SORA NEMITI ZVINORAPA
SORA NEMITI ZVINORAPA
June 19, 2025 at 06:02 AM
ZIVAI KUTI KUNE VAPOROFITA VENHEMA KUNE N'ANGA DZENHEMA Usatengeswa micheka kuti utekaidzirwe matare ausina kunzwisisa Varipo vabatsiri vari kurombesa muzita remanjuzu....imi nekuda pfuma motomhanya.Honai kuti manjuzu otekeshera mukore uno sekunonzi manjuzu akatanga nezuro ASI kubvira kare manjuzu aiveko....ko iwo manjuzu enyu emukore uno ave kungoita zvehupfumi chete ndo api manjuzu aya.....ndeapi ko manjuzu aya anoda kuitirwa mitambo yezvinonaka....ndiwo ka manjuzu aputsa misha nekuunza chipfambi Ukawona wotanga hutsinye,humhondi,chipfambi nekuda kwechivanhu ummmmm ukunyepera vanhu. Ndeipi ko midzimu yaakungouya kuzoitisai hupfumi iyi....ko midzimu yainaisa mvura yakaendep? Ko midzimu yaipa vanhu sadza rezviyo mumasango yakaendepi?Ko midzimu yairapa yakaendepi Ukaona chikaranga chokubvisa pamitemo inegumi yaMwari Musikavanhu...ziva kuti wanyangirwa nembereka Hongu tiri kutambura,asi ngatingwarirei mitambo yemaspaget nema stumbo neshampopo yatiri kuitiswa Vaprofita nen'anga dzemweya yetsvina variko uye vanoziva kuti iwe unoda hupfumi nekugarika....ngwarai
🙏 ❤️ 👍 😢 29

Comments