Shona Stories 002🇿🇼
June 16, 2025 at 06:28 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 21
*Randon*
After pandakaramba nhumbu yaLyra ndakambonetseka kuwana peace of mind.Zvisinei ndakazozvikanganwa ndikaita move on nelife yangu.Chero about Kalindi ndakabva ndasiyana nazvo.Ndakawanirwa nyaya ndikakwanisa kubudirira pama trials ndakaita ndikaenda kunotambira kuSouth Africa ku academy yePolokwane City FC.Ndakatanga kutamba bhora ronakidza zvekuti ndakadeedzwa kufirst team.
Ndakatanga kudanana neumwe musikana anonzi Gyna.Musikana anga akanaka zvake uyu uye aine body imwe yekuti kana uri murume ari normal hautadze kucheuka.Gyna is more beautiful than Lyra and Kalindi combined.Ndakatoona Mwari vaiva nechinangwa chekuti ndisiyane naKalindi vane zvakanaka zvavanga vakandigadzirira.Apa Gyna aigara kuma dale dale aiva mwana wembinga.
Pandakasvika pamba paJericho ndakashamisika kuona Kalindi aripo.Ndakatoona vakandinyepera havo asi vanodanana.Kalindi ndaida kumuratidza kuti haasi chinhu kwandiri.Ndaiziva akarova revenge kudanana naJericho.Ndakadzoka pamba pamai vangu.
“Amai handichagari ndava kuenda“ i said
“Usati waenda ndaida umboona hako vana.Vakafanana newe hapadiwe kana maDNA Test.Accept your mistakes“ said amai
“Havasi vana vangu“ i said
“Wavaona here“
“Ehe ndavaona but Jericho ngaamire zvekuda kuita kunga baba vangu“ i said
“Randon chii chiri kumboitika pauri.Wakanganwa zvakataurwa naProphetess Rosalia Mada here.Kana uchiti vana vako unorevei vakafanana newe.Hauna kuona vana iwe dai wavaona usina kutaura izvi“
Ndanga ndisina kumboona zviso zvavo hangu.
“Randon hakuna kwauri kuenda kusvika wabvuma vana ava.Uchazvitsvagira munyama mangwana wozochema dai ndakaterera“ said amai
Amai vakatamba kuti ndiende.Handina kuzokwanisa kuenda.Ndakabuda kuenda mutown kunosangana naGyna wangu.Ndakasvika atondimirira ndainatsa kuona apa ndakazviwanira.
“My King“ she said achindimbundira
“My Queen how are you“ i said
“Ndiri bhoo my king“ she replied
Ko ana Kalindi vaizvigona here zvema sweet names izvi.Takabva taenda zvedu kunogara kupark.
“My King i can see uri low low.What's going on“ Gynah asked
“Family Issues“
“Okay babe but usanyanya kufungisisa“ said Gynah
“Do you still remember ndichikuudza nyaya ya ex wangu.Akasvibisa zita rangu saka apa akunyepera vanhu kuti vana vangu vaanavo“
“You can go kuma DNA Test..But handisi kuzvinzwisisa can you show mapictures evana vacho“
“Havasi vangu ndataura nyaya yemaDNA Test asi varamba ava kundiita benzi“ i said
“Issue iyi inoda kugadzirisa nekuti ukasadaro zvicharamba zvichikudya moyo“ said Gyna
“Ndodzokera SA ndagadzirisa nyaya iyi“
Takazosimuka tikatanga kufamba.Ndakaona Gyna andibata.
“Ndikuda ma orange ayo ari fresh hiii“ said Gyna
Ndakacheuka ndikatarisa pane ma oranges acho ndikazoona ari Lyra aimatengesa.Hana yangu yakarova iye akaramba akanditarisa.Apa anga achinja sei chiona dressing yacho you can see munhu akutambura.
“Sister ndikuda ma orange enyu ndamafarira i can see ari fresh“ said Gynah
“Muri kuda emarii“
“Babe handei unotenga kwa OK anenge ari fresh kwete aya“ i said
“Ndoda aya ini“
Ndakazotenga ma oranges acho.Akaiswa mupaperbag takaenderera mberi nerwendo rwedu.Gyna akazotanga kudya ma oranges ake.
“Saka uchandiratidza hanzvadzi yako rini“ she asked
“Sekutaura kwandakaita handisi kuwirirana nefamily yangu nekuda kwemusikana uya wandakakuudza"
“Okay rega ndiende“ she said
Akabva atoenda ndikadzokera kumba.Ndakasvika kwasviba Floria ndiye anga aripo.
“Ko moms vaenda kupi“
“Ndasvika vasipo" said Floria
“Ko Lyra akugara kupi“
“Enda unomubvunza wega“ kakadaro kaFloria
Handina kuda kuramba ndichitaura nako.Ndakabva ndarara makuseni ndakamuka ndichijoga.Ndakabva ndasangana naLyra akabereka mwana umwe wacho akamubata.Ndakabva ndafunga kuona zviso zvevana.
“Lyra wait ndokumbirawo kuona vana“ i said
“Siyana neni“
“Ndoda kuona kuti vana vangu here“
“Havasi vana vako“ replied Lyra
“Be serious mhani ndikuda kuona zviso zvavo vanhu vakuti vakafanana neni“
“I said havasi vana vako leave me alone“ said Lyra
“Saka why usingaudze my family kuti havasi vana vangu“
Haana kupindura akaramba achifamba ndikaona asvika pamba paJericho.Ndakaona Jericho naKalindi vakamira vese pawindow.Kalindi achiona Lyra akabva amhanya kubata mwana.
“Saka vana vacho ndoziva sei kuti ndevangu iye Lyra achiti haasi vangu“
“Randon stay away from my kids.Ndakuudza ava havasi vana vako“ said Lyra musodzi yava kuyerera akanditarisa
“Stay away from my sister wanzwa here iwe“ said Kalindi akanditarisa
“Ndaida kungoona zviso zvevana.Kana vari vangu tobva tatangirawo ipapo“ i said
“Manje ndati havasi vana vako“
“If you so it's okay usazonditsvaga kana paita dambudziko roda ini“ i said
Ndakabva ndatoenda ndikasangana naMiller anga achinja zvisingaite.
“Long time“ he said
“Tiriko“
“Marova chibaba kubva mati zii“ said Miller
“Pressure yemagames ndiyo inenge yakandiwandira“
Ndakabva ndaona Samma achisvika.Akafinyama achinditarisa ndikaona Miller akutoenda kwaari.Ndakabva ndaziva kuti vaviri ava vanodanana.Ndakafonera Gynah auye haana kuita nharo.Akauya zvake apa ngaachene.Ndakabva ndaenda naye kumba kwaJericho ndaida kusvika Lyra ariko but anga asiko.Paingova nevana chete takasvikira pashop paJericho.
“Babe unodei umu“ i said
“Malays“ said Gynah
“Sister tipei malays“ i said
Apa anga achiita $1 ndikabudisa $100 ndaida kumusvotesa chete nekutsvaga change.Ndakabva ndatovhura malays acho ndikatanga kudyisa Gynah
“Handina change“ said Kalindi
“Hezvo ngwarai ngwarai sister endai munotsvaga ndiwo mabatiro amunoita macustomers here“ i said
“My King don't say that to her please“ said Gynah
“Ndichadzoka ndichitora change“ i said
Ndakapinda mumba naGynah tikagara pasofa.Jericho anga akagara zvake naNora vakabata vana.
“Gynah munhu wauri kuona uyu is my big brother anonzi Jericho and kamwana ako kanonzi Nora mwana webrother yangu.Uyu anonzi Gynah ndiye musikana wangu“ i said
Ndakaona Kalindi apinda akabata $100 iya akaenda pana Jericho.Ndakazoona akupihwa change akabva anditambidza.
“Uyu anonzi Kalindi mushandi wamukoma vangu.Kalindi sangana nemusikana wangu uyu anonzi Gynah“ i said
Kalindi ignored haana kana kumbocheuka akaramba akaomesa gotsi.Ndakaziva jealous rabata nekuti anga akakundwa kuneka nekure naGynah.
Ndakazotarisa chiso chemwana anga akabatwa naNora ndikarohwa nehana.Ndakaona Gynah akatarisawo mwana iyeye.
“Mwana uyu akafanana newe Randon aaah“ said Gynah
Ndakasimuka ndikaona zvechokwadi vana vese ava vakafanana neni.Ndakapusa panguva iyi.Ndaida kutora akabatwa naNora but kakaramba naye.
“Please ndipeiwo ndivabate vana vangu ava“ i said
“What!!!“ asked Gynah
“Yes babe“
“Pa issue yemwana handina simba rekukupa zvoda mai vacho varipo.Randon i tried kuda kutaura newe ukandiita semunhu asina kukwana“ said Jericho
“Bro ndiri munhu wenyama ndokanganisa but vana ava ndevangu ndakutozviona“ i said
Ndakazotambidzwa umwe mwana naJericho ndikaona kamwana kangu.Misodzi yakatanga kuyerera mumatama angu.....
Watch Out For Chapter 22
❤️
🙏
👍
😂
😢
❤
😮
🔥
💜
💥
921