Shona Stories 002🇿🇼
June 19, 2025 at 07:46 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 26 *Kalindi* Jace defended me zvandanga ndisina kutarisira.Zvakaita ndinyanye kumafarira zvakanyanya.He always protect me.Ndakazoona akundipukuta musodzi and he hugged me.I hugged him back tikaita nguva takadaro. “Handizive Randon ndakamuita sei kusvika pakudai“ “I tried kuda kumuonesa panhumbu yaGynah asi atadza kunzwisisa.Ndatogezawo maoko ndaimboti imhepo anozviitisa uyu“ “Thanks Jace for protecting me“ i said “Kalie handidi kukuona wakasuwa.Une pure heart chero vanhu vakandiudza zviri bad about handizvibvume nekuti ndakaona uri innocent“ Ndakanzwa kufara achitaura izvi.Takapinda mumba ndikazopa Nora chikafu.Ndakadzoka kushop ndipo pakasvika Julia naSamma.I introduce them kuna Jace chero vaimuziva.Ndakaona Samma akutaura naJace vakamira paside ndakanzwa jealous. “Are you feeling jealous hahahahaha“ asked Julia “Adaro ndiani“ “Ndikuzviona asi makudanana here tiudzeiwo asikana“ “Hatidanani he is my brother ko vakutaura nyaya dzei toda kunzwawo“ i said “Haiwawo jealous asi hauzive Samma naJace vanodanana here“ said Julia “Whatttttt!!!!!!“ “Ehe asi waisaziva here“ akadaro Julia Ndakaita kunga ndabaiwa nepfumo pamoyo.Ndipo pandakaona kuti i love Jace.Ndakaona Jace akuseka achiratidza kufara paitaura naSamma.Iye Samma wacho kuzorova masmile aisvika kugotsi. “Saka misodzi ndeyei“ asked Julia "Musodzi ipi“ “Wakupenga here tarisa" she said Ndakabata ndikaona misodzi yanga yakuyerera.Ndakapukuta ndikazviudza moyo wangu dzikama.Zvekuda Jericho zvakazotanga rini.Vakazouya patiri but ndanga ndakutosvotwa zvangu.Samma tried kutaura neni nyaya ndaingopindura ma one word answer. “Asi tatukana here sahwira" "Aiwa ndiri kurwara chete“ i said “Ko uri kunzwei“ “Musoro“ “Wanwa mapills here“ she asked “Usanyepera kuita care yenhema usingandifarire“ i said “What do you mean" Julia akatanga kuseka.Ndakaona Samma akanditarisa achida mhinduro.Jace anga abuda hameno anga aendepi. “Taura nyaya yako“ asked Samma “Handina nyaya saka makuita vakomana motadza kundiudzawo“ “Mukomana upi“ asked Samma Pakauya macustomer ndikabva ndavabatsira zvangu.Ndakazochinja nyaya ndaisada kuti aone ndine jealous naye.Vakazokurumidza kuenda zuva iri handina kuda kutaura naJace chero aizama kunditaudza.PaWhatsapp ndakamu blue ticker zvangu. “Mangwana iSunday kana uri free toenda kuchurch kwana Samma“ he said “Handikwanisi hangu sorry“ i said “Nekuda kwei zvakanaka tinoonawo munhu waMwari tonamatirwa" Aida kunyepera kuhwanda nemunhu waMwari.Ndakaramba since Sunday yanga iri off day yangu. “Ndakuenda kumba ndodzoka mangwana“ i said “Asi pane chakakanganisa here Kalindi" “Hapana chakakanganisa mukoma“ i said Ndakaoneka kuna Nora akasara achichema.Ndakaenda kumba kwaLyra ndikasvika aripo achitoda kubuda kuenda kuchurch. “Ko kutsamwa hanziiko nhai Kalie wangu" asked Lyra “Samma akudanana naJace votadza kundiudzawo“ “What!!!!! Vakatanga kudanana rini.Apa ini ndaida Jace adanane newe makafitana“ said Lyra “Lyra unoziva pandanzwa izvi moyo wangu warwadza.Ndipo pandazoona i really love Jace.Handidi kumushaya ini.Do you know haadi kundiona ndisina mufaro.Anoita make sure ndifare uye chandonyanya kuda paari anorespecter vasikana“ “Ndakazviona kare kuti unomuda.But siyana nazvo izvi.Just focus nebasa rako.Kana asarudza Samma hapana zvatingaite lets support them.Handei kuchurch“ she said “Handidi ndoda kurara ndine heartbreak“ Lyra akanditarisa akazungudza musoro.Akazoenda ega kuchurch akandisiya nevana.Masikati ndakaona Julia naLyra vatobva kuchurch. Vakatanga nyaya ndaingova zii.Ndakaona a call from Jace ndaka ignore “Your boss is calling“ said Lyra “Ngasiyane neni ndiri paOff in“ i said Julia akatanga kuseka.Takaita zuva rese tiri mumba.Takazobuda kunoona mai vangu.Then tiri muroad ndipo pandakasangana naRandon achipinda pane imwe. “Kalindi wakazvinzwa here kuti Randon akamitisa Gynah hanzi next week akunoroora“said Lyra “Ehe nhumbu ndeya Titan iyo.Gynah akarara naTitan kuparty ndakanzwa everything unoziva ndakabatikana“ said Julia “Very sorry Julia saka wakaita sei“ “Taigara takanetsana naTitan achida sekisi.Ndaimurambira semunhu akadzidza everything from situation yaLyra.Saka akanorara naGynah ndikazvinzwa hangu.Vakomana imbwa “ said Julia “Sorry babes“ said Lyra Manheru takanotenga pork yedu.Takaibika tikadya naLyra uyu anga aenda kumba kwavo.Ndakabata phone yangu ndikaona 7 missed calls from Jericho.Lyra akazodaira call yake akabuda panze.Ndakazoona apinda naJace ndakasvotwa. “Kalindi ko tatukana here“ “No hatina inga ndiri paOff“ i said “Kalindi dai waiziva zvauri kuita uri kurwadzisa moyo wangu.I just want to check kuti uri sei pandaifona“ “I'm okay thanks for caring.How is my daughter Nora“ i said “She is okay aenda kwagogo vake“ he said “Okay chamuona mangwana“ “I'm happy ndakuona rega ndiende“ he said Akabva abuda but ndakanzwa kamwe kahappiness.Mangwana ndakadzokera zvangu.Ndakasvika akutoda kubuda “Ndakudzokera kubasa ndichauya Friday ndoda tizoenda tese ku All Night“ he said Ndakatanga kurwadziwa ndaisada aende.Akazoenda hake ndikasara ndega.Mazuva akafamba Friday ikasvika akauya i was so happy.Takazoenda tese ku All Night kuchurch kwaProphetess Rosa Mada.Takasvika vanhu vachiimba guess Samma anogona kuimba.Prophtess Rosalia Mada vakazosimuka kuparidza. “Read kuna John 5 v 35“ she said “ John was a lamp that burned and gave light, and you chose for a time to enjoy his light“ akaverenga muverengi “Chimwe nechimwe chine nguva yacho as Muparidzi puts it.There is a season for everything, it is your duty as a person to know which season you are in.If you are in the sowing season, tsvaga mbeu dzacho dzese dzinodikwa udyare.Kana uri munguva yekusakura itisa nemoyo wese usambosiye sora mumunda.Kana wava pakukohwa tora zvese zvakanaka uchiisa mudura hundi uchirasira kure.In times of resting manje unozozora uchiziva kuti dura rangu rakazara handifi nenzara.And you will never be a problem to anyone your works will be speaking for yourself.Zvino taita challenge yekusaziva kuti uri mumwaka upi ? Kana nguva yazopera wakuti dai ndiri kudyara yet that season in your life is over. And kana usina kumbodyara, don't expect to harvest. Usazo chiva futi those who are harvesting because you never sow.Know your season and do the right thing" said Prophetess Rosa Mada vakapora pora zvavo “In explaining the season in the life of John, the author likened him to a lamp.Zvanzi John's life was like a lamp.A lamp burns and when it does so it gives light and shines.But pane chi mystery ipapapa.Let's take this lamp to be a candle nekuti tese candle tinoriziva.Tiri kuti hupenyu hwaJohn hwakafananidzwa necandle.Candle rinobaka richipenya nekujekesa.But ukari tarisisa candle, parinenge richibaka, that's giving light and shining, rinenge richipera“ “Harirambi rakareba as it burns rinenge richitoperawo.At the end of it kana huri usiku unoriona radzima mumba mobva maita chirima.Vambenge vakajekerwa vaya vanenge vamuchidima manje candle rapera zvaro.Panenge pakutoda rimwe to give light and shine again.That was John's life and our lives today.Pane time to give light and shine, but as you do so uri kupera.Ndinzwe Sirivhiya ziva zvekuita panguva yekupa light and shining.Because you are wearing out soon you will be down and out.Kana wadzima, unazvo here zvekuzonongedzera zvawakaita panguva yekupenya kwako ?" she said vachifamba kuuya kudivi kwataiva “John akazogurwa musoro ukaitwa reward yemwana atsika jive.But pa time yaaive akasungwa, aitonongedzera kuti ndaive nevadzidzi vangu, ndikaita ma crusades vanhu vakatendeuka ndikabhabhatidza uye randakazvarirwa rekuvhura nzira ndakazosungwa Mukomana ava pabasa nzira ndavhura.Vazhinji vedu tinokanganwa kuti kupenya uku kuchapera.Unodadira vanhu nekuti uchiri kubaka nguva yacho.Uno dhumanisa family misoro uchizviti ndini ndine mari.Hauchina kana respect kuma siblings uri kupisa uri kungoti inzwai inini.Kubasa you over ride everyone hauna protocol dzaunoteedzera because you are the friend of the boss.Watouya semuroora mudiki asi wakutoudza vana maiguru kuti inzwai inini nekuti murume wangu ndiye ane mari“ “ Kuchurch pachigaro chawapinda wakutoona kunge wabata register redenga.Nhai iwe hama munguva yako yeku lighter neku shiner urikuitei ? Uriwo kuona vanhu sevanhu here ? No man is an island, you need people" “Zvauri kubvira kudai uchipenya ehe tazviona, ko pauchadzima wakamira papi ? And hazvina chitsotsi usingadi uchida time to burn out will come. But painouya inokusvikira uri papi ? Chenjera zvauri kuita nhasi, there is tomorrow which is coming where you will burn no more.And you will need the lamps of others to light and shine for you.Saka pauri kubvira apa vangani vauri kujekeserawo ?Ask yourself and answer.Nekuti mangwana arikuuya.Zvekuti candle rinoiswa salt kuti rinonoke kupera, you can only delay the burning but eventually it will burn out salt yacho iripo.So be careful in your season of lighting and shining, you are burning out.Kana wapera, uchazodawo vano kuvhenekera" she said Vakaenderera mberi nemharidzo yavo.Ndakazoona panyaya yepreaching vanorema amai ava.Vakazotanga kunamatira vanhu vose.Vakazosvika pandiri naKalindi. “Batanai maoko ndikunamatirei“ said Prophetess Rosa Mada vachireva ini naKalindi Takabatana maoko vakabva vatinamatira vakazoti tikawana time tizouya kuvaona pa 1 on 1 chero kumba kwavo.Ndakafara zvisingaite atleast ndaizokwanisa kutaura navo panyaya yaRandon.Lyra aivapo akanamatirwawo akazonzi azouyawo ku 1 on 1.... Watch Out For Chapter 27
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 ❤‍🔥 🇿🇼 548

Comments