Shona Stories 002🇿🇼
June 20, 2025 at 06:15 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 27 *Kalindi* Julia akazouya pashop pangu tikatanga kutaura nyaya zvedu. “Sorry paya ndainyepa pandakati Jace anodanana naSamma.Ndaida kungoona reaction yako chete“ she said “Unopenga chete iwewe“ “Ndakazviona unomuda.I will be happy kana mukadanana makafitana“ said Julia “Asi Samma naMiller vanodanana here“ “I think so but Samma wacho ukamubvunza anoramba maybe haadi tizive hameno“ said Julia Ndakatarisa Miller wacho aiva kune vakomana vaivaka durahall.Ndakaona akuuya patiri. “Kalindi naJulia mukundinyeya ndazviona“ said Miller achiseka “Wazviona sei" "Julia anooneka haagoni kunyeya munhu.Maitaura makanditarisa ndikaziva mukunditaura“ “Ndaingobvunza Miller naSamma vanodanana here iye akati haazive" i said He laughed haana zvakataura.Akadzokera pabasa.Julia akabva atoenda hake.Ndakaona mukomana akasvika pashop pangu ndikazoshamisika kuona ari Titan. “Chibaba“ i said “Kalindi ndiwe here.Long time asi unogara pano“ “Ehe“ “Wazokura manje apa wanaka“ he said “Hoo“ Ndipo pakasvika Jace akamira paside pangu akaisa maoko muhomwe “Asi murume wako“ “Yes i'm her husband“ he said achibata Titan colla. Jace akadhonza Titan akapinda naye mukati akamupushira pasi.Ndakashaya ava kuzama kuita sei. “Iwewe naGynah makaronga kupa mupfana wangu nhumbu isiri yake right“ said Jace “Nhumbu ipi handina kubvira ndadanana naGynah.Ndaidanana naJulia even Kalindi anozviziva“ said Titan “Mukuda kupusisa mupfana wangu.Nhasi ndoda unoudza Randon kuti ndiwe baba vemwana.Pasina izvozvo you will see the worst of me“ said Jace Ndanga ndisati ndambomuona akatsamwa kudai.Titan akasimuka akabva atiza.Iye Jericho akafonera Dr Kiddo ndikaona vatosvika. “Ndiri kuda kuti uudze Randon everything.I can't let mupfana wangu awire mugomba ndakatarisa“ said Jace “Zvakanaka plus ndine recording yaGynah yakandifonera achindinyengerera“ said Dr Kiddo Randon wacho akafonerwa pasina nguva anga atosvika atori naGynah.Ndakaona Gynah akuratidza kuvhunduka paakaona Dr Kiddo. “Randon i think mukoma vako vakambotaura newe ukabva wapa Kalindi mhosva.Kalindi ndimainini vangu meaning munin'ina wemukadzi wangu.Saka panouya kumba anosvika kuona sis vake.Nyaya dzenyu idzi haadzizive ndati nditange kujekesa ipapo“ said Dr Kiddo Gynah naRandon vakanditarisa havana kupindura.Ndanga ndakagara paside paJericho. “Nyaya chaiyo Gynah akauya kwandiri achida nhumbu yake ibviswe.Nyaya yakaita auye kwandiri ndeyekuti ndowirirana nasis vake takadzidza tese.Saka akafunga akauya kwandiri ndomubvisira zviri easy.Nhumbu yaanayo ndeyemukomana anonzi Titan“ “Iwe muroyi usada kunyepa tozivana kupi" sais Gynah “Randon terera call recording iyi.Wapedza woverenga machats angu naGynah kana uri munhu ane dzakakwana you will understand everything wosiya kupa Kalindi mhosva“ said Dr Kiddo vachitambidza Randon phone Randon akaterera akazoverenga machats ndakaona atarisa Gynah. “Utori hure zvako“ “But ndiwe wakandibvisa humhandara“ said Gynah “I'm doubting pamwe humhandara hwekuisira.I trusted you ndikavenga vasina mhosva.Ndakabuda mari kutsvaga full house yekurenter.Weekend ndaida kunobvisira kumba kwenyu.I cancelled plan yekuda kutengera vana vangu zvinhu just for you“ said Randon “They are lying Ra....“ “Ndoda usvike kumba utore twunhu twako worova pasi“ said Randon Ndakazobuda kuenda kushop handizive nyaya yakazopera sei.Ndakaona manheru Randon auya pamba anga asina mufaro. “Nyaya yaita ndiuye pano.I just want to apologise to everyone wandakatadzira.Kalindi ndaikuvenga hangu but hauna zvawakanditadzira.Ndini ndakatokutadzira big time.My big bro thanks for correcting me.This time ndadzidza chandava kuda is to support vana vangu.I want to be a good father.Asi chekutanga ndoda kugadzirisana namai vacho kwete zvekuti tidzokerane but kuti ndiwirirane navo for the sake of vana“ said Randon “Ndafara watora decision yakanaka“ said Jericho Randon haana kugarisa akabva atobuda.Nora akamhanya kugara pamakumbo angu.Ndakatanga kumurudunura musoro wake kusvika ndapedza.Ndakazoenda kunogeza ndikapinda muroom mangu ndikapfeka night dress.Nora ndakamupfekedzawo zvake.Takanamata tikarara zvedu.Mazuva akafamba Jericho akadzokera kubasa.Apa ndanga ndakuwedzera kumusuwa chero aifona everyday.Lyra akazouya kundiona achiratidza akaneta. “Randon andinetsa ini ndodii“ “Ari kuita sei" i asked “Akukumbira ruregerero hanzi ndipewo chance yekuvawo baba kuvana but iye akaramba wani paya paiti haana kurara neni“ “I understand your pain Lyra.But i think Randon achinja just give him a room rekuti apewo responsibility kuvana.Handioni pane chakaipa" “Akuti akanditsvagira full house yekugara nevana iye anenge achibhadhara rent inini handi....“ “Lyra mira kuva stubborn.I can see Randon akuda vana newe mugare pa environment iri safe uye pamuno feeler comfortable.Please mupe another chance“ “Okay ndichambofunga but zvekudzokerana naye no.Ndongomupa chance pavana chete“ said Lyra “That's my Lyra“ i said "Ehe Mai Nora“ “Tsek wako" “Mukadzi waJace“ she said “Aaah ndokurova ini“ Takatanga kunakirwa zvedu naLyra.Akazoenda zvake achinotora vana kumba kwagogo vacho.Ndakamuperekedza ndakasvika kuona Randon atoriye ane vana.Randon paakaona Lyra akabva asiya vana achibuda “Randon mira“ said Lyra “Sorry ndaona vakuchema gogo vacho vaenda kunogeza saka ndanga ndiri kuvanyaradza“ he said “Vana vako handina power rekukurambidza kuva navo.Zvawandiita zvorwadza handife ndakazvikanganwa.But for the sake of vana ndakupa chance yekuti uvape responsibility yababa.But iwewe nenu hatidanane ziva izvozvo“ Randon akafara zvisingaite handina kugarisa ndakabva ndatodzokera.Ndakubuda ndakasangana naMai Joto.I greeted her vaindifarira zvavo.Ndakadzoka kumba ndikasvika Nora ari busy kugeza mandiro akamira pabucket. “Nora“ “I'm helping you mom“ “No siya unozoita flue“ i said Akaita nharo ndakageza iye achimazumburudza kusvika tapedza.Ndakazoona Jace akamira padoor ndakatanga kunyara. “Mangwana kuchikoro kwana Nora kune masports tiri kuenda kunomusapota ari kumhanya 100M“ i said “Sorry ndinenge ndiri busy unoenda womusapota nepangu"replied Jace “No no just for mangwana chete please.Ndoda afarewo kana tese tiripo“ i said “Ehe toenda" “Hatina kuzoenda kuma 1 on 1" i said “Tichaenda kana tawana time this week“ Takapedza kubika Livia akasvika tikadya.Mangwana akati anenge aripo akuendawo nesu kuchikoro kwana Nora.Mangwana achisvika ndakapfeka bottom rangu regrey neT-shirt yewhite, kunze ndakabva ndapfeka kacollege jacket kangu keblack n white with my Airforce yewhite. Takaenda kuchikoro kwacho tikasvika kwatozara vanhu.Time dzekuti vana vamhanye dzakasvika Nora akapinda parace rake.Akaita number 2 akazama zvake.Ndakamutengera drink achingopedza kumhanya.Ndakaona Jace aenda kunomira pamota ari pacall.Ndakaenda paari ndichida auye kuona mamwe maraces.Akapedza kutaura pacall yake akanditarisa. “Kwira mumota ndoda kutaura newe something chakakosha ndisati ndakanganwa“ he said “Ko kungotaura uri ipapo“ “Zvoda takagara pasi“ Takapinda mumota ndikamutarisa ndakamirira nyaya yake. “Kalindi i tried kuhider mafeelings angu but ndazokundikana.Kutaura chokwadi ndokuda.I want you be part of my life forever“ he said akanditarisa Ndakatarisa kumberi ndikaona Opalia akapfeka mini dress akamira naNora.Iye Opalia akasvika kuvhura door remota achipinda...... Watch Out For Chapter 28
❤️ 🙏 😂 👍 😮 😢 🔥 🇿🇼 🐴 492

Comments