Shona Stories 002🇿🇼
June 19, 2025 at 06:54 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 25
*Jericho*
Pandakambundira Kalindi ndakatonzwa kuti ndine mafeelings naye.Kumuona achichema moyo wangu wakarwadza.Worse pakataura kuti haana kumbodanana naRandon ndakatoshaya kuti saka Randon akandinyepera here.Ndakaona sekuti anoda Kalindi.Kalindi pese paisangana naRandon ndaitona aisafeeler comfortableh.I managed kutaura naKalindi akaita calm down.
“Kalindi don't let anyone akushaise mufaro“
“Thanks Jace i'm now feeling better“ she said
Nora akabva auya achigara pakati pangu naKalie.Akabva atarisa Kalindi.
“Ndiani achemedza mhamha vangu“ she asked
“Aaah hapana ndanga ndasuwa mai vangu“ Kalindi lied
“Varipi“ asked Nora
“Variko kumba kwavo“
Ndaitoda kaNora kabve ndainzwa kuda kutaura naKalindi tiri tega.Zvisinei Livia akasvika akagara pasofa akataura nyaya dzake.Ndakazoona atora Nora achienda naye.Kalie akuda kusimuka ndakamubata ruoko.
“Mangwana ndakudzokera kubasa“ i said
“Ok mufambe zvakanaka“
“Ani“ i asked
"Mukoma Jace“
“Zvekunzi mukoma newe handidi“ i said
“Saka ndokuti ani“
“Jace or Baba Nora“
“Baba Nora mufambe zvakanaka“ she said
Apa munhu wacho aiva nemadimples aibva aita awedzere kunaka.Ndakatoona munhu uyu akutondipengesa mubrain mangu.But ndaiti ndikafunga akarara naRandon then ndozobatanidza achiti haasati akamboita mukomana ndaiita kaconfusion.Akabva atoenda kuroom kwake ndakasara ndakagara pasofa.Ndanga ndane kafear kekuti ndikaenda kubasa ko ndikadzoka ava nemukomana.
Kuti ndimupfimbe zvaisaita sekuti ndiri kutora advantage yekumubatsira uye nekugara naye kwandiri kuita.Ndakabva ndatobvisa pfungwa yekumupfimba.Ndakaenda kunorara ndikaona door reparoom pake rakavhurika she was praying akapfugama.Ndikaona kaNora kakapfugamawo paside.To be honest zvakafadza moyo wangu.Kalindi ndiye the right girl for me ndiye anokwanisa kuita mai Nora.
“Ndiri kukuona matapirirwa" said Livia akamira papassage
“No ndongofarira zvaari musikana uyu“
“You love her muudzei nguva iripo.Mukanonoka anoenda nevamwe“ said Livia
I just smiled ndikaenda muroom mangu.Ndakapinda mumagumbezi ndikaenda paWhatsapp.Ndakaona.message from Kalindi.
Kalindi : Thanks nekutaura kwamaita neni Baba Nora.You are a caring brother.Mwaro vakurangarirei mondibata sefamily.Good Night Big bro musakanganwa kunamata
Me : Thanks Kalindi ndokutendawo nekuuya mulife medu wakakosha.Unodiwa urare munyasha
Kalindi : maita basa
Me : Ani
Kalindi : Baba Nora
Me : Yes wakutaura manje apa ndatosuwa kutaura newe
Kalindi : hatina time tataura tese wani
Me : Haungazvinzwisise hako Kalie
Kalindi : Itai ndinzwisise
Me : Ndofarira kahu calmness kaunako.Hauna dzungu uye ndakuona uchinamata naNora.You are teaching our daughter how to pray.Uri kuplayer role ye a good mother kuna Nora.Day rauchadzokera we will miss you
Kalindi : Nora is my best friend ndokafarira.Even you une moyo wakanaka ndiri kudzidza zvakawanda from you.I want to be like you.You are my mentor
Me : Don't worry uchadzidza zvakawanda
Takataura hameno takasvika nguvai ndainzwa kutapirirwa.Ndakazorara ndikanonoka kumuka zvangu.Makuseni pandakamuka ndakaona vakomana vanovaka durahall vatova pabasa.Ndakazoona Kalindi akamira naMiller pashop.Ndakanzwa kajealous handidi kunyepa ndakatoona kuti apa ndikanonokera zvinhu mwana anoenda.Miller akadzoka pabasa rake.Aingova akamirira maresults ake like Kalindi.
Ndakatora bucket ndikatanga kugeza mota yangu since kaiva kaweekend.I was supposed kudzokera kubasa ndakazoti ndoenda Monday.
“Good morning dad“ said Nora
“Wamuka bhoo“
“Ehe" she said achienda kuna Kalindi
Ndakatoona Kalindi aitova nekakundinyarawo.Randon akabva asvika uyu Kalie akapinda mushop.
“Mukoma madii“
“Wadii“ i said
“Low low eish Lyra andinetsa haasi kuda kunzwisisa.Zvakuita sekuti ndakamurepa manje hazvizodi kudaro“
“Saka waida abvume nezvawakaita here.Kana uri serious don't give up“ i said
“I'm trying bro but ndikuona sekuti Kalindi is playing a big role pakuti ndisaregererwa naLyra.Kalindi achiri kundida nekuti nezuro pakauya kumba takanetsana achiti achiri kundida ndikamuti ita move on"
Ndakamutarisa Randon handina kupindura.Ndakashaya aizama kumboti chii but chandakaona he was lying hake.
“Mukoma pane tuvasikana twakanaka tarisai utwu.Plus this one anonzi Julia ane crush nemi and uyu anonzi Sama“ he said achindiratidza mapictures
“Samma mwana waProphetess Rosa Mada here“
“Yes but this Julia is the right girl for you.Kana moms vanomufarira she is like Lyra anoshanda nesimba.Ipapa akuita zvekutengesa bhero rake akamirira maresult“ said Randon
“So who told you kuti ndikutsvaga musikana.I'm okay ndakadai“ i said
“Nora need a mother and pano pangaita pamba here pasina mai vepo.Kalindi ari kukuredza zvaakandiita uchazonditenda one day kuti ndaitaura chokwadi.I understand ukuti ndonyepa you can ask anyone wekuchikoro anokuudza about mascandals ake“ said Randon
“Ita zvelife yako wosiyana nelife yaKalindi.Kana Kalindi ane zvakaita kumashure musiye akadaro.Why ukutsoma life yake“
“You are my brother i won't let that girl ruin our relationship our family.Zvisinei ndakamirira Gynah ati ari kuuya pano tine nyaya yatikuda kutaura nemi mokwanisa kutibatsira kusvitsa kuna amai“ said Randon
Ndakabva ndarangarira kuti Gynah ane nhumbu.Ndakageza mota ndapedza tikapinda mumba naRandon ndaida kumuudza nyaya yaGynah.Ndipo pakasvika Gynah wacho nebag rake.
“Mukoma ndimi makamira sababa mufamily medu.Saka tofana kukupai chinzvimbo chenyu.Saka apa ndauya kutaurawo ndakapara mhosva muchiona Gynah uyu akazvitakura ane pamuviri pangu.Saka ndatomuudza atogara auya pasati paoneka.Plus ndine mari yandanga ndakasaver ndichida kutenga mota imwe ndaida kuzotsvagira Lyra full house yekurenta achigara nevana but ndatozvikanzura ndakuda kunobvisira munopaona sei“ said Randon
“Are you sure inhumbu yako yaanayo“ i asked
“Ehe ndeyangu“
“Ko unoziva sei kuti ndeyako“ i asked
“Ndini ndakamubvisa humhandara musikana uyu.Plus zvimwe hazvitodi mubvunzo she is loyal to me“
“Randon you are my lil bro.Musikana uyu akararwa neumwe mukomana kuparty ndipo paakabatira nhumbu akazama kuda kuibvisa kuna Dr Kiddo akarambirwa now ava kuipomera pauri“ i said ndikaona Gynah anditarisa zvekushamisika
“You are lying musikana wangu haafambe uyu haite zvemaparty anoswera akazvivharira.Kalindi ndiye akuisirai poison mupfungwa kuti muputse relationship yangu right“
“Kalindi apinda papi panyaya iyi“ i asked
“She is jealous nekuti ndakawana musikana akanaka kupfuura iye.Ane jealous kuti zvinhu zvangu zvikufamba akuzama nopese panogona kuti ndishaye mufaro ari kusvibisa zita rangu.Now akusvibisa zita raGynah“
“Kalindi ndakamuona achienda kumba kwaDr Kiddo so zvoreva ndiye akukonzeresa izvi.Kalindi achiri kuda Randon but kana ava kukanganisa image yangu ava kukanganisa.Handina umwe mukomana wandoziva kunze kwaRandon“ said Gynah atova kuchema
“Ukwane Gynah handisi Randon waunopusisa.Newe Randon wakapusa unobvuma kuterera nhema.Mukaramba muchitaura zvaKalindi makuzonetsana neni.Leave musikana uyu she is innocent“ i said
“Mukoma kana matadza kuterera haisi nyaya.Ndakunobata Baba Livia ndichataura navo nyaya yekuroora.Asi Kalindi ndichadzoka kupedzerana naye haiperi yakadaro.Kana aine problem neni ngapedzerane neni kwete kuda kusvibisa zita remusikana wangu“ said Randon
Kalindi wacho akabva apinda aina Nora.
“Kalindi tinozivana here.Ko why kuenda kumba kwaDr Kiddo kunosvibisa zita rangu.Imhosva here kuti wakasiiwa akasarudza ini ndakanaka kupfuura iwe kashanu kakapetwa“
“Kalindi yawakuda kutanga iyi unochema.Haugoni kushanda busy kuda ku....“ Randon haana kupedza kutaura apihwa mbama naNora
“Ndokurova wanzwa here ndine zera newe ini“
“Handidi kuona munhu anotuka mhamha vangu.Muri evil ndakuvengai“ said Nora
“Mhamha vako??? Saka makanyepera mwana kuti Kalindi ndiye mai vake“
“Randon get out now“ i said
Gynah pushed Kalindi ava kubuda.Iye Kalindi wacho akatanga kuchema.Moyo wangu wakarwadza ndakabuda ndikabata Gynah colla
“Ndakunyara kuti uri musikana dai ndakupa mbama.Next time udzidze kudzikama.Kalindi is far much better than you pazvese.Unozviti wakanaka right kunakiswa namake up.Kalindi haisi make up akanaka zviri natural.Iwewe you need make up kunzi wakanaka.Chimwe chinhu handichadi kuona tsoka yako pano.Evidence yechihure chako ndinayo but fact yekuti Randon ibenzi dai ndamuratidza ndatongosiyana nazvo“ i said
Kalindi akabva auya kundibata ndikasiya Gynah.Vakabva vabuda ndakatarisa Kalindi ndikamupukuta musodzi......
Watch Out For Chapter 26
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
❤
🔥
❤🔥
🇿🇼
431