Shona Stories 002🇿🇼
June 17, 2025 at 05:06 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 22
*Kalindi*
Zvaiitika mumba ndaizviona hangu ndiri panze.Ndaishaya Randon munhu akamboita sei.Kashow off kake apa munhu asina chaanacho inobhowa.Show Off inoda une imba yako or mota yakanaka kwete usina chaunacho.Pandakaona Randon abata mwana ndakapinda.
“But you said vana havasi vako why ukuda kuvabata“ i said
“Ndakaita big mistake“
Ndakabva ndatora mwana muruoko rwake.Kakabva katanga kuchema iko kaAlisha kacho.I tried kukanyaradza kakaramba.Iye Randon akakatora kakabva kanyarara kakatanga kusekerera.
“She loves me you can see reaction yakaita pawamutora“said Randon achinyemwerera
Ndaida kutora mwana Jericho akandipa sign yekuti ndisiyane nazvo.Ndakabva ndamira kuseri kwesofa ndikaona Gynah akanditarisa.
“Saka Randon wainyepa havasi vana vako why“
“Ndakarara namai vacho ndakadhakwa ndakavaona vasiri mhandara.Akatora advantage yekudhakwa kwangu singe agara aindida.Vana ava vakatovapo ndisina kuzvi planner.Zvisinei vana ava ndakuda kuvapa love sababa.I can't express joy yandinayo pano“ said Randon
“Kana uchitaura kudaro wakutaura pachikuru.But before that you must apologise kuna Lyra.Marambiro awakaita nyaya from first day haana kunaka saka gadzirisa mamistakes ako iwayo.And don't take advantage yekuti Lyra is lonely“ said Jericho
“Ndichadzoka tichitaura“ said Randon
Akabva abuda nemusikana wake.Ndakabva ndatarisa Jericho.
“I know you are angry nezvandaita zvekubvumidza Randon kubata mwana.Ndaida abate mwana wake kana ari munhu anofunga achaenda kunogadzirisa mamistakes ake“ said Jericho
Handina kupindura zvangu ndakabuda ndikagara zvangu mushop.Ndakaenda paphone ndikaona mamessages from Samma.Ndakatanga kutaura naye zvangu.
“Kalie are you angry“ asked Jace akanditarisa
“Ayehwa handina but Randon hazvifani kumuitira easy kuwana vana ava“ i said
“I understand“
Akabva abuda akapinda mumota make akabva atoenda.Ndakasara naNora nevana ava.Mai Joto vakazosvikawo vachiona vana asi havana kugarisa.Ndakatanga kunzwa nzara ndakapinda mukitchen kunotora chekudya.I was surprised kuona kaAlisha kaiswa make up naNora
“Hona ndaisa Alisha make up yaAunt Livia“ said Nora
“Nora usadaro mwana mudiki uyu.Enda unotora tauro tikapukute.Next time usaita izvi futi“ i said
Ndakapukuta kaAlisha kacho kakabva katanga kuchema.Ndakapinda busy kukanyaradza kakabva katorara.Ndakazodya chikafu changu naNora muplate imwe chete takagara peveranda.Jace akabva asvika akationa.
“Imimi mozowirirana“ he said achigara paside pangu
“Ehe she is my best friend“ said Nora
“Yes ndikuzviona ini handichadiwe“
“Aaah dad“ said Nora
“Ehe kuti kunyepa here"
“She loves you“ i replied
“But akuda iwewe“
“Yes anondida but hapana munhu wanoda sewe“ i said ndakatarisa Jace
Ndakapedza kudya ndikasiira Nora ndakazoenda kunogara kushop kwangu.Manheru Lyra akauya achitora vana vake.
“Havana kumbonetsa here“ asked Lyra
“Alisha ndiye ada kumbonetsa“
Randon akabva atosvikawo waitoona ane happiness pachiso chake.He greeted Lyra asi akaramba akanyarara.Iye Randon paakada kubata mwana akamiswa.
“Unoda kudii apa“
“Lyra i'm really sorry for everything.Ndazoona vana ava ndevangu hapana kana mubvunzo“
“Vana havasi vako.Ko vanozoita vako nhasi nekuti zvadii asi hauzive ndiri hure sekutaura kwako“ said Lyra
“Lyra i'm sorry kafeeling kekuti vana vangu ndaitova nako.But issue yakaita ndisakutambira ndeyekuti ndaida kuzadzisa dream rangu first“
“Wakasarudza your dream over vana.Saka chiita zvedream iroro“ said Lyra
“I was doing this for us Lyra“ said Randon
“Us??? Randon vana ava havasi vako.Uye handidi kukuona pedyo nevana vangu.Handina kubvira ndarara newe usiyane nelife yangu“ said Lyra akabva atoenda
Randon akabva agara pasofa.Ndakatanga kubika ndichipedza ndakapakura chemunhu wese including Randon.Takabva tatanga kudya pasina aitaura neumwe.
“Kalindi i'm sorry for everything.Apa ndoda undibatsirewo kutaura naLyra.Ndikuda andipewo room mulife make rekuti ndikwanise kupawo vana responsibility yababa.I admit zvandakaita pekutanga zvanga zviri wrong ndakuda kuzvigadzirisa“ he said
“Handikwanise hangu sorry.And chandoda unzwisise zvichatora time kuti Lyra anzwisise“ i said
“You are right Kalie.Kana iwe Randon uri serious nezvauri kutaura be a good man.Wozvininipisawo wosiya zvako zvekuda kuita show off“
“Muri kutaura chokwadi.Pamari yandinayo ndoda kutotengera vana hembe mangwana.Then imwe yacho ndopa Lyra azobatsirikanawo.Ndoda kudzoka SA ndagadzirisa everything“
Takapedza kudya ndikavasiya vachitaura.Livia akabva asvikawo achibva kubasa kwake.Ndakabva ndatoenda kunorara naNora.Ndakazonzwa knock ndikavhura door anga ari Livia.
“Ko kukurumidza kurara hanzii nhasi“ asked Livia
“Hapana ndakaneta“
“Okay urare bhoo Kalie“ she said
Ndakabva ndadzoka kurara ndikaona Nora anga achakamuka.
“Mhamha vangu havandide havauye kumbondionawo“ said Nora
“Maybe vanenge vari busy vachazouya“
“Havandide ava plus vanotuka dad vangu“ said Nora
“Nora chirara mangwana uri kumukira kuchikoro“
She smiled akabva atorara makuseni ezuva iri ndakamukira.Ndakakagadzirira chikafu nekubva ndaenda kuroom kwake ndikatora uniform nebhutsu dzake akapfeka.Ndakazoenda naye pagate pakasvika combi yakuchikoro akabva atokwira.Ndakazoenda pashop pangu ndikavhura.Vanhu vakatanga kuuya vachitenga.Livia haana kuenda kubasa zuva iri.Ndakashamisika kuona Randon ndikaziva akarara pamba haana kwakaenda.Handina kumbobuda mushop mangu.
“Wakazoti chii“
Ndakatarisa kwakabva inzwi ndikaona ari Major
“Ndokubatsira nei“ i asked
“Ndakakuudza ndokuda Kalindi“
“Siyana neni Major“ i said
Major ainetsa akazobva pakauya Jace pashop.Akabva anditarisa ndikatarisa pasi.
“Kalindi thanks“ said Jace
“For what“
“Everything zvauri kuita zvakawanda.Nora uri kumubata bhoo unoziva anenge achingotaura about you“
“She is my friend ndokafarira kanoterera.Ukakaudza chinhu kanonzwisisa“ i said
“Anonzwisisa like her dad“ he said achiseka
“ehe aaah hameno“ i said ndichisekawo
Jace akazobuda ndikaona adzoka nevarume vaviri.Vakataura zvekuvaka durahall.Ndipo pakadzoka Major.Ndipo pakasvika Channa.
“Ndikudawo maspuds“ she said
“Api acho nekuti aya anoita $1“
“Ndipe iwayo"
Ndakatora ndikaisa pacounter munhu akabva atora akutanga kudya
“Ko mari yacho“
“Unoda mari yei.Opalia andiudza kuti you want replace me.Ita zvaJericho handina problem but pamwana wangu handidi kukuona.Mwana wangu angori namai vamwe chete anova ini“ said Channa
“Ndiri kuda mari yemaspuds amuri kudya“
“Baba vacho vachakupa“ said Channa akabva atoenda kwaiva nana Jericho.
Do you know long ago Chipo deleted a stomach and the whole village climbed her and she finished people's husband's“ said Major
“Watiii“
“Ndiri kukuudza chokwadi ndiri kushaya Jericho akazowirawo sei.Plus vana vekwaJoto vanongowira ka ava.Randon ndiye wekuwira mutsima raLyra zviye“
“Ukwane iwe benzi ibva pano“ i said
Major akazobva ndamutuka.Ndakatevera kwaenda Channa ndikasvika kuona akamira paside paJericho
“Amai ava vatora maspuds vakati ndimi muchandipa mari yacho“
“Kalie sorry ndanga ndisina kukuudza.Uyu mupengo usamupa anything handidi kutomuona pano“
“Chechipiri mujekeserei handidanani nemi nekuti auya achiti ndikuda kumu replacer“ i said
“Channa siya kunetsa vanhu vasina kubvira vakutadzira.Kalie handidanani naye she is a sister to me.But chero ndikadanana naye hazvina chekuita newe“ said Jericho
“Chero mukadanana handina basa nazvo.Chandisingadi kuti ave mai vemwana wangu ini ndiripo“
“Mwana wacho une basa naye here.Kalindi ari kutoita zvawakatadza kuita samai“ said Jericho
“I love my daughter.Ndingaita hangu benzi but mwana wangu handitadzi kumuda.Asi handidi kuona Kalindi pedyo nemwana wangu“ said Channa
Jericho akandipa $1 rema spuds anga atorwa naChanna ndikadzoka kushop.Masikati combi yana Nora yakasvika kakadzika kachimhanya kuuya kwandiri.Kakadzikisa bag kakabudisa book kachindiratidza.Channa achiona izvi akatsamwa akauya pandiri akatora Nora kuenda naye.Iye Nora akaruma mai vake akadzoka kwandiri.
“Channa mwana haadi zvehasha.Dai waiva necare naye asingakurambi.Uyezve Kalindi is not trying to replace you kumwana ukaziva izvozvo unobatsirika“ said Jace
Opalia akabva asvika ndikatoona ndiye akushandisa sis vake kuda kundirwisa.Handina kuvapindura vakapedzerana naJace vakadzingwa.Ndakaona tsamba yekuchikoro kwana Nora ichinzi kuri kudiwa vabereki ndakapa Jace.
“We can go tese mangwana she will be happy kana iwe ukavapo“ said Jace
“No problem“
“Thanks nekunzwisisa“ he said
Akabva atoenda paphone pake.Ndakabuda kuenda kushop kwangu.Livia ndiye akabika sezvo aivepo.Mangwana ndakamuka kugeza ndikapfeka rimwe rinonzi boyfriend jean reblue necrop top yewhite.Jace akabuda akarova smart semazuva ose.Takapinda mumota make but ndakagara kuback seat.
“Kalindi huya ugare pamberi apa“
“Nekuda kwei“
“Chingouya apa“ he said
Ndakabva ndaenda kunogara pamberi kaNora kakagara padivi pangu.Ndakaona Nora was so happy.....
Watch Out For Chapter 23
❤️
👍
🙏
😂
😢
❤
😮
🔥
🇿🇼
💯
692