Shona Stories 002🇿🇼
June 16, 2025 at 03:48 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 20 *Kalindi* “Kalindi uri kudei pano“ asked Opalia “Iwewe uri kudei pano" i replied “You can't ask me question iyoyo.Ndogara ndakasvika pano ndichiona mwana wangu uyu.Ndiri kutoona kusvika kwako naLyra mune zvamakaita“ said Opalia “Kalindi akaroorwa naJericho kana usingazive.Wona mwana wacho wobva pano“ said Lyra Opalia akarwadziwa nemashoko akataura Lyra.Ndakatoshaya why Lyra anyepa kudai.Opalia akangonditarisa akabva auya pamira pamberi pangu. “Jericho is mine..And Nora is my daughter.Kana uchida kutanga hondo isingafi yakapera ramba uri pano.Ndakukupa week rekusarudza woramba uina Jerry or wobva“ said Opalia Lyra pushed Opalia achimubvisa pamberi pangu. “Hapana zvaunotaura wanzwa hure.Usafunga hatizive wainyepa kuti unodanana naJericho izvo haana zuva 1 raakambosvitsa shoko kwauri.Hausi mai vepamba pano saka gara watonyarara“ said Lyra “Lyra usapindira nyaya dzisinei newe“ said Opalia Opalia anga ane kakutya Lyra kubva kare.Lyra ane big body saka aitya kuti akamudenha anorohwa.Opalia akabva atofamba kupinda mumba.Handina kumumisa ndakangomutarisa.Ndakagara pashop pangu ndikaona Opalia auya pandiri. “Hooo uri musikana webasa pano“ said Opalia achiseka Ndakaona anga akabata mabanana aanga achidya akabva atoenda. “Mhamha Opalia handichavafariri vatuka shamwari yangu“ said Nora akatarisa Lyra “Udza dad vako vazive ndizvo zvinoita mhamha Opalia" “No Nora don't tell him.Chienda mumba unodya wane nzara ka“ i said Nora akabva atoenda nyaya yangu naOpalia yakabva kudhara. “Lyra handidi kupinza Nora naJericho panyaya yangu naOpalia.You know takabva kudhara tisingawirirane hazvina kutanga nhasi“ i said “Ehe uri right ipapo but Opalia akuzvinyanya.Pano pamba paJericho zvagara zvakanaka kumuudza azive kuti Opalia anosvika pano.Type iya inogona kuba ukazopinda busy uriwe“ “Vana vari kuchema vakuramba kunyarara ava" said Nora akamira padoor “Saka zvandataura wazvinzwa“ said Lyra Akabva aenda kune vana vake.Akanditandadza akazoenda kumba kwake.Livia akauya manheru akaudziwa naNora zvekusvika kwaOpalia. “Opalia akarambidzwa kusvika pano nekuda kwehunhu hwake“ said Livia Handina kupindura ndakadya ndikaenda kunorara zvangu.Ndakazoona Nora auya muroom mangu achipinda mumagumbezi. “Asi haudi kurara wega“ “Handidi ndoda kurara newe chindiudza nyaya“ said Nora Ndakabva ndamuudza nyaya kusvika karara.Lyra anga akusiira mai Joto achienda kubasa kwake.Zuva iri Samma naJulia vakauya kuswera neni pashop. “Julia wanga uri right paya pawaita Jace is a dude umm apa he is smart“ i said “Jace??? Ndeupi uyu“ asked Julia “Iyeye Jericho“ i said “Wakazozviona wega ko uyu akafanana naye ndiani“ asked Julia “Mwana wake anonzi Nora“ “Kari cute like her father“ said Julia “Pazvinhu zvose chandafarira kuti Mai Joto and her family vakabvuma vana vaLyra.I hope one day Randon achabvumawo.Lyra is still young i understand she is working hard but vana ava vanoda baba vavo.Dai ari 1 zvainzwisisika manje i 2 vana“ said Samma “Lyra is strong woman i trust her handidi atopihwa help yaRandon.Samma haunganzwisise pain yakasangana naLyra“i said “Lyra's journey as a single mother is truly inspiring.She is a shining example of strength and determination“ said Samma "Ipapo uri kutaura chokwadi Samantha.As a single mom..Lyra has to work hard to provide for her kids needs.But she is still young and I hope one day Randon will face the consequences of his actions“ ndakadaro “Providing for kids as a single parent is no easy feat. It takes courage, patience, and love. Lyra's story is a testament to the power of motherly love“ said Julia “I'm praying for all single mothers worldwide.No woman chooses to be single.Life circumstances often lead them down this path. Some are betrayed others abandoned. But with faith and perseverance, they will overcome" akadaro Samma “Men who ignores their fatherly responsibilities are a disappointment.If you have got issues with your partner don't take it out on your child.Be accountable for your actions.As a father your child's well being should be your top priority“ i said “Chokwadi unotoshaya varume vakasikwa sei Kalindi.Single mothers deserve admiration not judgment.They are doing the work of two parents, sacrificing and loving unconditionally.Let's support and uplift them, rather than criticizing.“ akadaro Samma “The Bible reminds us not to judge others.Instead let's offer love, kindness and understanding.Single mothers are heroes, worthy of respect and appreciation“ ndakadaro “We must have a supportive community that uplifts single mothers and encourages responsible fatherhood. To all single mothers out there know that you are not alone.Your struggles are real but so is your strength“ said Samma To the men who abandon their responsibilities take a step back and reflect.Your actions have consequences affecting not just your partner but your child's well being.Be accountable, be present, and be a positive influence in your child's life.Vakazoenda zvavo kwava kusviba.Mazuva akafamba ndiri pabasa.Jericho ndaitaura naye apo ne apo paphone most of the time anenga ari offline. Ndakazoona pamba pasvika imwe mota yandisina kuziva ndeyani.Ndakaona madzika Jericho uyu Nora achiona baba vake akavamhanyira.Vakamhoresana vakauya kwandiri i greeted him.Apa anga akagerwa cut nyowani yakamufita.Vakapinda mumba ndikasara ndiri pashop.Ndakazovhara shop since kwanga kwasviba.Ndakapinda mumba zuva iri Livia akanonoka kusvika.Semunhu ajaira kubika everyday ndakabika ndikazoona Jace apinda mudinning. “Pari sei pano“ he asked “Pari bhoo apa“ Akabva abuda zvake ndakazopedza kubika.Ndakapakura tikabva tadya takagara mudinning. “I can see ndiwe unenge uchikira Nora ndisipo.Livia mazuvano ari busy nebasa.I heard ndiwe unogeza ma uniforms ake“ said Jace “Zvidiki izvi“ “But hazvifani kudaro handidi kukubatirira“ he said Ndipo pakasvika Livia achiona mukoma vake akafara zvisingaite.Ndakarongedza ndikaenda kunorara ndikavasiya vachitaura.Ndakazoona message yaJace achiti watizei ndakapindura handina kutiza.Akabva ati huya titaura nyaya.Ndakadzoka ndikagara pasofa rangu.Takatanga kuona kamovie Livia anga arimo.Nora anga akarara pamakumbo ababa vake.Ndakazoenda kunorara Nora akanditevera. Makuseni Lyra akauya nevana akavasiya achienda kumapurazi.Pasina time ndakaona Randon asvika.Akabva anditarisa zvekushamisika.Akabva atarisa Jericho. “Randon wagona wauya i thought nezuro wainyepa“ said Jericho “Kalindi ari kudei pano“ “Ndiye anenge ari mushop nekuchengeta pamba ko kwakanaka here“ said Jericho “Pavasikana vese ndiye wamakaona anoita.Ko maane vana hamuchandiudzewo“ asked Randon akanditarisa “Nyaya yevana ivava ndiyo yaita ndikufonere usati wadzokera South Africa.Toda kutanga tagadzirisa issue iyi“ “Nyaya yei“ asked Randon “Tarisa vana wotarisa ndevani" asked Jericho Randon akatarisa vana ndikazoona anditarisa. “Handina kuziva uri cheap Kalindi.After all wakutodanana nebrother yangu kusvika pakuitirana vana“ said Randon “Undikwanire wanzwa Randon.I'm not your friend usiyane neni“ “Handisisina kana basa newe ini.Handina nguva yekunamata munhu.Ndakatoona musikana akanaka kupfuura iwewe wandiri kuda kuroora.Saka Jericho wandidedzera nyaya yevana ava here“ asked Randon “Randon ava vana vako.Wakamitisa Lyra ukaramba i thought pauchatarisa vana uchaona vakafanana newe“ said Jericho “From first day ndakataura handina kubvira ndarara naLyra.Akundida nekuti ndane tumari manje.Nyaya yevana ndoda tienda kumaDNA test“ said Randon “MaDNA Test??? Wakakwana here iwewe.Zvauri kutaura uri kuona zvichimaker sense here.Wamboti hauna kurara naLyra now wakuti woda maDNA kureva wakarara naye.Beside izvozvo apa hapadiwe maDNA vana vakafanana newe ndaiti uchazviona" “Kubva pandangoona Kalindi pano ndatoziva hatichatowirirane pakutaura.Lyra akuda mari yangu chete ndikuzviziva" said Randon akabva atobuda Ndakanzwa mazihasha aifarisa mukomana uyu.Apa airatidza ava netumari twake...... Watch Out For Chapter 21
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🇿🇼 🐴 555

Comments