Kalindi please taura naye" said Jerry
“Ndiri pabasa“
“You can close shop timboita zvenyaya iyi.I understand anger yemusikana uyu.Zveshuwa pakabhaizika apa“ said Jerry
Ndakatevera Lyra ndikaona atakura saga apa vana akavabereka pamberi nekumusana.
“Lyra mira“
Ndakatora saga ndikaisa pasi apa rairema sei.
“Unodei saka pese pandokuisira vana ndizvo zvaunoita“ asked Lyra
“Hapana zvandaita vangouya vega.Uye handina kumbotaura vana vaRandon vangozvitaura vega vachiti vakafanana.Jericho naMai Joto handioni sevane problem hangu.Munhu akakutadzira is Randon.Uye vanhu ava havana kumboti vanoda kukutorera mwana vaida kungotaura newe“ i said
“Handina nyaya navo ngavasiyane nelife yangu.Vakundida nhasi nekuti vana vari kukura.Pese apa vakadii kunditsvaga vaone ndiri sei.Saka unoreva dai vasina kuona vana vasina kumbonditsvaga.Kalindi pain yandinayo ndaiti unoinzwisisa but nhasi ndipo hapana chaunonzwisisa.Kazhinji usati wawirwa nedambudziko racho haungazvinzwisise“
“Lyra saka ukuti handikunzwisise here.Da waiziva hapana munhu wandonzwisisa sewe.Since wasangana nastep father pfungwa dzako hadzisisiri panzvimbo.Ukuda help yakasimba and vanhu vakaita sana Jerry can help you pa issue iyi.Hausisiri safe Lyra“
“Chero zvavaita neni Stepfather vacho i don't care nekuti vamwe takasikirwa kutambura asi chandisingadi vana vangu vakure life yandakakura“ said Lyra
Ndakatakura saga rake tikaenda kumba kwake.Ndakasvika kubika iye akanogeza.Ndakazopedza kubika ndikaoneka kudzoka kumba.Ndakasvika Mai Joto naJerry vakagara pasofa.
“Wataura naye here“
“She is angry.Haana kutsamwira imi but imwe nyaya iri kumudya moyo.Mukoma Jerry you are the only who can help her" i said misodzi yajenga
“Inyaya yei tell me“
“Promise me mese hamuzotaure kuna anyone nyaya iyi“ i said
“Tava vanhu vakuru Floria chimbobuda now“ said Jerry
“Ngaagare ndoda anzwe she judged my friend ndoda azive chokwadi“ i said
Ndakataura nyaya yekubatwa chibharo yaLyra kumashure nekuzodzoka kwaStep mother.Ndakaona Mai Joto vavhura ziso zvekushamisika.Floria akatanga kuchema.
“Saka Step father vanonzi ani“ i asked
“Handivazive zita ravo ini“
“Lyra anofana kugara pano.Ndomutsvagira basa iri nani pano anenge ari safe.Step Father ava yava high time yekuti vasungwe“
“Lyra haafi akabvuma kugara pano.Chero mukamutsvagira basa anoramba.I know her apa chandikuda kuti muita step father ava vasungwe chete mukadaro atleast hapana anozomunetsawo“ i said
“Saka apa zviri nani nhasi unorara naLyra wacho.Then mangwana i will find way yekuti nditaure naLyra.Ndine friend yangu Private Investigator ndichamufonera mangwana toona todii“ said Jerry
Ndakaona Jerry ane moyo wakanaka.Saka Randon akatodza ani moyo wake.Takabuda ndikaona Jerry andivhurira door remota yake ndikagara pamberi akavhara.Akabva apinda akatanga kudriver tichienda kumba kwaLyra.Takasvika akandisiya pagate haana kupinda.Ndakabva ndatopinda ndatopinda ndikaona Lyra akatogara zvake.Pasina time takanzwa knock ndikavhura ndikaona paine murume.Ndakashaya anodei iye Lyra pakaona murume uyu akatanga kutya.Ndakabva ndabatanidza zvese.
“Kushata musoro unenge chingwa chabikirwa muTeapot unodei pano“ i said
*I'm not feeling well guys.This chapter ndakainyora manheru.So book richazouya ndava bhoo zvikuita ma On and Off*
Watch Out For Chapter 19
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
❤
🔥
🇿🇼
👏
684