Shona Stories 002🇿🇼
June 15, 2025 at 04:04 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 19 *Kalindi* “Kushata musoro unenge chingwa chabikitwa muteapot unodei pano“ i said ndakatarisa murume uyu Akaramba akanditarisa ndikaona Lyra abata poto.Murume uyu haana zvakataura akabva afamba kubuda.Ndakatora phone yangu ndikafonera Jericho. Jericho : Are you okay? Uri kufemeruka chii chaitika Me : Murume uya anga adzoka Jericho : Mira ndidzoke Akabva akata ndikatarisa murume uya achibuda pagate ndakaita zvivindi ndikamhanya kumubata.He pushed me away akabva atoenda.Jericho akazosvika murume asisipo.Takaenda kuroom kwaiva naLyra takasvika achichema. “Lyra what's going on tell me“ “Hatisi tese takasikirwa kufara panyika.Dai isiri nyaya yevana ava ndakazviuraya hupenyu hwazondirwadza.Mhosva yangu ndeyei ndakatadzei chisingaripike“ said Lyra achichema “Kalindi tora vana uende navo kumota.Nhasi ndoda Lyra arare kumba kwangu tichironga way forward“ said Jericho Ndakatora vana ndikavaisa mumota.Ndakazoona Jerry akubuda naLyra akapinda mumota.Takaenda kumba kwake tikasvika Mai Joto ,Floria naLivia varipo vakagara pasofa.Floria akabva amhanya kubata Lyra akamugarisa pasofa.Livia akabatawo vana. “Ko chii chaitika“asked Mai Joto “Murume uya anga asvika lucky ndanga ndiripo dai ndisipo chii chaiitika.She is not safe.Pakudiwa justice apa nekuti hungaite hupenyu here kurarama uchitya“ i said “Lyra can you tell us zita remunhu wacho“ asked Jericho “Cephas Machongwe“ “Whatttt!!!!!!!!“ asked Mai Joto vakabata musoro “Mudhara uyo azoguta kunyarwa manje.Mira nhasi ndopedza naye.Saka ndiye akakubata chibharo uchiri mudiki“ “Ehe ndivo asi movaziva kani“ asked Lyra Ndakaona Jericho apinda mune imwe room akabuda akabata simba akaisa mumota.Ndakaona akupinda mumota akabva abatwa naLivia “Zvekuita zvinhu nehasha ndizvo zvatiri kuramba.Mangwana mozodemba mukoma.Chero mukaenda kuna Sekuru Machongwe vachakurambirai nekuti evidence hapana“ said Livia “Sekuru Machongwe??? Asi ihama yenyu kani“ i asked Jericho akabva atarisana naFloria.Hapana akadaira Mai Joto vanga vakuyeredza musodzi vakatarisa Lyra.Ndaitoshaya chii chiri kuitika. “Pindurai zvandabvunza“ i asked “Machongwe iyeye ihanzvadzi yangu“ said Mai Joto Ndakashamisika pandakanzwa izvi.Kana iye Lyra akavhunduka achitarisa Mai Joto. “Saka maiziva everything kuti ndizvo zvinoita hanzvadzi yenyu muchinyarara“ said Lyra Lyra akasimuka atora vana vake akuda kubuda akamiswa naJericho. “Ndokumbirawo unzwe divi ramai vangu before usati wabuda.Kana uchiona vane chekuita nezviri kuitika you can leave hapana anokumisa“ said Jericho “Machongwe akandiparadzanisawo nefamily yangu.Jericho waunoona uyu taisawirirana 6 years dzapfuura idzi nekuda kwehanzvadzi yangu.Ndomuziva munhu anobata bata zvisingaite.Zvisinei ndichamira newe kusvika wawana justice“ said Mai Joto Vakataura everything i could feel her pain.Ndakatarisa Lyra ndichida kuona anzwisisa here. “Sekuru Machongwe tried everything to ruin our family but zvakaramba.Saka Lyra ndoda unzwisise my mom is clean.We will try to do everything kuti iye Machongwe asungwe nemhosva yake.But it's not going to be easy since pasina evidence.But mangwana makuseni ndichaenda newe kumapurisa unotaura nyaya yako.I know vachazviramba nekuti zvakaitika kare but zviri nani vatadze kuzvitenda tataura then tozotangirawo ipapo“ said Jericho This guy ari so supportive handizive dai asipo Lyra aiita sei.Ndakaona Lyra asimuka akapfugama pamberi paJerry “Ndinoshaya ndokutenda nei.Mune moyo wakanaka nekuti chandoda kuwana justice orega kundinetsa ndoenderera mberi nelife yangu.Vana ava havana baba ndini baba vavo uye ndiri mai vavo saka ndoda kushanda nesimba“ Jerry akasimudza Lyra pasi akamugarisa pasofa. “Lyra i want you to rest.I can see kuti wakaneta.Kalindi you can share naLyra since uri sister yake kana pane chanetsa tell masisters angu Livia or Floria varipo they can assist you“ said Jericho “Maita basa" Ndakatora Lyra tikaenda muroom mangu ndakamufukidza gumbeze.Ndakazotora ana 2 ndikavaisa paside.Ndakaona hazviite ndirare pabed ndaigona kuzotsimbira vana.Ndakarara zvangu pasofa ndakazoona ndafukidzwa gumbezi ndikaona ari Lyra anga amuka. “Ko wamuka nguvai“ i asked “Ndikushaya hope huya pabed vana vorara pakati“ Ndakakwira pabed ndikatanga kumuudza nyaya. “I didn't know Jericho ane moyo wakanaka.Family yake iri bhoo then why Randon ari different“ asked Lyra “Musha wega wega haushaye benzi“ “Ko iwewe naJericho mukudii ndaona kakutarisana kamanga muchiita“ asked Lyra “Wazviona nguvai iwe waichema“ “Asi ndaichema ndakavhara maziso here“ she asked “Watanga chirara“ Takabva tarara zvedu makuseni ndakazomukira kuenda pashop pangu.Jericho akabuda naLyra vakaenda kumapurisa vakaita time vasati vadzoka.Vakazodzoka Lyra akauya pandiri. “Hanzi chii zvafamba zvakanaka“ “Havana kuzvitora serious vati wakadii kuuya kutaura pazvakaitika vakufungira ndonyepa.So Jericho ati ane shamwari yangu inogona kundibatsira panyaya iyi“ said Lyra “Jericho uyu akutibatsira dai Mwari vamurangarira vamupe a good wife“ “Akuudza ndoda mukadzi ndiani“ asked Jericho akanditarisa “Aaah sorry boss ndikungotaurawo nekuti mukubatsira sister yangu“ “Ndiri kuita duty rangu sebrother.Don't pray kuti ndiwane mukadzi handidi mukadzi.Kana uchindinamatira ndinamatire ndiwane mari yakawanda chete“ “But you deserve a good wife mune moyo wakanaka“ said Lyra “Saka munhu ane moyo wakanaka anofana kuita mukadzi here.Nyaya dzerudo idzi dzonetsa.Sekutaura kwandaita handisi kuda mukadzi.Kwandiri chakandikoshera ifamily nemari“ he said akabva atoenda Ndakasara ndakamira naLyra.Lyra akazoenda kune vana vanga vakuchema.I was busy ndiri pashop ndikaona Nora asvika achidya apple. “Kalindi ruma“ said Nora “Handiride ini“ i replied “Ronaka iri“ Ndakabva ndaruma kakabva kagara pamakumbo angu. “Ko wabudirei mumba enda unotamba nevana“ i said “Vakuchema ava plus ndoda kutamba newe hanty uri shamwari yangu“ said Nora Pakauya macustomer ndikatanga kuva sevha.Jericho naMai Joto vakazobuda but Jerry ndiye akadzoka manheru “Lyra don't from today hapana munhu achakunetsa futi.Uye ndoda ugare pano“ said Jerry “Hazviite ndigare pano“. “Okay ndoda kutaura nevanhu vepamba paunogara mangwana“ said Jerry Takabva tarara zvedu makuseni Lyra naJericho vakabva vabuda vose.Vakanoona vanhu vepamba panogara Lyra hameno vakataura navo kuti chii asi chandakaziva isafety yaLyra yaiitirwa.Jericho akazodzoka akabva atoenda kubasa kwake.Lyra akazouya achindiona achifara. “Dai Jericho asipo handizive ndaiita sei.I'm now feeling comfortable pane vanhu vanondisapotawo.Kalindi hauna kubvira wabva divi rangu“ she said I hugged her ndipo pakasvika Nora.Kakamira paside kakamhoresa Lyra.Pasina nguva Opalia akasvika akashamisika achindiona.Ndakaona akabata yoghurt yaida kutambidza Nora iko kakaramba kakauya kumira pandiri.Opalia akabva anditarisa neziso rine hukasha..... Watch Out For Chapter 20
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 🔥 💯 🇿🇼 918

Comments