Shona Stories 002🇿🇼
June 21, 2025 at 04:15 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 29
*Kalindi*
Pakandiudza Jericho kuti anondida ndakaona sekuti anoda kundinzwa.Ndaida kuona ari serious about me here.Ndipo pakapinda Opalia mumota chitarisa zvanga zvakapfekwa kunga munhu ari kuda kunoswimmer.
“Opalia uri kudei muno.Hausi kuona ndiri kutaura nemunhu wangu“ said Jericho
“Munhu wako? Wakutondi replacer nhai.After kurara kwese kwawaiita neni“
“Get out" said Jace
Opalia akapopota akabva abuda.
“She is lying“ he said
“Okay"
"Saka watii panyaya yangu“ he asked
“Unoda kurara neni wondisiya sezvawakaita Opalia“ i asked
“So do you believe zvaataura.I thought pavanhu vese ndiwe unondinzwisisa“ he asked
Ndaiziva hangu he is clean but ndaida kungomuomesera.Ndaida kuona ari serious neni here.Moyo wangu waitonzwa kumuda.Takazoenda kumba tisiri kutaura tese.Ndaitonyepera kuita mamoods apa kunyengererwa kunonakidza sei.Jericho akabva adzokera kubasa kwake ndakabhoekana ndaisada aende.Ndakazoenda kumba kwaLyra kunyowani.I was surprised kuona mutori nemasofa neTV Plasma hombe.Maitova smart nefridge.
“Ko wakazotenga rini izvi" i asked
“Baba 2 ndivo vakasiya vatenga“
“Wow achinja now i hope wakamuregerera“ i said
“Ehe ndakamuregerera“
“Saka makudanana“ i asked
“Ndakamuregerera not zvekudanana.Handichadi zverudo hangu“
“I understand but ndafara wakugara zvakanaka pano pari safe pane durahall negate unoloka hapana anokupindira.Randon akagona hake apa“
“Ko imimi Mai Nora mukudii" she asked
“Pachiii"
“Nababa Nora"
"Akandipfimba aaah ndikunyara kumubvuma“ i said
“Unopenga chete iwewe.Uchapepuka atorwa naOpalia“
“Hiiiiii ndomuuraya Opalia.Jace is mine ndomuda ini.Unoziva he is humble and ane imwe respect yandoda.He is so supportive.Unoziva Randon akaitira Jericho rough pakawanda but akazviisa paside achiti haasiye mupfana wake achirasika“
“Jericho munhu ari bhoo zvisingaite.Kana uchinyara kumubvuma ndomuudza ndega“ said lyra
"Ndokurova ini“
“Kalindi panouya Bamukuru Jace if you really love him mubvume ndinofarawo“
“Ehe ndakamirira panodzoka ndomubvuma.Apa ndamusuwa haasi kutaura neni“
"Vanogara vari busy bamukuru vangu ava but kana vari free vanotaura newe" said Lyra
Ndakasimuka ndikaenda mukitchen ndikaona maitova ne 4 plate stove yemagetsi.Ndakatoona vachadzokerana chete Randon naLyra.Ndakavhura poto ndikaona mune madhumbe ndakatora ndikabika netea ndikadya.
“Opalia anoda Jericho love yedu icharwiswa chete.Nekuti Opalia anoshandisa her sister Channa to attack me“
“Ngavakuite anything vaone ndovabvisa maziso.Iye Channa ari kuhura nemadriver emagonyeti uko.Pandakaenda kumapurazi ndakamuona ari mune rimwe gonyeti“
“But why asina care nemwana wake.Nora ndakaona anoda love yamai“ i said
“Vamwe vanhu vakatozvarwa vasina kukwana.Zviri kuitwa naChanna ndozvichaitwa naOpalia nekufamba kwenguva.Chandoda kukuudza usatendera Opalia auye pamba paJericho“
“Ndomurambidza ndakamira saani“
"Ita changamu iwewe hondo yako naOpalia yatanga nhasi here.Kubva tiri mabook 1 you know musikana uya anga akangokuvenga.Saka yava high time yekutomuratidza masimba.Ndiwe uchava mai vepamba paya saka utenderera kahure ako kaita zvakanoda.Kana achida kuona Nora ngaamuone ari kunze not mumba“
Lyra akataura zvakawanda ndakazoenda kumba ndichitya Nora anozobva kuchikoro akaona pasina munhu.Ndakasvika iye achitosvikawo.
“How are you Nora“
“I'm fine mom.I'm hungry“ she said
“Okay enda unochinja uniform then wozodya“
Kakabva kanochinja kakaenda kunodya.Ndakatora uniform yake ndikaigeza.Ndikapolisha bhutsu dzake.Ndakazoona Opalia apinda mumba aine umwe musikana wandakaziva kuti ndiKim.
“Ko munopinda musina kunoka sei" i asked
“Ko pamba pako here.Kalindi uchiona i'm the one akatanga kuda Jace.Iye Jace akarara neni pano kakawanda todanana chero tichimbonetsana.Iwewe ndakuona wakuda kutipesanisa" said Opalia
“Kalie agara ndohunhu hwake akapesanisa Lyra naRandon futi“ said Kim
“Manje Kalindi ndakasiyana naLyra.Regera zvauri kuita ndati chiii regera handidi ukanganiswe uzoita hupenyu waremara hanty“ said Opalia akanditarisa
“Why mukutuka mhamha vangu“ asked Nora
“She is not your mother.I'm your mother paunoroorwa iwewe ndini ndinenge ndiripo kwete hure iro“
Nora akasimuka akatanga kurova Opalia.
“Nora stop" i said
“Handidi munhu anokutukai.Mhamha Opalia ndivo hure madam vedu vakatiudzs vanhu vanopfeka zvinhu zvipfupi mahure“ said Nora
Kakapihwa mbama naOpalia.I pushed Opalia akadonhera pasofa.Nora akatanga kuchema ndakamusimudza ndikaona ndapushirwa pasi.Ndikadonha ndikagarirwa padumbu naOpalia.Kim akabata maoko angu.Opa akatanga kundirova i screamed.
“Ndoda uzoziva ndombonzi ani unofarisa“ said Opalia
“Ndiri kuenda kumapurisa chete“ i said
Vakabva vaisa jira mukanwa mangu.Opalia akatanga kundipa mambama.Hameno Lyra akasvika sei ndakazongoona Kim apushirwa kumadziro.Opalia paanga akuda kutiza akabatwa naLyra akadzipwa.Lyra munhu anga ane body hombe aine power saka zvaimuitira easy kurwa nevanhu vakaita sana Opalia.Kim ndiye akatiza asi Opalia anga akabatwa huro.
“Opalia i think wazoenderera manje.This time ndoda kupedzerana newe“ said Lyra
“Ngatiende kumapurisa“ i said
“No ndoda kupedzerana naye pasina mapurisa“
Opalia akapihwa mbama kumusana.Paanga akuda kutiza akadonha pasi.Lyra akamhanya kumubata.Opalia tried kuda kudzoserawo ndikamubata.Ndakatanga kumurova mambama aanga achimbondirovawo.Takamurikita tikazomusiya akaenda.
“Are you okay“ she asked
“Ehe ndiri bhoo“
Ndakaona Lyra akubaya baya phone yake hameno anga achifonera ani.Ndakazoshamisika kunzwa achifonera Jericho.Akazopa Nora phone akataura nababa vake achivaudza everything.Lyra akazoenda kwatosviba ndikabika zvangu.Takapedza kudya naNora taiva tega.Livia anga akabudawo nebasa rake.Takagara pasofa tichiona TV.Ndakanzwa kutinhira kwemota panze ndakavhura curtain kutarisa ndikashamisika kuona ari Jericho.Moyo wangu wakafara kumuona auya.Akabva apinda mumba Nora akamhanyira dad vake.Ndakabva ndasimuka ndikaramba ndakamutarisa.Akafamba akuuya pandiri and he hugged me.Hameno musodzi yakabva kupi ndakanatsa kumumbundira zviri so tight.
“Are you okay Kalie“
“Ehe don't leave me“ i said
Akabva anditarisa akatanga kupukuta musodzi yangu.Ndakazonzwa ndakudyiwa malips angu.Ndakatanga ndakatensa ndikazogumira ndaku responder.Kiss iyi yaiva something yakatenderedza brain dzangu.
“I love you Kalie“
“I love you too“ i said ndakavhara maziso
Ndakazoona ndambundirwa munhu achifara.Ndanga ndatova kunyara kutaura chokwadi.But ndakaona kuti anondida kubva kubasa kwake just for me.Ndakanzwa kufara mandiri.Jace akabva andigarisa pasofa.Iye akagara pakati pangu naNora.
“Opalia yava high time yekuti asungwe.Nekuti ndakamuregerera achiita zvaari kuita ndichiti achachinja.Kurova iwe naNora ipapo akanganisa zvisingaite“
“Tamurovawo plus nyaya iripo Opalia akandivenga kubva tiri maform 1.So haadi kutondiona ndichifara“ i said
“Manje ndoda kuzvipedza azoenderera.Zvisinei nhasi i'm so happy wandibvuma Kalie“ he said akanditarisa
Ndakatanga kunyara ndakazosimuka kuti ndimuisire chikafu.Ndakazodziisa ndikamupa but ndainyara.Ndiwo matangiro akaita rudo rwangu naJericho.Zuva iri ini naJace hatina kurara takagara pasofa achindiudza nyaya.Lucky yanga tine kagumbezi ndanga ndakarara pamakumbo ake.Ndakazotarisa time ndikaona dzava kuma past 1 makuseni.Ndipo pakazoti ndinorara iye akanorarawo.Ndakamuka makuseni seni kugadzirira Nora akaenda kuchikoro.Jericho akanonoka kumuka zvake.Ndakazoona amuka aine maziwashen ake.Akatanga kugeza hembe dzake.I tried kuda kumubatsira akaramba.
“Asi why"
“Zvozobuda here nhai babe“
“Chii chisingabude“ i asked
“Okay chindibatsira kwete kuti iwe uite wega“ he said
Takabatsirana tichitaura nyaya.Tichipedza akati anoda kuenda neni mutown.Ndakaenda kunogeza ndikarova smart rangu......
Watch Out For Chapter 30
❤️
🙏
👍
😂
❤
😢
😮
🔥
✅
🥰
501