
SORA NEMITI ZVINORAPA
June 20, 2025 at 08:41 AM
KUKOSHA KWEMUTI WEMUZEZE
Kana takatarisa mudzimba medu... Kana mwana achida kuitirwa zvinhu anonanga nekuma Amai kwete kuna Baba.. Amai ndivo vanonzwisisa kurwadza kwembereko.
Mwana akarohwa naAmai anochema achidana Mai vamurova uye mwana akarangwa naAmai anomhanya kwavari zvekare kana ave nenzara.. amai vanogona kutsamwa asi havagari nechigumbu mumoyo vanokasika kuregerera.
Muti we MUZEZE ndiwo muti unochemerwa kumachembere.. Kana ukatema muzeze unokasika kuoma.. zvichiratidza kukasika kuregerera kwemachembere...
Unotora upfu hwako, bikiro rako ne mavave wopfugama uchikumbirira uchidiri zvinhu izvi pasi peMuzeze
Vane nhau dzewanano vanodakugadzira misha vanoenda pasi peMuzeze komachembere ndiwo madzitete nemadzimbuyaka.
Nevaya vanoona kunge vane munyama ndipo paunogezwa nokuti basa remachembere ndere kutsvaira zvikwekwe.
Vaya vane dambudziko rekushaya mbereko torai makwati emuzeze mosanganisa nemazai monwa zvinhu izvi zuva nezuva muchana muzeze unorapa vanhu vanorwara nepfungwa kana mhepo dzemufi unoparadza
🙏
❤️
7